RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 1 Samueri 26
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku ra1 Samueri

      • Dhavhidhi anorega zvakare kuuraya Sauro (1-25)

        • Dhavhidhi anoremekedza muzodziwa waJehovha (11)

1 Samueri 26:1

Mashoko Emuzasi

  • *

    Dzimwe shanduro dzinoti, “negwenga; nerenje.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 15:20, 55
  • +Vat 19:14; 1Sa 10:26
  • +1Sa 23:14, 19, 24; Pis 54:mashoko ekusuma

1 Samueri 26:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 24:2

1 Samueri 26:4

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ava vanhu vaitumwa kunoongorora pachivande.

1 Samueri 26:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 14:50; 17:55; 2Sa 2:8; 3:27

1 Samueri 26:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 10:15
  • +2Sa 16:9; 18:5; 23:18
  • +2Sa 2:18; 1Mak 2:15, 16

1 Samueri 26:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 24:4; 26:23

1 Samueri 26:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 10:1
  • +1Sa 24:6; 2Sa 1:14; 1Mak 16:22; Pis 20:6

1 Samueri 26:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 32:35; 1Sa 24:12; 25:38; Pis 94:1, 23
  • +Pis 37:12, 13
  • +1Sa 31:3, 6

1 Samueri 26:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 19:18; 1Sa 24:6; 1Mak 16:22; Pis 105:15

1 Samueri 26:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 24:4

1 Samueri 26:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 14:50; 17:55; 2Sa 2:8; 3:8

1 Samueri 26:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 26:8

1 Samueri 26:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 9:16, 17; 10:1
  • +1Sa 26:11

1 Samueri 26:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 24:8, 16

1 Samueri 26:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 35:7
  • +1Sa 24:9, 11

1 Samueri 26:19

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “ngaanzwe kunhuwirira.”

  • *

    Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 24:9
  • +Eks 19:5; Dhe 26:18

1 Samueri 26:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 24:14

1 Samueri 26:21

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mweya wangu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 24:17
  • +1Sa 24:10; 26:11

1 Samueri 26:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 7:8; 18:20
  • +1Sa 24:6; 26:9

1 Samueri 26:24

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mweya wenyu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 34:19

1 Samueri 26:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 24:19
  • +1Sa 24:22; 27:4

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

1 Sam. 26:1Jos 15:20, 55
1 Sam. 26:1Vat 19:14; 1Sa 10:26
1 Sam. 26:11Sa 23:14, 19, 24; Pis 54:mashoko ekusuma
1 Sam. 26:21Sa 24:2
1 Sam. 26:51Sa 14:50; 17:55; 2Sa 2:8; 3:27
1 Sam. 26:6Ge 10:15
1 Sam. 26:62Sa 16:9; 18:5; 23:18
1 Sam. 26:62Sa 2:18; 1Mak 2:15, 16
1 Sam. 26:81Sa 24:4; 26:23
1 Sam. 26:91Sa 10:1
1 Sam. 26:91Sa 24:6; 2Sa 1:14; 1Mak 16:22; Pis 20:6
1 Sam. 26:10Dhe 32:35; 1Sa 24:12; 25:38; Pis 94:1, 23
1 Sam. 26:10Pis 37:12, 13
1 Sam. 26:101Sa 31:3, 6
1 Sam. 26:11Re 19:18; 1Sa 24:6; 1Mak 16:22; Pis 105:15
1 Sam. 26:121Sa 24:4
1 Sam. 26:141Sa 14:50; 17:55; 2Sa 2:8; 3:8
1 Sam. 26:151Sa 26:8
1 Sam. 26:161Sa 9:16, 17; 10:1
1 Sam. 26:161Sa 26:11
1 Sam. 26:171Sa 24:8, 16
1 Sam. 26:18Pis 35:7
1 Sam. 26:181Sa 24:9, 11
1 Sam. 26:191Sa 24:9
1 Sam. 26:19Eks 19:5; Dhe 26:18
1 Sam. 26:201Sa 24:14
1 Sam. 26:211Sa 24:17
1 Sam. 26:211Sa 24:10; 26:11
1 Sam. 26:23Pis 7:8; 18:20
1 Sam. 26:231Sa 24:6; 26:9
1 Sam. 26:24Pis 34:19
1 Sam. 26:251Sa 24:19
1 Sam. 26:251Sa 24:22; 27:4
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
1 Samueri 26:1-25

Bhuku Rekutanga raSamueri

26 Nekufamba kwenguva, varume vekuZifi+ vakaenda kwaiva naSauro kuGibhiya,+ vakati: “Hamusi kuziva here kuti Dhavhidhi akahwanda muchikomo cheHakira, chakatarisana neJeshimoni?”*+ 2 Saka Sauro akasimuka, akadzika kurenje reZifi nevarume 3 000 vakasarudzwa pavaIsraeri, kuti anotsvaga Dhavhidhi murenje reZifi.+ 3 Sauro akadzika musasa pachikomo cheHakira, chakatarisana neJeshimoni, pedyo nemugwagwa. Panguva iyoyo Dhavhidhi akanga achigara murenje uye akanzwa kuti Sauro akanga auya murenje achimutevera. 4 Saka Dhavhidhi akatuma vasori* kuti azive kana Sauro akanga auya zvechokwadi. 5 Gare gare Dhavhidhi akasimuka akaenda kunzvimbo yakanga yakadzikwa musasa naSauro, uye Dhavhidhi akaona pakanga pakarara Sauro naAbhineri+ mwanakomana waNeri, mukuru weuto rake; Sauro akanga akarara mumusasa, akapoteredzwa neuto. 6 Dhavhidhi akabva ati kuna Ahimereki muHiti+ naAbhishai+ mwanakomana waZeruya,+ wemudumbu rimwe chete naJoabhi: “Ndiani achadzika neni kumusasa kuna Sauro?” Abhishai akati: “Ndichadzika nemi.” 7 Saka Dhavhidhi naAbhishai vakabva vaenda kwaiva neuto racho usiku, uye vakawana Sauro akarara mumusasa, pfumo rake rakabayirirwa pasi pedyo nemusoro wake; Abhineri neuto racho vakanga vakarara vakamupoteredza.

8 Abhishai akabva ati kuna Dhavhidhi: “Nhasi Mwari aisa muvengi wenyu muruoko rwenyu.+ Ndapota, regai ndingomubayirira pasi nepfumo kamwe chete, hazvitombodi kuti ndibaye kaviri.” 9 Zvisinei, Dhavhidhi akati kuna Abhishai: “Usamubaya, nekuti ndiani angasimudza ruoko rwake kuti arwise muzodziwa waJehovha+ oramba asina mhosva?”+ 10 Dhavhidhi akaenderera mberi achiti: “Chokwadi naJehovha mupenyu, Jehovha achamuuraya ega,+ kana kuti zuva rake richasvika+ ofa, kana kuti achaenda kuhondo ofira ikoko.+ 11 Hazvitomboiti mukuona kwaJehovha kuti ndisimudze ruoko rwangu ndichirwisa muzodziwa waJehovha!+ Tora pfumo riri pedyo nemusoro wake nechirongo chemvura, tiende.” 12 Saka Dhavhidhi akatora pfumo nechirongo chemvura zvaiva padivi pemusoro waSauro, vachibva vaenda. Hapana akavaona+ kana akavacherechedza kana akapepuka. Vese vakanga vakarara, nekuti vakanga vabatwa nehope huru dzakabva kuna Jehovha. 13 Dhavhidhi akabva ayambuka achienda kune rimwe divi, akamira pamusoro pegomo nechekure, pakati pavo paine chinhambwe.

14 Dhavhidhi akashevedzera kuuto racho uye kuna Abhineri+ mwanakomana waNeri, achiti: “Abhineri, uri kundinzwa here?” Abhineri akapindura kuti: “Ndiwe ani uri kushevedzera kuna mambo?” 15 Dhavhidhi akati kuna Abhineri: “Hausi murume here? Ndiani akafanana newe muIsraeri? Saka nei usina kuramba wakarinda ishe wako mambo? Nekuti mumwe wevarwi apinda kuti auraye ishe wako mambo.+ 16 Zvawaita hazvina kunaka. Chokwadi naJehovha mupenyu, munofanira kufa, nekuti hamuna kuramba makarinda ishe wenyu, muzodziwa waJehovha.+ Tarisai panzvimbo yamuri! Pfumo ramambo nechirongo chemvura+ zvanga zviri padivi pemusoro wake zviri kupi?”

17 Sauro akabva aziva inzwi raDhavhidhi akati: “Inzwi rako here iri mwanakomana wangu Dhavhidhi?”+ Dhavhidhi akapindura kuti: “Inzwi rangu, ishe wangu mambo.” 18 Akaenderera mberi achiti: “Nei ishe wangu ari kudzingirira muranda wake,+ ndakaitei, uye ndakatadzei?+ 19 Ndapota, ishe wangu mambo ngaateerere mashoko emushandi wake: Kana ari Jehovha akakukurudzirai kuti murwe neni, ngaagamuchire* mupiro wangu wezviyo.* Asi kana vari vanhu vakakukurudzirai,+ vatukwa pamberi paJehovha, nekuti vandidzinga nhasi kuti ndirege kubatana nenhaka+ yaJehovha, vachiti, ‘Enda unoshumira vamwe vanamwari!’ 20 Zvino musaita kuti ropa rangu ridonhere pasi kure naJehovha, nekuti mambo waIsraeri abuda kunotsvaga nhata imwe chete,+ sekunge kuti ari kudzingirira chikwari mumakomo.”

21 Sauro akabva ati: “Ndatadza.+ Dzoka mwanakomana wangu Dhavhidhi, nekuti handichakuitirizve zvakaipa, nekuti waona upenyu hwangu* sechinhu chinokosha+ nhasi. Chokwadi ndaita zveupenzi uye ndakanganisa kwazvo.” 22 Dhavhidhi akapindura kuti: “Herino pfumo ramambo. Mumwe wevarume ngaauye aritore. 23 Jehovha ndiye achapa mumwe nemumwe mubayiro wekururama kwake+ nekutendeka kwake, nekuti nhasi Jehovha akuisai muruoko rwangu, asi handina kuda kusimudza ruoko rwangu kuti ndirwise muzodziwa waJehovha.+ 24 Zvandakoshesa upenyu hwenyu* nhasi, upenyu hwangu ngahukoshewo kuna Jehovha, uye ngaandinunure pamatambudziko angu ese.”+ 25 Sauro akapindura Dhavhidhi achiti: “Komborerwa mwanakomana wangu Dhavhidhi. Chokwadi uchaita zvinhu zvikuru uye chokwadi uchakunda.”+ Dhavhidhi akabva aenda uye Sauro akadzokera kwake.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe