RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Dheuteronomi 17
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raDheuteronomi

      • Zvibayiro zvisina kuremara (1)

      • Zvinofanira kuitwa munhu anenge atsauka pakutenda (2-7)

      • Nyaya yakaoma kutonga (8-13)

      • Mirayiridzo yamambo anozogadzwa (14-20)

        • Mambo anofanira kuzvinyorera bhuku reMutemo (18)

Dheuteronomi 17:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 22:20; Dhe 15:21; Mar 1:8

Dheuteronomi 17:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 4:23; 13:6-9

Dheuteronomi 17:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 4:19
  • +Dhe 13:12-15

Dheuteronomi 17:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Joh 7:51

Dheuteronomi 17:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 13:6, 10

Dheuteronomi 17:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mt 18:16; Joh 8:17; 1Ti 5:19; VaH 10:28
  • +Nu 35:30; Dhe 19:15

Dheuteronomi 17:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 13:5; 1VaK 5:13

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    “Rugwaro Rwose,” p. 213

Dheuteronomi 17:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 35:11
  • +Dhe 12:5; 1Mad 3:16, 28; Pis 122:2, 5

Dheuteronomi 17:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 7:15, 16
  • +Dhe 19:17; 21:5

Dheuteronomi 17:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mar 2:7
  • +Dhe 5:32; 12:32

Dheuteronomi 17:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 11:2; VaH 10:28
  • +Dhe 13:5; 1VaK 5:13

Dheuteronomi 17:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 13:11; 19:20

Dheuteronomi 17:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 8:5, 20; 10:19

Dheuteronomi 17:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 9:17; 10:24; 16:12, 13

Dheuteronomi 17:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 20:1; 2Sa 8:4; Pis 20:7; Zvi 21:31
  • +Isa 31:1

Dheuteronomi 17:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 11:1-3; Ne 13:26
  • +Job 31:24, 28; 1Ti 6:9

Dheuteronomi 17:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 31:9, 26; 2Mad 22:8

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/15/2007, p. 20

    5/1/1995, pp. 12-13

    “Rugwaro Rwose,” p. 36

Dheuteronomi 17:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 34:18
  • +Pis 1:2; 119:97

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    6/15/2002, pp. 12-17

    10/1/2000, pp. 8-9

    5/1/1995, pp. 12-13

Dheuteronomi 17:20

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    5/1/1995, pp. 12-13

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Dheut. 17:1Re 22:20; Dhe 15:21; Mar 1:8
Dheut. 17:2Dhe 4:23; 13:6-9
Dheut. 17:3Dhe 4:19
Dheut. 17:3Dhe 13:12-15
Dheut. 17:4Joh 7:51
Dheut. 17:5Dhe 13:6, 10
Dheut. 17:6Mt 18:16; Joh 8:17; 1Ti 5:19; VaH 10:28
Dheut. 17:6Nu 35:30; Dhe 19:15
Dheut. 17:7Dhe 13:5; 1VaK 5:13
Dheut. 17:8Nu 35:11
Dheut. 17:8Dhe 12:5; 1Mad 3:16, 28; Pis 122:2, 5
Dheut. 17:91Sa 7:15, 16
Dheut. 17:9Dhe 19:17; 21:5
Dheut. 17:11Mar 2:7
Dheut. 17:11Dhe 5:32; 12:32
Dheut. 17:12Zvi 11:2; VaH 10:28
Dheut. 17:12Dhe 13:5; 1VaK 5:13
Dheut. 17:13Dhe 13:11; 19:20
Dheut. 17:141Sa 8:5, 20; 10:19
Dheut. 17:151Sa 9:17; 10:24; 16:12, 13
Dheut. 17:16Dhe 20:1; 2Sa 8:4; Pis 20:7; Zvi 21:31
Dheut. 17:16Isa 31:1
Dheut. 17:171Mad 11:1-3; Ne 13:26
Dheut. 17:17Job 31:24, 28; 1Ti 6:9
Dheut. 17:18Dhe 31:9, 26; 2Mad 22:8
Dheut. 17:192Mak 34:18
Dheut. 17:19Pis 1:2; 119:97
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Dheuteronomi 17:1-20

Dheuteronomi

17 “Haufaniri kubayira Jehovha Mwari wako mombe kana gwai rakaremara kana kuti rine chimwe chinhu chisina kumira zvakanaka, nekuti izvozvo zvinosemesa Jehovha Mwari wako.+

2 “Ngatitii pakati pako pawanikwa murume kana mukadzi, mune rimwe remaguta auri kupiwa naJehovha Mwari wako, achiita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wako, achiputsa sungano yake,+ 3 orasika, ononamata vamwe vanamwari, ovakotamira, kana kukotamira zuva kana mwedzi kana uto rese rekudenga,+ izvo zvandisina kurayira kuti zviitwe,+ 4 wozviudzwa kana kuti wonzwa nezvazvo, unofanira kubva wanyatsoferefeta nyaya yacho. Kana ukaziva kuti zvechokwadi+ zvinhu izvi zvinosemesa zvakaitika pakati paIsraeri, 5 unofanira kuenda nemurume wacho kana kuti mukadzi wacho akaita zvinhu izvi zvakaipa kumagedhi eguta, uye murume wacho kana kuti mukadzi wacho anofanira kuurayiwa achitemwa nematombo.+ 6 Munhu wacho anofanira kuurayiwa chete kana papiwa uchapupu nevanhu vaviri kana vatatu.+ Haafaniri kuurayiwa kana papiwa uchapupu nemunhu mumwe chete.+ 7 Maoko ezvapupu zvacho ndiwo anofanira kutanga kumuuraya, maoko evamwe vanhu vese ozotevera. Unofanira kubvisa zvakaipa pakati pako.+

8 “Kana mune rimwe remaguta ako mukamuka imwe nyaya yakakuomera kutonga, ingava yekudeurwa kweropa,+ kana imwewo yekukwidzana kumatare kana yekurwisana kana dzimwewo nyaya dzekukakavadzana, unofanira kusimuka woenda kunzvimbo inosarudzwa naJehovha Mwari wako.+ 9 Uende kuvapristi vedzinza raRevhi, nekumutongi+ anenge aripo mazuva iwayo, wobvunza, uye vachakupa mutongo wacho.+ 10 Unofanira kubva waita maererano nemutongo wavachakupa panzvimbo inosarudzwa naJehovha. Unyatsoita zvese zvavanokurayira. 11 Unofanira kuita maererano nemutemo wavanokuratidza uye maererano nemutongo wavanokupa.+ Usatsaukira kurudyi kana kuruboshwe, pamutongo wavachakupa.+ 12 Munhu anoita zvekuzvikudza asingateereri mupristi ari kushumira Jehovha Mwari wako kana kuti mutongi, anofanira kufa.+ Unofanira kubvisa zvakaipa pakati paIsraeri.+ 13 Vanhu vese vachabva vazvinzwa, votya, uye havazoiti zvekuzvikudza zvakare.+

14 “Kana wapinda munyika yauchapiwa naJehovha Mwari wako, uye waitora, wava kugara mairi, woti, ‘Regai ndigadze mambo kuti anditonge sezvinoita mamwe marudzi ese akandipoteredza,’+ 15 unofanira kugadza mambo anosarudzwa naJehovha Mwari wako.+ Unofanira kugadza mambo anobva pakati pehama dzako. Haubvumirwi kugadza mambo anobva kune imwe nyika asiri hama yako. 16 Asi mambo wacho haafaniri kuva nemabhiza akawanda+ kana kuita kuti vanhu vadzokere kuIjipiti kunotora mamwe mabhiza,+ sezvo Jehovha akakuudza kuti, ‘Usazombodzokerazve nenzira iyi.’ 17 Haafaniriwo kutora madzimai akawanda, kuti mwoyo wake urege kutsauka;+ uyewo haafaniri kuzviwanira sirivha negoridhe zvakawandisa.+ 18 Paanogara pachigaro chake cheumambo, anofanira kuzvinyorera Mutemo uyu mubhuku, achitora pane uya unochengetwa nevapristi vedzinza raRevhi.+

19 “Anofanira kugara ainawo, uye anofanira kuuverenga mazuva ese eupenyu hwake,+ kuti adzidze kutya Jehovha Mwari wake uye achengete mashoko ese eMutemo uyu nemirau iyi nekuitevedzera.+ 20 Izvi zvichaita kuti mwoyo wake usazozvikwidziridza kupfuura hama dzake uye asazotsaukira kurudyi kana kuruboshwe achibva pamurayiro wacho, kuti ave nenguva yakareba paumambo hwake, iye nevanakomana vake vari pakati paIsraeri.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe