RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Genesisi 39
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raGenesisi

      • Josefa mumba maPotifari (1-6)

      • Josefa anoramba kurara nemudzimai waPotifari (7-20)

      • Josefa anoiswa mujeri (21-23)

Genesisi 39:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 105:17; Mab 7:9
  • +Ge 37:36
  • +Ge 17:20; 37:25

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    11/1/2014, pp. 12-13

Genesisi 39:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaR 8:31; VaH 13:6

Genesisi 39:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 30:27

Genesisi 39:6

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    11/1/2014, p. 13

Genesisi 39:7

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    11/1/2014, pp. 13-14

Genesisi 39:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 2:24; 20:3, 6; Pis 51:mashoko ekusuma; 51:4; Mk 10:7, 8; VaH 13:4

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Bhuku, chidzidzo 41

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    11/2018, pp. 25-26

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    9/2017, pp. 4-5

    Nharireyomurindi,

    11/1/2014, p. 14

    11/1/2013, p. 9

    2/15/2013, p. 4

    10/15/2007, p. 23

    6/15/2006, pp. 28-29

    1/15/2004, p. 29

    12/1/2003, p. 20

    11/1/2000, pp. 9-10

    9/1/1998, p. 5

    10/15/1997, p. 29

Genesisi 39:10

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    6/15/2015, p. 16

    11/1/2014, p. 14

Genesisi 39:12

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Bhuku, chidzidzo 41

    Nharireyomurindi,

    11/1/2014, p. 14

Genesisi 39:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 105:17, 18

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    11/1/2014, pp. 14-15

Genesisi 39:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 40:2, 3; Pis 105:19; Mab 7:9

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    2/1/2015, p. 12

    11/1/2014, p. 15

    5/15/2002, pp. 14-17

Genesisi 39:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 39:6

Genesisi 39:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 49:22, 25; Mab 7:9, 10

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Gen. 39:1Pis 105:17; Mab 7:9
Gen. 39:1Ge 37:36
Gen. 39:1Ge 17:20; 37:25
Gen. 39:2VaR 8:31; VaH 13:6
Gen. 39:5Ge 30:27
Gen. 39:9Ge 2:24; 20:3, 6; Pis 51:mashoko ekusuma; 51:4; Mk 10:7, 8; VaH 13:4
Gen. 39:20Pis 105:17, 18
Gen. 39:21Ge 40:2, 3; Pis 105:19; Mab 7:9
Gen. 39:22Ge 39:6
Gen. 39:23Ge 49:22, 25; Mab 7:9, 10
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Genesisi 39:1-23

Genesisi

39 Josefa akabva aendeswa kuIjipiti,+ uye mumwe muIjipiti ainzi Potifari,+ mukuru mumuzinda waFarao uye mukuru wevarindi, akamutenga kuvaIshmaeri+ vakanga vaenda naye ikoko. 2 Asi Jehovha aiva naJosefa.+ Izvi zvakaita kuti abudirire uye akagadzwa kuti atungamirire mabasa aiitwa mumba matenzi wake, muIjipiti. 3 Tenzi wake akaona kuti Jehovha akanga ainaye uye kuti Jehovha akanga achiita kuti zvese zvaaiita zvibudirire.

4 Josefa akaramba achinzwirwa nyasha natenzi wake, uye akava mushandi wake wepedyo. Saka akamugadza kuti atungamirire zvese zvaiitwa mumba make, uye akaisa zvinhu zvake zvese mumaoko ake. 5 Kubvira paakamugadza kuti atungamirire zvese zvaiitwa mumba make uye zvinhu zvake zvese, Jehovha akaramba achikomborera imba yemuIjipiti wacho nekuda kwaJosefa, uye chikomborero chaJehovha chakava pazvese zvaaiva nazvo mumba nemumunda.+ 6 Akazopedzisira aisa zvinhu zvake zvese mumaoko aJosefa, uye akanga asisazvinetsi nezvimwe zvinhu kunze kwezvekudya zvaaidya. Uyezve, Josefa akava nechimiro chakanaka nechiso chakanaka.

7 Zvakazoitika ndezvekuti mudzimai watenzi wake akatanga kuchiva Josefa achimuti: “Rara neni.” 8 Asi akaramba uye akati kumudzimai watenzi wake: “Tenzi wangu haazivi zvandiinazvo mumba, uye zvinhu zvake zvese akazviisa mumaoko mangu. 9 Hapana mukuru kwandiri mumba muno, uye hapana kana chaakandirambidza kunze kwenyu, nekuti muri mudzimai wake. Saka ndingaitirei chivi chakakura kudaro ndichitadzira Mwari?”+

10 Saka zuva rega rega mukadzi wacho aitaura naye, asi Josefa airamba zvachose kurara naye kana kusara ainaye. 11 Asi mumwe musi Josefa paakapinda mumba kuti aite basa rake, vashandi vese vemumba macho vakanga vasimo. 12 Mukadzi wacho akabva amubata nguo yake achiti: “Rara neni!” Asi iye akasiya nguo yake muruoko rwake, akatizira panze. 13 Paakangoona kuti akanga asiya nguo yake muruoko rwake ndokutizira panze, 14 akatanga kushevedzera kuvarume veimba yake akati kwavari: “Onai! Akatiunzira muHebheru uyu kuti atiite chiseko. Auya kwandiri achida kurara neni, ndikabva ndaridza mhere. 15 Paangonzwa ndava kuridza mhere, abva asiya nguo yake pandanga ndiri akatizira panze.” 16 Pashure paizvozvo akaisa nguo yacho pedyo naye kusvikira tenzi waJosefa adzoka kumba.

17 Akabva amuudza zvaakanga ambotaura, achiti: “Muranda wechiHebheru wawakatiunzira auya kwandiri kuti andiite chiseko. 18 Asi pandangoridza mhere, abva asiya nguo yake pandanga ndiri akatizira panze.” 19 Tenzi wake paakangonzwa mudzimai wake achitaura kuti: “Izvi ndizvo zvandaitirwa nemuranda wako,” akaviruka nehasha. 20 Saka tenzi waJosefa akamutora akamuisa mujeri, maichengeterwa vasungwa vamambo, uye akaramba ari imomo.+

21 Asi Jehovha akaramba aina Josefa uye akaramba achimuratidza rudo rusingachinji achiita kuti anzwirwe nyasha nemukuru mukuru wejeri.+ 22 Saka mukuru mukuru wejeri akaisa vasungwa vese vaiva mujeri mumaoko aJosefa, uye ndiye aiona kuti zvese zvaifanira kuitwa imomo zvaitwa.+ 23 Mukuru mukuru wejeri akanga asisina kana chaaiita pazvinhu zvese zvaiva mumaoko aJosefa, nekuti Jehovha akanga ainaye uye Jehovha aiita kuti zvese zvaaiita zvibudirire.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe