RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 1 Makoronike 4
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku ra1 Makoronike

      • Vamwe vanhu vekwaJudha (1-23)

        • Jabhezi nemunyengetero wake (9, 10)

      • Vanhu vekwaSimiyoni (24-43)

1 Makoronike 4:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 38:29; Nu 26:20; Rut 4:18; Mt 1:3
  • +Ge 46:12; 1Mak 2:5
  • +Eks 17:12; 24:14; 1Mak 2:19
  • +1Mak 2:50

1 Makoronike 4:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 2:53

1 Makoronike 4:3

Mashoko Emuzasi

  • *

    Mamwe mazita muchitsauko chino anenge achireva nzvimbo. Saka pakanzi “baba” panogona kureva munhu akatanga kuita kuti pave neguta racho.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 11:5, 6

1 Makoronike 4:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 2:19
  • +Mik 5:2

1 Makoronike 4:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 2:24
  • +2Mak 11:5, 6

1 Makoronike 4:9

Mashoko Emuzasi

  • *

    Zita rekuti Jabhezi rinogona kunge richireva zvakafanana neshoko rechiHebheru rinoreva kuti “marwadzo.”

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    10/1/2010, p. 23

1 Makoronike 4:10

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    10/1/2010, p. 23

    10/1/2005, p. 9

1 Makoronike 4:13

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “vanakomana.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 15:16, 17; Vat 3:9, 11

1 Makoronike 4:14

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva kuti “Bani reMhizha.”

1 Makoronike 4:15

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “vanakomana.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 32:11, 12; Jos 15:13

1 Makoronike 4:17

Mashoko Emuzasi

  • *

    Zvichida pari kureva Bhitiya ari muvhesi 18.

1 Makoronike 4:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 38:2, 5; Nu 26:20

1 Makoronike 4:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 46:10
  • +Nu 26:12, 13

1 Makoronike 4:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 26:22

1 Makoronike 4:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 19:1, 2
  • +Jos 15:21, 26
  • +Jos 15:21, 28; 19:1, 3; Ne 11:25-27

1 Makoronike 4:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 15:21, 29

1 Makoronike 4:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 19:1, 4
  • +Vat 1:17
  • +Jos 15:20, 31; 19:1, 5; 1Sa 27:5, 6

1 Makoronike 4:31

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 19:1, 5

1 Makoronike 4:32

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 19:1, 7

1 Makoronike 4:40

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 10:6, 20

1 Makoronike 4:41

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 29:1

1 Makoronike 4:42

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 36:8

1 Makoronike 4:43

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 17:14, 16; 1Sa 15:7

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

1 Mak. 4:1Ge 38:29; Nu 26:20; Rut 4:18; Mt 1:3
1 Mak. 4:1Ge 46:12; 1Mak 2:5
1 Mak. 4:1Eks 17:12; 24:14; 1Mak 2:19
1 Mak. 4:11Mak 2:50
1 Mak. 4:21Mak 2:53
1 Mak. 4:32Mak 11:5, 6
1 Mak. 4:41Mak 2:19
1 Mak. 4:4Mik 5:2
1 Mak. 4:51Mak 2:24
1 Mak. 4:52Mak 11:5, 6
1 Mak. 4:13Jos 15:16, 17; Vat 3:9, 11
1 Mak. 4:15Nu 32:11, 12; Jos 15:13
1 Mak. 4:21Ge 38:2, 5; Nu 26:20
1 Mak. 4:24Ge 46:10
1 Mak. 4:24Nu 26:12, 13
1 Mak. 4:27Nu 26:22
1 Mak. 4:28Jos 19:1, 2
1 Mak. 4:28Jos 15:21, 26
1 Mak. 4:28Jos 15:21, 28; 19:1, 3; Ne 11:25-27
1 Mak. 4:29Jos 15:21, 29
1 Mak. 4:30Jos 19:1, 4
1 Mak. 4:30Vat 1:17
1 Mak. 4:30Jos 15:20, 31; 19:1, 5; 1Sa 27:5, 6
1 Mak. 4:31Jos 19:1, 5
1 Mak. 4:32Jos 19:1, 7
1 Mak. 4:40Ge 10:6, 20
1 Mak. 4:412Mak 29:1
1 Mak. 4:42Ge 36:8
1 Mak. 4:43Eks 17:14, 16; 1Sa 15:7
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
  • 35
  • 36
  • 37
  • 38
  • 39
  • 40
  • 41
  • 42
  • 43
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
1 Makoronike 4:1-43

Bhuku Rekutanga reMakoronike

4 Vanakomana vaJudha vaiva Perezi,+ Hezroni,+ Kami, Heri,+ naShobhari.+ 2 Reaya mwanakomana waShobhari, akabereka Jahati; Jahati akabereka Ahumai naRahadhi. Idzi ndidzo dzaiva mhuri dzevaZora.+ 3 Ava ndivo vaiva vanakomana vababa* vaEtamu:+ Jezreeri, Ishma, naIdhibhashi (hanzvadzi yavo yainzi Hazereriponi), 4 uye Penueri aiva baba vaGedhori, uye Ezeri aiva baba vaHusha. Ava ndivo vaiva vanakomana vaHeri,+ dangwe raEfrata uye baba vaBhetrehema.+ 5 Ashuri+ baba vaTekoa+ vaiva nemadzimai maviri, Hera, naNaara. 6 Naara akamuberekera Ahuzamu, Heferi, Temeni, naHaahashtari. Ava ndivo vaiva vanakomana vaNaara. 7 Vanakomana vaHera vaiva Zereti, Izihari, naEtinani. 8 Kozi akabereka Anubhi, Zobhebha, nemhuri dzaAhaheri mwanakomana waHarumu.

9 Jabhezi aikudzwa chaizvo kupfuura hama dzake; uye amai vake vakamutumidza kuti Jabhezi,* vachiti: “Ndakamusununguka ndichirwadziwa.” 10 Jabhezi akashevedzera kuna Mwari waIsraeri, achiti: “Ndinokumbirawo kuti mundikomborere, mukudze nharaunda yangu uye kuti ruoko rwenyu ruve neni, mundichengete kuti ndisapinda mudambudziko, kuti pasava nechakaipa chinoitika kwandiri!” Saka Mwari akaita kuti zvaakanga akumbira zviitike.

11 Kerubhi hama yaShuha akabereka Mehiri, uyo aiva baba vaEshtoni. 12 Eshtoni akabereka Bheti-rafa, Paseya, naTehina baba vaIri-nahashi. Ava ndivo vaiva varume vekuReka. 13 Vanakomana vaKenazi vaiva Otinieri+ naSeraya, uye mwanakomana* waOtinieri aiva Hatati. 14 Meonotai akabereka Ofra. Seraya akabereka Joabhi baba vaGe-harashimu,* uyo aishevedzwa saizvozvo nekuti vanhu vacho vaiva mhizha.

15 Vanakomana vaKarebhi+ mwanakomana waJefune vaiva Iru, Eraa, naNaamu; uye mwanakomana* waEraa aiva Kenazi. 16 Vanakomana vaJeharereri vaiva Zifi, Zifa, Tiriya, naAsareri. 17 Vanakomana vaEzira vaiva Jeteri, Meredhi, Eferi, naJaroni; mukadzi* wacho akabata pamuviri akabereka Miriyemu, Shamai, naIshbha baba vaEshtemoa. 18 (Mudzimai wake wechiJudha akabereka Jeredhi baba vaGedhori, Hebheri baba vaSoko, naJekutieri baba vaZanoa.) Ava ndivo vaiva vanakomana vaBhitiya mwanasikana waFarao, uyo akaroorwa naMeredhi.

19 Vanakomana vemudzimai waHodhiya, hanzvadzi yaNahamu, vaiva baba vaKeira muGami nababa vaEshtemoa muMaakati. 20 Vanakomana vaShimoni vaiva Amnoni, Rina, Bheni-hanani, naTironi. Vanakomana vaIshi vaiva Zoheti naBheni-zoheti.

21 Vanakomana vaShera+ mwanakomana waJudha vaiva Ere baba vaReka, Raadha baba vaMarisha, nemhuri dzevagadziri vemachira akanaka chaizvo veimba yaAshbheya, 22 naJokimu, varume vekuKozebha, Joashi, naSarafi, avo vakava varume vevakadzi vechiMoabhi, naJashubhi-rehemu. Nhoroondo iyi yakanyorwa kare kare. 23 Vaiva vaumbi uye vaigara muNetaimu neGedhera. Vaigara ikoko uye vaishandira mambo.

24 Vanakomana vaSimiyoni+ vaiva Nemueri, Jamini, Jaribhi, Zera, naShauri.+ 25 Mwanakomana waShauri aiva Sharumu, aiva nemwanakomana ainzi Mibsamu, aiva nemwanakomana ainzi Mishma. 26 Vanakomana vaMishma vaiva Hamueri mwanakomana wake, Zakuri mwanakomana wake, Shimei mwanakomana wake. 27 Shimei aiva nevanakomana 16 nevanasikana 6; asi hama dzake dzakanga dzisina vanakomana vakawanda, uye pamhuri dzavo hapana aiva nevanakomana vakawanda sevaiva nevarume vekwaJudha.+ 28 Vaigara muBheeri-shebha,+ muMoradha,+ muHazari-shuari,+ 29 muBhiriha, muEzemu,+ muToradhi, 30 muBhetueri,+ muHoma,+ muZikragi,+ 31 muBheti-makabhoti, muHazari-susimu,+ muBheti-bhiri, nemuShaaraimu. Aya ndiwo aiva maguta avo kusvikira Dhavhidhi ava kutonga.

32 Misha yavo yaiva Etamu, Aini, Rimoni, Tokeni, neAshani,+ maguta mashanu, 33 pamwe chete nemisha yawo yese yaiva yakapoteredza maguta aya kusvika kuBhaari. Uku ndiko kunyorwa kwakaitwa mazita avo maererano nemadzinza avo uye idzi ndidzo nzvimbo dzavaigara. 34 Vamwe vaiva Meshobhabhi, Jamreki, Josha mwanakomana waAmaziya, 35 Joeri, Jehu mwanakomana waJoshibhiya mwanakomana waSeraya mwanakomana waAsieri, 36 naErioenai, Jaakobha, Jeshohaya, Asaya, Adhieri, Jesimieri, Bhenaya, 37 naZiza mwanakomana waShifi mwanakomana waEroni mwanakomana waJedhaya mwanakomana waShimri mwanakomana waShemaya; 38 ava vakanyorwa nemazita avo ndivo vaiva machinda pakati pemhuri dzavo, uye imba yemadzitateguru avo yakawedzera kukura. 39 Vakaenda pedyo neGedhori, kumabvazuva kwebani, kuti vatsvage mafuro ezvipfuwo zvavo. 40 Vakazowana mafuro akanaka ane uswa hwakawanda, uye nyika yacho yakanga yakakura, yakanyarara, uye isina chainetsa. Nzvimbo yacho yaimbogarwa nevanhu vekwaHamu.+ 41 Ava vane mazita akanyorwa vakauya mumazuva aMambo Hezekiya+ weJudha, vakaparadza matende evaHamu nevaMeunimu vaiva imomo. Vakavaparadza vese zvekuti hapasisina kana mumwe chete wavo aripo; uye vakagara munzvimbo yavo nekuti maiva nemafuro ezvipfuwo zvavo.

42 Vamwe vaSimiyoni, varume 500, vakaenda kuGomo reSeiri+ naPeratiya, Neariya, Refaya, naUzieri, vanakomana vaIshi avo vaivatungamirira. 43 Vakauraya vaAmareki vese+ vakanga vatiza, uye vachiri kugara ikoko nanhasi.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe