RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Jeremiya 2
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri mubhuku Jeremiya

      • Israeri anosiya Jehovha achitevera vamwe vanamwari (1-37)

        • Israeri akaita semuzambiringa wemusango (21)

        • Nguo dzake dzine ropa (34)

Jeremiya 2:2

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “rudo rwako rusingachinji.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ho 2:15
  • +Eks 24:3
  • +Dhe 2:7

Jeremiya 2:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 19:6; Dhe 7:6
  • +Eks 17:8, 13

Jeremiya 2:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 5:4; Mik 6:3
  • +Dhe 32:21
  • +Pis 115:4, 8

Jeremiya 2:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 14:30
  • +Dhe 1:1; 32:9, 10
  • +Dhe 8:14, 15

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    5/1/2003, p. 8

Jeremiya 2:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 13:26, 27; Dhe 6:10, 11; 8:7-9
  • +Re 18:24; Nu 35:33; Pis 78:58; 106:38; Jer 16:18

Jeremiya 2:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 2:12; Mari 4:13
  • +Eze 34:7, 8
  • +1Mad 18:19; Jer 23:13

Jeremiya 2:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 20:35; Mik 6:2

Jeremiya 2:10

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “kuzvitsuwa zvevaKitimu zviri.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 10:2, 4
  • +Ge 25:13; Pis 120:5; Jer 49:28

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/15/2007, p. 9

Jeremiya 2:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 106:20

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/15/2007, p. 9

Jeremiya 2:13

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Migodhi yakatsemuka.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 36:9; Jer 17:13; Zva 22:1

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Jeremiya, pp. 68-69

    Nharireyomurindi,

    3/15/2007, pp. 9-10

    12/1/2003, p. 32

Jeremiya 2:15

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Shumba dzava nezenze.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 5:29; Jer 4:7

Jeremiya 2:16

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “vekuMemfisi.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 46:19
  • +Jer 43:4, 7; 46:14; Eze 30:18

Jeremiya 2:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 28:9; 2Mak 7:19, 20

Jeremiya 2:18

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva, rwizi rwunobuda muRwizi rwaNire.

  • *

    Kureva, Yufratesi.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 30:2; 31:1; Mari 5:6; Eze 16:26; 17:15
  • +2Mad 16:7; Ho 5:13

Jeremiya 2:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 4:18
  • +Jer 5:22

Jeremiya 2:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 26:13
  • +Eks 34:15; Eze 16:15, 16
  • +1Mad 14:22, 23; Eze 6:13

Jeremiya 2:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 15:17; Pis 80:8; Isa 5:1
  • +Isa 5:4

Jeremiya 2:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 16:17

Jeremiya 2:24

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “mumwedzi.”

Jeremiya 2:25

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “vanamwari vekumwe.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 18:12
  • +Isa 2:6; Jer 3:13
  • +Jer 44:17

Jeremiya 2:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ezr 9:7

Jeremiya 2:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 44:13
  • +2Mak 29:6; Jer 32:33
  • +Vat 10:13-15; Pis 78:34; 106:47; Isa 26:16; Ho 5:15

Jeremiya 2:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 32:37, 38
  • +Jer 11:13

Jeremiya 2:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 5:1; 9:2; Dha 9:11

Jeremiya 2:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 28:20-22; Isa 9:13
  • +Isa 1:5; Jer 5:3; Zef 3:2
  • +2Mak 36:15, 16; Ne 9:26; Mab 7:52

Jeremiya 2:31

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 32:15

Jeremiya 2:32

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “bhandi rake repamuchato rejira.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 106:21; Isa 17:10; Jer 18:15; Ho 8:14

Jeremiya 2:33

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 33:9

Jeremiya 2:34

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “remweya isina mhosva.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 21:16; Pis 106:38; Isa 10:1, 2; Mt 23:35
  • +Eks 22:2

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    5/1/1997, p. 14

Jeremiya 2:36

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 30:3; Jer 37:7
  • +2Mak 28:20, 21

Jeremiya 2:37

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 13:19

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Jer. 2:2Ho 2:15
Jer. 2:2Eks 24:3
Jer. 2:2Dhe 2:7
Jer. 2:3Eks 19:6; Dhe 7:6
Jer. 2:3Eks 17:8, 13
Jer. 2:5Isa 5:4; Mik 6:3
Jer. 2:5Dhe 32:21
Jer. 2:5Pis 115:4, 8
Jer. 2:6Eks 14:30
Jer. 2:6Dhe 1:1; 32:9, 10
Jer. 2:6Dhe 8:14, 15
Jer. 2:7Nu 13:26, 27; Dhe 6:10, 11; 8:7-9
Jer. 2:7Re 18:24; Nu 35:33; Pis 78:58; 106:38; Jer 16:18
Jer. 2:81Sa 2:12; Mari 4:13
Jer. 2:8Eze 34:7, 8
Jer. 2:81Mad 18:19; Jer 23:13
Jer. 2:9Eze 20:35; Mik 6:2
Jer. 2:10Ge 10:2, 4
Jer. 2:10Ge 25:13; Pis 120:5; Jer 49:28
Jer. 2:11Pis 106:20
Jer. 2:13Pis 36:9; Jer 17:13; Zva 22:1
Jer. 2:15Isa 5:29; Jer 4:7
Jer. 2:16Jer 46:19
Jer. 2:16Jer 43:4, 7; 46:14; Eze 30:18
Jer. 2:171Mak 28:9; 2Mak 7:19, 20
Jer. 2:18Isa 30:2; 31:1; Mari 5:6; Eze 16:26; 17:15
Jer. 2:182Mad 16:7; Ho 5:13
Jer. 2:19Jer 4:18
Jer. 2:19Jer 5:22
Jer. 2:20Re 26:13
Jer. 2:20Eks 34:15; Eze 16:15, 16
Jer. 2:201Mad 14:22, 23; Eze 6:13
Jer. 2:21Eks 15:17; Pis 80:8; Isa 5:1
Jer. 2:21Isa 5:4
Jer. 2:22Jer 16:17
Jer. 2:25Jer 18:12
Jer. 2:25Isa 2:6; Jer 3:13
Jer. 2:25Jer 44:17
Jer. 2:26Ezr 9:7
Jer. 2:27Isa 44:13
Jer. 2:272Mak 29:6; Jer 32:33
Jer. 2:27Vat 10:13-15; Pis 78:34; 106:47; Isa 26:16; Ho 5:15
Jer. 2:28Dhe 32:37, 38
Jer. 2:28Jer 11:13
Jer. 2:29Jer 5:1; 9:2; Dha 9:11
Jer. 2:302Mak 28:20-22; Isa 9:13
Jer. 2:30Isa 1:5; Jer 5:3; Zef 3:2
Jer. 2:302Mak 36:15, 16; Ne 9:26; Mab 7:52
Jer. 2:31Dhe 32:15
Jer. 2:32Pis 106:21; Isa 17:10; Jer 18:15; Ho 8:14
Jer. 2:332Mak 33:9
Jer. 2:342Mad 21:16; Pis 106:38; Isa 10:1, 2; Mt 23:35
Jer. 2:34Eks 22:2
Jer. 2:36Isa 30:3; Jer 37:7
Jer. 2:362Mak 28:20, 21
Jer. 2:372Sa 13:19
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
  • 35
  • 36
  • 37
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Jeremiya 2:1-37

Jeremiya

2 Shoko raJehovha rakauya kwandiri richiti: 2 “Enda unoudza Jerusarema kuti, ‘Zvanzi naJehovha:

“Ndinonyatsoyeuka kuzvipira kwako* pawaiva mudiki,+

Rudo rwawakaratidza panguva yawainge wakavimbiswa kuroorwa,+

Kunditevera kwawakaita murenje,

Munyika isina kudyarwa mbeu.+

 3 Israeri aiva mutsvene kuna Jehovha,+ zvibereko zvekutanga zvegoho rake.”’

‘Chero munhu aimuparadza aibva ava nemhosva.

Aibva awirwa nedambudziko,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.”+

 4 Inzwai shoko raJehovha, haiwa imi imba yaJakobho,

Nemi mhuri dzese dzeimba yaIsraeri.

 5 Zvanzi naJehovha:

“Madzitateguru enyu akawana mhosva ipi pandiri,+

Yakaita kuti aende kure neni zvakadaro,

Akafamba achitevera zvidhori zvisina zvazvinobatsira,+ naiwo akavawo vanhu vasina zvavanobatsira?+

 6 Haana kubvunza kuti, ‘Jehovha ari kupi,

Iye akatibudisa munyika yeIjipiti,+

Akatitungamirira nemurenje,

Munyika ine magwenga+ nemakomba,

Nyika isinganayi mvura+ uye ine rima gobvu,

Nyika isina munhu anoifamba

Uye isina munhu anogara mairi?’

 7 Ndakabva ndakuunzai kunyika ine minda yemichero,

Kuti mudye michero yayo nezvinhu zvayo zvakanaka.+

Asi makapinda mukasvibisa nyika yangu;

Makaita kuti nhaka yangu ive chinhu chinosemesa.+

 8 Vapristi havana kubvunza kuti, ‘Jehovha ari kupi?’+

Vaya vanoita zveMutemo havana kundiziva,

Vafudzi vakandipandukira,+

Vaprofita vakaprofita muzita raBhaari,+

Uye vakatevera vaya vaisagona kubatsira.

 9 ‘Saka ndichakakavadzanazve nemi,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha,

‘Uye ndichakakavadzana nevanakomana vevanakomana venyu.’

10 ‘Asi yambukai muende kunyika dzevaKitimu+ dziri* mumhenderekedzo yegungwa muone.

Tumirai shoko kuKedhari+ munyatsofungisisa;

Onai kuti zvinhu zvakadai zvakamboitika here.

11 Kune rudzi rwakambochinjanisa vanamwari varwo nevaya vasiri vanamwari here?

Asi vanhu vangu vakachinjanisa kukudzwa kwangu nezvinhu zvisingabatsiri.+

12 Ramba wakatarisa izvi uchishamiswa, iwe denga;

Dedera nekutya kukuru,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha,

13 ‘Nekuti vanhu vangu vakaita zvinhu zviviri zvakaipa:

Vakandisiya, ini tsime remvura mhenyu,+

Uye vakazvicherera migodhi yemvura,

Migodhi* isingachengeti mvura.’

14 ‘Israeri mushandi kana kuti muranda akaberekwa mumusha here?

Saka nei akasiyiwa achipambwa?

15 Shumba dzine simba* dzinomudzvovera;+

Idzo dzaomba.

Dzakaita kuti nyika yake ive chinhu chinotyisa.

Maguta ake atungidzwa nemoto, zvekuti hamuna anogaramo.

16 Vanhu vekuNofi*+ nekuTapanesi+ vanodya panhongonya pako.

17 Hauna kuzviunzira zvinhu izvi here

Nekusiya kwawakaita Jehovha Mwari wako+

Paaikutungamirira munzira?

18 Zvino wava kudirei nzira inoenda kuIjipiti+

Kuti unwe mvura yeShihori?*

Wava kudirei nzira inoenda kuAsiriya+

Kuti unwe mvura yeRwizi?*

19 Zvakaipa zvako zvinofanira kukururamisa,

Uye kusatendeka kwako kunofanira kukutsiura.

Ziva uone kuipa nekurwadza kwazvinoita+

Paunosiya Jehovha Mwari wako;

Hauna kunditya,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe, Jehovha wemauto.

20 ‘Nekuti ndakatyora-tyora joko rako kare kare+

Uye ndakabvisa zvisungo zvako.

Asi iwe wakati: “Handisi kuzoshumira,”

Nekuti waizvambarara uchiita upfambi+

Muzvikomo zvese zvakakwirira nepasi pemiti yese yakasvibirira.+

21 Ndakakudyara uri muzambiringa mutsvuku wakanaka kwazvo,+ wese zvawo uri mbeu yakanaka;

Saka wachinja sei pamberi pangu ukava nhungirwa dzakaipa dzemuzambiringa wemusango?’+

22 ‘Kunyange ukageza nesoda kana kushandisa sipo yakawanda,

Kukanganisa kwako kuchangoramba kuri gwapa pamberi pangu,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.

23 Ungati sei, ‘Handina kuzvisvibisa.

Handina kutevera vanaBhaari’?

Tarisa nzira yako mubani.

Funga zvawakaita.

Wakaita sengamera diki hadzi inomhanya chaizvo,

Inongomhanya-mhanya munzira dzayo zvisina chinangwa,

24 Dhongi remusango rajaira kugara murenje,

Rinofembedza mhepo richida mukono.

Ndiani angaridzora parinenge rava kuda mukono?

Pavanhu vanoritsvaga hapana anoita zvekutobuda ziya.

Vachariwana mumwaka* waro wekuda mukono.

25 Usaita kuti tsoka dzako dzifambe dzisina shangu

Uye kuti huro yako ive nenyota.

Asi wakati, ‘Hazvichabatsiri!+

Aiwa! Ndiri kuda vaya vandisingazivi,*+

Uye ndichavatevera.’+

26 Sekunyara kunoita mbavha kana yabatwa,

Imba yaIsraeri yanyadziswa,

Ivo nemadzimambo avo, machinda avo,

Nevapristi vavo nevaprofita vavo.+

27 Vanoti kumuti, ‘Ndiwe baba vangu,’+

Uye kudombo, ‘Wakandibereka.’

Asi ivo vanondifuratira, havanditarisi nezviso zvavo.+

Panguva yedambudziko ravo vachati,

‘Simukai mutiponese!’+

28 Zvino vanamwari vako vawakazvigadzirira vari kupi?+

Ngavasimuke kana vachikwanisa kukuponesa panguva yekutambudzika kwako,

Nekuti vanamwari vako vawanda semaguta ako, haiwa iwe Judha.+

29 ‘Nei muchiramba muchikakavadzana neni?

Nei makandipandukira mese zvenyu?’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.

30 Ndakarova vanakomana venyu asi hapana zvazvakabatsira.+

Havana kubvuma kurangwa;+

Bakatwa renyu rakaparadza vaprofita venyu+

Seshumba yarura.

31 Haiwa imi chizvarwa ichi, fungai shoko raJehovha.

Ndaita serenje kuna Israeri here

Kana kuti senyika yerima rinotyisa?

Nei vanhu vangu ava vakati, ‘Tinongofamba tichienda kwatada.

Hatizouyi kwamuri zvakare’?+

32 Mhandara ingakanganwa zvishongo zvayo here,

Uye mwenga angakanganwa machira ake anosungwa nechemumazamu* here?

Asi vanhu vangu vakandikanganwa kwemazuva asingaverengeki.+

33 Haiwa iwe mukadzi, wakanyatsogadzira nzira yako uchitsvaga kudiwa!

Wakazvidzidzisa nzira dzezvakaipa.+

34 Kunyange nechezasi kwenguo dzako kune ropa revarombo vasina mhosva,*+

Kunyange zvazvo ndisina kuvawana vachipaza;

Ropa ravo riri panguo dzako dzese nechekuzasi kwadzo.+

35 Asi unoti, ‘Handina mhosva.

Chokwadi kutsamwa kwake kwabva pandiri.’

Iye zvino ndiri kukuunzira mutongo wako

Nekuti uri kuti, ‘Handina kutadza.’

36 Nei uchiona kuchinja-chinja kwaunoita nzira yako sechinhu chidiki?

Uchanyarawo neIjipiti,+

Sekunyara kwawakaita neAsiriya.+

37 Nekuda kweizviwo uchabuda wakabata musoro,+

Nekuti Jehovha aramba vaya vaunovimba navo;

Havazoiti kuti ubudirire.”

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe