Mapisarema
Rwiyo. Pisarema raDhavhidhi.
108 Mwoyo wangu wakasimba, haiwa Mwari.
Ndichaimba uye ndicharidza rwiyo nezvandiri zvese.*+
2 Muka, haiwa iwe chiridzwa chine tambo; newewo rudimbwa.+
Ndichaita kuti mambakwedza amuke.
4 Nekuti rudo rwenyu rusingachinji rwakakura, rwakakwirira sematenga,+
Uye kutendeka kwenyu kunosvika kumatenga.
5 Rumbidzwai zvikuru kumusoro kwematenga, haiwa Mwari;
Kukudzwa kwenyu ngakuve pamusoro penyika yese.+
7 Mwari ataura muutsvene hwake* achiti:
“Ndichapembera nemufaro, ndichapa vanhu vangu Shekemu+ kuti ive nhaka yavo;
Ndichavayerera Bani reSukoti.+
8 Giriyedhi+ ndeyangu, Manase ndeyangu,
Uye Efremu ingowani* yemusoro wangu;+
Judha mudonzvo wangu wemutungamiriri.+
9 Moabhi mudziyo wangu wekugezera.+
Ndichakanda shangu yangu pamusoro peEdhomu.+
Ndichapemberera ndakunda Firistiya.”+
10 Ndiani achandiendesa kuguta rakakomberedzwa nemasvingo?
Ndiani achanditungamirira kusvikira kuEdhomu?+