RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 2 Madzimambo 6
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku ra2 Madzimambo

      • Erisha anoita kuti demo riyangarare (1-7)

      • Erisha nevaSiriya (8-23)

        • Maziso emushandi waErisha anosvinudzwa (16, 17)

        • VaSiriya vanopofumadzwa pfungwa (18, 19)

      • Samariya inokombwa; muguta racho munoita nzara (24-33)

2 Madzimambo 6:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 2:3, 5; 9:1

2 Madzimambo 6:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 20:1, 34; 22:31

2 Madzimambo 6:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 17:24

2 Madzimambo 6:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mt 2:12

2 Madzimambo 6:11

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “mwoyo wamambo.”

2 Madzimambo 6:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dha 2:22, 28

2 Madzimambo 6:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 37:16, 17

2 Madzimambo 6:15

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Mushumiri.”

2 Madzimambo 6:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 14:13; Pis 3:6
  • +2Sa 22:31; 2Mak 32:7; Pis 18:2; 27:3; 46:7; 55:18; 118:11; VaR 8:31

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    6/15/1998, pp. 12-13, 18

2 Madzimambo 6:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mab 7:56
  • +2Mad 2:11; Pis 68:17; Zek 6:1
  • +Pis 34:7; Mt 26:53

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    6/15/1998, pp. 12-13

2 Madzimambo 6:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 19:10, 11

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    “Rugwaro Rwose,” pp. 70-71

2 Madzimambo 6:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 16:29

2 Madzimambo 6:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 25:21; VaR 12:20

2 Madzimambo 6:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 5:2

2 Madzimambo 6:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 28:52; 1Mad 20:1

2 Madzimambo 6:25

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kebhu uwandu hwaizadza mudziyo wemarita 1,22. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 26:26; Dhe 28:15, 17
  • +Dhe 14:3; Eze 4:14

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Shanduro yeNyika Itsva (2019), p. 1950

2 Madzimambo 6:27

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Tsanangudzo Yemashoko.

2 Madzimambo 6:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 26:29; Dhe 28:53-57; Eze 5:10

2 Madzimambo 6:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mari 4:10

2 Madzimambo 6:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 37:29; 1Mad 21:27

2 Madzimambo 6:31

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 38:4

2 Madzimambo 6:32

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 18:13; 21:9, 10

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

2 Madz. 6:12Mad 2:3, 5; 9:1
2 Madz. 6:81Mad 20:1, 34; 22:31
2 Madz. 6:91Mad 17:24
2 Madz. 6:10Mt 2:12
2 Madz. 6:12Dha 2:22, 28
2 Madz. 6:13Ge 37:16, 17
2 Madz. 6:16Eks 14:13; Pis 3:6
2 Madz. 6:162Sa 22:31; 2Mak 32:7; Pis 18:2; 27:3; 46:7; 55:18; 118:11; VaR 8:31
2 Madz. 6:17Mab 7:56
2 Madz. 6:172Mad 2:11; Pis 68:17; Zek 6:1
2 Madz. 6:17Pis 34:7; Mt 26:53
2 Madz. 6:18Ge 19:10, 11
2 Madz. 6:191Mad 16:29
2 Madz. 6:22Zvi 25:21; VaR 12:20
2 Madz. 6:232Mad 5:2
2 Madz. 6:24Dhe 28:52; 1Mad 20:1
2 Madz. 6:25Re 26:26; Dhe 28:15, 17
2 Madz. 6:25Dhe 14:3; Eze 4:14
2 Madz. 6:28Re 26:29; Dhe 28:53-57; Eze 5:10
2 Madz. 6:29Mari 4:10
2 Madz. 6:30Ge 37:29; 1Mad 21:27
2 Madz. 6:31Jer 38:4
2 Madz. 6:321Mad 18:13; 21:9, 10
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
2 Madzimambo 6:1-33

Bhuku Rechipiri reMadzimambo

6 Vanakomana vevaprofita+ vakati kuna Erisha: “Tarisai muone! Nzvimbo yatiri kugara nemi yakanyanya kumanikana zvekuti hatisi kukwana. 2 Tinokumbirawo kuenda kuJodhani. Regai mumwe nemumwe wedu anotora danda ikoko, tivake nzvimbo yedu yekugara ikoko.” Akati: “Endai.” 3 Mumwe wavo akati: “Hamungaendiwo nevaranda venyu here?” Akabva ati: “Tichaenda tese.” 4 Saka akaenda navo, uye vakasvika kuJodhani, vakatanga kutema miti. 5 Mumwe wavo paakanga achitema muti, demo rakasvotoka pamupini, rikawira mumvura, uye akachema achiti: “Maiwee, tenzi wangu kani, rakaita zvekukumbirwa!” 6 Munhu waMwari wechokwadi akabva ati: “Rawira papi?” Saka akamuratidza nzvimbo yacho. Akabva atema kamuti akakakanda ipapo, akaita kuti demo racho riyangarare. 7 Akati: “Ritore.” Saka akatambanudza ruoko rwake akaritora.

8 Zvino mambo weSiriya akaenda kunorwa nevaIsraeri.+ Akabvunza mazano kuvaranda vake akabva ati: “Ndichanodzika musasa nemi panzvimbo yekuti neyekuti.” 9 Munhu waMwari wechokwadi+ akabva atumira shoko kuna mambo weIsraeri, achiti: “Chenjererai kuti murege kupfuura nepanzvimbo iyi, nekuti ndiko kuri kuuya vaSiriya.” 10 Saka mambo weIsraeri akatumira shoko kunzvimbo yaakanga anyeverwa nezvayo nemunhu waMwari wechokwadi. Akaramba achimunyevera, uye akarega kuenda kunzvimbo dzacho.+

11 Izvi zvakagumbura mambo* weSiriya, saka akashevedza varanda vake akati kwavari: “Ndiudzei! Pakati pedu ndiani ari kudivi ramambo weIsraeri?” 12 Mumwe muranda wake akabva ati: “Hapana, ishe wangu! Erisha muprofita ari muIsraeri ndiye anoudza mambo weIsraeri zvinhu zvamunotaura muri muimba yenyu yekurara.”+ 13 Akati: “Endai munotsvaga kwaari, kuti nditume varume vaende kunomubata.” Gare gare akaudzwa kuti: “Ari kuDhotani.”+ 14 Akabva angotumira mabhiza ikoko nengoro dzehondo neuto guru; vakasvika usiku, vakakomba guta racho.

15 Mushandi* wemunhu waMwari wechokwadi paakafumomuka achibva abuda panze, akaona kuti uto raiva nemabhiza nengoro dzehondo rakanga rakomba guta. Mushandi wake akabva ati kwaari: “Maiwee, tenzi wangu kani! Tichaita seiko?” 16 Asi iye akati: “Usatya!+ Nekuti vari kwatiri vazhinji kupfuura vari kwavari.”+ 17 Erisha akabva atanga kunyengetera achiti: “Haiwa Jehovha, ndapota svinudzai maziso ake kuti aone.”+ Jehovha akabva asvinudza maziso emushandi wacho uye akaona kumakomo kuzere nemabhiza nengoro dzehondo dzemoto+ zvakapoteredza Erisha.+

18 VaSiriya pavakauya kwaaiva, Erisha akanyengetera kuna Jehovha akati: “Ndapota, pofumadzai rudzi urwu.”+ Saka akavapofumadza sezvakanga zvakumbirwa naErisha. 19 Erisha akabva ati kwavari: “Iyi haisi iyo nzira yacho, uye iri harisi iro guta racho. Nditeverei ndikuendesei kumurume wamuri kutsvaga.” Asi iye akavaendesa kuSamariya.+

20 Pavakasvika muSamariya, Erisha akati: “Haiwa Jehovha, svinudzai maziso avo kuti vaone.” Saka Jehovha akasvinudza maziso avo, uye vakaona kuti vaiva pakati peSamariya. 21 Mambo weIsraeri paakavaona, akati kuna Erisha: “Baba vangu, ndivauraye here, ndivauraye here?” 22 Asi iye akati: “Usavauraya. Unouraya vanhu vawatapa nebakatwa rako neuta hwako here? Vape chingwa nemvura kuti vadye nekunwa,+ vodzokera kunashe wavo.” 23 Saka akavaitira mabiko makuru, uye vakadya, vakanwa, achibva azovarega vachidzokera kunashe wavo. Mapoka evanhu vaipamba evaSiriya+ haana kuzombouyazve munyika yeIsraeri kana kamwe chete zvako.

24 Pashure paizvozvo, Bheni-hadhadhi mambo weSiriya akaunganidza uto rake rese, akaenda akakomba Samariya.+ 25 Saka muSamariya makaita nzara huru,+ uye vakaramba vakaikomba kusvikira musoro wedhongi+ wava kuita masirivha 80, uye chikamu chimwe chete pazvina chekebhu* yemadororo enjiva chava kuita masirivha mashanu. 26 Mambo weIsraeri paakanga achipfuura ari parusvingo, mumwe mukadzi akashevedzera kwaari achiti: “Tibatsireiwo, haiwa ishe wangu mambo!” 27 Iye akabva ati: “Kana Jehovha asiri kukubatsira, ini ndingawanawo kupi zvekukubatsira nazvo? Kubva paburiro* here? Kana kuti kubva muchisviniro chewaini kana kuti chemafuta here?” 28 Mambo akabvunza mukadzi wacho kuti: “Chii chiri kunetsa?” Iye akati: “Mukadzi uyu akati kwandiri, ‘Unza mwanakomana wako timudye nhasi, uye tichadya mwanakomana wangu mangwana.’+ 29 Saka takabika mwanakomana wangu, tikamudya.+ Zuva rakatevera ndakati kwaari, ‘Unza mwanakomana wako timudye.’ Asi akaviga mwanakomana wake.”

30 Mambo paakangonzwa mashoko emukadzi wacho, akabvarura nguo dzake.+ Paakapfuura ari parusvingo, vanhu vakaona kuti akanga akapfeka masaga mukati menguo dzake. 31 Akabva ati: “Mwari ngaandirange zvinorwadza kwazvo kana musoro waErisha mwanakomana waShafati ukaramba uri paari nhasi!”+

32 Erisha akanga akagara mumba make, uye vakuru vakanga vakagara naye. Mambo akatuma mumwe murume mberi kwake, asi nhume yacho isati yasvika, Erisha akati kuvakuru vacho: “Mazviona here kuti mwanakomana uyu wemhondi+ atuma munhu kuzobvisa musoro wangu? Garai makangwarira kuti kana nhume yacho yasvika, muvhare suo, murambe makaribata makamuvharira panze. Mutsindo wetsoka dzashe wake hausi shure kwake here?” 33 Achiri kutaura navo, nhume yacho yakasvika kwaari, uye mambo akati: “Dambudziko iri rabva kuna Jehovha. Ndicharambirei ndakamirira Jehovha?”

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe