RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 2 Madzimambo 5
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku ra2 Madzimambo

      • Naamani anorapwa maperembudzi naErisha (1-19)

      • Gehazi ane makaro anorohwa nemaperembudzi (20-27)

2 Madzimambo 5:1

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “akanga aine chirwere paganda rake.”

2 Madzimambo 5:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 19:16
  • +Mt 8:2; 11:5; Ru 4:27

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    2/15/2008, pp. 9-10

    8/1/2005, p. 10

2 Madzimambo 5:4

Mashoko Emuzasi

  • *

    Panogona kunge pari kureva Naamani.

2 Madzimambo 5:5

Mashoko Emuzasi

  • *

    Tarenda rainge rakaenzana nemakirogiramu 34,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

2 Madzimambo 5:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 32:39

2 Madzimambo 5:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 17:24; 19:16; 2Mad 3:11, 12; 8:4

2 Madzimambo 5:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 14:7; Nu 19:4
  • +Joh 9:6, 7

2 Madzimambo 5:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 7:8

2 Madzimambo 5:14

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “akazvikanda.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 5:10
  • +Job 33:25
  • +Ru 4:27; 5:13

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kupukunyuka, p. 133

2 Madzimambo 5:15

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “nemusasa wake wese.”

  • *

    ChiHeb., “chikomborero.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ru 17:15, 16
  • +Pis 96:4, 5; Isa 43:10

2 Madzimambo 5:16

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “wandinomira pamberi pake.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mt 10:8

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/1/2005, p. 9

2 Madzimambo 5:18

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mutemberi.”

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/1/2005, p. 9

2 Madzimambo 5:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 4:12; 8:4
  • +1Mad 17:24
  • +2Mad 5:1; Ru 4:27

2 Madzimambo 5:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 5:5

2 Madzimambo 5:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 5:16

2 Madzimambo 5:24

Mashoko Emuzasi

  • *

    Iyi inzvimbo yemuSamariya, iyo inogona kunge yaiva chikomo kana kuti nzvimbo yakavakirirwa zvakasimba.

2 Madzimambo 5:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mab 5:8, 9

2 Madzimambo 5:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mt 10:8; Ru 12:15; Mab 20:33; 1Ti 6:10

2 Madzimambo 5:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 5:1
  • +Eks 4:6; Nu 12:10

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

2 Madz. 5:31Mad 19:16
2 Madz. 5:3Mt 8:2; 11:5; Ru 4:27
2 Madz. 5:7Dhe 32:39
2 Madz. 5:81Mad 17:24; 19:16; 2Mad 3:11, 12; 8:4
2 Madz. 5:10Re 14:7; Nu 19:4
2 Madz. 5:10Joh 9:6, 7
2 Madz. 5:12Isa 7:8
2 Madz. 5:142Mad 5:10
2 Madz. 5:14Job 33:25
2 Madz. 5:14Ru 4:27; 5:13
2 Madz. 5:15Ru 17:15, 16
2 Madz. 5:15Pis 96:4, 5; Isa 43:10
2 Madz. 5:16Mt 10:8
2 Madz. 5:202Mad 4:12; 8:4
2 Madz. 5:201Mad 17:24
2 Madz. 5:202Mad 5:1; Ru 4:27
2 Madz. 5:222Mad 5:5
2 Madz. 5:232Mad 5:16
2 Madz. 5:25Mab 5:8, 9
2 Madz. 5:26Mt 10:8; Ru 12:15; Mab 20:33; 1Ti 6:10
2 Madz. 5:272Mad 5:1
2 Madz. 5:27Eks 4:6; Nu 12:10
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
2 Madzimambo 5:1-27

Bhuku Rechipiri reMadzimambo

5 Naamani, mukuru weuto ramambo weSiriya, aiva murume akakurumbira uye airemekedzwa chaizvo nashe wake, nekuti Jehovha akanga amushandisa kuti vaSiriya vakunde. Aiva murwi ane simba, kunyange zvazvo aiva nemaperembudzi.* 2 Pane imwe nguva vaSiriya pavakanga vaenda kunopamba, vakatapa musikana mudiki kunyika yeIsraeri, uyo akava muranda wemudzimai waNaamani. 3 Akati kuna tenzikadzi wake: “Kudai ishe wangu aikwanisa kuenda kumuprofita+ ari muSamariya! Iye aizomuporesa maperembudzi ake.”+ 4 Saka akaenda* akanoudza ishe wake akataura zvakanga zvataurwa nemusikana wekuIsraeri.

5 Mambo weSiriya akabva ati: “Enda iye zvino! Ndichatumira tsamba kuna mambo weIsraeri.” Saka akaenda aine matarenda* gumi esirivha, nezvidimbu 6 000 zvegoridhe, nenguo gumi dzekuchinja. 6 Akaenda netsamba yacho kuna mambo weIsraeri, iyo yaiti: “Netsamba ino yauya kwauri, ndatumawo muranda wangu Naamani kuti umuporese maperembudzi ake.” 7 Mambo weIsraeri paakangoverenga tsamba yacho, akabvarura nguo dzake, akati: “Ndini Mwari here, zvekuti ndingauraya munhu kana kumuita kuti arambe ari mupenyu?+ Ari kutumira munhu uyu kwandiri, achindiudza kuti ndimuporese maperembudzi ake! Muri kungozvionawo mega kuti ari kutsvaga kunetsana neni.”

8 Asi Erisha munhu waMwari wechokwadi paakanzwa kuti mambo weIsraeri akanga abvarura nguo dzake, akabva angotumira shoko kuna mambo achiti: “Mabvarurirei nguo dzenyu? Ndapota, regai auye kwandiri kuti azive kuti muIsraeri mune muprofita.”+ 9 Saka Naamani akauya aine mabhiza ake nengoro dzake dzehondo, akamira pasuo reimba yaErisha. 10 Asi Erisha akatuma nhume kuti imuudze kuti: “Enda unogeza kanomwe+ muJodhani+ uye nyama yako ichanaka, uye uchachena.” 11 Naamani akabva atsamwa, akatanga kuenda achiti: “Ndanga ndichiti, ‘Achabuda ouya kwandiri, omira apa, odana zita raJehovha Mwari wake, achifambisa-fambisa ruoko rwake pamaperembudzi acho kuti aarape.’ 12 Abhana naFapari, nzizi dzeDhamasiko,+ hadzisi nani kupfuura mvura yese yeIsraeri here? Handingagezimo ndikachena here?” Akabva atendeuka, akaenda akatsamwa chaizvo.

13 Zvino vashandi vake vakaenda kwaari, vakati: “Baba vangu, kudai muprofita anga akuudzai kuti muite chinhu chakaoma, maisazochiita here? Ko zvino zvaangokuudzai kuti, ‘Geza, uchene’?” 14 Akabva aenda, akazvinyudza* muJodhani kanomwe, maererano neshoko remunhu waMwari wechokwadi.+ Nyama yake yakabva yanaka ikaita seyemukomana mudiki,+ uye akabva achena.+

15 Akabva adzokera kumunhu waMwari wechokwadi,+ iye nevanhu vese vaaiva navo,* uye akamira pamberi pake, akati: “Iye zvino ndava kuziva kuti panyika pese hapana Mwari kunze kwemunyika yeIsraeri.+ Zvino ndapota, gamuchirai chipo* chemuranda wenyu.” 16 Asi Erisha akati: “NaJehovha mupenyu wandinoshumira,* handisi kuzochigamuchira.”+ Akamumanikidza kuti achigamuchire, asi iye aingoramba. 17 Naamani akazoti: “Kana musingadi henyu, ndapota muranda wenyu ngaapiwe ivhu renyika ino rinotakurwa nemanyurusi maviri, nekuti muranda wenyu haazopizve mupiro unopiswa kana chibayiro kune vamwe vanamwari kunze kwaJehovha. 18 Asi Jehovha ngaakanganwire muranda wenyu pachinhu ichi chimwe chete: Ishe wangu paanopinda muimba* yaRimoni kuti amukotamire, anozendama paruoko rwangu, saka ndinofanira kukotama muimba yaRimoni. Pandinokotama muimba yaRimoni, ndapota, Jehovha ngaakanganwire muranda wenyu pane izvi.” 19 Iye akabva ati kwaari: “Enda nerugare.” Pashure pekunge asimuka achibva kwaari, uye afamba chinhambwe chakati, 20 Gehazi+ mushandi waErisha, munhu waMwari wechokwadi,+ akati nechemumwoyo: ‘Tenzi wangu haana kugamuchira zvauya nemuSiriya uyu Naamani;+ angomusiya zvake achienda. NaJehovha mupenyu, ndichamhanya ndichimutevera, ndotora chimwe chinhu kwaari.’ 21 Saka Gehazi akatevera Naamani. Naamani paakaona munhu achimhanya achiuya kwaari, akaburuka mungoro yake kuti asangane naye, akati: “Kwakanaka here?” 22 Iye akati: “Kwakanaka. Tenzi wangu andituma achiti, ‘Majaya maviri anobva kunyika ine makomo yaEfremu ekuvanakomana vevaprofita, achangobva kusvika kwandiri. Ndinokumbirawo kuti muvape tarenda resirivha nenguo mbiri dzekuchinja.’”+ 23 Naamani akati: “Tora hako matarenda maviri.” Akaramba achimumanikidza,+ uye akaputira matarenda maviri esirivha muhomwe mbiri, nenguo mbiri dzekuchinja, akazvipa vashandi vake vaviri, avo vakabva vazvitakura vari pamberi pake.

24 Paakasvika kuOferi,* akazvitora mumaoko avo, akazviisa mumba, akarega varume vacho vachienda. Pashure pekunge vaenda, 25 akapinda akamira pedyo natenzi wake. Erisha akabva ati kwaari: “Gehazi, uri kubva kupi?” Asi iye akati: “Mushandi wenyu haana kwaamboenda.”+ 26 Erisha akati kwaari: “Mwoyo wangu wanga usiri ikoko newe here paburuka murume wacho mungoro yake kuti asangane newe? Ndiyo nguva yekugamuchira sirivha kana kugamuchira nguo kana minda yemiorivhi kana minda yemizambiringa kana makwai kana mombe kana varandarume kana varandakadzi here?+ 27 Zvino maperembudzi aNaamani+ achanamatira iwe nezvizvarwa zvako nekusingaperi.” Pakarepo akabva pamberi pake ava nemaperembudzi, akachena sechando.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe