RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Jeremiya 28
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri mubhuku Jeremiya

      • Jeremiya nemuprofita wenhema Hananiya (1-17)

Jeremiya 28:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 24:17; 2Mak 36:10
  • +Jos 11:19; 2Sa 21:2

Jeremiya 28:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 27:4, 8

Jeremiya 28:3

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “Makore maviri emazuva.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 24:11, 13; Jer 27:16; Dha 1:2

Jeremiya 28:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 24:8; 25:27; Jer 37:1
  • +2Mad 23:36; 24:6
  • +2Mad 24:12, 14; Jer 24:1

Jeremiya 28:6

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Ngazviitike!”

Jeremiya 28:8

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nezvechirwere.”

Jeremiya 28:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 27:2

Jeremiya 28:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 28:4

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Jeremiya, pp. 187-188

Jeremiya 28:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 27:2

Jeremiya 28:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 28:48; Jer 5:19
  • +Jer 27:6; Dha 2:37, 38

Jeremiya 28:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 28:1
  • +Jer 14:14; 23:21; 27:15; Eze 13:3

Jeremiya 28:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 13:5; 18:20; Jer 29:32

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Jer. 28:12Mad 24:17; 2Mak 36:10
Jer. 28:1Jos 11:19; 2Sa 21:2
Jer. 28:2Jer 27:4, 8
Jer. 28:32Mad 24:11, 13; Jer 27:16; Dha 1:2
Jer. 28:42Mad 24:8; 25:27; Jer 37:1
Jer. 28:42Mad 23:36; 24:6
Jer. 28:42Mad 24:12, 14; Jer 24:1
Jer. 28:10Jer 27:2
Jer. 28:11Jer 28:4
Jer. 28:13Jer 27:2
Jer. 28:14Dhe 28:48; Jer 5:19
Jer. 28:14Jer 27:6; Dha 2:37, 38
Jer. 28:15Jer 28:1
Jer. 28:15Jer 14:14; 23:21; 27:15; Eze 13:3
Jer. 28:16Dhe 13:5; 18:20; Jer 29:32
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Jeremiya 28:1-17

Jeremiya

28 Gore rimwe chete iroro, panguva yakatanga kutonga Mambo Zedhekiya+ weJudha, mugore rechina, mumwedzi wechishanu, muprofita Hananiya mwanakomana waAzuri wekuGibhiyoni,+ akataura neni muimba yaJehovha, vapristi nevanhu vese vachizviona, achiti: 2 “Zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri, ‘Ndichatyora joko ramambo weBhabhironi.+ 3 Makore maviri* asati apera ndichadzosa kunzvimbo ino midziyo yese yeimba yaJehovha yakatorwa naMambo Nebhukadhinezari weBhabhironi munzvimbo ino akaiendesa kuBhabhironi.’”+ 4 “‘Uye ndichadzosa Jekoniya+ mwanakomana waJehoyakimu,+ mambo weJudha kunzvimbo ino, nenhapwa dzese dzeJudha dzakaenda kuBhabhironi,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘nekuti ndichatyora joko ramambo weBhabhironi.’”

5 Muprofita Jeremiya akabva ataura nemuprofita Hananiya, vapristi uye vanhu vese vakanga vamire muimba yaJehovha vachizviona. 6 Muprofita Jeremiya akati: “Ameni!* Jehovha ngaazviite! Jehovha ngaazadzise mashoko ako awaprofita kuburikidza nekudzosa kunzvimbo ino midziyo yeimba yaJehovha nevanhu vese vakatapwa kubva kuBhabhironi! 7 Zvisinei, ndinokumbirawo kuti unzwe shoko iri randiri kutaura iwe nevanhu vese makateerera. 8 Makare kare vaprofita vakanditangira nevakakutangira vaiprofita pamusoro penyika zhinji neumambo hune simba, nezvehondo, nezvedambudziko uye nezvedenda.* 9 Kana muprofita akaprofita nezverugare, shoko remuprofita wacho roitika, zvichabva zvazivikanwa kuti chokwadi Jehovha ndiye akatuma muprofita wacho.”

10 Muprofita Hananiya akabva abvisa joko pamutsipa wemuprofita Jeremiya, akarityora.+ 11 Hananiya akabva ataura vanhu vese vakatarisa, achiti: “Zvanzi naJehovha, ‘Makore maviri asati apera, ndichatyorawo joko raMambo Nebhukadhinezari weBhabhironi saizvozvi ndichiribvisa pamutsipa wemarudzi ese.’”+ Muprofita Jeremiya akabva aenda.

12 Pashure pekunge muprofita Hananiya atyora joko achiribvisa pamutsipa wemuprofita Jeremiya, shoko iri raJehovha rakauya kuna Jeremiya: 13 “Enda unoti kuna Hananiya, ‘Zvanzi naJehovha: “Watyora majoko emuti,+ asi uchagadzira majoko esimbi panzvimbo pawo.” 14 Nekuti zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri: “Ndichaisa joko resimbi pamutsipa wemarudzi aya ese, kuti ave pasi paMambo Nebhukadhinezari weBhabhironi, uye iwo achava pasi pake.+ Ndichamupa kunyange mhuka dzesango.”’”+

15 Muprofita Jeremiya akabva ati kumuprofita Hananiya:+ “Ndapota, teerera haiwa iwe Hananiya! Jehovha haana kukutuma, asi iwe waita kuti vanhu ava vavimbe nenhema.+ 16 Saka zvanzi naJehovha, ‘Inzwa! Ndiri kukubvisa panyika. Uchafa gore rino, nekuti wakafurira vanhu kupandukira Jehovha.’”+

17 Saka muprofita Hananiya akafa gore iroro, mumwedzi wechinomwe.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe