Bhuku Rekutanga raSamueri
27 Zvisinei, Dhavhidhi akati mumwoyo make: “Rimwe zuva ndichaparadzwa neruoko rwaSauro. Saka regai nditizire kunyika yevaFiristiya;+ uye Sauro acharega kunditsvaga munharaunda yese yeIsraeri,+ ndopona paruoko rwake.” 2 Saka Dhavhidhi akasimuka nevarume 600+ vaaiva navo, vakaenda kuna Akishi+ mwanakomana waMaoki, mambo weGati. 3 Dhavhidhi akagara naAkishi muGati, iye nevarume vaaiva navo, murume mumwe nemumwe neimba yake. Dhavhidhi aiva nemadzimai ake maviri, Ahinoamu+ wekuJezreeri naAbhigairi+ wekuKameri, chirikadzi yakasiyiwa naNabhari. 4 Sauro paakaudzwa kuti Dhavhidhi akanga atizira kuGati, akabva arega kumutsvaga.+
5 Dhavhidhi akabva ati kuna Akishi: “Kana mandinzwira nyasha, regai ndipiwe nzvimbo mune rimwe remaguta ekumaruwa ndigare. Hazvingaiti kuti muranda wenyu agare muguta reumambo nemi.” 6 Saka Akishi akamupa Zikragi+ pazuva iroro. Ndokusaka Zikragi riri guta remadzimambo eJudha nanhasi.
7 Dhavhidhi akaita gore nemwedzi mina achigara muruwa rwevaFiristiya.+ 8 Dhavhidhi aienda nevarume vake kunopamba vaGeshuri,+ vaGizi, nevaAmareki,+ nekuti vakanga vachigara munyika yaitangira kuTeramu kusvika kuShuri+ uye kusvika kunyika yeIjipiti. 9 Dhavhidhi paairwisa nyika yacho, aisasiya murume kana mukadzi ari mupenyu,+ asi aitora makwai, mombe, madhongi, ngamera nezvipfeko, obva adzokera kuna Akishi. 10 Akishi aimubvunza kuti: “Mapamba kupi nhasi?” Dhavhidhi aipindura achiti: “Kumaodzanyemba* kweJudha”+ kana kuti “Kumaodzanyemba kwevaJerameeri”+ kana kuti “Kumaodzanyemba kwevaKeni.”+ 11 Dhavhidhi haana murume kana mukadzi waakasiya ari mupenyu wekuunza kuGati, nekuti aiti: “Kuti varege kuzotaura nezvedu kwavari vachiti, ‘Izvi ndizvo zvakaitwa naDhavhidhi.’” (Ndizvo zvaaigara achiita nguva yese yaaigara muruwa rwevaFiristiya.) 12 Saka Akishi akabvuma zvaitaurwa naDhavhidhi, achizviudza kuti: ‘Chokwadi ava kusemesa kuvanhu vekwake, vaIsraeri, saka achagara ari muranda wangu.’