RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 2 Madzimambo 9
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku ra2 Madzimambo

      • Jehu anozodzwa kuva mambo weIsraeri (1-13)

      • Jehu anouraya Jehoramu naAhaziya (14-29)

      • Jezebheri anourayiwa; anodyiwa nembwa (30-37)

2 Madzimambo 9:1

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “chinu ichi chemafuta.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 8:25, 28

2 Madzimambo 9:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 19:16, 17

2 Madzimambo 9:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 22:7

2 Madzimambo 9:5

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    11/15/2011, p. 3

2 Madzimambo 9:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 19:16

2 Madzimambo 9:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 18:4; 19:2; 21:15, 25; Ru 18:7

2 Madzimambo 9:8

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “chero munhu anoitira weti pamadziro.” Aya matauriro echiHebheru ekuzvidza aireva kuti vanhurume.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 21:20, 21

2 Madzimambo 9:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 15:28, 29
  • +1Mad 16:11, 12

2 Madzimambo 9:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 21:23
  • +2Mad 9:3

2 Madzimambo 9:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 9:6

2 Madzimambo 9:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mt 21:7
  • +2Sa 15:10; 1Mad 1:34, 39

2 Madzimambo 9:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 19:16
  • +2Mad 8:28
  • +1Mad 19:15; 2Mad 8:15; 10:32

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    11/15/2011, p. 3

2 Madzimambo 9:15

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Kana mweya yenyu ichinditsigira.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 19:17, 18; 1Mad 21:1
  • +2Mak 22:6

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    11/15/2011, p. 3

2 Madzimambo 9:17

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    11/15/2011, pp. 3-4

    6/15/1993, pp. 6-7

2 Madzimambo 9:20

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “mwanakomana.”

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    11/15/2011, p. 4

    8/1/2005, p. 11

    1/1/1998, pp. 13-14

2 Madzimambo 9:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 8:25, 29; 2Mak 22:7
  • +1Mad 21:1, 15

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    6/15/1993, pp. 6-7

2 Madzimambo 9:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 16:31; 18:4; 19:2; 21:7
  • +Re 20:6; Dhe 18:10; 1Mad 18:19

2 Madzimambo 9:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 21:19
  • +1Mad 21:29

2 Madzimambo 9:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 4:8, 10; Pis 9:12; 72:14
  • +Ge 9:5; Re 24:17
  • +1Mad 21:24

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    2/1/2014, pp. 13-14

2 Madzimambo 9:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 8:29; 2Mak 22:7
  • +Jos 17:11

2 Madzimambo 9:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 5:7

2 Madzimambo 9:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 8:24; 2Mak 22:2

2 Madzimambo 9:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 21:1
  • +1Mad 16:31; 21:25

2 Madzimambo 9:31

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 16:15-19

2 Madzimambo 9:32

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 32:26; Pis 94:16

2 Madzimambo 9:34

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 16:31

2 Madzimambo 9:35

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 9:10

2 Madzimambo 9:36

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 55:10, 11
  • +1Mad 21:23

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Jeremiya, pp. 120-121

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

2 Madz. 9:12Mad 8:25, 28
2 Madz. 9:21Mad 19:16, 17
2 Madz. 9:32Mak 22:7
2 Madz. 9:61Mad 19:16
2 Madz. 9:71Mad 18:4; 19:2; 21:15, 25; Ru 18:7
2 Madz. 9:81Mad 21:20, 21
2 Madz. 9:91Mad 15:28, 29
2 Madz. 9:91Mad 16:11, 12
2 Madz. 9:101Mad 21:23
2 Madz. 9:102Mad 9:3
2 Madz. 9:122Mad 9:6
2 Madz. 9:13Mt 21:7
2 Madz. 9:132Sa 15:10; 1Mad 1:34, 39
2 Madz. 9:141Mad 19:16
2 Madz. 9:142Mad 8:28
2 Madz. 9:141Mad 19:15; 2Mad 8:15; 10:32
2 Madz. 9:15Jos 19:17, 18; 1Mad 21:1
2 Madz. 9:152Mak 22:6
2 Madz. 9:212Mad 8:25, 29; 2Mak 22:7
2 Madz. 9:211Mad 21:1, 15
2 Madz. 9:221Mad 16:31; 18:4; 19:2; 21:7
2 Madz. 9:22Re 20:6; Dhe 18:10; 1Mad 18:19
2 Madz. 9:251Mad 21:19
2 Madz. 9:251Mad 21:29
2 Madz. 9:26Ge 4:8, 10; Pis 9:12; 72:14
2 Madz. 9:26Ge 9:5; Re 24:17
2 Madz. 9:261Mad 21:24
2 Madz. 9:272Mad 8:29; 2Mak 22:7
2 Madz. 9:27Jos 17:11
2 Madz. 9:282Sa 5:7
2 Madz. 9:292Mad 8:24; 2Mak 22:2
2 Madz. 9:301Mad 21:1
2 Madz. 9:301Mad 16:31; 21:25
2 Madz. 9:311Mad 16:15-19
2 Madz. 9:32Eks 32:26; Pis 94:16
2 Madz. 9:341Mad 16:31
2 Madz. 9:352Mad 9:10
2 Madz. 9:36Isa 55:10, 11
2 Madz. 9:361Mad 21:23
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
  • 35
  • 36
  • 37
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
2 Madzimambo 9:1-37

Bhuku Rechipiri reMadzimambo

9 Zvino muprofita Erisha akashevedza mumwe wevanakomana vevaprofita, akati kwaari: “Monera nguo dzako muchiuno, ukurumidze kutora kamudziyo aka kemafuta,* uende kuRamoti-giriyedhi.+ 2 Paunosvika ikoko, tsvaga Jehu+ mwanakomana waJehoshafati mwanakomana waNimshi; pinda mukati uite kuti asimuke kubva pakati pehama dzake, wopinda naye muimba yemukatikati. 3 Utore kamudziyo kemafuta, uadururire mumusoro make uti, ‘Zvanzi naJehovha: “Ndakuzodza kuti uve mambo weIsraeri.”’+ Kana wadaro, vhura suo ubve wangotiza.”

4 Saka mushandi wemuprofita wacho akasimuka akaenda kuRamoti-giriyedhi. 5 Paakasvika ikoko, akawana vakuru veuto vakagara. Akati: “Ndine shoko renyu mukuru wangu.” Jehu akabvunza kuti: “Raani pakati pedu?” Iye akati: “Renyu imi mukuru wangu.” 6 Saka Jehu akasimuka akapinda mumba; uye mushandi wacho akadururira mafuta mumusoro make, akati kwaari: “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri: ‘Ndakuzodza kuti uve mambo wevanhu vaJehovha, ivo vaIsraeri.+ 7 Unofanira kuuraya imba yaAhabhi ishe wako, uye ndichatsiva ropa revaranda vangu vaprofita nerevashumiri vaJehovha vese vakaurayiwa naJezebheri.+ 8 Imba yese yaAhabhi ichaparara; uye ndichaparadza vanhurume vese* vekwaAhabhi, kusanganisira varombo nevasina simba muIsraeri.+ 9 Ndichaita kuti imba yaAhabhi iite seimba yaJerobhoamu+ mwanakomana waNebhati, uye seimba yaBhaasha+ mwanakomana waAhija. 10 Kana ari Jezebheri, imbwa dzichamudyira mumunda uri kuJezreeri,+ uye hapana achamuviga.’” Akabva avhura suo akatiza.+

11 Jehu paakadzokera kuvaranda vashe wake, vakamubvunza kuti: “Kwakanaka here? Benzi iri ravingei kwauri?” Akavapindura kuti: “Munongomuzivawo murume wacho uye zvaanotaura.” 12 Asi ivo vakati: “Uri kunyepa! Tiudzewo zvaataura.” Akabva ati: “Ataura neni izvi, achibva azoti, ‘Zvanzi naJehovha: “Ndakuzodza kuti uve mambo weIsraeri.”’”+ 13 Mumwe nemumwe wavo akabva angotora nguo yake, akaiwaridza pamasitepisi kuti Jehu atsike,+ uye vakaridza hwamanda vakati: “Jehu ava mambo!”+ 14 Jehu+ mwanakomana waJehoshafati mwanakomana waNimshi akabva apandukira Jehoramu.

Jehoramu ainge akarinda kuRamoti-giriyedhi,+ iye nevaIsraeri vese, kuti vasarwiswa naMambo Hazaeri+ weSiriya. 15 Gare gare Mambo Jehoramu akadzokera kuJezreeri+ kuti apore maronda aakakuvadzwa nevaSiriya paakarwa naMambo Hazaeri weSiriya.+

Zvino Jehu akati: “Kana muchinditsigira,* musarega chero munhu upi zvake achitiza muguta kuti anotaura izvi kuJezreeri.” 16 Jehu akabva akwira mungoro yake akaenda kuJezreeri, nekuti Jehoramu akanga akarara ikoko sezvo akanga akakuvara, uye Mambo Ahaziya weJudha ainge adzika kunoona Jehoramu. 17 Murindi paakanga akamira pashongwe iri muJezreeri, akaona boka guru revarume vaJehu richiuya. Akabva angoti: “Pane varume vakawanda vandiri kuona.” Jehoramu akati: “Tora murwi anotasva bhiza, umutume kuti anosangana navo, anoti, ‘Mauya murugare here?’” 18 Saka mutasvi webhiza akaenda kunosangana naye akati: “Zvanzi namambo, ‘Wauya murugare here?’” Asi Jehu akati: “‘Rugare’ rwekuita sei? Enda shure kwangu unditevere!”

Murindi wacho akabva ati: “Nhume yacho yasvika kwavari, asi haina kudzoka.” 19 Saka akatuma mutasvi webhiza wechipiri, uyo akasvika kwavari akati: “Zvanzi namambo, ‘Wauya murugare here?’” Asi Jehu akati: “‘Rugare’ rwekuita sei? Enda shure kwangu unditevere!”

20 Murindi wacho akabva ati: “Asvika kwavari, asi haana kudzoka, uye kutyaira kuri kuita mukuru wavo kwakaita sekutyaira kwaJehu muzukuru* waNimshi, nekuti anotyaira ngoro semunhu anopenga.” 21 Jehoramu akati: “Sungai ngoro!” Saka vakasunga ngoro yake yehondo uye Mambo Jehoramu weIsraeri naMambo Ahaziya+ weJudha vakabuda kuti vanosangana naJehu, mumwe nemumwe ari mungoro yake yehondo. Vakasangana naye mumunda waNabhoti+ muJezreeri.

22 Jehoramu paakangoona Jehu, akati: “Wauya murugare here nhai Jehu?” Asi iye akati: “Kungava nerugare rwei kana upfambi hwaJezebheri+ amai vako neuroyi+ hwavo huzhinji zvichiripo?” 23 Jehoramu akabva atendeutsa ngoro yake kuti atize, uye akati kuna Ahaziya: “Ahaziya, tanyengerwa!” 24 Jehu akatora uta hwake, akapfura Jehoramu pakati pemapendekete, uye museve wacho wakabuda nepamwoyo pake, achibva awira mungoro yake yehondo. 25 Jehu akabva ati kuna Bhidkari mubatsiri wake: “Musimudze umukande mumunda waNabhoti muJezreeri.+ Yeuka kuti ini newe takanga tichityaira ngoro dzaiva mumashure mababa vake Ahabhi, Jehovha paakataura chirevo ichi pamusoro pake chekuti:+ 26 ‘“Sekuona kwandakaita ropa raNabhoti+ nerevanakomana vake nezuro,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “ndinopika kuti ndichakutsiva+ mumunda iwo uno,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.’ Saka musimudze umukande mumunda wacho, maererano neshoko raJehovha.”+

27 Mambo Ahaziya+ weJudha paakaona zvaiitika, akatiza nenzira yekuimba yaiva mumunda. (Gare gare Jehu akamutevera akati: “Naiyewo mubayei!” Saka vakamubaya ari mungoro yake paaiva munzira achikwidza kuGuri, iri pedyo neIbreyamu.+ Asi akaramba achitiza achienda kuMegidho, uye akafira ikoko. 28 Varanda vake vakabva vamutakura mungoro vakaenda naye kuJerusarema, vakamuviga muguva rake pamwe chete nemadzitateguru ake muGuta raDhavhidhi.+ 29 Ahaziya+ akanga ava mambo weJudha mugore rechi11 raJehoramu mwanakomana waAhabhi.)

30 Jehu paakasvika kuJezreeri,+ Jezebheri+ akazvinzwa. Saka akapenda maziso ake nezvekuzora zvitema, akagadzira musoro wake, akatarisa pasi nepahwindo. 31 Jehu paaipinda nepagedhi, Jezebheri akati: “Chii chakaitika kuna Zimri uya akauraya ishe wake?”+ 32 Jehu akatarisa kumusoro kuhwindo racho akati: “Ndiani ari kudivi rangu? Ndiani?”+ Vakuru vaviri kana vatatu vemumuzinda vakabva vatarisa pasi kwaari. 33 Akati: “Mukandei pasi!” Saka vakamukanda pasi, uye rimwe ropa rake rakatsatikira pamadziro nepamabhiza, achibva amutsika-tsika. 34 Pashure paizvozvo akapinda mukati, akadya nekunwa. Akabva ati: “Ndapota, onai zvekuita nemukadzi uyu akatukwa mumuvige. Handiti mwanasikana wamambo.”+ 35 Asi pavakaenda kunomuviga, havana chavakawana kunze kwedehenya rake netsoka dzake nezvanza zvemaoko ake.+ 36 Pavakadzoka vakamuudza, iye akati: “Izvi zviri kuzadzisa shoko raJehovha+ raakataura achishandisa muranda wake Eriya muTishbhi, achiti, ‘Imbwa dzichadyira nyama yaJezebheri mumunda wekuJezreeri.+ 37 Chitunha chaJezebheri chichava mupfudze paivhu remumunda uri muJezreeri, kuti varege kuzoti: “Uyu ndiJezebheri.”’”

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe