RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Jeremiya 30
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri mubhuku Jeremiya

      • Vimbiso yekudzoswa uye yekuporeswa (1-24)

Jeremiya 30:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 30:3; Eze 39:25
  • +Ezr 2:1; Jer 29:14; 32:44; Eze 20:42; Amo 9:14

Jeremiya 30:6

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “padumbu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 4:31; Mik 4:9

Jeremiya 30:7

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “iguru.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Joe 2:11; Zef 1:14

Jeremiya 30:8

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “tambo dzako.”

  • *

    Kana kuti “vekune imwe nyika.”

  • *

    Kana kuti “havazovaitizve varanda vavo.”

Jeremiya 30:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 34:23; 37:24; Ho 3:5

Jeremiya 30:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 41:13
  • +Isa 49:25; Jer 3:18
  • +Jer 33:16; Eze 34:25; Ho 2:18; Mik 4:4

Jeremiya 30:11

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Ndichakururamisa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 50:29; 51:24
  • +Re 26:44; Ne 9:31; Mari 3:22; Amo 9:8
  • +Eks 34:6, 7; Jer 46:27, 28

Jeremiya 30:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 36:15, 16; Isa 6:10; Jer 8:21, 22

Jeremiya 30:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mari 1:2, 19
  • +Mari 2:5
  • +Jer 5:6

Jeremiya 30:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 36:14

Jeremiya 30:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 41:11; Jer 25:12
  • +Jer 51:29, 56; Mik 5:9
  • +Zek 2:8, 9

Jeremiya 30:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 102:13; Jer 33:6, 7
  • +Mari 2:15

Jeremiya 30:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 85:1; Jer 24:6; 29:10
  • +Mik 4:8

Jeremiya 30:19

Mashoko Emuzasi

  • *

    Dzimwe shanduro dzinoti, “vakudzwe.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ezr 3:12; Ne 8:17; Isa 35:10
  • +Dhe 30:5; Isa 27:6; Zek 10:8
  • +Isa 60:22; Mik 4:7

Jeremiya 30:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 1:26
  • +Isa 49:26; Jer 50:18

Jeremiya 30:21

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “aizopa mwoyo wake sechibatiso.”

Jeremiya 30:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ho 2:23
  • +Jer 31:1; Eze 11:20; 36:28

Jeremiya 30:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 25:32

Jeremiya 30:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 4:28
  • +Jer 23:20

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Jer. 30:3Dhe 30:3; Eze 39:25
Jer. 30:3Ezr 2:1; Jer 29:14; 32:44; Eze 20:42; Amo 9:14
Jer. 30:6Jer 4:31; Mik 4:9
Jer. 30:7Joe 2:11; Zef 1:14
Jer. 30:9Eze 34:23; 37:24; Ho 3:5
Jer. 30:10Isa 41:13
Jer. 30:10Isa 49:25; Jer 3:18
Jer. 30:10Jer 33:16; Eze 34:25; Ho 2:18; Mik 4:4
Jer. 30:11Jer 50:29; 51:24
Jer. 30:11Re 26:44; Ne 9:31; Mari 3:22; Amo 9:8
Jer. 30:11Eks 34:6, 7; Jer 46:27, 28
Jer. 30:122Mak 36:15, 16; Isa 6:10; Jer 8:21, 22
Jer. 30:14Mari 1:2, 19
Jer. 30:14Mari 2:5
Jer. 30:14Jer 5:6
Jer. 30:152Mak 36:14
Jer. 30:16Isa 41:11; Jer 25:12
Jer. 30:16Jer 51:29, 56; Mik 5:9
Jer. 30:16Zek 2:8, 9
Jer. 30:17Pis 102:13; Jer 33:6, 7
Jer. 30:17Mari 2:15
Jer. 30:18Pis 85:1; Jer 24:6; 29:10
Jer. 30:18Mik 4:8
Jer. 30:19Ezr 3:12; Ne 8:17; Isa 35:10
Jer. 30:19Dhe 30:5; Isa 27:6; Zek 10:8
Jer. 30:19Isa 60:22; Mik 4:7
Jer. 30:20Isa 1:26
Jer. 30:20Isa 49:26; Jer 50:18
Jer. 30:22Ho 2:23
Jer. 30:22Jer 31:1; Eze 11:20; 36:28
Jer. 30:23Jer 25:32
Jer. 30:24Jer 4:28
Jer. 30:24Jer 23:20
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Jeremiya 30:1-24

Jeremiya

30 Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha, richiti: 2 “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri, ‘Nyora mubhuku mashoko ese andinokuudza. 3 Nekuti “mazuva achasvika,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “andichaunganidza vanhu vangu vakatapwa, vaIsraeri nevaJudha,”+ anodaro Jehovha, “uye ndichavadzosa kunyika yandakapa madzitateguru avo, uye ichava yavo zvakare.”’”+

4 Aya ndiwo mashoko akataurwa naJehovha kuna Israeri naJudha.

 5 Zvanzi naJehovha:

“Tanzwa ruzha rwekudedera;

Pane kutya kukuru, uye hapana rugare.

 6 Ndapota, bvunzai kuti murume angasununguka mwana here?

Saka nei ndiri kuona murume wese ane simba akabata muchiuno*

Semukadzi ari kusununguka?+

Nei zviso zvese zvachenuruka?

 7 Inhamo chaiyo! Nekuti zuva racho rinotyisa.*+

Hakuna rimwe rakafanana naro,

Inguva yekutambudzika kwaJakobho.

Asi iye achaponeswa pazuva racho.”

8 “Uye pazuva iroro,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto, “ndichatyora joko ndichiribvisa pamutsipa wako, uye ndichadambura zvitorobho zvako;* uye vatorwa* havazomuitizve muranda wavo.* 9 Vachashumira Jehovha Mwari wavo naDhavhidhi mambo wavo wandichavamutsira.”+

10 “Uye iwe Jakobho mushumiri wangu, usatya,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha,

“Uye usavhunduka, haiwa iwe Israeri.+

Nekuti ndichakuponesa ndichikubvisa kure

Uye vana vako ndichivabvisa kunyika yavari nhapwa.+

Jakobho achadzoka ogara zvakanaka, pasina chinomunetsa,

Pasina anovatyisa.”+

11 “Nekuti ndinewe,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “kuti ndikuponese.

Asi ndichaparadza marudzi ese andakakuparadzira kwaari;+

Asi iwe handizokuparadzi.+

Ndichakuranga* zvakafanira,

Uye handizombokuregi usina kurangwa.”+

12 Nekuti zvanzi naJehovha:

“Hapana chinorapa pawakatyoka.+

Ronda rako harirapiki.

13 Hapana anokutetererera mhosva yako,

Ronda rako harirapiki.

Hapana mushonga unokurapa.

14 Vese vaikuda kwazvo vakukanganwa.+

Havachakutsvagi.

Nekuti ndakurova neshamhu yakafanana neyemuvengi,+

Nekuranga kwemunhu ane utsinye,

Nemhaka yekukura kwemhosva yako uye kuwanda kwezvivi zvako.+

15 Nei uchichema nekutyoka kwawakaita?

Marwadzo ako haarapiki!

Ndakuitira izvi

Nemhaka yekukura kwemhosva yako uye kuwanda kwezvivi+ zvako.

16 Saka vaya vese vanokuparadza vachaparadzwa,+

Uye vavengi vako vese vachatapwawo.+

Vaya vanokutorera zvinhu nechisimba vachatorerwawo nechisimba,

Uye ndichaita kuti vese vanopamba zvinhu zvako vapambwewo.”+

17 “Asi ndichaita kuti uvezve neutano uye ndicharapa maronda ako,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha,

“Kunyange zvazvo vaikudana kuti nyakurambwa:

‘Ziyoni, nzvimbo isina anoitsvaga.’”+

18 Zvanzi naJehovha:

“Ndiri kuunganidza nhapwa dzematende aJakobho,+

Uye ndichanzwira tsitsi tebhenekeri dzake.

Guta racho richavakwazve pachikomo charo,+

Uye shongwe yakasimba ichamira panzvimbo yayo yakakodzera.

19 Uye kwavari kuchabva kuonga nemanzwi ekuseka.+

Ndichaita kuti vawande, uye havazovi vashoma;+

Ndichaita kuti vawande chaizvo,*

Uye havazovi rudzi rudiki.+

20 Vanakomana vake vachaita sezvavaiva kare,

Uye ungano yake ichasimbiswa kwazvo pamberi pangu.+

Ndicharanga vadzvinyiriri vake vese.+

21 Mukuru wake achava mumwe wevanhu vake,

Uye mutongi wake achagadzwa achibva pavanhu vake.

Ndichaita kuti auye pedyo, uye achauya kwandiri.”

“Nekuti pasina izvozvo ndiani aizoshinga* kuuya kwandiri?” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.

22 “Muchava vanhu vangu,+ uye ini ndichava Mwari wenyu.”+

23 Inzwai! Dutu raJehovha richabuda nehasha,+

Icho chamupupuri chine simba chinotenderera pamisoro yevakaipa.

24 Kutsamwa kukuru kwaJehovha hakuzodzoki

Kusvikira aita zviri mumwoyo make uye azvipedza.+

Muchazvinzwisisa mumazuva ekupedzisira.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe