RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 1 Makoronike 13
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku ra1 Makoronike

      • Areka inotorwa kuKiriyati-jearimu (1-14)

        • Uza anorohwa ofa (9, 10)

1 Makoronike 13:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 15:25

1 Makoronike 13:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 35:2

1 Makoronike 13:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 7:2
  • +1Sa 14:18

1 Makoronike 13:5

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “kubva kuShihori yeIjipiti.”

  • *

    Kana kuti “panopindwa napo muHamati.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 34:2, 8
  • +1Sa 6:21-7:1; 2Sa 6:1, 2; 1Mak 15:3

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    10/1/2005, p. 10

1 Makoronike 13:6

Mashoko Emuzasi

  • *

    Dzimwe shanduro dzinoti, “pakati.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 15:9, 12
  • +Eks 25:22; Nu 7:89; 1Sa 4:4; 2Sa 6:2

1 Makoronike 13:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 37:5
  • +2Sa 6:3-8

1 Makoronike 13:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 15:20
  • +1Mak 25:1
  • +2Mak 5:13

1 Makoronike 13:9

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Tsanangudzo Yemashoko.

1 Makoronike 13:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 4:15
  • +Re 10:1, 2

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    2/1/2005, pp. 26-27

1 Makoronike 13:11

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva kuti “Kuputikira Uza Nehasha.”

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    10/1/2005, p. 11

1 Makoronike 13:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 6:9-11

1 Makoronike 13:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 30:27; 39:5

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

1 Mak. 13:11Mak 15:25
1 Mak. 13:2Nu 35:2
1 Mak. 13:31Sa 7:2
1 Mak. 13:31Sa 14:18
1 Mak. 13:5Nu 34:2, 8
1 Mak. 13:51Sa 6:21-7:1; 2Sa 6:1, 2; 1Mak 15:3
1 Mak. 13:6Jos 15:9, 12
1 Mak. 13:6Eks 25:22; Nu 7:89; 1Sa 4:4; 2Sa 6:2
1 Mak. 13:7Eks 37:5
1 Mak. 13:72Sa 6:3-8
1 Mak. 13:8Eks 15:20
1 Mak. 13:81Mak 25:1
1 Mak. 13:82Mak 5:13
1 Mak. 13:10Nu 4:15
1 Mak. 13:10Re 10:1, 2
1 Mak. 13:122Sa 6:9-11
1 Mak. 13:14Ge 30:27; 39:5
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
1 Makoronike 13:1-14

Bhuku Rekutanga reMakoronike

13 Dhavhidhi akataura nevakuru vezviuru nevemazana nevatungamiriri vese.+ 2 Dhavhidhi akabva ati kuungano yese yaIsraeri: “Kana zvakanaka kwamuri uye kana zvakanaka kuna Jehovha Mwari wedu, ngatitumirei shoko kuhama dzedu dzakasara munzvimbo dzese dzeIsraeri uyewo kuvapristi nevaRevhi vari mumaguta avo+ ane mafuro, kuti vauye vazobatana nesu. 3 Uye ngatidzosei Areka+ yaMwari wedu.” Nekuti vakanga vasingaichengeti zvakanaka mumazuva aSauro.+ 4 Ungano yese yakabvumirana nazvo, nekuti vanhu vese vakazviona sezvakanaka. 5 Saka Dhavhidhi akaunganidza vaIsraeri vese kubva kurwizi rweIjipiti* kusvika kuRebhohamati,*+ kuti vanotora Areka yaMwari wechokwadi kuKiriyati-jearimu.+

6 Dhavhidhi nevaIsraeri vese vakakwidza kuBhaara,+ kuKiriyati-jearimu yeJudha, kuti vanotora Areka yaMwari wechokwadi, iye Jehovha, uyo agere pachigaro cheumambo pamusoro* pemakerubhi,+ panoshevedzwa zita rake. 7 Asi vakaisa Areka yaMwari wechokwadi mungoro itsva+ uye vakaibvisa kumba kwaAbhinadhabhi, uye Uza naAhiyo ndivo vaifambisa ngoro yacho.+ 8 Dhavhidhi nevaIsraeri vese vakanga vachipembera pamberi paMwari wechokwadi nesimba ravo rese, vachiimba nziyo, vachiridza udimbwa, nezvimwe zviridzwa zvine tambo, nematambureni,+ nesimbi dzinorovaniswa,+ nemabhosvo.+ 9 Asi pavakasvika paburiro* raKidhoni, Uza akatambanudza ruoko rwake akabata Areka yacho, nekuti yakanga yava kudonhedzwa nemombe. 10 Jehovha akabva atsamwira Uza zvikuru, uye akamurova nekuti akanga atambanudzira ruoko rwake kuAreka,+ uye akafira ipapo pamberi paMwari.+ 11 Asi Dhavhidhi akatsamwa nekuti Jehovha akanga aratidza hasha dzake kuna Uza; uye nzvimbo iyoyo inonzi Perezi-uza* nanhasi.

12 Saka Dhavhidhi akatya Mwari wechokwadi pazuva iroro uye akati: “Ndichaunza sei Areka yaMwari wechokwadi kuguta rangu?”+ 13 Dhavhidhi haana kuunza Areka yacho kwaaiva kuGuta raDhavhidhi, asi akaita kuti iendeswe kumba kwaObhedhi-edhomu wekuGati. 14 Areka yaMwari wechokwadi yaiva kumba kwaObhedhi-edhomu uye yakaramba iri ikoko kwemwedzi mitatu. Jehovha akaramba achikomborera imba yaObhedhi-edhomu nezvese zvaaiva nazvo.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe