RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 2 Makoronike 23
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku ra2 Makoronike

      • Jehoyadha anopindira; Jehoashi anoitwa mambo (1-11)

      • Atariya anourayiwa (12-15)

      • Jehoyadha anogadzirisa zvinhu (16-21)

2 Makoronike 23:1

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “sungano.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 11:4

2 Makoronike 23:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 8:14

2 Makoronike 23:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 5:3
  • +2Sa 7:8, 12; 1Mad 2:4; 9:5; Pis 89:20, 29

2 Makoronike 23:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 24:3
  • +2Mad 11:5-8; 1Mak 9:22-25; 26:1

2 Makoronike 23:5

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “pamuzinda wamambo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 7:1
  • +1Mad 7:12

2 Makoronike 23:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 23:28, 32

2 Makoronike 23:7

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “paanobuda nepaanopinda.”

2 Makoronike 23:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 11:9-12
  • +1Mak 24:1; 26:1

2 Makoronike 23:9

Mashoko Emuzasi

  • *

    Nhoo iyi yaiwanzotakurwa nevanopfura neuta.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 11:4
  • +2Sa 8:7
  • +1Mak 26:26, 27; 2Mak 5:1

2 Makoronike 23:10

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “chombo chake chinoita zvekukandwa.”

2 Makoronike 23:11

Mashoko Emuzasi

  • *

    Zvichida iri raiva gwaro raiva neMutemo waMwari.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 11:2
  • +Dhe 17:18
  • +1Sa 10:1, 24

2 Makoronike 23:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 11:13-16

2 Makoronike 23:13

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “vaipa chiratidzo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 23:1
  • +1Mad 1:39, 40

2 Makoronike 23:15

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “remuzinda wamambo.”

2 Makoronike 23:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 11:17, 18; 2Mak 34:1, 31

2 Makoronike 23:17

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “kutemberi.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 10:27, 28
  • +Dhe 12:3; 2Mak 34:1, 4
  • +Dhe 13:5; 1Mad 18:40

2 Makoronike 23:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 23:6, 30, 31
  • +Eks 29:38; Nu 28:2

2 Makoronike 23:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 9:26; 26:1, 13

2 Makoronike 23:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 11:9
  • +1Mad 7:7; 2Mad 11:19, 20

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

2 Mak. 23:12Mad 11:4
2 Mak. 23:22Mak 8:14
2 Mak. 23:32Sa 5:3
2 Mak. 23:32Sa 7:8, 12; 1Mad 2:4; 9:5; Pis 89:20, 29
2 Mak. 23:41Mak 24:3
2 Mak. 23:42Mad 11:5-8; 1Mak 9:22-25; 26:1
2 Mak. 23:51Mad 7:1
2 Mak. 23:51Mad 7:12
2 Mak. 23:61Mak 23:28, 32
2 Mak. 23:82Mad 11:9-12
2 Mak. 23:81Mak 24:1; 26:1
2 Mak. 23:92Mad 11:4
2 Mak. 23:92Sa 8:7
2 Mak. 23:91Mak 26:26, 27; 2Mak 5:1
2 Mak. 23:112Mad 11:2
2 Mak. 23:11Dhe 17:18
2 Mak. 23:111Sa 10:1, 24
2 Mak. 23:122Mad 11:13-16
2 Mak. 23:132Mak 23:1
2 Mak. 23:131Mad 1:39, 40
2 Mak. 23:162Mad 11:17, 18; 2Mak 34:1, 31
2 Mak. 23:172Mad 10:27, 28
2 Mak. 23:17Dhe 12:3; 2Mak 34:1, 4
2 Mak. 23:17Dhe 13:5; 1Mad 18:40
2 Mak. 23:181Mak 23:6, 30, 31
2 Mak. 23:18Eks 29:38; Nu 28:2
2 Mak. 23:191Mak 9:26; 26:1, 13
2 Mak. 23:202Mad 11:9
2 Mak. 23:201Mad 7:7; 2Mad 11:19, 20
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
2 Makoronike 23:1-21

Bhuku Rechipiri reMakoronike

23 Mugore rechi7, Jehoyadha akaratidza ushingi, akaita chibvumirano* nevakuru vemazana+ vaiti, Azariya mwanakomana waJerohamu, Ishmaeri mwanakomana waJehohanani, Azariya mwanakomana waObhedhi, Maaseya mwanakomana waAdhaya, naErishafati mwanakomana waZikri. 2 Vakabva vatenderera neJudha yese, vakaunganidza vaRevhi+ kubva mumaguta ese eJudha nevakuru vedzimba dzemadzibaba evaIsraeri. Pavakasvika kuJerusarema, 3 ungano yese yakaita sungano+ namambo muimba yaMwari wechokwadi, Jehoyadha achibva ati kwavari:

“Inzwai! Mwanakomana wamambo achatonga, sezvakavimbiswa naJehovha pamusoro pevanakomana vaDhavhidhi.+ 4 Izvi ndizvo zvamunofanira kuita: Munofanira kuisa vapristi nevaRevhi vanenge vari pabasa+ paSabata mumapoka matatu. Rimwe boka richachengeta pamasuo;+ 5 rimwe richava paimba yamambo,*+ uye rimwe richava paGedhi reNheyo, uye vanhu vese vachava muzvivanze zveimba yaJehovha.+ 6 Musarega chero munhu achipinda muimba yaJehovha kunze kwevapristi nevaRevhi vari kushumira.+ Ava vanobvumidzwa kupinda nekuti ivo iboka dzvene, uye vanhu vese vachaita zvavanotarisirwa naJehovha kuti vaite. 7 VaRevhi vanofanira kukomba mambo kumativi ese, mumwe nemumwe akabata zvombo zvake. Kana pakava nemunhu anopinda mumba macho anofanira kuurayiwa. Rambai muina mambo kwese kwaanoenda.”*

8 VaRevhi nevaJudha vese vakaita zvese zvakanga zvarayirwa nemupristi Jehoyadha. Saka mumwe nemumwe akatora varume vake vaiva pabasa paSabata, pamwe chete nevaya vakanga vasiri pabasa paSabata,+ nekuti mupristi Jehoyadha akanga asina kubvumira mapoka+ acho kubva pabasa. 9 Mupristi Jehoyadha akabva apa vakuru vemazana+ mapfumo nenhoo diki,* nenhoo dzeraundi izvo zvaiva zvaMambo Dhavhidhi,+ zvaiva muimba yaMwari wechokwadi.+ 10 Akabva aita kuti vanhu vese vamire, mumwe nemumwe akabata chombo chake,* kubva kudivi rerudyi reimba kusvika kudivi reruboshwe reimba yacho, pedyo neatari uye pedyo neimba, vakakomberedza mambo. 11 Vakabva vabudisa mwanakomana wamambo,+ vakamupfekedza korona uye vakaisa Chipupuriro*+ paari, vakamugadza kuti ave mambo, uye Jehoyadha nevanakomana vake vakamuzodza. Vakabva vati: “Mambo ngaarambe achirarama!”+

12 Atariya paakanzwa ruzha rwevanhu vaimhanya vachirumbidza mambo, akabva angoenda kwaiva nevanhu kuimba yaJehovha.+ 13 Akabva aona mambo amire pedyo nembiru yake ari panopindwa napo. Mambo aiva nemachinda+ nevaridzi vemabhosvo, uye vanhu vese vemunyika yacho vakanga vachipembera nemufaro,+ vachiridza mabhosvo, uye vaimbi vane zviridzwa vaitungamirira* pakurumbidza kwacho. Atariya akabva abvarura nguo dzake akashevedzera achiti: “Ndapandukirwa! Ndapandukirwa!” 14 Asi mupristi Jehoyadha akabudisa vakuru vemazana, vaya vakagadzwa kuti vatungamirire uto, akati kwavari: “Mubvisei pakati pemauto, uye kana pakava neanomutevera, muurayei nebakatwa!” Nekuti mupristi akanga ati: “Musamuurayira muimba yaJehovha.” 15 Saka vakamubata, uye paakasvika paipindwa napo, paGedhi Remabhiza reimba yamambo,* vakabva vamuurayira ipapo.

16 Jehoyadha akabva aita sungano nevanhu vese namambo yekuti vaizoramba vari vanhu vaJehovha.+ 17 Pashure paizvozvo, vanhu vese vakaenda kuimba* yaBhaari vakaiputsa,+ uye vakapwanya-pwanya atari dzake nemifananidzo yake,+ vakaurayira Metani mupristi waBhaari+ pamberi peatari dzacho. 18 Jehoyadha akabva agadza vapristi nevaRevhi kuti vatungamirire paimba yaJehovha, vaya vakanga vaiswa mumapoka naDhavhidhi kuti vashande paimba yaJehovha vachipa zvibayiro zvinopiswa zvaJehovha+ maererano nezvakanyorwa muMutemo waMozisi,+ vachifara chaizvo uye vachiimba, sezvakarayirwa naDhavhidhi. 19 Akaisawo varindi pamagedhi+ eimba yaJehovha kuti pasatombova nemunhu asina kuchena anopinda. 20 Akabva atora vakuru vemazana,+ nevakuru vakuru, nevatongi vevanhu, nevanhu vese vemunyika yacho, vakaperekedza mambo kubva kuimba yaJehovha. Vakabva vaenda kuimba yamambo nepagedhi rekumusoro, vakaita kuti mambo agare pachigaro cheumambo.+ 21 Saka vanhu vese vemunyika yacho vakafara chaizvo uye guta rakava nerunyararo, nekuti vakanga vauraya Atariya nebakatwa.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe