RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 1 Samueri 21
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku ra1 Samueri

      • Dhavhidhi anodya chingwa chekuratidza kuNobhu (1-9)

      • Dhavhidhi anonyepedzera kupenga kuGati (10-15)

1 Samueri 21:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 22:9, 19
  • +1Sa 18:13

1 Samueri 21:4

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “vasina kuenda pedyo nevakadzi.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 25:30; Re 24:5, 9; Mt 12:3, 4
  • +Eks 19:15; Re 15:16; 2Sa 11:11

1 Samueri 21:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 15:18

1 Samueri 21:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 24:7-9; Mk 2:25, 26; Ru 6:3, 4

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Jesu—Nzira, p. 76

    Nharireyomurindi,

    3/15/2005, p. 30

    9/1/2002, p. 18

1 Samueri 21:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 22:9; Pis 52:mashoko ekusuma
  • +Ge 36:1

1 Samueri 21:9

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 17:51, 54
  • +1Sa 17:2, 50
  • +Eks 28:6

1 Samueri 21:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 27:1
  • +Jos 11:22; 1Sa 5:8; 17:4; 27:2; Pis 56:mashoko ekusuma

1 Samueri 21:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 18:6-8; 29:4, 5

1 Samueri 21:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 56:3, 6

1 Samueri 21:13

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “muruoko rwavo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 34:mashoko ekusuma

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/15/2005, p. 24

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

1 Sam. 21:11Sa 22:9, 19
1 Sam. 21:11Sa 18:13
1 Sam. 21:4Eks 25:30; Re 24:5, 9; Mt 12:3, 4
1 Sam. 21:4Eks 19:15; Re 15:16; 2Sa 11:11
1 Sam. 21:5Re 15:18
1 Sam. 21:6Re 24:7-9; Mk 2:25, 26; Ru 6:3, 4
1 Sam. 21:71Sa 22:9; Pis 52:mashoko ekusuma
1 Sam. 21:7Ge 36:1
1 Sam. 21:91Sa 17:51, 54
1 Sam. 21:91Sa 17:2, 50
1 Sam. 21:9Eks 28:6
1 Sam. 21:101Sa 27:1
1 Sam. 21:10Jos 11:22; 1Sa 5:8; 17:4; 27:2; Pis 56:mashoko ekusuma
1 Sam. 21:111Sa 18:6-8; 29:4, 5
1 Sam. 21:12Pis 56:3, 6
1 Sam. 21:13Pis 34:mashoko ekusuma
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
1 Samueri 21:1-15

Bhuku Rekutanga raSamueri

21 Gare gare Dhavhidhi akasvika kuNobhu+ kumupristi Ahimereki. Ahimereki akatanga kudedera paakasangana naDhavhidhi, uye akati kwaari: “Nei uri wega usina mumwe munhu?”+ 2 Dhavhidhi akapindura mupristi Ahimereki achiti: “Pane zvandanzi naMambo ndiite, asi ati, ‘Usaita kuti mumwe munhu azive chero chii zvacho pamusoro penyaya yandiri kukutuma uye zvandakurayira.’ Ndarangana nevakomana vangu kuti tisangane pane imwe nzvimbo. 3 Kana muine zvingwa zvishanu, chingondipai, kana kuti ndipei chero chamuinacho.” 4 Asi mupristi wacho akapindura Dhavhidhi achiti: “Handina chingwawo zvacho pano, asi pane chingwa chitsvene,+ chero bedzi vakomana vacho vasina kurara nevakadzi.”*+ 5 Dhavhidhi akapindura mupristi wacho achiti: “Hatina kumborara nevakadzi kungofanana nepamwe pese pandaienda kuhondo.+ Kana miviri yevarume vacho ichimbova mitsvene pavanotumwa zvimwewo zvinhu, nhasi inotova mitsvene kupfuura pamwe pese!” 6 Mupristi wacho akabva amupa chingwa chitsvene,+ nekuti pakanga pasina chimwe chingwa kunze kwechingwa chekuratidza chakanga chabviswa pamberi paJehovha. Pazuva rachakabviswa, chingwa chacho chainge chatsiviwa nechimwe chainge chichangobva kubikwa.

7 Zuva iroro, paiva nemumwe wevaranda vaSauro, uyo akanga anzi ambomira kubva pamberi paJehovha. Ainzi Dhoegi+ muEdhomu,+ uye aiva mukuru wevafudzi vaSauro.

8 Dhavhidhi akabva ati kuna Ahimereki: “Mune pfumo here kana bakatwa pano? Handina kuuya nebakatwa rangu kana zvombo zvangu nekuti zvandatumwa namambo zvanga zvichida kuitwa nekukurumidza.” 9 Mupristi wacho akabva ati: “Bakatwa raGoriyati+ muFiristiya wawakauraya muBani reEraa+ riri pano, rakaputirwa nejira kuseri kweefodhi.*+ Kana uchida kuritora, ritore hako, nekuti ndiro chete riri pano.” Dhavhidhi akati: “Hapana rimwe rakafanana naro. Ndipei iroro.”

10 Zuva iroro Dhavhidhi akasimuka, akaramba achitiza+ Sauro, uye akazosvika kuna Akishi mambo weGati.+ 11 Varanda vaAkishi vakati kwaari: “Uyu haasi Dhavhidhi mambo wenyika yaanogara here? Haasi iye here wavakaimba nezvake vachitamba, vachiti,

‘Sauro akauraya zviuru zvake,

Uye Dhavhidhi makumi ezviuru zvake’?”+

12 Dhavhidhi akafunga nezvemashoko avo, uye akatanga kutya+ Akishi mambo weGati zvikuru. 13 Saka akanyepedzera kupenga,+ akatanga kuita searasika pfungwa pakati pavo.* Aimara-mara pamasuo egedhi, uye airega masiriri achiyerera pandebvu dzake. 14 Akishi akazoti kuvaranda vake: “Muri kuona kuti munhu uyu ari kupenga! Mauyirei naye kwandiri? 15 Ndapererwa nemapenzi here zvekuti ndingade kuti munhu uyu apengere pamberi pangu? Munhu akadai angapinda mumba mangu here?”

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe