RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Genesisi 23
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raGenesisi

      • Kufa kwaSara uye kutengwa kwenzvimbo yemakuva (1-20)

Genesisi 23:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 17:17

Genesisi 23:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 14:15
  • +Ge 35:27; Nu 13:22
  • +Ge 12:5

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yeveruzhinji),

    nha. 3 2016, p. 4

    Nharireyomurindi,

    6/1/1995, p. 7

    Mukai!,

    5/8/1994, p. 30

Genesisi 23:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 10:15

Genesisi 23:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 17:1, 8; VaH 11:9, 13

Genesisi 23:6

Mashoko Emuzasi

  • *

    Dzimwe shanduro dzinoti, “muchinda mukuru.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 21:22

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/15/2001, pp. 21-22

Genesisi 23:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 1:13

Genesisi 23:8

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Kana mweya yenyu ichibvuma.”

Genesisi 23:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 23:15
  • +Ge 25:9, 10; 49:29-33; 50:13, 14

Genesisi 23:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Rut 4:1

Genesisi 23:15

Mashoko Emuzasi

  • *

    Shekeri rimwe chete rainge rakaenzana nemagiramu 11,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Genesisi 23:16

Mashoko Emuzasi

  • *

    Shekeri rimwe chete rainge rakaenzana nemagiramu 11,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mab 7:15, 16

Genesisi 23:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 25:9, 10; 49:29-33; 50:13, 14

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    6/15/1994, p. 32

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Gen. 23:1Ge 17:17
Gen. 23:2Jos 14:15
Gen. 23:2Ge 35:27; Nu 13:22
Gen. 23:2Ge 12:5
Gen. 23:3Ge 10:15
Gen. 23:4Ge 17:1, 8; VaH 11:9, 13
Gen. 23:6Ge 21:22
Gen. 23:71Mak 1:13
Gen. 23:9Ge 23:15
Gen. 23:9Ge 25:9, 10; 49:29-33; 50:13, 14
Gen. 23:10Rut 4:1
Gen. 23:16Mab 7:15, 16
Gen. 23:20Ge 25:9, 10; 49:29-33; 50:13, 14
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Genesisi 23:1-20

Genesisi

23 Aya ndiwo makore akararama Sara;+ akararama makore 127. 2 Saka Sara akafira muKiriyati-abha,+ kureva Hebroni,+ munyika yeKenani+ uye Abrahamu akatanga kuchema Sara achisvimha misodzi. 3 Abrahamu akabva paiva nechitunha chemudzimai wake akataura nevanakomana vaHeti+ kuti: 4 “Ndiri mutorwa uye mubvakure pakati penyu.+ Ndipeiwo nzvimbo yemakuva munyika menyu kuti ndivige mudzimai wangu.” 5 Vanakomana vaHeti vakapindura Abrahamu kuti: 6 “Inzwai, ishe wangu. Muri jinda raMwari* pakati pedu.+ Munogona kuviga mudzimai wenyu munzvimbo dzedu dzemakuva dzakanakisisa. Hapana mumwe wedu achakunyimai nzvimbo yake yemakuva kuti akutadzisei kuviga mudzimai wenyu.”

7 Saka Abrahamu akasimuka, akabva akotama pamberi pevanhu vemunyika yacho, vanakomana vaHeti,+ 8 akati kwavari: “Kana muchibvuma* kuti ndivige mudzimai wangu, nditeererei uye ndikumbirirei Efroni mwanakomana waZohari, 9 kuti anditengesere bako rake reMakapera riri pamucheto wemunda wake. Ngaanditengesere imi muchiona ndomupa masirivha+ anoenderana nemutengo waro kuitira kuti ndive nepandinoviga vanhu vekwangu.”+

10 Efroni wacho akanga akagara pakati pevanakomana vaHeti. Saka Efroni muHiti akapindura Abrahamu pamberi pevanakomana vaHeti nevamwe vese vaipinda pagedhi reguta rake,+ achiti: 11 “Aiwa, ishe wangu! Inzwai. Ndinokupai munda wacho, pamwe nebako riri mauri. Ndinokupai vanakomana vevanhu vekwangu vachizviona. Vigai mudzimai wenyu.” 12 Abrahamu akabva akotama pamberi pevanhu vemunyika yacho 13 akataura naEfroni vanhu vachinzwa, achiti: “Dai wanditeererawo! Ndichakupa masirivha anoenderana nemutengo wemunda wacho. Atore, kuti ndivige vanhu vekwangu imomo.”

14 Efroni akabva apindura Abrahamu, achiti: 15 “Inzwai ishe wangu. Munda uyu unokosha mashekeri* esirivha 400, uye chii ichocho pakati pangu nemi? Saka vigai mudzimai wenyu.” 16 Abrahamu akabvuma zvakataurwa naEfroni, ndokumuyerera masirivha aakanga ataura, vanakomana vaHeti vachinzwa, mashekeri* esirivha 400 maererano neuremu hwaibvumiranwa nevatengesi.+ 17 Saka munda waEfroni wekuMakapera, waiva pakatarisana neMamre, nebako raiva mauri nemiti yese yaiva mukati memiganhu yemunda wacho, zvakaziviswa 18 pamberi pevanakomana vaHeti, nevamwe vese vaipinda negedhi reguta rake kuti zvakanga zvatengwa naAbrahamu. 19 Pashure paizvozvo Abrahamu akaviga mudzimai wake Sara mubako remumunda weMakapera pakatarisana neMamre, kureva Hebroni, munyika yeKenani. 20 Saka munda wacho nebako raiva mauri zvakaiswa nevanakomana vaHeti mumaoko aAbrahamu kuti ive nzvimbo yake yemakuva.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe