RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 1 Samueri 12
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku ra1 Samueri

      • Mashoko aSamueri ekuonekana nevanhu (1-25)

        • ‘Musatevera zvinhu zvisina maturo’ (21)

        • Jehovha haazosiyi vanhu vake (22)

1 Samueri 12:1

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “ndateerera inzwi renyu pane.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 8:5; 10:24; 11:14, 15

1 Samueri 12:2

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “kufamba pamberi penyu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 8:20
  • +1Sa 8:1, 3
  • +1Sa 3:19

1 Samueri 12:3

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mari yepfumbamuromo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 9:16, 17; 10:1
  • +Nu 16:15
  • +Dhe 16:19
  • +Eks 22:4; Re 6:4

1 Samueri 12:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 6:26

1 Samueri 12:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 46:6
  • +Eks 2:23
  • +Eks 3:9, 10
  • +Jos 11:23

1 Samueri 12:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 32:18, 30; Vat 2:12, 14
  • +Vat 4:2
  • +Vat 10:7; 13:1
  • +Vat 3:12

1 Samueri 12:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 2:18; 3:9
  • +Vat 10:10, 15
  • +Vat 3:7
  • +Vat 2:13

1 Samueri 12:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 6:32
  • +Vat 11:1
  • +VaH 11:32
  • +Re 26:6

1 Samueri 12:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 11:1
  • +1Sa 8:5, 19
  • +Vat 8:23; 1Sa 8:7; Isa 33:22

1 Samueri 12:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 9:16, 17; 10:24

1 Samueri 12:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 10:12; 17:19
  • +Jos 24:14
  • +Dhe 13:4; 28:2

1 Samueri 12:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 26:14, 17; Dhe 28:15; Jos 24:20

1 Samueri 12:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 8:7; Ho 13:11

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Tevedzera, p. 59

    Nharireyomurindi,

    10/1/2010, p. 14

1 Samueri 12:18

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Tevedzera, p. 66

    Nharireyomurindi,

    10/1/2010, p. 18

1 Samueri 12:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 7:5; 12:23

1 Samueri 12:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 31:29; Jos 23:6; 1Sa 12:15
  • +Dhe 6:5

1 Samueri 12:21

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “zvisiri zvechokwadi.”

  • *

    Kana kuti “hazvisi zvechokwadi.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 32:21; Jer 2:11
  • +Pis 115:4, 5; Jer 16:19

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    7/15/2011, pp. 13-14

1 Samueri 12:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 6:13; Pis 94:14; VaR 11:1
  • +Jos 7:9; Pis 23:3; 106:8; Jer 14:21; Eze 20:14
  • +Eks 19:5; Dhe 7:7

1 Samueri 12:23

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    6/1/2007, pp. 28-29

1 Samueri 12:24

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “muchokwadi.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 12:14; Pis 111:10; Mup 12:13
  • +Dhe 10:12, 21

1 Samueri 12:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 24:20
  • +Dhe 28:15, 36

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

1 Sam. 12:11Sa 8:5; 10:24; 11:14, 15
1 Sam. 12:21Sa 8:20
1 Sam. 12:21Sa 8:1, 3
1 Sam. 12:21Sa 3:19
1 Sam. 12:31Sa 9:16, 17; 10:1
1 Sam. 12:3Nu 16:15
1 Sam. 12:3Dhe 16:19
1 Sam. 12:3Eks 22:4; Re 6:4
1 Sam. 12:6Eks 6:26
1 Sam. 12:8Ge 46:6
1 Sam. 12:8Eks 2:23
1 Sam. 12:8Eks 3:9, 10
1 Sam. 12:8Jos 11:23
1 Sam. 12:9Dhe 32:18, 30; Vat 2:12, 14
1 Sam. 12:9Vat 4:2
1 Sam. 12:9Vat 10:7; 13:1
1 Sam. 12:9Vat 3:12
1 Sam. 12:10Vat 2:18; 3:9
1 Sam. 12:10Vat 10:10, 15
1 Sam. 12:10Vat 3:7
1 Sam. 12:10Vat 2:13
1 Sam. 12:11Vat 6:32
1 Sam. 12:11Vat 11:1
1 Sam. 12:11VaH 11:32
1 Sam. 12:11Re 26:6
1 Sam. 12:121Sa 11:1
1 Sam. 12:121Sa 8:5, 19
1 Sam. 12:12Vat 8:23; 1Sa 8:7; Isa 33:22
1 Sam. 12:131Sa 9:16, 17; 10:24
1 Sam. 12:14Dhe 10:12; 17:19
1 Sam. 12:14Jos 24:14
1 Sam. 12:14Dhe 13:4; 28:2
1 Sam. 12:15Re 26:14, 17; Dhe 28:15; Jos 24:20
1 Sam. 12:171Sa 8:7; Ho 13:11
1 Sam. 12:191Sa 7:5; 12:23
1 Sam. 12:20Dhe 31:29; Jos 23:6; 1Sa 12:15
1 Sam. 12:20Dhe 6:5
1 Sam. 12:21Dhe 32:21; Jer 2:11
1 Sam. 12:21Pis 115:4, 5; Jer 16:19
1 Sam. 12:221Mad 6:13; Pis 94:14; VaR 11:1
1 Sam. 12:22Jos 7:9; Pis 23:3; 106:8; Jer 14:21; Eze 20:14
1 Sam. 12:22Eks 19:5; Dhe 7:7
1 Sam. 12:241Sa 12:14; Pis 111:10; Mup 12:13
1 Sam. 12:24Dhe 10:12, 21
1 Sam. 12:25Jos 24:20
1 Sam. 12:25Dhe 28:15, 36
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
1 Samueri 12:1-25

Bhuku Rekutanga raSamueri

12 Samueri akazoti kuvaIsraeri vese: “Onai ndaita* zvese zvamakandikumbira kuti ndiite, uye ndagadza mambo kuti akutongei.+ 2 Zvino heuno mambo ari kukutungamirirai!*+ Ini ndakwegura uye ndachena musoro, uye vanakomana vangu vari pano nemi,+ uye ini ndakakutungamirirai kubvira ndichiri mudiki kusvikira nhasi.+ 3 Ndini ndiri pano. Kana muine chekundipomera, taurai pamberi paJehovha uye pamberi pemuzodziwa wake:+ Ndiani wandakatorera mombe yake kana dhongi rake?+ Kana kuti ndiani wandakabiridzira kana kuti wandakadzvinyirira? Ndakagamuchira chiokomuhomwe* kubva muruoko rwaani kuti ndipe mutongo usina kururama?+ Kana ndakakuitirai izvozvo, ndichakudzorerai zvinhu zvenyu.”+ 4 Vakabva vati: “Hamuna kutibiridzira kana kutidzvinyirira, uyewo hamuna kana chinhu chamakagamuchira kubva muruoko rwemunhu.” 5 Saka akati kwavari: “Jehovha chapupu kwamuri, uye muzodziwa wake chapupu nhasi kuti hamuna kana chamawana chekundipomera.” Ivo vakati: “Iye chapupu.”

6 Saka Samueri akati kuvanhu: “Jehovha, uyo akashandisa Mozisi naAroni uye akabudisa madzitateguru enyu munyika yeIjipiti,+ ndiye chapupu. 7 Uyai mumire apa, uye ndichakutongai pamberi paJehovha maererano nemabasa ese akarurama amakaitirwa naJehovha imi nemadzitateguru enyu.

8 “Jakobho paakanga angopinda muIjipiti+ uye madzitateguru enyu paakatanga kushevedzera kuna Jehovha kuti abatsirwe,+ Jehovha akatuma Mozisi+ naAroni kuti vatungamirire madzitateguru enyu kubva muIjipiti uye kuti vaagarise munzvimbo ino.+ 9 Asi vakakanganwa Jehovha Mwari wavo, uye akavatengesa+ muruoko rwaSisera+ mukuru weuto reHazori nemuruoko rwevaFiristiya+ nemuruoko rwamambo weMoabhi,+ uye vakavarwisa. 10 Vakashevedzera kuna Jehovha kuti avabatsire+ uye vakati, ‘Takatadza,+ nekuti takasiya Jehovha tikashumira vanaBhaari+ nemifananidzo yaAshtoreti;+ asi iye zvino tinunureiwo mumaoko evavengi vedu, kuti tikushumirei.’ 11 Jehovha akabva atuma Jerubhaari+ naBhedhani naJefta+ naSamueri,+ akakununurai mumaoko evavengi venyu vaiva vakakupoteredzai, kuti mugare musina chekutya.+ 12 Pamakaona kuti Nahashi+ mambo wevaAmoni akanga auya kuzokurwisai, makaramba muchiti kwandiri, ‘Aiwa, isu tiri kutoda mambo anotitonga!’+ kunyange zvazvo Jehovha Mwari wenyu ari Mambo wenyu.+ 13 Zvino heuno mambo wamaida, wamakakumbira. Onai! Jehovha akugadzirai mambo.+ 14 Kana mukatya Jehovha+ momushumira+ uye moteerera inzwi rake,+ morega kupandukira murayiro waJehovha, uye kana imi namambo anokutongai mukatevera Jehovha Mwari wenyu, zvakanaka. 15 Asi kana mukarega kuteerera inzwi raJehovha, mopandukira murayiro waJehovha, ruoko rwaJehovha rucharwa nemi nemadzibaba enyu.+ 16 Uyai mumire apa muone zvinhu izvi zvikuru zviri kuitwa naJehovha pamberi penyu. 17 Nhasi harisi zuva rekukohwa gorosi here? Ndichashevedzera kuna Jehovha kuti aunze mabhanan’ana nemvura; mubve maziva uye manzwisisa kuti makaita zvakaipa chaizvo pamberi paJehovha pamakakumbira mambo.”+

18 Samueri akabva ashevedzera kuna Jehovha, uye Jehovha akaunza mabhanan’ana nemvura zuva iroro, zvekuti vanhu vese vakatya Jehovha naSamueri kwazvo. 19 Vanhu vese vakati kuna Samueri: “Nyengetererai vashumiri venyu kuna Jehovha Mwari wenyu,+ nekuti hatidi kufa; nekuti tawedzera chimwe chinhu chakaipa pazvivi zvedu zvese nekukumbira kwedu kuva namambo.”

20 Saka Samueri akati kuvanhu: “Musatya. Chokwadi makaita zvinhu zvese izvi zvakaipa. Asi musangotsauka chete pakutevera Jehovha,+ uye shumirai Jehovha nemwoyo yenyu yese.+ 21 Musatsauka muchitevera zvinhu zvisina maturo,*+ zvisingabatsiri+ uye zvisinganunuri, nekuti hazvina maturo.* 22 Jehovha haazosiyi vanhu vake+ nemhaka yezita rake guru,+ nekuti Jehovha pachake ndiye akakusarudzai kuti muve vanhu vake.+ 23 Kana ndiri ini, handingambofungi zvakadaro kuti nditadzire Jehovha nekurega kukunyengetererai, uye ndicharamba ndichikurayiridzai munzira yakanaka neyakarurama. 24 Imi ingotyai Jehovha,+ momushumira makatendeka* nemwoyo yenyu yese, muchifunga zvinhu zvikuru zvaakakuitirai.+ 25 Asi kana mukaomesa misoro yenyu muchiita zvakaipa, muchaparadzwa,+ imi namambo wenyu.”+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe