Bhuku Rechipiri reMakoronike
23 Mugore rechi7, Jehoyadha akaratidza ushingi, akaita chibvumirano* nevakuru vemazana+ vaiti, Azariya mwanakomana waJerohamu, Ishmaeri mwanakomana waJehohanani, Azariya mwanakomana waObhedhi, Maaseya mwanakomana waAdhaya, naErishafati mwanakomana waZikri. 2 Vakabva vatenderera neJudha yese, vakaunganidza vaRevhi+ kubva mumaguta ese eJudha nevakuru vedzimba dzemadzibaba evaIsraeri. Pavakasvika kuJerusarema, 3 ungano yese yakaita sungano+ namambo muimba yaMwari wechokwadi, Jehoyadha achibva ati kwavari:
“Inzwai! Mwanakomana wamambo achatonga, sezvakavimbiswa naJehovha pamusoro pevanakomana vaDhavhidhi.+ 4 Izvi ndizvo zvamunofanira kuita: Munofanira kuisa vapristi nevaRevhi vanenge vari pabasa+ paSabata mumapoka matatu. Rimwe boka richachengeta pamasuo;+ 5 rimwe richava paimba yamambo,*+ uye rimwe richava paGedhi reNheyo, uye vanhu vese vachava muzvivanze zveimba yaJehovha.+ 6 Musarega chero munhu achipinda muimba yaJehovha kunze kwevapristi nevaRevhi vari kushumira.+ Ava vanobvumidzwa kupinda nekuti ivo iboka dzvene, uye vanhu vese vachaita zvavanotarisirwa naJehovha kuti vaite. 7 VaRevhi vanofanira kukomba mambo kumativi ese, mumwe nemumwe akabata zvombo zvake. Kana pakava nemunhu anopinda mumba macho anofanira kuurayiwa. Rambai muina mambo kwese kwaanoenda.”*
8 VaRevhi nevaJudha vese vakaita zvese zvakanga zvarayirwa nemupristi Jehoyadha. Saka mumwe nemumwe akatora varume vake vaiva pabasa paSabata, pamwe chete nevaya vakanga vasiri pabasa paSabata,+ nekuti mupristi Jehoyadha akanga asina kubvumira mapoka+ acho kubva pabasa. 9 Mupristi Jehoyadha akabva apa vakuru vemazana+ mapfumo nenhoo diki,* nenhoo dzeraundi izvo zvaiva zvaMambo Dhavhidhi,+ zvaiva muimba yaMwari wechokwadi.+ 10 Akabva aita kuti vanhu vese vamire, mumwe nemumwe akabata chombo chake,* kubva kudivi rerudyi reimba kusvika kudivi reruboshwe reimba yacho, pedyo neatari uye pedyo neimba, vakakomberedza mambo. 11 Vakabva vabudisa mwanakomana wamambo,+ vakamupfekedza korona uye vakaisa Chipupuriro*+ paari, vakamugadza kuti ave mambo, uye Jehoyadha nevanakomana vake vakamuzodza. Vakabva vati: “Mambo ngaarambe achirarama!”+
12 Atariya paakanzwa ruzha rwevanhu vaimhanya vachirumbidza mambo, akabva angoenda kwaiva nevanhu kuimba yaJehovha.+ 13 Akabva aona mambo amire pedyo nembiru yake ari panopindwa napo. Mambo aiva nemachinda+ nevaridzi vemabhosvo, uye vanhu vese vemunyika yacho vakanga vachipembera nemufaro,+ vachiridza mabhosvo, uye vaimbi vane zviridzwa vaitungamirira* pakurumbidza kwacho. Atariya akabva abvarura nguo dzake akashevedzera achiti: “Ndapandukirwa! Ndapandukirwa!” 14 Asi mupristi Jehoyadha akabudisa vakuru vemazana, vaya vakagadzwa kuti vatungamirire uto, akati kwavari: “Mubvisei pakati pemauto, uye kana pakava neanomutevera, muurayei nebakatwa!” Nekuti mupristi akanga ati: “Musamuurayira muimba yaJehovha.” 15 Saka vakamubata, uye paakasvika paipindwa napo, paGedhi Remabhiza reimba yamambo,* vakabva vamuurayira ipapo.
16 Jehoyadha akabva aita sungano nevanhu vese namambo yekuti vaizoramba vari vanhu vaJehovha.+ 17 Pashure paizvozvo, vanhu vese vakaenda kuimba* yaBhaari vakaiputsa,+ uye vakapwanya-pwanya atari dzake nemifananidzo yake,+ vakaurayira Metani mupristi waBhaari+ pamberi peatari dzacho. 18 Jehoyadha akabva agadza vapristi nevaRevhi kuti vatungamirire paimba yaJehovha, vaya vakanga vaiswa mumapoka naDhavhidhi kuti vashande paimba yaJehovha vachipa zvibayiro zvinopiswa zvaJehovha+ maererano nezvakanyorwa muMutemo waMozisi,+ vachifara chaizvo uye vachiimba, sezvakarayirwa naDhavhidhi. 19 Akaisawo varindi pamagedhi+ eimba yaJehovha kuti pasatombova nemunhu asina kuchena anopinda. 20 Akabva atora vakuru vemazana,+ nevakuru vakuru, nevatongi vevanhu, nevanhu vese vemunyika yacho, vakaperekedza mambo kubva kuimba yaJehovha. Vakabva vaenda kuimba yamambo nepagedhi rekumusoro, vakaita kuti mambo agare pachigaro cheumambo.+ 21 Saka vanhu vese vemunyika yacho vakafara chaizvo uye guta rakava nerunyararo, nekuti vakanga vauraya Atariya nebakatwa.