RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Revhitiko 21
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raRevhitiko

      • Vapristi vanofanira kuva vatsvene uye vasina kusvibiswa (1-9)

      • Mupristi mukuru haafaniri kuzvisvibisa (10-15)

      • Vapristi havafaniri kunge vakaremara (16-24)

Revhitiko 21:1

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mweya.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 19:14

Revhitiko 21:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 14:1
  • +Re 19:27, 28

Revhitiko 21:6

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “zvekudya zvaMwari,” kureva zvibayiro.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 29:44
  • +Re 18:21; 19:12; 22:32
  • +Isa 52:11; 1Pe 1:15, 16

Revhitiko 21:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 19:29
  • +Dhe 24:1; Eze 44:22

Revhitiko 21:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 28:41
  • +Eks 28:36; Re 11:45; 20:7, 8

Revhitiko 21:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 20:14

Revhitiko 21:10

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “akazadzwa ruoko.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 8:12
  • +Eks 28:2; 29:29; Re 16:32
  • +Ge 37:34; Re 10:6

Revhitiko 21:11

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nemweya upi zvawo wakafa.” Shoko rechiHebheru riri pano rekuti ne′phesh rakabatana neshoko rechiHebheru rinoreva kuti “kufa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 6:7; 19:11, 14

Revhitiko 21:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 10:7
  • +Re 8:12

Revhitiko 21:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 44:22

Revhitiko 21:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ezr 9:2

Revhitiko 21:18

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “ane mhino yakatsemuka.”

Revhitiko 21:20

Mashoko Emuzasi

  • *

    Dzimwe shanduro dzinoti, “munhu akanyanya kuonda zvichikonzerwa nekurwara.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 23:1

Revhitiko 21:21

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “mbeu.”

Revhitiko 21:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 2:10; 6:14, 16; 24:8, 9; Nu 18:9
  • +Re 22:10; Nu 18:19

Revhitiko 21:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 30:6
  • +Eks 38:1
  • +Eks 25:8
  • +Eks 28:41

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Revh. 21:1Nu 19:14
Revh. 21:5Dhe 14:1
Revh. 21:5Re 19:27, 28
Revh. 21:6Eks 29:44
Revh. 21:6Re 18:21; 19:12; 22:32
Revh. 21:6Isa 52:11; 1Pe 1:15, 16
Revh. 21:7Re 19:29
Revh. 21:7Dhe 24:1; Eze 44:22
Revh. 21:8Eks 28:41
Revh. 21:8Eks 28:36; Re 11:45; 20:7, 8
Revh. 21:9Re 20:14
Revh. 21:10Re 8:12
Revh. 21:10Eks 28:2; 29:29; Re 16:32
Revh. 21:10Ge 37:34; Re 10:6
Revh. 21:11Nu 6:7; 19:11, 14
Revh. 21:12Re 10:7
Revh. 21:12Re 8:12
Revh. 21:13Eze 44:22
Revh. 21:15Ezr 9:2
Revh. 21:20Dhe 23:1
Revh. 21:22Re 2:10; 6:14, 16; 24:8, 9; Nu 18:9
Revh. 21:22Re 22:10; Nu 18:19
Revh. 21:23Eks 30:6
Revh. 21:23Eks 38:1
Revh. 21:23Eks 25:8
Revh. 21:23Eks 28:41
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Revhitiko 21:1-24

Revhitiko

21 Jehovha akaenderera mberi achiti kuna Mozisi: “Taura nevapristi, ivo vanakomana vaAroni, uti kwavari, ‘Hapana anofanira kuzvisvibisa panofa mumwe munhu* pakati pevanhu vake.+ 2 Asi angazvisvibisa kana iri hama yake yepedyo yakadai saamai vake, baba vake, mwanakomana wake, mwanasikana wake, munin’ina wake, 3 uye angazvisvibisa panofa hanzvadzi yake kana iri mhandara yaigara pedyo naye uye yainge isati yaroorwa. 4 Ngaarege kuzvisvibisa ova asina kuchena kana ari mukadzi wemumwe murume wevanhu vekwake. 5 Havafaniri kuita kuti misoro yavo ive nemiparavara,+ kana kugera kunogumira ndebvu dzavo kana kuzvicheka-cheka miviri yavo.+ 6 Vanofanira kuva vatsvene kuna Mwari wavo,+ uye havafaniri kusvibisa zita raMwari wavo,+ nekuti vanopa Jehovha mipiro inopiswa nemoto, chingwa chaMwari* wavo, saka vanofanira kuva vatsvene.+ 7 Havafaniri kuroora pfambi,+ mukadzi akasvibiswa, kana mukadzi akarambwa nemurume,+ nekuti mupristi mutsvene kuna Mwari wake. 8 Unofanira kumutsvenesa,+ nekuti ndiye anopa chingwa chaMwari wako. Anofanira kuva mutsvene kwauri, nekuti ini, Jehovha, ari kukutsvenesai, ndiri mutsvene.+

9 “‘Kana mwanasikana wemupristi akazvisvibisa nekuita zvechipfambi, iye ari kusvibisa baba vake. Anofanira kupiswa nemoto.+

10 “‘Munhu anenge ari mupristi mukuru pakati pehama dzake uye anenge akadururirwa mafuta ekuzodza nawo mumusoro+ uye akagadzwa* kuti apfeke nguo dzeupristi,+ haafaniri kurega musoro wake wakati nyangarara kana kubvarura nguo dzake.+ 11 Haafaniri kusvika pedyo nemunhu upi zvake akafa;*+ haafaniri kuzvisvibisa kunyange panofa baba vake kana amai vake. 12 Haafaniri kubuda munzvimbo tsvene uye haafaniri kusvibisa nzvimbo tsvene yaMwari wake,+ nekuti chiratidzo chekutsaurira, iwo mafuta ekuzodza nawo aMwari wake,+ chiri paari. Ndini Jehovha.

13 “‘Anofanira kuroora mukadzi achiri mhandara.+ 14 Haafaniri kuroora chirikadzi, mukadzi akarambwa, mukadzi akasvibiswa, kana pfambi; asi anofanira kuroora mhandara kubva pavanhu vekwake. 15 Haafaniri kusvibisa vana vake pakati pevanhu vekwake,+ nekuti ndini Jehovha, ari kumutsvenesa.’”

16 Jehovha akaramba achitaura naMozisi, achiti: 17 “Udza Aroni kuti, ‘Pavana vako muzvizvarwa zvavo zvese hapana murume akaremara anobvumirwa kuswedera pedyo kuti ape chingwa chaMwari wake. 18 Kana paine murume akaremara, haabvumirwi kuswedera pedyo: bofu kana anokamhina kana ane chiso chakaremara* kana ane gumbo rakarebesa kana ruoko rwakarebesa, 19 murume ane tsoka yakatyoka kana ruoko rwakatyoka, 20 ane musana wakakombama kana asingarebi,* kana murume ane ziso rakaremara kana ane mhezi kana zvisasa kana ane mabhora akakuvara.+ 21 Hapana murume akaremara pavana* vemupristi Aroni angaswedera pedyo kuti ape mipiro inopisirwa Jehovha nemoto. Nekuti akaremara, haafaniri kuswedera pedyo kuti ape chingwa chaMwari wake. 22 Anogona hake kudya chingwa chaMwari wake pazvinhu zvitsvenetsvene+ nepazvinhu zvitsvene.+ 23 Asi haafaniri kuswedera pedyo neketeni,+ uye haafaniri kuswedera pedyo neatari,+ nekuti iye akaremara; uye haafaniri kusvibisa nzvimbo yangu tsvene,+ nekuti ndini Jehovha, ari kuvatsvenesa.’”+

24 Saka Mozisi akataura naAroni nevanakomana vake nevaIsraeri vese.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe