RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Dheuteronomi 3
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raDheuteronomi

      • Kukunda Mambo Ogi weBhashani (1-7)

      • Kugovewa kwenyika iri kumabvazuva kweJodhani (8-20)

      • Joshua anoudzwa kuti asatya (21, 22)

      • Mozisi haasi kuzopinda munyika yakapikirwa (23-29)

Dheuteronomi 3:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 21:33-35

Dheuteronomi 3:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 32:33; Dhe 29:7, 8; Jos 13:29, 30

Dheuteronomi 3:5

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Rwizi rwaJabhoki.”

Dheuteronomi 3:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 27:29
  • +Re 18:25

Dheuteronomi 3:8

Mashoko Emuzasi

  • *

    Zariro ibango kana kuti simbi yaishandiswa sechihuri.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 32:33
  • +Jos 12:1, 2

Dheuteronomi 3:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 21:33

Dheuteronomi 3:11

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “kuRwizi rwaAnoni.”

  • *

    Hwanyanza kana kuti banda chinhu chaigadzirirwa kutakurisa chitunha.

Dheuteronomi 3:12

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kubhiti rakanga rakaenzana nemasendimita 44,5. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 32:34
  • +Nu 32:33

Dheuteronomi 3:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 32:39; Jos 13:29-31; 1Mak 5:23

Dheuteronomi 3:14

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “neRwizi rwaAnoni.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 2:22
  • +Dhe 3:4
  • +Jos 13:13
  • +Nu 32:40, 41

Dheuteronomi 3:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 32:39; Jos 17:1

Dheuteronomi 3:16

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva kuti “Misha Yematende yaJairi.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 32:33; Jos 22:9

Dheuteronomi 3:17

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “kuRwizi rwaAnoni.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 34:11, 12

Dheuteronomi 3:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 32:20-22

Dheuteronomi 3:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 1:14, 15; 22:4, 8

Dheuteronomi 3:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 11:28; 14:30; 27:18
  • +Jos 10:25

Dheuteronomi 3:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 14:14; 15:3; Dhe 1:30; 20:4; Jos 10:42

Dheuteronomi 3:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 15:16; Dhe 11:2
  • +Eks 15:11; 2Sa 7:22; 1Mad 8:23; Pis 86:8; Jer 10:6, 7

Dheuteronomi 3:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 3:8; Dhe 1:7; 11:11, 12

Dheuteronomi 3:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 20:12; 27:13, 14; Dhe 4:21; Pis 106:32

Dheuteronomi 3:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 27:12
  • +Dhe 34:1, 4

Dheuteronomi 3:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 27:18-20; Dhe 1:38; 31:7
  • +Jos 1:1, 2

Dheuteronomi 3:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 4:45, 46; 34:5, 6

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Dheut. 3:1Nu 21:33-35
Dheut. 3:4Nu 32:33; Dhe 29:7, 8; Jos 13:29, 30
Dheut. 3:6Re 27:29
Dheut. 3:6Re 18:25
Dheut. 3:8Nu 32:33
Dheut. 3:8Jos 12:1, 2
Dheut. 3:10Nu 21:33
Dheut. 3:12Nu 32:34
Dheut. 3:12Nu 32:33
Dheut. 3:13Nu 32:39; Jos 13:29-31; 1Mak 5:23
Dheut. 3:141Mak 2:22
Dheut. 3:14Dhe 3:4
Dheut. 3:14Jos 13:13
Dheut. 3:14Nu 32:40, 41
Dheut. 3:15Nu 32:39; Jos 17:1
Dheut. 3:16Nu 32:33; Jos 22:9
Dheut. 3:17Nu 34:11, 12
Dheut. 3:18Nu 32:20-22
Dheut. 3:20Jos 1:14, 15; 22:4, 8
Dheut. 3:21Nu 11:28; 14:30; 27:18
Dheut. 3:21Jos 10:25
Dheut. 3:22Eks 14:14; 15:3; Dhe 1:30; 20:4; Jos 10:42
Dheut. 3:24Eks 15:16; Dhe 11:2
Dheut. 3:24Eks 15:11; 2Sa 7:22; 1Mad 8:23; Pis 86:8; Jer 10:6, 7
Dheut. 3:25Eks 3:8; Dhe 1:7; 11:11, 12
Dheut. 3:26Nu 20:12; 27:13, 14; Dhe 4:21; Pis 106:32
Dheut. 3:27Nu 27:12
Dheut. 3:27Dhe 34:1, 4
Dheut. 3:28Nu 27:18-20; Dhe 1:38; 31:7
Dheut. 3:28Jos 1:1, 2
Dheut. 3:29Dhe 4:45, 46; 34:5, 6
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Dheuteronomi 3:1-29

Dheuteronomi

3 “Takabva taenda neNzira yeBhashani. Uye Ogi, mambo weBhashani, akabuda nevanhu vake vese kuzorwa nesu kuEdrei.+ 2 Saka Jehovha akati kwandiri, ‘Usamutya, nekuti ndichamuisa muruoko rwako pamwe nevanhu vake vese nenyika yake, uye uchamuita zvawakaita Sihoni mambo wevaAmori, aigara muHeshbhoni.’ 3 Saka Jehovha Mwari wedu akaisawo Mambo Ogi weBhashani nevanhu vake vese mumaoko edu, uye takaramba tichivauraya kusvikira pasisina akasara. 4 Takabva tatora maguta ake ese. Hapana guta ratisina kutora, maguta 60, nharaunda yese yeAgobhu, umambo hwaOgi muBhashani.+ 5 Maguta aya ese aiva nemasvingo marefu, masuo, nemazariro,* uye paiva nemamwe maguta madiki akawanda aiva kumamisha. 6 Asi takavaparadza,+ sezvatakanga taita Mambo Sihoni weHeshbhoni, patakaparadza maguta ese, kusanganisira varume, vakadzi, nevana.+ 7 Uye takatora zvipfuwo zvese nezvimwe zvinhu zvese zvatakawana mumaguta.

8 “Ipapo ndipo patakatora nyika yemadzimambo maviri evaAmori+ aiva munharaunda yeJodhani, kubvira kuBani reAnoni* kusvikira kuGomo reHemoni+ 9 (gomo raishevedzwa nevaSidhoni kuti Siriyoni, vaAmori vachirishevedza kuti Seniri), 10 maguta ese enyika yakakwirira uye yakati sandara, Giriyedhi yese, uye Bhashani yese kusvikira kuSareka neEdrei,+ maguta eumambo hwaOgi aiva muBhashani. 11 Nekuti Mambo Ogi weBhashani ndiye ega akanga asara pavaRefaimu. Hwanyanza* hwake hwaiva hwesimbi, uye huchiri muRabha yevaAmoni. Hwakareba makubhiti* 9 uye hwakafara makubhiti 4. 12 Ipapo takatora nyika iyi: kubvira kuAroeri,+ iri pedyo neBani reAnoni,* nehafu yemakomo eGiriyedhi, ndikapa maguta ayo kuvaRubheni nevaGadhi.+ 13 Uye rumwe rutivi rwakanga rwasara rweGiriyedhi neBhashani yese yeumambo hwaOgi ndakaipa hafu yedzinza raManase.+ Nharaunda yese yeAgobhu, yevaBhashani, yaizivikanwa kuti inyika yevaRefaimu.

14 “Jairi+ mwanakomana waManase akatora nharaunda yese yeAgobhu+ kusvikira kumuganhu wevaGeshuri nevaMaakati,+ akatumidza misha iyoyo yeBhashani zita rake rekuti Havhoti-jairi,*+ kusvikira nhasi. 15 Uye ndakapa Giriyedhi kuna Makiri.+ 16 Uye vaRubheni nevaGadhi+ ndakavapa kubvira kuGiriyedhi kusvikira kuBani reAnoni,* pakati pebani pari pamuganhu, uye kusvikira kuJabhoki, bani riri muganhu wevaAmoni, 17 uye Arabha naJodhani nemuganhu wacho, kubvira kuKinereti kusvikira kuGungwa reArabha, Gungwa reMunyu,* riri nechemuzasi menzvimbo dziri mumateru ePisga nechekumabvazuva.+

18 “Ndakabva ndakupai murayiro uyu: ‘Jehovha Mwari wenyu akupai nyika ino kuti ive yenyu. Varume venyu vese vakashinga vachapakata zvombo voyambuka pamberi pehama dzenyu, vaIsraeri.+ 19 Madzimai enyu nevana venyu chete ndivo vacharamba vachigara mumaguta andakakupai pamwe nezvipfuwo zvenyu (ndinonyatsoziva kuti mune zvipfuwo zvizhinji), 20 kusvikira Jehovha apa hama dzenyu zororo, sezvaakuitaiwo, uye ivowo vatora nyika yavachapiwa naJehovha Mwari wenyu mhiri kwaJodhani. Kana zvadaro mozodzoka, mumwe nemumwe kunhaka yake yandakakupai.’+

21 “Ipapo ndipo pandakarayira Joshua+ kuti: ‘Wakazvionera wega nemaziso ako zvakaitwa naJehovha Mwari wako kumadzimambo maviri aya. Jehovha achaita izvozvo kumadzimambo ese ekwamuchayambuka muchienda.+ 22 Usavatya, nekuti Jehovha Mwari wako ndiye achakurwirai.’+

23 “Panguva iyoyo ndipo pandakateterera Jehovha ndichiti, 24 ‘Haiwa Changamire Ishe Jehovha, imi matanga kuratidza muranda wenyu ukuru hwenyu uye ruoko rwenyu rune simba,+ nekuti ndiani mwari ari kudenga kana kuti ari panyika anoita mabasa esimba akaita seenyu?+ 25 Ndinokumbirawo kuti mundibvumire kuyambuka ndionewo nyika yakanaka iri mhiri kwaJodhani, nzvimbo iyi yakanaka ine makomo pamwe chete neRebhanoni.’+ 26 Asi Jehovha akanga achakanditsamwira nemhaka yenyu,+ uye haana kunditeerera. Jehovha akatoti kwandiri, ‘Zvakwana! Usataurazve neni nezvenyaya iyi. 27 Kwira pamusoro pePisga,+ utarise kumavirira nekuchamhembe nekumaodzanyemba nekumabvazuva uone nyika yacho nemaziso ako, nekuti hauzoyambuki Jodhani urwu.+ 28 Gadza Joshua,+ umukurudzire uye umusimbise, nekuti ndiye achayambuka+ ari pamberi pevanhu ava uye ndiye achaita kuti vagare nhaka nyika yauchaona.’ 29 Zvese izvi zvakaitika tichigara mubani riri pakatarisana neBheti-peori.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe