RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Dheuteronomi 20
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raDheuteronomi

      • Mitemo yehondo (1-20)

        • Vaibvumirwa kusara vamwe vachienda kuhondo (5-9)

Dheuteronomi 20:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 3:22; 31:6; Pis 20:7; Zvi 21:31

Dheuteronomi 20:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 31:6

Dheuteronomi 20:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 14:14; Jos 23:10

Dheuteronomi 20:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 24:5

Dheuteronomi 20:8

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “arege kuita kuti mwoyo yehama dzake ipere simba sewake.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 7:3
  • +Nu 13:33; 14:1-3; 32:9; Dhe 1:28

Dheuteronomi 20:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 11:19

Dheuteronomi 20:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 25:44, 46; Jos 9:22, 27

Dheuteronomi 20:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 14:13
  • +Jos 22:8

Dheuteronomi 20:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 6:17; 10:28; 11:11

Dheuteronomi 20:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 7:1

Dheuteronomi 20:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 34:15; Dhe 7:4; Jos 23:12, 13; Isa 2:6; 1VaK 5:6; 15:33

Dheuteronomi 20:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ne 9:25

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Swedera Pedyo naJehovha, p. 135

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Dheut. 20:1Dhe 3:22; 31:6; Pis 20:7; Zvi 21:31
Dheut. 20:2Nu 31:6
Dheut. 20:4Eks 14:14; Jos 23:10
Dheut. 20:7Dhe 24:5
Dheut. 20:8Vat 7:3
Dheut. 20:8Nu 13:33; 14:1-3; 32:9; Dhe 1:28
Dheut. 20:10Jos 11:19
Dheut. 20:11Re 25:44, 46; Jos 9:22, 27
Dheut. 20:142Mak 14:13
Dheut. 20:14Jos 22:8
Dheut. 20:16Jos 6:17; 10:28; 11:11
Dheut. 20:17Dhe 7:1
Dheut. 20:18Eks 34:15; Dhe 7:4; Jos 23:12, 13; Isa 2:6; 1VaK 5:6; 15:33
Dheut. 20:19Ne 9:25
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Dheuteronomi 20:1-20

Dheuteronomi

20 “Kana ukaenda kuhondo kunorwa nevavengi vako, woona mabhiza nengoro dzavo dzehondo, uye varwi vakawanda kupfuura vako, usavatya nekuti Jehovha Mwari wako akakubudisa munyika yeIjipiti anewe.+ 2 Pamunenge mava kuda kutanga kurwa, mupristi anofanira kuswedera pedyo nevanhu otaura navo.+ 3 Anofanira kuvaudza kuti, ‘Inzwai imi vaIsraeri, mava kuda kurwa nevavengi venyu. Musarohwe nehana. Musavatya kana kuvavhunduka kana kuvadedera, 4 nekuti Jehovha Mwari wenyu ari kufamba nemi kuti arwise vavengi venyu uye akuponesei.’+

5 “Vatungamiriri vanofanirawo kuudza vanhu kuti, ‘Pane akavaka imba asi asati atanga kuigara here? Ngaadzokere kumba kwake. Angazofira kuhondo, mumwe munhu akazoigara. 6 Uye pane akadyara munda wemazambiringa asi asati atanga kuukohwa here? Regai aende, adzokere kumba kwake. Angazofira kuhondo, mumwe munhu akazotanga kuukohwa. 7 Uye pane akavimbisa mukadzi kuti achamuroora asi asati amuroora here? Regai aende, adzokere kumba kwake.+ Angazofira kuhondo, mumwe murume akamuroora.’ 8 Vatungamiriri vanofanirawo kubvunza vanhu kuti, ‘Pane ari kutya uye ari kurohwa nehana here?+ Anofanira kudzokera kumba kwake, kuti arege kuita kuti hama dzake dzipere simba sezvaaita iye.’*+ 9 Kana vatungamiriri vapedza kutaura nevanhu, vanofanira kugadza vakuru vemauto kuti vatungamirire vanhu.

10 “Kana ukaswedera pedyo neguta uchida kurirwisa, unofanira kuudza vanhu varo kuti vangava sei nerugare newe.+ 11 Kana vakakupindura zvine rugare, vokuvhurira magedhi avo, vanhu vese vanowanikwa muguta racho vachava vashandi vako vebasa rekumanikidzwa, uye vachakushandira.+ 12 Asi kana vakaramba kuita rugare newe, vosarudza kukurwisa, unofanira kuvakomba, 13 uye Jehovha Mwari wako achariisa muruoko rwako, uye unofanira kuuraya vanhurume vese vari muguta racho nebakatwa. 14 Asi vakadzi, vana, zvipfuwo, nezvese zvinenge zviri muguta racho, zvese zvaunenge wawana imomo, unogona hako kuzvipamba,+ uye uchadya zvaunenge wapamba kuvavengi vako, zvawapiwa naJehovha Mwari wako.+

15 “Ndizvo zvauchaita maguta ese ari kure kure newe asiri maguta emarudzi aya ari pedyo newe. 16 Asi mumaguta evanhu ava, auri kupiwa naJehovha Mwari wako kuti ave nhaka yako, hapana chinhu chinofema chaunofanira kusiya chichirarama.+ 17 Asi unofanira kuvaparadza zvachose, vaHiti, vaAmori, vaKenani, vaPerizi, vaHivhi, nevaJebhusi,+ sezvawakarayirwa naJehovha Mwari wako; 18 kuti varege kukudzidzisa kutevedzera tsika dzavo dzese dzinosemesa dzavaiitira vanamwari vavo, voita kuti utadzire Jehovha Mwari wako.+

19 “Kana ukakomba guta uchida kurikunda uye wava nemazuva akawanda uchirirwisa, haufaniri kutema miti yaro nedemo uchiiparadza. Unogona kudya michero yacho, asi haufaniri kutema miti yacho.+ Ungakomba muti wemusango seuri kukomba munhu here? 20 Unogona kutema muti waunoziva kuti haudyiwe. Unogona kuutema kuti uvakise zvekushandisa pakukomba guta racho riri kurwa newe, kusvikira warikunda.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe