RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Eksodho 27
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raEksodho

      • Atari yezvibayiro zvinopiswa (1-8)

      • Chivanze (9-19)

      • Mafuta emarambi (20, 21)

Eksodho 27:1

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kubhiti rakanga rakaenzana nemasendimita 44,5. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 40:29; 2Mak 4:1; VaH 13:10
  • +Eks 38:1-7

Eksodho 27:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 4:25
  • +1Mad 8:64

Eksodho 27:3

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “madota ayo ane mafuta,” kureva, madota anenge akazara mafuta ezvibayiro.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 7:45

Eksodho 27:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 4:14, 15

Eksodho 27:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 25:40; 1Mak 28:12; Mab 7:44; VaH 8:5

Eksodho 27:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 40:8; 1Mad 6:36
  • +Eks 38:9-15

Eksodho 27:10

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nemarin’i azvo” ekukochekera.

Eksodho 27:11

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nemarin’i azvo” ekukochekera.

Eksodho 27:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 39:33, 40

Eksodho 27:16

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mvere dzemakwai dzakadhayiwa neruvara rwepepuru yakatsvukuruka.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 38:18, 19
  • +Eks 35:25

Eksodho 27:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 38:17

Eksodho 27:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 27:9

Eksodho 27:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 38:20; Nu 3:36, 37

Eksodho 27:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 39:33, 37; Re 24:1-3

Eksodho 27:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 26:33; 40:3; VaH 9:2, 3
  • +Eks 30:8
  • +Nu 18:23

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Eks. 27:1Eks 40:29; 2Mak 4:1; VaH 13:10
Eks. 27:1Eks 38:1-7
Eks. 27:2Re 4:25
Eks. 27:21Mad 8:64
Eks. 27:31Mad 7:45
Eks. 27:7Nu 4:14, 15
Eks. 27:8Eks 25:40; 1Mak 28:12; Mab 7:44; VaH 8:5
Eks. 27:9Eks 40:8; 1Mad 6:36
Eks. 27:9Eks 38:9-15
Eks. 27:14Eks 39:33, 40
Eks. 27:16Eks 38:18, 19
Eks. 27:16Eks 35:25
Eks. 27:17Eks 38:17
Eks. 27:18Eks 27:9
Eks. 27:19Eks 38:20; Nu 3:36, 37
Eks. 27:20Eks 39:33, 37; Re 24:1-3
Eks. 27:21Eks 26:33; 40:3; VaH 9:2, 3
Eks. 27:21Eks 30:8
Eks. 27:21Nu 18:23
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Eksodho 27:1-21

Eksodho

27 “Ugadzire atari yemubayamhondoro;+ inofanira kunge yakareba makubhiti* mashanu, uye yakafara makubhiti mashanu. Atari yacho inofanira kuva nemativi mana akaenzana, uye yakakwirira makubhiti matatu.+ 2 Ugadzire nyanga+ pamakona ayo mana; nyanga dzacho dzinofanira kunge dzakagadzirwa pamwe neatari yacho, uye uise atari yacho yese mhangura.+ 3 Ugadzire migomo yekuisira madota ayo,* pamwe nemafoshoro, ndiro, maforogo, nemidziyo yekuisira moto, uye ugadzire midziyo yayo yese nemhangura.+ 4 Uigadzirire sefa yakaitwa nemhangura dzakarukana-rukana, uye ugadzire marin’i mana pamakona mana esefa yacho. 5 Uipfekere mukati ichitangira nechepazasi pemupendero weatari, ichisvika pakati peatari yacho. 6 Ugadzire mapango emubayamhondoro epaatari, woaisa mhangura. 7 Mapango acho achapfekerwa mumarin’i kuitira kuti mapango acho ange ari kumativi maviri eatari painotakurwa.+ 8 Ugadzire atari yacho yakaita sebhokisi remapuranga rakavhurika. Inofanira kugadzirwa sezvaakakuratidza mugomo chaizvo.+

9 “Ugadzire chivanze+ chetebhenekeri. Kurutivi rwakatarisa kumaodzanyemba, chivanze chacho chichava nemaketeni anorembera akagadzirwa nejira reshinda chena yakakoswa, rutivi irworwo rwakareba makubhiti 100.+ 10 Chichange chiine mbiru 20 nezvigadziko 20 zvemhangura. Zvekukochekera zvembiru nezvekuzvibatanidza nazvo* ngazvive zvesirivha. 11 Maketeni anorembera ekuchamhembe achange akarebawo makubhiti 100, aine mbiru dzawo 20 nezvigadziko zvadzo 20 zvemhangura, nezvekukochekera nezvekuzvibatanidza nazvo* zvesirivha. 12 Panofanira kuva nemaketeni anorembera kurutivi rupfupi rwechivanze rwakatarisa kumavirira, akareba makubhiti 50, aine mbiru 10 nezvigadziko zvadzo 10. 13 Rutivi rupfupi rwechivanze rwakatarisa kumabvazuva rwakareba makubhiti 50. 14 Panofanira kuva nemakubhiti 15 emaketeni anorembera kurudyi rwepekupinda napo, aine mbiru nhatu nezvigadziko zvitatu.+ 15 Uye kuruboshwe rwepekupinda napo kuchava nemakubhiti 15 emaketeni anorembera, aine mbiru nhatu nezvigadziko zvitatu.

16 “Pekupinda napo muchivanze panofanira kuva neketeni rekuvhara naro rine mbiru ina nezvigadziko zvadzo zvina,+ rakareba makubhiti 20, rakagadzirwa neshinda yebhuruu, shinda yepepuru,* shinda tsvuku nejira rakagadzirwa neshinda chena yakakoswa.+ 17 Mbiru dzese dzakapoteredza chivanze ngadzive nezvekusungisa zvesirivha, uye zvekukochekera nazvo zvesirivha asi zvigadziko zvadzo ngazvive zvemhangura.+ 18 Chivanze chacho chinofanira kunge chakareba makubhiti 100,+ chakafara makubhiti 50, uye jira rakagadzirwa neshinda chena yakakoswa rinenge rakachikomberedza rinofanira kunge rakareba makubhiti 5 kuenda mudenga, uye chinofanira kuva nezvigadziko zvemhangura. 19 Midziyo yese nezvinhu zvese zvinoshandiswa pabasa repatebhenekeri, kusanganisira hoko dzayo dzetende, nehoko dzese dzechivanze zvinofanira kuva zvemhangura.+

20 “Unofanira kurayira vaIsraeri kuti vakuunzire mafuta akasvinwa mumaorivhi, akachena, ekuisa mumarambi kuti agare achibvira.+ 21 Mutende rekusanganira, kunze kweketeni riri pedyo neChipupuriro,+ Aroni nevanakomana vake vanofanira kuita kuti marambi agare achibvira kubva manheru kusvikira mangwanani pamberi paJehovha.+ Uyu murau uchagara uripo kwezvizvarwa zvavo zvese uye unofanira kuchengetwa nevaIsraeri.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe