RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 2 Madzimambo 12
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku ra2 Madzimambo

      • Jehoashi, mambo weJudha (1-3)

      • Jehoashi anogadziridza temberi (4-16)

      • Siriya inouya kuzorwisa (17, 18)

      • Jehoashi anourayiwa (19-21)

2 Madzimambo 12:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 19:16; 2Mad 10:30
  • +2Mad 11:2; 1Mak 3:10, 11
  • +2Mak 24:1, 2

2 Madzimambo 12:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 33:52

2 Madzimambo 12:4

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “hwemweya.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 31:12
  • +Eks 30:13; 2Mak 24:9
  • +Eks 25:2; 35:21

2 Madzimambo 12:5

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “vavanozivana navo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 24:7

2 Madzimambo 12:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 24:5

2 Madzimambo 12:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 11:4; 2Mak 23:1; 24:15
  • +2Mak 24:6

2 Madzimambo 12:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 24:8; Mk 12:41; Ru 21:1
  • +2Mak 24:10

2 Madzimambo 12:10

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “voiisa muzvihomwe.” ChiHeb., “voisunga.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 24:11

2 Madzimambo 12:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 22:4-6; 2Mak 24:12

2 Madzimambo 12:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 10:2; 2Mak 5:12
  • +2Mak 24:14

2 Madzimambo 12:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 22:7

2 Madzimambo 12:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 5:15
  • +Re 7:7; Nu 18:8

2 Madzimambo 12:17

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “Hazaeri akanangisa chiso chake kunorwisa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 19:15; 2Mad 8:13; 10:32
  • +1Mak 18:1
  • +2Mak 24:23

2 Madzimambo 12:18

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nemumuzinda wamambo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 15:18; 2Mad 16:8; 18:15

2 Madzimambo 12:20

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “paBheti-miro.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 24:25, 26; 25:27
  • +2Sa 5:9; 1Mad 9:15, 24; 2Mak 32:5

2 Madzimambo 12:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 14:1, 5
  • +2Mak 24:27

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

2 Madz. 12:11Mad 19:16; 2Mad 10:30
2 Madz. 12:12Mad 11:2; 1Mak 3:10, 11
2 Madz. 12:12Mak 24:1, 2
2 Madz. 12:3Nu 33:52
2 Madz. 12:42Mak 31:12
2 Madz. 12:4Eks 30:13; 2Mak 24:9
2 Madz. 12:4Eks 25:2; 35:21
2 Madz. 12:52Mak 24:7
2 Madz. 12:62Mak 24:5
2 Madz. 12:72Mad 11:4; 2Mak 23:1; 24:15
2 Madz. 12:72Mak 24:6
2 Madz. 12:92Mak 24:8; Mk 12:41; Ru 21:1
2 Madz. 12:92Mak 24:10
2 Madz. 12:102Mak 24:11
2 Madz. 12:112Mad 22:4-6; 2Mak 24:12
2 Madz. 12:13Nu 10:2; 2Mak 5:12
2 Madz. 12:132Mak 24:14
2 Madz. 12:152Mad 22:7
2 Madz. 12:16Re 5:15
2 Madz. 12:16Re 7:7; Nu 18:8
2 Madz. 12:171Mad 19:15; 2Mad 8:13; 10:32
2 Madz. 12:171Mak 18:1
2 Madz. 12:172Mak 24:23
2 Madz. 12:181Mad 15:18; 2Mad 16:8; 18:15
2 Madz. 12:202Mak 24:25, 26; 25:27
2 Madz. 12:202Sa 5:9; 1Mad 9:15, 24; 2Mak 32:5
2 Madz. 12:212Mad 14:1, 5
2 Madz. 12:212Mak 24:27
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
2 Madzimambo 12:1-21

Bhuku Rechipiri reMadzimambo

12 Mugore rechi7 raJehu,+ Jehoashi+ akava mambo, uye akatonga kwemakore 40 muJerusarema. Amai vake vainzi Zibhiya uye vaiva vekuBheeri-shebha.+ 2 Jehoashi akaramba achiita zvakarurama pamberi paJehovha mazuva ese aaidzidziswa nemupristi Jehoyadha. 3 Zvisinei, nzvimbo dzakakwirira+ hadzina kubviswa, uye vanhu vakanga vachiri kubayira nekukwidza utsi hwezvibayiro panzvimbo dzakakwirira.

4 Jehoashi akati kuvapristi: “Torai mari yese yemipiro mitsvene inounzwa kuimba yaJehovha,+ mari inosarudzirwa munhu mumwe nemumwe,+ mari inopiwa inoenderana neukoshi hwemunhu,* nemari yese inounzwa nemunhu kuimba yaJehovha zvichibva pamwoyo pake.+ 5 Vapristi pachavo ndivo vachatora mari yacho kubva kuvanhu vanovapa,* voishandisa kugadziridza imba pese payakatsemuka.”+

6 Pakasvika gore rechi23 raMambo Jehoashi, vapristi vakanga vasati vagadziridza imba yacho.+ 7 Saka Mambo Jehoashi akashevedza mupristi Jehoyadha+ nevamwe vapristi akati kwavari: “Nei musiri kugadziridza zvakapazika paimba? Saka chiregai kutora mari kuvanhu vanokupai kunze kwekunge ichishandiswa kugadziridza imba.”+ 8 Vapristi vakabvuma kuti vaisazotorazve imwe mari kuvanhu uye kuti havasi ivo vaizoona nezvekugadziridzwa kweimba yacho.

9 Mupristi Jehoyadha akabva atora bhokisi,+ akaboora buri pachivharo charo, akariisa pedyo neatari kudivi rerudyi kana uchipinda muimba yaJehovha. Imomo ndimo maiiswa nevapristi vaichengeta masuo mari yese yaiunzwa muimba yaJehovha.+ 10 Pese pavaiona kuti mubhokisi mava nemari yakawanda, munyori wamambo nemupristi mukuru vaiuya voitora,* voverenga mari yacho yainge yaunzwa muimba yaJehovha.+ 11 Vaibva vapa mari yacho inenge yaverengwa kuvanhu vakanga vagadzwa kuti vatungamirire basa raiitwa muimba yaJehovha. Ivo vaizoishandisa kubhadhara vavezi nevavaki vainge vachishanda paimba yaJehovha,+ 12 nevanhu vaivaka nematombo nevaicheka matombo. Vakatengawo matanda nematombo akavezwa kuti vagadziridze mainge mapazika paimba yaJehovha uye vakashandisa mari yacho kubhadhara zvimwe zvese zvaidiwa pakugadziridza imba yacho.

13 Asi pamari yakaunzwa kuimba yaJehovha hapana yakashandiswa kugadzira mabheseni esirivha, nezvekudzimisa moto, ndiro, mabhosvo,+ kana mudziyo chero upi zvawo wegoridhe kana wesirivha zveimba yaJehovha.+ 14 Vaingoipa vanhu vaiita basa chete, uye vakaishandisa kugadziridza imba yaJehovha. 15 Vakanga vasingabvunzi mashandisirwo ayo kuvarume vacho vavaipa mari kuti vape vanhu vaiita basa, nekuti varume vacho vakanga vakavimbika.+ 16 Asi mari yemipiro yemhosva+ nemari yezvibayiro zvechivi, haina kuendeswa kuimba yaJehovha; yaiva yevapristi.+

17 Panguva iyoyo Hazaeri+ mambo weSiriya ndipo paakaenda kunorwa neGati+ akaitora, uye pashure paizvozvo akasarudza kurwisa* Jerusarema.+ 18 Mambo Jehoashi weJudha akabva atora mipiro mitsvene yakanga yatsaurwa nemadzitateguru ake Jehoshafati, Jehoramu, naAhaziya, iwo madzimambo eJudha, nemipiro yakewo mitsvene negoridhe rese raiva maichengeterwa pfuma yeimba yaJehovha nemuimba yamambo,* akazvitumira kuna Hazaeri mambo weSiriya.+ Saka akarega kurwisa Jerusarema.

19 Kana iri nhoroondo yese yaJehoashi, zvese zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eJudha? 20 Zvisinei, varanda vake vakabatana vachimupandukira+ uye vakauraya Jehoashi paimba yeMurwi Wevhu,*+ panzira inoenda kuSira. 21 Varanda vake Jozakari mwanakomana waShimeyati naJehozabhadhi mwanakomana waShomeri, ndivo vakamubaya vakamuuraya.+ Vakamuviga pamwe chete nemadzitateguru ake muGuta raDhavhidhi, uye mwanakomana wake Amaziya akava mambo panzvimbo yake.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe