RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Dheuteronomi 24
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raDheuteronomi

      • Kuroorana uye kurambana (1-5)

      • Kukoshesa upenyu hwemunhu (6-9)

      • Kubata varombo zvakanaka (10-18)

      • Mutemo wekusapedzeredza pakukohwa (19-22)

Dheuteronomi 24:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mt 5:31, 32; Mk 10:4, 11
  • +Mar 2:16; Mt 1:19; 19:3-8

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    12/2018, p. 11

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    8/2016, pp. 10-11

    Jesu—Nzira, p. 222

    Nharireyomurindi,

    9/1/2008, p. 25

    8/15/1993, pp. 4-5

    “Muteveri Wangu,” pp. 104-105

Dheuteronomi 24:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 21:7

Dheuteronomi 24:3

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “akamuramba.”

Dheuteronomi 24:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 20:7; Zvi 5:18; Mup 9:9

Dheuteronomi 24:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 22:26, 27

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    6/1/2014, p. 7

    9/15/2004, p. 26

Dheuteronomi 24:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 37:28; 40:15
  • +Eks 21:16
  • +Dhe 19:18, 19; 21:20, 21

Dheuteronomi 24:8

Mashoko Emuzasi

  • *

    Shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti maperembudzi rinoreva zvakawanda uye rinogona kusanganisira zvirwere zvakasiyana-siyana zvinotapukira paganda. Rinogonawo kusanganisira humwewo utachiona hungaenda pazvipfeko nepadzimba.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 13:2, 15; Mk 1:44; Ru 17:14

Dheuteronomi 24:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 12:10, 15

Dheuteronomi 24:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 15:7, 8; Zvi 3:27

Dheuteronomi 24:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Job 24:9, 10

Dheuteronomi 24:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 22:26, 27

Dheuteronomi 24:14

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “mumagedhi.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 25:39, 43; Zvi 14:31

Dheuteronomi 24:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 19:13; Jer 22:13; Mt 20:8
  • +Zvi 22:22, 23; Jak 5:4

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    1/2018, p. 32

Dheuteronomi 24:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 25:3, 4
  • +Eze 18:20

Dheuteronomi 24:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 22:21, 22
  • +Eks 22:26, 27

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    2/2019, pp. 24-25

Dheuteronomi 24:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 5:15

Dheuteronomi 24:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 19:9; 23:22; Rut 2:16; Pis 41:1
  • +Dhe 15:7, 10; Zvi 11:24; 19:17; Ru 6:38; 2VaK 9:6; 1Jo 3:17

Dheuteronomi 24:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 19:10; Dhe 26:13

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Dheut. 24:1Mt 5:31, 32; Mk 10:4, 11
Dheut. 24:1Mar 2:16; Mt 1:19; 19:3-8
Dheut. 24:2Re 21:7
Dheut. 24:5Dhe 20:7; Zvi 5:18; Mup 9:9
Dheut. 24:6Eks 22:26, 27
Dheut. 24:7Ge 37:28; 40:15
Dheut. 24:7Eks 21:16
Dheut. 24:7Dhe 19:18, 19; 21:20, 21
Dheut. 24:8Re 13:2, 15; Mk 1:44; Ru 17:14
Dheut. 24:9Nu 12:10, 15
Dheut. 24:10Dhe 15:7, 8; Zvi 3:27
Dheut. 24:12Job 24:9, 10
Dheut. 24:13Eks 22:26, 27
Dheut. 24:14Re 25:39, 43; Zvi 14:31
Dheut. 24:15Re 19:13; Jer 22:13; Mt 20:8
Dheut. 24:15Zvi 22:22, 23; Jak 5:4
Dheut. 24:162Mak 25:3, 4
Dheut. 24:16Eze 18:20
Dheut. 24:17Eks 22:21, 22
Dheut. 24:17Eks 22:26, 27
Dheut. 24:18Dhe 5:15
Dheut. 24:19Re 19:9; 23:22; Rut 2:16; Pis 41:1
Dheut. 24:19Dhe 15:7, 10; Zvi 11:24; 19:17; Ru 6:38; 2VaK 9:6; 1Jo 3:17
Dheut. 24:20Re 19:10; Dhe 26:13
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Dheuteronomi 24:1-22

Dheuteronomi

24 “Kana murume akaroora mukadzi asi otadza kufadzwa naye nekuti anenge aona chimwe chinhu chisina kunaka paari, anofanira kunyora gwaro rekumuramba omupa,+ omudzinga mumba make.+ 2 Kana mukadzi wacho abva pamba pemurume wacho, anogona hake kuva mudzimai wemumwe murume.+ 3 Kana murume wechipiri akamuvenga,* uye akanyora gwaro rekumuramba, omupa, omudzinga mumba make, kana kuti kana murume wechipiri uya akamuroora akafa, 4 murume wake wekutanga akamudzinga haazobvumirwi kumuwanazve kuti ave mudzimai wake, pashure pekunge mukadzi wacho asvibiswa, nekuti izvozvo zvinosemesa Jehovha. Haufaniri kuunza chivi munyika yauri kupiwa naJehovha Mwari wako kuti ive nhaka.

5 “Kana murume achangoroora, haafaniri kushanda muchiuto kana kupiwa mamwe mabasa api zvawo. Ngaasapiwa mabasa kwegore rimwe chete uye ngaagare pamba achifadza mudzimai wake.+

6 “Hapana anofanira kutora guyo kana huyo yaro achibatira munhu waakapa chikwereti,+ nekuti ikoko kubatira munhu chinhu chinomuraramisa.

7 “Kana munhu akazivikanwa kuti akaba hama yake yechiIsraeri, uye kuti akaibata zvakaipa, akaitengesa,+ munhu wacho akaba anofanira kuurayiwa.+ Unofanira kubvisa zvakaipa pakati pako.+

8 “Kana denda remaperembudzi* rikapararira, unyatsoita zvese zvaunoudzwa kuti uite nevapristi vedzinza raRevhi.+ Unofanira kunyatsoita zvandakavarayira. 9 Yeuka zvakaitwa Miriyemu naJehovha Mwari wako pamaiva munzira muchibva kuIjipiti.+

10 “Kana ukapa muvakidzani wako chikwereti,+ haufaniri kupinda mumba make kuti utore chaanenge ati achakupa kuti ufanobata. 11 Unofanira kumira panze, uye murume wawapa chikwereti anofanira kukuunzira uri panze chinhu chacho chaari kuda kuti ufanobata. 12 Uye kana ari munhu anoshayiwa, haufaniri kunorara uine chaanenge ati ufanobata.+ 13 Unotofanira kumudzorera chaunenge wamubatira panongovira zuva, aende kunorara aine nguo yake,+ uye achakukomborera; uye uchanzi wakarurama pamberi paJehovha Mwari wako.

14 “Usabiridzira munhu wemaricho anoshayiwa uye murombo, angava mumwe wehama dzako kana kuti mutorwa ari munyika yako, mumaguta* ako.+ 15 Unofanira kumubhadhara musi iwoyo,+ zuva risati ravira, nekuti iye anoshayiwa uye upenyu hwake hwakabatwa nemari yaanotambira. Ukasadaro, achakuchemera kuna Jehovha, uye uchanzi une chivi.+

16 “Vanababa havafaniri kuurayirwa mhosva yevana, uye vana havafaniri kuurayirwa mhosva yavanababa.+ Munhu anofanira kufira chivi chake chete.+

17 “Usatonga mhosva yemutorwa kana yenherera+ uchitsaudzira, uye usabatira chirikadzi chipfeko chayo kana waikweretesa.+ 18 Yeuka kuti iwe wakava muranda muIjipiti, uye Jehovha Mwari wako akakudzikinura imomo.+ Ndokusaka ndiri kukurayira kuti uite izvi.

19 “Kana ukakohwa mumunda mako, wokanganwa chisote mumunda, usadzokera kunochitora. Chinofanira kusiyirwa mutorwa, nherera, nechirikadzi,+ kuti Jehovha Mwari wako akukomborere pazvese zvaunoita.+

20 “Kana ukazunza muorivhi wako, usarambe uchingozunza mapazi acho. Zvinenge zvasara zvinofanira kuva zvemutorwa, nherera, nechirikadzi.+

21 “Kana wakohwa mazambiringa mumunda wako wemizambiringa, usadzokera kunounganidza anenge asarira. Anofanira kusiyirwa mutorwa, nherera, nechirikadzi. 22 Yeuka kuti iwe wakava muranda munyika yeIjipiti. Ndokusaka ndiri kukurayira kuti uite izvi.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe