RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 2 Madzimambo 24
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku ra2 Madzimambo

      • Kupanduka kwaJehoyakimu uye kufa kwake (1-7)

      • Jehoyakini, mambo weJudha (8, 9)

      • Vanhu vekutanga kuendeswa kuBhabhironi (10-17)

      • Zedhekiya, mambo weJudha; kupanduka kwake (18-20)

2 Madzimambo 24:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 25:1; 46:2; Dha 1:1; 3:1; 4:33

2 Madzimambo 24:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ha 1:6
  • +Re 26:27, 28; Dhe 28:15; 2Mad 23:27

2 Madzimambo 24:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 26:33; Dhe 4:26
  • +2Mad 21:11; 23:26

2 Madzimambo 24:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 21:16; Jer 2:34; 19:4
  • +Jer 15:1; Mari 3:42

2 Madzimambo 24:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 36:8

2 Madzimambo 24:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 22:18, 19; 36:30

2 Madzimambo 24:7

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Bani.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 46:2
  • +Nu 34:2, 5
  • +Ge 15:18; 1Mad 4:21

2 Madzimambo 24:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 24:1; 37:1
  • +2Mak 36:8

2 Madzimambo 24:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dha 1:1

2 Madzimambo 24:11

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    “Rugwaro Rwose,” pp. 132-133

    Shoko raMwari, p. 48

    Nharireyomurindi,

    3/1/1988, p. 29

2 Madzimambo 24:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 36:9, 10; Jer 24:1; Eze 17:12
  • +Jer 29:1, 2
  • +Jer 52:28

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Shoko raMwari, p. 48

    Nharireyomurindi,

    3/1/1988, p. 29

2 Madzimambo 24:13

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “neyemuzinda wamambo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 20:13, 17
  • +1Mad 7:48-50; Ezr 1:7; Dha 5:2

2 Madzimambo 24:14

Mashoko Emuzasi

  • *

    Dzimwe shanduro dzinoti, “nevavaki vemasvingo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dha 1:3, 6
  • +Jer 24:1
  • +2Mad 25:12

2 Madzimambo 24:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 25:27; 1Mak 3:17
  • +Jer 22:24, 25

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/1/1988, p. 29

2 Madzimambo 24:16

Mashoko Emuzasi

  • *

    Dzimwe shanduro dzinoti, “nevavaki vemasvingo.”

2 Madzimambo 24:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 3:15
  • +2Mak 36:10-12; Jer 37:1; 52:1

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/1/1988, p. 29

2 Madzimambo 24:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 23:31

2 Madzimambo 24:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 23:36, 37; Jer 24:8; 37:1, 2; 38:5, 6; Eze 21:25

2 Madzimambo 24:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 23:27
  • +2Mak 36:11, 13; Jer 27:12; 38:17; Eze 17:12-15

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

2 Madz. 24:1Jer 25:1; 46:2; Dha 1:1; 3:1; 4:33
2 Madz. 24:2Ha 1:6
2 Madz. 24:2Re 26:27, 28; Dhe 28:15; 2Mad 23:27
2 Madz. 24:3Re 26:33; Dhe 4:26
2 Madz. 24:32Mad 21:11; 23:26
2 Madz. 24:42Mad 21:16; Jer 2:34; 19:4
2 Madz. 24:4Jer 15:1; Mari 3:42
2 Madz. 24:52Mak 36:8
2 Madz. 24:6Jer 22:18, 19; 36:30
2 Madz. 24:7Jer 46:2
2 Madz. 24:7Nu 34:2, 5
2 Madz. 24:7Ge 15:18; 1Mad 4:21
2 Madz. 24:8Jer 24:1; 37:1
2 Madz. 24:82Mak 36:8
2 Madz. 24:10Dha 1:1
2 Madz. 24:122Mak 36:9, 10; Jer 24:1; Eze 17:12
2 Madz. 24:12Jer 29:1, 2
2 Madz. 24:12Jer 52:28
2 Madz. 24:132Mad 20:13, 17
2 Madz. 24:131Mad 7:48-50; Ezr 1:7; Dha 5:2
2 Madz. 24:14Dha 1:3, 6
2 Madz. 24:14Jer 24:1
2 Madz. 24:142Mad 25:12
2 Madz. 24:152Mad 25:27; 1Mak 3:17
2 Madz. 24:15Jer 22:24, 25
2 Madz. 24:171Mak 3:15
2 Madz. 24:172Mak 36:10-12; Jer 37:1; 52:1
2 Madz. 24:182Mad 23:31
2 Madz. 24:192Mad 23:36, 37; Jer 24:8; 37:1, 2; 38:5, 6; Eze 21:25
2 Madz. 24:202Mad 23:27
2 Madz. 24:202Mak 36:11, 13; Jer 27:12; 38:17; Eze 17:12-15
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
2 Madzimambo 24:1-20

Bhuku Rechipiri reMadzimambo

24 Mumazuva aJehoyakimu, Mambo Nebhukadhinezari+ weBhabhironi akauya kuzomurwisa, uye Jehoyakimu akava pasi pake kwemakore matatu. Asi akachinja akamupandukira. 2 Jehovha akabva atanga kumutumira mapoka evanhu vaipamba evaKadheya,+ evaSiriya, evaMoabhi, neevaAmoni. Akaramba achiatuma kuJudha kuti aiparadze, maererano neshoko raJehovha+ raakanga ataura achishandisa varanda vake vaprofita. 3 Chokwadi izvi zvakaitika kuJudha nekuti zvakanga zvarayirwa naJehovha, kuti avabvise pamberi pake+ nemhaka yezvivi zvese zvakanga zvaitwa naManase,+ 4 uyewo nemhaka yeropa risina mhosva raakanga adeura,+ nekuti akanga azadza Jerusarema neropa risina mhosva, uye Jehovha akanga asingadi kuvaregerera.+

5 Kana iri nhoroondo yese yaJehoyakimu, zvese zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eJudha?+ 6 Jehoyakimu akabva aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake;+ uye mwanakomana wake Jehoyakini akava mambo panzvimbo yake.

7 Mambo weIjipiti haana kuzombobudazve munyika yake, nekuti mambo weBhabhironi akanga atora nharaunda dzese dzaimbova pasi pamambo weIjipiti,+ kubva kuRwizi* rweIjipiti+ kusvika kuRwizi rwaYufratesi.+

8 Jehoyakini+ aiva nemakore 18 paakava mambo, uye akatonga kwemwedzi mitatu muJerusarema.+ Amai vake vainzi Nehushta mwanasikana waErinatani wekuJerusarema. 9 Akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha, achitevedzera zvese zvakanga zvaitwa nababa vake. 10 Panguva iyoyo varanda vaMambo Nebhukadhinezari weBhabhironi vakauya kuzorwisa Jerusarema, uye guta racho rakakombwa.+ 11 Mambo Nebhukadhinezari weBhabhironi akauya kuguta racho parakanga rakakombwa nevaranda vake.

12 Mambo Jehoyakini weJudha akabuda akaenda kuna mambo weBhabhironi,+ aina amai vake, varanda vake, machinda ake, nevakuru vemumuzinda wake;+ uye mambo weBhabhironi akamutapa mugore rechi8 rekutonga kwake.+ 13 Akabva atora pfuma yese yeimba yaJehovha neyeimba yamambo.*+ Akagura-gura midziyo yese yegoridhe yakanga yagadzirwa naSoromoni mambo weIsraeri mutemberi yaJehovha.+ Izvi zvakaitika sekutaurwa kwazvakanga zvaitwa naJehovha. 14 Akatapa Jerusarema rese, machinda ese,+ varwi vese vaiva nesimba, mhizha dzese, nevapfuri vese vesimbi,*+ vese pamwe chete vari 10 000, achibva aenda navo. Hapana akasiyiwa kunze kwevarombo vekupedzisira vemunyika yacho.+ 15 Saka akatapa Jehoyakini+ akamuendesa kuBhabhironi;+ akatorawo amai vamambo, madzimai amambo, vakuru vemumuzinda wake, nevarume vaikudzwa vemunyika yacho, akaenda navo kuBhabhironi vachibva kuJerusarema. 16 Mambo weBhabhironi akaendesawo kuBhabhironi varwi vese, 7 000, nevarume 1 000 vaiva mhizha nevapfuri vesimbi,* vese vaiva varume vane simba uye vakadzidziswa hondo. 17 Mambo weBhabhironi akagadza Mataniya, babamudiki vaJehoyakini+ kuti vave mambo panzvimbo yake, akachinja zita ravo kuti rinzi Zedhekiya.+

18 Zedhekiya aiva nemakore 21 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 11 muJerusarema. Amai vake vainzi Hamutari+ mwanasikana waJeremiya wekuRibna. 19 Akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha, achitevedzera zvese zvakanga zvaitwa naJehoyakimu.+ 20 Zvinhu izvi zvakaitika muJerusarema nemuJudha nekuti Jehovha akanga atsamwa, akasvika pakuvabvisa pamberi pake.+ Uye Zedhekiya akapandukira mambo weBhabhironi.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe