RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Vatongi 14
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raVatongi

      • Mutongi Samsoni anotsvaga mukadzi wechiFiristiya (1-4)

      • Mweya waJehovha unoita kuti Samsoni akwanise kuuraya shumba (5-9)

      • Chirahwe chaSamsoni pamuchato (10-19)

      • Mudzimai waSamsoni anopiwa mumwe murume (20)

Vatongi 14:1

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “mukadzi wekuvanasikana vevaFiristiya.”

Vatongi 14:3

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “ndiye akakodzera mumaziso angu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 7:3

Vatongi 14:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 13:1

Vatongi 14:5

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “shumba yava nezenze.”

Vatongi 14:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 13:24, 25

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    1/15/2005, p. 31

Vatongi 14:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 14:2

Vatongi 14:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 24:67; Mt 1:24

Vatongi 14:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 14:8, 9

Vatongi 14:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 16:5

Vatongi 14:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 16:15

Vatongi 14:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 16:16, 18

Vatongi 14:18

Mashoko Emuzasi

  • *

    Dzimwe shanduro dzinoti, “asati apinda muimba yemukati.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 14:14
  • +Vat 14:15

Vatongi 14:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 13:24, 25; 14:6; 15:14
  • +Jos 13:2, 3; Vat 1:18
  • +Vat 14:12

Vatongi 14:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 14:2
  • +Vat 14:11; 15:1, 2

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Vat. 14:3Dhe 7:3
Vat. 14:4Vat 13:1
Vat. 14:6Vat 13:24, 25
Vat. 14:7Vat 14:2
Vat. 14:8Ge 24:67; Mt 1:24
Vat. 14:14Vat 14:8, 9
Vat. 14:15Vat 16:5
Vat. 14:16Vat 16:15
Vat. 14:17Vat 16:16, 18
Vat. 14:18Vat 14:14
Vat. 14:18Vat 14:15
Vat. 14:19Vat 13:24, 25; 14:6; 15:14
Vat. 14:19Jos 13:2, 3; Vat 1:18
Vat. 14:19Vat 14:12
Vat. 14:20Vat 14:2
Vat. 14:20Vat 14:11; 15:1, 2
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Vatongi 14:1-20

Vatongi

14 Samsoni akabva aenda kuTimna, uye akaona mumwe mukadzi wechiFiristiya* kuTimna. 2 Akabva aenda akanoudza baba naamai vake kuti: “Pane mukadzi wechiFiristiya anditora mwoyo kuTimna, uye ndinoda kuti munonditorera mukadzi wacho kuti ave mudzimai wangu.” 3 Asi baba naamai vake vakati kwaari: “Washaya here mukadzi pakati pehama dzako nevanhu vese vekwedu?+ Ungaenda kunotora mukadzi kuvaFiristiya vasina kuchecheudzwa here?” Asi Samsoni akati kuna baba vake: “Nditorerei iyeye, nekuti ndiye wandada.”* 4 Baba naamai vake havana kuziva kuti izvi zvakanga zvichibva kuna Jehovha, uyo akanga achitsvaga mukana wekurwisa vaFiristiya, sezvo vaFiristiya vakanga vachitonga Israeri panguva iyoyo.+

5 Saka Samsoni akaenda kuTimna nababa naamai vake. Paakasvika kuminda yemizambiringa yeTimna, shumba* yakauya kwaari ichidzvova. 6 Mweya waJehovha wakabva wamupa simba,+ akaibvarura nepakati, sezvinongoita munhu anobvarura mbudzi diki nepakati nemaoko ake. Asi haana kuudza baba vake kana amai vake zvaakanga aita. 7 Samsoni akabva aenda akanotaura nemukadzi wacho, uye mukadzi iyeye ndiye waakanga achiri kuda.+

8 Kwapera chinguva, paakanga ava kudzokera kunotora mukadzi wacho kuti aende naye kumba,+ akatsauka kuti atarise mutumbi weshumba iya, uye mukati mayo makanga mava nebumha renyuchi neuchi. 9 Saka akahumorera mumaoko ake akahudya achifamba. Paakabata baba naamai vake, akavapa humwe kuti vadye. Asi haana kuvaudza kuti akanga amora uchi hwacho mumutumbi weshumba.

10 Baba vake vakaenda kumukadzi wacho, uye Samsoni akaita mabiko ikoko, nekuti ndizvo zvaiitwa nemajaya. 11 Paakasvika akapiwa vaperekedzi 30, kuti vave naye. 12 Samsoni akabva ati kwavari: “Regai ndikutaurirei chirahwe. Kana mukachidudzira mondiudza zvachinoreva mumazuva 7 emabiko, ndichafanira kukupai nguo 30 dzejira nezvimwe zvipfeko 30. 13 Asi kana musingakwanisi kundiudza zvachinoreva, munofanira kundipa nguo 30 dzejira nedzimwe nguo 30.” Ivo vakati kwaari: “Tiudze chirahwe chako; tinoda kuchinzwa.” 14 Saka akati kwavari:

“Mukati mechinhu chinodya makabuda chekudya,

Uye mukati mechinhu chine simba makabuda chinhu chinotapira.”+

Havana kukwanisa kududzira chirahwe chacho kwemazuva matatu. 15 Pazuva rechina, vakati kumudzimai waSamsoni: “Nyengedza murume wako+ kuti atiudze kududzirwa kwechirahwe chacho. Kana ukasadaro, tichakupisa nemoto iwe neveimba yababa vako. Makatikoka pano kuti mutore zvinhu zvedu here?” 16 Saka mudzimai waSamsoni akamuchemera, akati: “Unondivenga chete; haundidi.+ Wakataurira vanhu vekwangu chirahwe, asi hauna kundiudza kududzirwa kwacho.” Akabva ati kwaari: “Kunyange baba vangu kana amai vangu handina kumbovaudza! Ndingaudza iwe here?” 17 Asi akaramba achimuchemera kwemazuva ese akanga asara emabiko acho emazuva 7. Akazomuudza pazuva rechi7, nekuti akanga amumanikidza. Mukadzi wacho akabva audza vanhu vekwake kududzirwa kwechirahwe chacho.+ 18 Saka pazuva rechi7, zuva risati ranyura,* varume veguta racho vakati kuna Samsoni:

“Chii chinotapira kupfuura uchi,

Uye chii chine simba kupfuura shumba?”+

Iye akavapindura kuti:

“Kudai manga musina kurima netsiru rangu,+

Mungadai musina kududzira chirahwe changu.”

19 Mweya waJehovha wakabva wamupa simba,+ achibva aenda kuAshkeroni+ akauraya varume 30 veko, akatora nguo dzavo akadzipa vaya vakanga vadudzira chirahwe chacho.+ Akanga akatsamwa chaizvo paaidzokera kumba kwababa vake.

20 Mudzimai waSamsoni+ akazopiwa mumwe wevaperekedzi vake vaakanga ainavo.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe