Jeremiya
28 Gore rimwe chete iroro, panguva yakatanga kutonga Mambo Zedhekiya+ weJudha, mugore rechina, mumwedzi wechishanu, muprofita Hananiya mwanakomana waAzuri wekuGibhiyoni,+ akataura neni muimba yaJehovha, vapristi nevanhu vese vachizviona, achiti: 2 “Zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri, ‘Ndichatyora joko ramambo weBhabhironi.+ 3 Makore maviri* asati apera ndichadzosa kunzvimbo ino midziyo yese yeimba yaJehovha yakatorwa naMambo Nebhukadhinezari weBhabhironi munzvimbo ino akaiendesa kuBhabhironi.’”+ 4 “‘Uye ndichadzosa Jekoniya+ mwanakomana waJehoyakimu,+ mambo weJudha kunzvimbo ino, nenhapwa dzese dzeJudha dzakaenda kuBhabhironi,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘nekuti ndichatyora joko ramambo weBhabhironi.’”
5 Muprofita Jeremiya akabva ataura nemuprofita Hananiya, vapristi uye vanhu vese vakanga vamire muimba yaJehovha vachizviona. 6 Muprofita Jeremiya akati: “Ameni!* Jehovha ngaazviite! Jehovha ngaazadzise mashoko ako awaprofita kuburikidza nekudzosa kunzvimbo ino midziyo yeimba yaJehovha nevanhu vese vakatapwa kubva kuBhabhironi! 7 Zvisinei, ndinokumbirawo kuti unzwe shoko iri randiri kutaura iwe nevanhu vese makateerera. 8 Makare kare vaprofita vakanditangira nevakakutangira vaiprofita pamusoro penyika zhinji neumambo hune simba, nezvehondo, nezvedambudziko uye nezvedenda.* 9 Kana muprofita akaprofita nezverugare, shoko remuprofita wacho roitika, zvichabva zvazivikanwa kuti chokwadi Jehovha ndiye akatuma muprofita wacho.”
10 Muprofita Hananiya akabva abvisa joko pamutsipa wemuprofita Jeremiya, akarityora.+ 11 Hananiya akabva ataura vanhu vese vakatarisa, achiti: “Zvanzi naJehovha, ‘Makore maviri asati apera, ndichatyorawo joko raMambo Nebhukadhinezari weBhabhironi saizvozvi ndichiribvisa pamutsipa wemarudzi ese.’”+ Muprofita Jeremiya akabva aenda.
12 Pashure pekunge muprofita Hananiya atyora joko achiribvisa pamutsipa wemuprofita Jeremiya, shoko iri raJehovha rakauya kuna Jeremiya: 13 “Enda unoti kuna Hananiya, ‘Zvanzi naJehovha: “Watyora majoko emuti,+ asi uchagadzira majoko esimbi panzvimbo pawo.” 14 Nekuti zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri: “Ndichaisa joko resimbi pamutsipa wemarudzi aya ese, kuti ave pasi paMambo Nebhukadhinezari weBhabhironi, uye iwo achava pasi pake.+ Ndichamupa kunyange mhuka dzesango.”’”+
15 Muprofita Jeremiya akabva ati kumuprofita Hananiya:+ “Ndapota, teerera haiwa iwe Hananiya! Jehovha haana kukutuma, asi iwe waita kuti vanhu ava vavimbe nenhema.+ 16 Saka zvanzi naJehovha, ‘Inzwa! Ndiri kukubvisa panyika. Uchafa gore rino, nekuti wakafurira vanhu kupandukira Jehovha.’”+
17 Saka muprofita Hananiya akafa gore iroro, mumwedzi wechinomwe.