RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Genesisi 27
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raGenesisi

      • Jakobho anowana chikomborero chaIsau (1-29)

      • Isau anokumbira kukomborerwa asi haasi kudemba zvaakaita (30-40)

      • Isau anotanga kuvenga Jakobho (41-46)

Genesisi 27:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 25:28

Genesisi 27:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 25:27

Genesisi 27:4

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mweya wangu ukukomborere.”

Genesisi 27:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 27:30

Genesisi 27:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 25:28

Genesisi 27:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 27:30, 31

Genesisi 27:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 27:13, 43

Genesisi 27:10

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    4/15/2004, p. 11

Genesisi 27:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 25:25; 27:23

Genesisi 27:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 27:21

Genesisi 27:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 27:8, 43

Genesisi 27:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 25:23, 26

Genesisi 27:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 25:25; 27:11

Genesisi 27:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 27:9

Genesisi 27:19

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mweya wenyu undikomborere.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 25:31-33; VaR 9:10-12
  • +Ge 27:4

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    12/15/2007, p. 30

    10/1/2007, p. 31

Genesisi 27:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 27:11, 12

Genesisi 27:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 27:16

Genesisi 27:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaH 11:20

Genesisi 27:25

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mweya wangu ukukomborere.”

Genesisi 27:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 48:10

Genesisi 27:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 25:27; 27:15

Genesisi 27:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 11:11
  • +Nu 13:26, 27
  • +Ge 27:37; Dhe 7:13

Genesisi 27:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 25:23
  • +Ge 12:1, 3; 28:1, 3; 31:42; Eze 25:12, 13

Genesisi 27:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 27:3

Genesisi 27:31

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mweya wenyu undikomborere.”

Genesisi 27:32

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 25:25, 31; VaH 12:16

Genesisi 27:34

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaH 12:16, 17

Genesisi 27:36

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva kuti “Uya Akabata Chitsitsinho; Anotorera Munhu Chinzvimbo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 25:26; 32:28; Ho 12:3
  • +Ge 25:32-34
  • +Ge 27:28

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    “Rugwaro Rwose,” p. 16

Genesisi 27:37

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 25:23; 27:29; VaR 9:10, 12
  • +Dhe 33:28

Genesisi 27:38

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaH 12:16, 17

Genesisi 27:39

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 24:4; VaH 11:20

Genesisi 27:40

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 32:6; Nu 20:18
  • +Ge 25:23; 2Sa 8:14; Mar 1:2, 3
  • +2Mad 8:20; 2Mak 28:17

Genesisi 27:41

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Amo 1:11
  • +Ge 35:28, 29

Genesisi 27:42

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “ari kuzvinyaradza achiti achakuuraya.”

Genesisi 27:43

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 28:5

Genesisi 27:46

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 26:34, 35; 28:8
  • +Ge 24:2, 3

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    9/15/2006, p. 22

    7/15/1995, p. 13

    8/1/1993, pp. 7-8

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Gen. 27:1Ge 25:28
Gen. 27:3Ge 25:27
Gen. 27:5Ge 27:30
Gen. 27:6Ge 25:28
Gen. 27:7Ge 27:30, 31
Gen. 27:8Ge 27:13, 43
Gen. 27:11Ge 25:25; 27:23
Gen. 27:12Ge 27:21
Gen. 27:13Ge 27:8, 43
Gen. 27:15Ge 25:23, 26
Gen. 27:16Ge 25:25; 27:11
Gen. 27:17Ge 27:9
Gen. 27:19Ge 25:31-33; VaR 9:10-12
Gen. 27:19Ge 27:4
Gen. 27:21Ge 27:11, 12
Gen. 27:22Ge 27:16
Gen. 27:23VaH 11:20
Gen. 27:26Ge 48:10
Gen. 27:27Ge 25:27; 27:15
Gen. 27:28Dhe 11:11
Gen. 27:28Nu 13:26, 27
Gen. 27:28Ge 27:37; Dhe 7:13
Gen. 27:29Ge 25:23
Gen. 27:29Ge 12:1, 3; 28:1, 3; 31:42; Eze 25:12, 13
Gen. 27:30Ge 27:3
Gen. 27:32Ge 25:25, 31; VaH 12:16
Gen. 27:34VaH 12:16, 17
Gen. 27:36Ge 25:26; 32:28; Ho 12:3
Gen. 27:36Ge 25:32-34
Gen. 27:36Ge 27:28
Gen. 27:37Ge 25:23; 27:29; VaR 9:10, 12
Gen. 27:37Dhe 33:28
Gen. 27:38VaH 12:16, 17
Gen. 27:39Jos 24:4; VaH 11:20
Gen. 27:40Ge 32:6; Nu 20:18
Gen. 27:40Ge 25:23; 2Sa 8:14; Mar 1:2, 3
Gen. 27:402Mad 8:20; 2Mak 28:17
Gen. 27:41Amo 1:11
Gen. 27:41Ge 35:28, 29
Gen. 27:43Ge 28:5
Gen. 27:46Ge 26:34, 35; 28:8
Gen. 27:46Ge 24:2, 3
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
  • 35
  • 36
  • 37
  • 38
  • 39
  • 40
  • 41
  • 42
  • 43
  • 44
  • 45
  • 46
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Genesisi 27:1-46

Genesisi

27 Isaka paakanga akwegura, maziso ake asisanyatsooni, akashevedza Isau+ mwanakomana wake mukuru akati kwaari: “Mwanakomana wangu!” Akadavira achiti: “Ndiri pano!” 2 Akabva ati: “Iye zvino ndachembera. Handizivi zuva rekufa kwangu. 3 Saka tora zvombo zvako, uta nemiseve, uende kunondivhimira mhuka musango.+ 4 Ibva waigadzira sezviya zvandinofarira, wondiunzira, ndidye, kuti ndikukomborere* ndisati ndafa.”

5 Zvisinei, Ribheka akanga akateerera paitaura Isaka naIsau mwanakomana wake. Isau akaenda kusango kunovhima mhuka kuti auye nayo.+ 6 Ribheka akati kuna Jakobho mwanakomana wake:+ “Ndanzwa baba vako vachitaura naIsau mukoma wako, vachiti, 7 ‘Ndiunzire nyama yemhuka undigadzirire zvekudya zvinonaka, ndidye, kuti ndikukomborere pamberi paJehovha ndisati ndafa.’+ 8 Saka nyatsoteerera mwanangu, woita zvandiri kuda kukuudza.+ 9 Enda kuzvipfuwo unonditorerawo mbudzi diki mbiri dzakakora, kuti ndigadzirire baba vako zvekudya zvinonaka zvavanofarira, 10 woenda nazvo kuna baba vako kuti vadye, vakukomborere vasati vafa.”

11 Jakobho akati kuna Ribheka amai vake: “Isau mukoma wangu murume ane mvere,+ asi ini handina. 12 Ko kana baba vakandibata muviri wangu?+ Ndichabva ndaonekwa sendiri kuvaita benzi, zvekuti vachabva vandituka pane kundikomborera.” 13 Amai vake vakabva vati kwaari: “Kutukwa kwaifanira kuuya pauri ngakuuye pandiri, mwanangu. Ingoteerera zvandiri kukuudza uende, unotora zvandataura.”+ 14 Saka akaenda, akanotora mbudzi dziya, akauya nadzo kuna amai vake, uye amai vake vakagadzira zvekudya zvinonaka zvinofarirwa nababa vake. 15 Ribheka akabva atora nguo dzakanakisisa dzaIsau mwanakomana wake mukuru, dzaaiva nadzo mumba, akadzipfekedza Jakobho mwanakomana wake mudiki.+ 16 Akaisawo matehwe embudzi dziya pamaoko ake nemumutsipa make makanga musina mvere.+ 17 Akabva apa Jakobho mwanakomana wake zvekudya zvacho zvinonaka nechingwa zvaakanga agadzira.+

18 Saka Jakobho akapinda maiva nababa vake akati: “Baba!” ivo vakati: “Ndiri pano! Ndiwe ani mwanangu?” 19 Jakobho akati kuna baba vake: “Ndini Isau dangwe renyu.+ Ndaita zvamati ndiite. Chimukai mugare, mudye nyama yemhuka yandauya nayo, kuti mundikomborere.”*+ 20 Isaka akabva ati kumwanakomana wake: “Waiwana sei nekukurumidza kudaro mwanangu?” Akapindura kuti: “Jehovha Mwari wenyu aiunza kwandiri.” 21 Isaka akabva ati kuna Jakobho: “Swedera pedyo mwanangu, ndikubate muviri wako, ndinzwe kana uri mwanakomana wangu Isau zvechokwadi kana kuti kwete.”+ 22 Saka Jakobho akaswedera pedyo naIsaka baba vake, vakamubata, ndokuti: “Inzwi, inzwi raJakobho, asi maoko, maoko aIsau.”+ 23 Havana kumuziva nekuti maoko ake akanga aine mvere seaIsau mukoma wake. Saka vakamukomborera.+

24 Pashure paizvozvo vakati: “Ndiwe mwanakomana wangu Isau zvechokwadi here?” iye akapindura kuti: “Ndini.” 25 Vakabva vati: “Ndipe nyama yacho yemhuka ndidye, mwanangu, ndobva ndakukomborera.”* Akabva avapa, vakadya, uye akavaunzira waini vakanwa. 26 Baba vake Isaka vakabva vati kwaari: “Swedera hako pedyo mwanakomana wangu, unditsvode.”+ 27 Saka akaswedera pedyo, akavatsvoda, vakanzwa kunhuhwirira kwenguo dzake.+ Vakabva vamukomborera vakati:

“Inzwa kunhuhwirira kwemwanakomana wangu kwakaita sekunhuhwirira kwesango rakakomborerwa naJehovha. 28 Mwari wechokwadi ngaakupe dova rekudenga,+ nevhu rakaorera repanyika,+ nezviyo zvizhinji, newaini itsva yakawanda.+ 29 Marudzi ngaakukotamire uye nyika ngadzikushandire. Iva tenzi wehama dzako, uye vanakomana vaamai vako ngavakukotamire.+ Munhu wese anokutuka, ngaatukwe, uye munhu wese anokukomborera ngaakomborerwe.”+

30 Isaka achingopedza kukomborera Jakobho, uye Jakobho achingobva pamberi pababa vake Isaka, Isau mukoma wake akabva asvika achibva kunovhima.+ 31 Iyewo akagadzira zvekudya zvinonaka, akaenda nazvo kuna baba vake, akati kuna baba vake: “Baba mukai mudye nyama yemhuka yauya nemwanakomana wenyu, kuti mundikomborere.”* 32 Baba vake Isaka vakabva vati kwaari: “Ndiwe ani?” Iye akati: “Ndini mwanakomana wenyu, dangwe renyu, Isau.”+ 33 Isaka akatanga kudedera kwazvo, akati: “Saka ndiani avhima nyama yemhuka akandivigira? Ndatoidya usati wasvika, uye ndamukomborera uye zvechokwadi achava akakomborerwa!”

34 Paakanzwa mashoko ababa vake, Isau akazhamba achiratidza kurwadziwa, akati kuna baba vake: “Ndikomborerei neniwo baba!”+ 35 Asi vakati: “Munin’ina wako auya akandinyengera kuti awane chikomborero changa chiri chako.” 36 Iye akabva ati: “Ndokusaka achinzi Jakobho.* Handiti akanditorera nzvimbo yangu kaviri kese?+ Akatora kare kodzero yangu yeudangwe,+ uye iye zvino atora chikomborero changu!”+ Akabva atizve: “Hamuna kundisiyirawo here chikomborero?” 37 Asi Isaka akamupindura kuti: “Ndamugadza kuti ave tenzi wako,+ uye ndamupa hama dzake dzese kuti dzive varanda vake, uye ndamupa zviyo newaini itsva.+ Chii chasara chandingakuitira nhai mwanangu?”

38 Isau akati kuna baba vake: “Munongova nechikomborero chimwe chete here, baba? Ndikomborerei neniwo baba!” Isau akabva atanga kuchema achiridza mhere.+ 39 Saka baba vake Isaka vakamupindura kuti:

“Uchagara kure nevhu rakaorera repasi, uye kure nedova rekudenga kumusoro.+ 40 Uchararama nebakatwa rako,+ uye uchashandira munin’ina wako.+ Asi paunoshaya zororo, chokwadi uchatyora joko rake pamutsipa wako.”+

41 Zvisinei, Isau akatanga kuvengera Jakobho chikomborero chaakanga apiwa nababa vake,+ uye aiti nechemumwoyo: “Mazuva ekuchema baba ari kuswedera.+ Kana vangofa ndiri kuda kuuraya munin’ina wangu Jakobho.” 42 Ribheka paakaudzwa mashoko aIsau mwanakomana wake mukuru, akabva atumira shoko kuti Jakobho mwanakomana wake mudiki auye, akati kwaari: “Inzwa! Isau mukoma wako ari kuda kukuuraya kuti atsive zvawakamuita.* 43 Saka chiita zvandiri kutaura mwanangu. Simuka utizire kuna Rabhani hanzvadzi yangu kuHarani.+ 44 Chimbonogara naye kusvikira hasha dzemukoma wako dzaserera, 45 kusvikira mukoma wako asisina kukutsamwira uye akanganwa zvawakamuitira. Ndichazotumira shoko kuti udzoke. Ndingabva ndafirwa nemi mese muri vaviri zuva rimwe chete here?”

46 Pashure paizvozvo, Ribheka akanga ava kugara achiti kuna Isaka: “Upenyu hwangu huri kundisemesa nemhaka yevanasikana vaHeti.+ Kana zvikaitika kuti Jakobho anotora mudzimai akaita sevanasikana vaHeti ava vemunyika ino, ndichararamirei?”+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe