RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Eksodho 39
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raEksodho

      • Kugadzira nguo dzemupristi (1)

      • Efodhi (2-7)

      • Homwe yepachipfuva (8-21)

      • Nguo isina maoko (22-26)

      • Dzimwe nguo dzevapristi (27-29)

      • Karata kanopenya kegoridhe (30, 31)

      • Mozisi anoongorora tebhenekeri (32-43)

Eksodho 39:1

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mvere dzemakwai dzakadhayiwa neruvara rwepepuru yakatsvukuruka.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 35:23
  • +Eks 28:4, 5; 29:5; 35:10, 19

Eksodho 39:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 28:6-8; Re 8:7

Eksodho 39:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 29:5

Eksodho 39:6

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “pachisimbiso.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 28:9, 10

Eksodho 39:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 28:12

Eksodho 39:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 8:8
  • +Eks 28:15-21

Eksodho 39:9

Mashoko Emuzasi

  • *

    Anenge masendimita 22,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Eksodho 39:12

Mashoko Emuzasi

  • *

    Dombo iri rinokosha harizivikanwi kuti rakanga rakaita sei.

Eksodho 39:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 28:22-25

Eksodho 39:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 28:26-28

Eksodho 39:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 28:31-35

Eksodho 39:24

Mashoko Emuzasi

  • *

    Pomegraneti muchero wakada kuita mutsvuku uye unoratidzika seapuro. Vamwe vanouti chibage cheChirungu.

Eksodho 39:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 28:39, 40

Eksodho 39:28

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “zvipfeko zvemukati.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 28:4
  • +Eks 29:8, 9
  • +Eks 28:42

Eksodho 39:30

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “chiratidzo chitsvene chekuzvitsaurira kwaAroni kuna Mwari.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 28:36, 37; Re 8:9

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Shanduro yeNyika Itsva (2019), p. 1953

Eksodho 39:32

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 25:40; VaH 8:5

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    12/15/1995, pp. 12-13

Eksodho 39:33

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 36:8
  • +Eks 36:14
  • +Eks 36:18
  • +Eks 36:20
  • +Eks 36:31
  • +Eks 36:24

Eksodho 39:34

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona mashoko emuzasi ari pana Eks 25:5.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 36:19
  • +Eks 36:35

Eksodho 39:35

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 37:1, 4
  • +Eks 37:6

Eksodho 39:36

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 37:10, 16

Eksodho 39:37

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 37:17, 23
  • +Eks 25:38
  • +Eks 35:27, 28

Eksodho 39:38

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 37:25
  • +Eks 37:29
  • +Eks 30:34, 35
  • +Eks 36:37

Eksodho 39:39

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 38:1, 4
  • +Eks 38:6
  • +Eks 38:30
  • +Eks 30:18; 38:8

Eksodho 39:40

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 38:9-11
  • +Eks 38:18
  • +Eks 38:20

Eksodho 39:41

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 28:3

Eksodho 39:42

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 35:10; 36:1

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Eks. 39:1Eks 35:23
Eks. 39:1Eks 28:4, 5; 29:5; 35:10, 19
Eks. 39:2Eks 28:6-8; Re 8:7
Eks. 39:5Eks 29:5
Eks. 39:6Eks 28:9, 10
Eks. 39:7Eks 28:12
Eks. 39:8Re 8:8
Eks. 39:8Eks 28:15-21
Eks. 39:15Eks 28:22-25
Eks. 39:19Eks 28:26-28
Eks. 39:22Eks 28:31-35
Eks. 39:27Eks 28:39, 40
Eks. 39:28Eks 28:4
Eks. 39:28Eks 29:8, 9
Eks. 39:28Eks 28:42
Eks. 39:30Eks 28:36, 37; Re 8:9
Eks. 39:32Eks 25:40; VaH 8:5
Eks. 39:33Eks 36:8
Eks. 39:33Eks 36:14
Eks. 39:33Eks 36:18
Eks. 39:33Eks 36:20
Eks. 39:33Eks 36:31
Eks. 39:33Eks 36:24
Eks. 39:34Eks 36:19
Eks. 39:34Eks 36:35
Eks. 39:35Eks 37:1, 4
Eks. 39:35Eks 37:6
Eks. 39:36Eks 37:10, 16
Eks. 39:37Eks 37:17, 23
Eks. 39:37Eks 25:38
Eks. 39:37Eks 35:27, 28
Eks. 39:38Eks 37:25
Eks. 39:38Eks 37:29
Eks. 39:38Eks 30:34, 35
Eks. 39:38Eks 36:37
Eks. 39:39Eks 38:1, 4
Eks. 39:39Eks 38:6
Eks. 39:39Eks 38:30
Eks. 39:39Eks 30:18; 38:8
Eks. 39:40Eks 38:9-11
Eks. 39:40Eks 38:18
Eks. 39:40Eks 38:20
Eks. 39:41Eks 28:3
Eks. 39:42Eks 35:10; 36:1
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
  • 35
  • 36
  • 37
  • 38
  • 39
  • 40
  • 41
  • 42
  • 43
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Eksodho 39:1-43

Eksodho

39 Vachishandisa shinda yebhuruu, shinda yepepuru,* neshinda tsvuku,+ vakagadzira nguo dzakarukwa zvakanaka dzekushumira nadzo munzvimbo tsvene. Vakagadzirira Aroni+ nguo tsvene, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.

2 Akagadzira efodhi+ achishandisa goridhe, shinda yebhuruu, shinda yepepuru, shinda tsvuku, nejira rakagadzirwa neshinda chena yakakoswa. 3 Vakashandisa sando kupfura goridhe kuti rive tumarata tutetetete, uye iye akaacheka kuva tutambo twekurukirira pamwe chete neshinda yebhuruu, shinda yepepuru, shinda tsvuku, neshinda chena yakanaka, uye twakashandiswa pakumenda. 4 Vakaigadzirira zvidimbu zvemachira zvepamapfudzi zvaibatanidzwa kumicheto yayo miviri nechekumusoro. 5 Uye bhandi rakarukwa, rakasonererwa paefodhi, rekuisunga kuti ibate,+ rakagadzirwa nezvinhu zvimwe chetezvo zvakagadziriswa efodhi yacho zvinoti: goridhe, shinda yebhuruu, shinda yepepuru, shinda tsvuku, nejira rakagadzirwa neshinda chena yakakoswa, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.

6 Vakabva vaisa matombo eonikisi muzvibatiso zvegoridhe, ndokunyora paari mazita evanakomana vaIsraeri vachiita zvekutemera, sezvinoitwa panotemerwa mashoko pachidhindo.*+ 7 Akaaisa pazvidimbu zvemachira eefodhi epamapfudzi, kuti ave matombo ekuyeuchidza vanakomana vaIsraeri,+ sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. 8 Akabva agadzira homwe yepachipfuva+ yakaita zvekumendwa, semagadzirirwo akaitwa efodhi, achishandisa goridhe, shinda yebhuruu, shinda yepepuru, shinda tsvuku, nejira rakagadzirwa neshinda chena yakakoswa.+ 9 Yaiva nemativi mana akaenzana kana yapetwa. Vakagadzira homwe yepachipfuva yaiti kana yapetwa yakanga yakareba uye yakafara sipani* imwe chete. 10 Vakaisa pairi mitsara mina yematombo. Mutsara wekutanga waiva nerubhi, topazi, neemaradhi. 11 Mutsara wechipiri waiva netekoizi, safaya, nejaspa. 12 Mutsara wechitatu waiva nereshemu,* agati, neametesti. 13 Uye mutsara wechina waiva nekrisoriti, onikisi, nejedhi. Akanga akaiswa mutumafuremu twegoridhe. 14 Matombo acho aienderana nemazita evanakomana 12 vaIsraeri, uye mazita acho akanga akanyorwa achiita zvekutemerwa sezvinoitwa panonyorwa mashoko pachidhindo, zita rimwe nerimwe richimiririra rimwe remadzinza acho 12.

15 Vakabva vagadzira cheni dzakamonwa pahomwe yepachipfuva, dzakaita setambo dzegoridhe rakanatswa.+ 16 Uye vakagadzira zvibatiso zviviri zvegoridhe nemarin’i maviri egoridhe uye vakaisa marin’i acho maviri kumakona kwehomwe yepachipfuva. 17 Pashure paizvozvo vakapinza tambo dzacho mbiri dzegoridhe nemumarin’i maviri aiva kumicheto yehomwe yepachipfuva. 18 Vakabva vapinza miromo miviri yetambo dzacho mbiri nemuzvibatiso zviviri, ndokuita kuti zvibate machira epamapfudzi eefodhi, nechekumberi. 19 Vakazogadzira marin’i maviri egoridhe, ndokuaisa kumicheto miviri iri nechemukati mehomwe yacho kwakagumha efodhi.+ 20 Vakabva vagadzira mamwe marin’i maviri egoridhe pamberi peefodhi, pazasi pemachira maviri epamapfudzi, pedyo nepaanobatana nayo, pamusoro pebhandi rakarukwa reefodhi. 21 Vakazopedzisira nekusunga homwe yepachipfuva netambo yebhuruu ichibva pamarin’i ayo ichipinda mumarin’i eefodhi, kuti homwe yepachipfuva igare iri panzvimbo payo paefodhi, pamusoro pebhandi rakarukwa, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.

22 Akabva agadzira nguo isina maoko yekupfeka pasi peefodhi, yakarukwa nemugadziri wemachira neshinda yebhuruu chete.+ 23 Yakanga iine pakavhurika nechepakati payo sezvakaita penguo yemurwi yesimbi. Pakavhurika pacho pakanga paine mupendero unopatenderedza, kuti pasabvaruka. 24 Vakazoisa pamupendero wenguo yacho isina maoko mapomegraneti* akagadzirwa neshinda yebhuruu, shinda yepepuru, neshinda tsvuku, zvakakoswa pamwe chete. 25 Uye vakagadzira mabhero egoridhe rakanatswa ndokuaisa pakati pemapomegraneti achitenderera mupendero wacho wese wenguo isina maoko, pakati pemapomegraneti; 26 aitevedzana achiti apa bhero regoridhe apa pomegraneti, apa bhero regoridhe apa pomegraneti, achitenderera mupendero wese wenguo yacho isina maoko, yaishandiswa pakushumira, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.

27 Uye vakagadzirira Aroni nevanakomana vake nguo refu yejira rakanaka rakarukwa nemunhu anogadzira machira,+ 28 nengowani+ yejira rakanaka, machira ekushongedza musoro,+ zvikabudura* zvejira+ rakanaka rakagadzirwa neshinda chena yakakoswa, 29 nebhandi rejira rakanaka rakagadzirwa neshinda chena yakakoswa, shinda yebhuruu, shinda yepepuru, uye shinda tsvuku, zvakarukwa pamwe chete, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.

30 Vakazopedzisira nekugadzira karata kanopenya, karata katsvene kegoridhe,* ndokukanyora vachiita zvekutemera sezvinoitwa pachidhindo, mashoko ekuti: “Utsvene ndehwaJehovha.”+ 31 Vakakasungirira tambo yakagadzirwa neshinda yebhuruu kuti vakaise pangowani, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.

32 Saka basa rese retebhenekeri, iro tende rekusanganira, rakapera, uye vaIsraeri vakaita zvese zvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.+ Vakaita izvozvo chaizvo.

33 Vakabva vauya netebhenekeri+ kuna Mozisi, tende+ nemidziyo yaro yese: zvekukochekera nazvo zvayo,+ mafuremu ayo,+ mbariro dzayo+ nembiru dzayo nezvigadziko zvayo;+ 34 chekuifukidza chematehwe emakondohwe akaiswa ruvara rutsvuku,+ chekuifukidza chematehwe akapfava,* keteni rekuvharisa;+ 35 areka yeChipupuriro nemapango ayo+ nechekuikwidibirisa;+ 36 tafura, midziyo yayo yese+ nechingwa chekuratidza; 37 chigadziko chemarambi chegoridhe rakanatswa, marambi acho+ akarongwa mumutsara, nemidziyo yacho yese+ nemafuta ekuvhenekesa;+ 38 atari+ yegoridhe, mafuta ekuzodza nawo,+ rusenzi inonhuhwirira,+ keteni rekuvharisa+ musuo wetende; 39 atari yemhangura+ nesefa yayo yemhangura, mapango ayo,+ midziyo yayo yese,+ mudziyo wekuisira mvura yekugeza nepekuugadzika;+ 40 maketeni anorembera echivanze, mbiru dzacho nezvigadziko zvacho,+ keteni rekuvharisa+ musuo wechivanze, tambo dzacho dzetende nehoko dzacho+ nemidziyo yese yebasa repatebhenekeri, patende rekusanganira; 41 nguo dzakarukwa zvakanaka dzekushumira nadzo munzvimbo tsvene, nguo tsvene dzemupristi Aroni,+ nenguo dzevanakomana vake dzekuti vashumire sevapristi.

42 VaIsraeri vakaita basa rese vachitevedzera zvese zvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.+ 43 Mozisi paakaongorora basa rese ravakanga vaita, akaona kuti vakanga vaita zvakanga zvarayirwa naJehovha chaizvo; uye Mozisi akavakomborera.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe