RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 2 Madzimambo 19
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku ra2 Madzimambo

      • Hezekiya anotsvaga kubatsirwa naMwari achishandisa Isaya (1-7)

      • Saniheribhi anotyisidzira Jerusarema (8-13)

      • Munyengetero waHezekiya (14-19)

      • Isaya anozivisa mhinduro yaMwari (20-34)

      • Ngirozi inouraya vaAsiriya 185 000 (35-37)

2 Madzimambo 19:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 37:1-4

2 Madzimambo 19:2

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “pamuzinda.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 1:1

2 Madzimambo 19:3

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “rekutsiurwa.”

  • *

    ChiHeb., “vana vasvika pamuromo wechibereko.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 26:17, 18

2 Madzimambo 19:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 17:45; 2Mad 18:35
  • +2Sa 22:7; 2Mak 20:9; 32:20; Pis 50:15

2 Madzimambo 19:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 37:5-7

2 Madzimambo 19:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 20:3; Isa 41:10; 51:7
  • +2Mad 18:17

2 Madzimambo 19:7

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “mweya wandiri kuisa maari.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 32:21; Isa 37:37, 38

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    “Rugwaro Rwose,” p. 73

2 Madzimambo 19:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 18:14
  • +Isa 37:8-13

2 Madzimambo 19:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 18:17

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    2/1/1988, pp. 26-27

2 Madzimambo 19:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 32:15

2 Madzimambo 19:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 17:5; 2Mak 32:10, 13; Isa 10:8-11

2 Madzimambo 19:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 11:31

2 Madzimambo 19:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 17:24; 18:33, 34

2 Madzimambo 19:14

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “akaibhedhenura.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 8:30; Isa 37:14-20

2 Madzimambo 19:15

Mashoko Emuzasi

  • *

    Dzimwe shanduro dzinoti, “pakati.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 32:20
  • +Eks 25:22
  • +1Mak 29:10, 11

2 Madzimambo 19:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 8:29; Pis 65:2
  • +2Mak 16:9; Dha 9:18

2 Madzimambo 19:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 16:8, 9; 17:6, 24

2 Madzimambo 19:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 41:29
  • +Jer 10:3

2 Madzimambo 19:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 83:17, 18; Isa 45:5, 6

2 Madzimambo 19:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 19:15
  • +Isa 37:21, 22

2 Madzimambo 19:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 19:10
  • +2Mad 18:30; Isa 10:12, 13
  • +Isa 37:23-25

2 Madzimambo 19:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 32:17; Isa 10:10, 11
  • +2Mad 18:17

2 Madzimambo 19:24

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “migero yese yeNire kuIjipiti.”

2 Madzimambo 19:25

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “zvakaitwa.”

  • *

    Kana kuti “Ndakazviumba.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 14:24
  • +Pis 33:11
  • +Isa 46:10
  • +Isa 10:5; 37:26, 27

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/15/1999, p. 14

2 Madzimambo 19:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 40:7

2 Madzimambo 19:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 5:21; VaH 4:13
  • +Isa 37:28, 29

2 Madzimambo 19:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 46:6; Isa 10:5, 15
  • +2Mad 18:35; Isa 10:12, 13
  • +Pis 32:9
  • +2Mad 19:33

2 Madzimambo 19:29

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva, Hezekiya.

  • *

    Kana kuti “zvinomera kubva pambeu inenge yadonhera pasi.”

  • *

    Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 25:4-6
  • +Isa 37:30-32

2 Madzimambo 19:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 32:22; Isa 10:20

2 Madzimambo 19:31

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 59:17; Zek 1:14, 15

2 Madzimambo 19:32

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 10:24
  • +2Mak 32:22
  • +Isa 37:33-35

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    2/15/1988, p. 28

2 Madzimambo 19:34

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 31:5
  • +1Sa 12:22; Isa 43:25; Eze 36:22
  • +2Mad 20:6; Jer 23:5

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    “Rugwaro Rwose,” p. 145

2 Madzimambo 19:35

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 32:21; Isa 31:8
  • +Eks 12:30; Isa 37:36-38

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    6/1/1993, p. 6

    2/15/1988, p. 28

2 Madzimambo 19:36

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jon 1:2
  • +2Mad 19:7, 28

2 Madzimambo 19:37

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mutemberi.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 32:21
  • +Ge 8:4
  • +Ezr 4:2

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    “Rugwaro Rwose,” p. 73

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

2 Madz. 19:1Isa 37:1-4
2 Madz. 19:2Isa 1:1
2 Madz. 19:3Isa 26:17, 18
2 Madz. 19:41Sa 17:45; 2Mad 18:35
2 Madz. 19:42Sa 22:7; 2Mak 20:9; 32:20; Pis 50:15
2 Madz. 19:5Isa 37:5-7
2 Madz. 19:6Dhe 20:3; Isa 41:10; 51:7
2 Madz. 19:62Mad 18:17
2 Madz. 19:72Mak 32:21; Isa 37:37, 38
2 Madz. 19:82Mad 18:14
2 Madz. 19:8Isa 37:8-13
2 Madz. 19:92Mad 18:17
2 Madz. 19:102Mak 32:15
2 Madz. 19:112Mad 17:5; 2Mak 32:10, 13; Isa 10:8-11
2 Madz. 19:12Ge 11:31
2 Madz. 19:132Mad 17:24; 18:33, 34
2 Madz. 19:141Mad 8:30; Isa 37:14-20
2 Madz. 19:152Mak 32:20
2 Madz. 19:15Eks 25:22
2 Madz. 19:151Mak 29:10, 11
2 Madz. 19:161Mad 8:29; Pis 65:2
2 Madz. 19:162Mak 16:9; Dha 9:18
2 Madz. 19:172Mad 16:8, 9; 17:6, 24
2 Madz. 19:18Isa 41:29
2 Madz. 19:18Jer 10:3
2 Madz. 19:19Pis 83:17, 18; Isa 45:5, 6
2 Madz. 19:202Mad 19:15
2 Madz. 19:20Isa 37:21, 22
2 Madz. 19:222Mad 19:10
2 Madz. 19:222Mad 18:30; Isa 10:12, 13
2 Madz. 19:22Isa 37:23-25
2 Madz. 19:232Mak 32:17; Isa 10:10, 11
2 Madz. 19:232Mad 18:17
2 Madz. 19:25Isa 14:24
2 Madz. 19:25Pis 33:11
2 Madz. 19:25Isa 46:10
2 Madz. 19:25Isa 10:5; 37:26, 27
2 Madz. 19:26Isa 40:7
2 Madz. 19:27Zvi 5:21; VaH 4:13
2 Madz. 19:27Isa 37:28, 29
2 Madz. 19:28Pis 46:6; Isa 10:5, 15
2 Madz. 19:282Mad 18:35; Isa 10:12, 13
2 Madz. 19:28Pis 32:9
2 Madz. 19:282Mad 19:33
2 Madz. 19:29Re 25:4-6
2 Madz. 19:29Isa 37:30-32
2 Madz. 19:302Mak 32:22; Isa 10:20
2 Madz. 19:31Isa 59:17; Zek 1:14, 15
2 Madz. 19:32Isa 10:24
2 Madz. 19:322Mak 32:22
2 Madz. 19:32Isa 37:33-35
2 Madz. 19:34Isa 31:5
2 Madz. 19:341Sa 12:22; Isa 43:25; Eze 36:22
2 Madz. 19:342Mad 20:6; Jer 23:5
2 Madz. 19:352Mak 32:21; Isa 31:8
2 Madz. 19:35Eks 12:30; Isa 37:36-38
2 Madz. 19:36Jon 1:2
2 Madz. 19:362Mad 19:7, 28
2 Madz. 19:372Mak 32:21
2 Madz. 19:37Ge 8:4
2 Madz. 19:37Ezr 4:2
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
  • 35
  • 36
  • 37
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
2 Madzimambo 19:1-37

Bhuku Rechipiri reMadzimambo

19 Mambo Hezekiya paakangozvinzwa, akabvarura nguo dzake, akapfeka masaga, akapinda muimba yaJehovha.+ 2 Akabva atuma Eriyakimu, uyo aitungamirira imba,* naShebhina munyori, nevakuru vevapristi kuti vaende kumuprofita Isaya+ mwanakomana waAmozi vakapfeka masaga. 3 Vakati kwaari: “Zvanzi naHezekiya, ‘Nhasi izuva rekutambudzika uye rekutukwa* nekunyadziswa; nekuti nguva yekuzvarwa kwevana yasvika,* asi hapana simba rekusununguka.+ 4 Zvichida Jehovha Mwari wenyu achanzwa mashoko ese emuRabhisheki, uyo akatumwa nashe wake mambo weAsiriya kuti ashore Mwari mupenyu,+ uye achaita kuti azvidavirire nemhaka yemashoko anzwiwa naJehovha Mwari wenyu. Saka nyengetererai+ vaya vakapona.’”

5 Saka varanda vaMambo Hezekiya vakapinda maiva naIsaya,+ 6 uye Isaya akati kwavari: “Muti kunashe wenyu, ‘Zvanzi naJehovha: “Usatya+ mashoko awanzwa, mashoko ekundimhura ataurwa nevashandi vamambo weAsiriya.+ 7 Pane pfungwa yandiri kuisa mumusoro make,* uye pane shoko raachanzwa odzokera kunyika yake; uye ndichaita kuti aurayiwe nebakatwa munyika yake.”’”+

8 Pashure pekunge muRabhisheki anzwa kuti mambo weAsiriya akanga abva kuRakishi,+ akadzokera kwaari akamuwana achirwa neRibna.+ 9 Zvino mambo wacho akanzwa zvichinzi nezvaMambo Tihaka weItiopiya: “Auya kuzorwa newe.” Saka akatumazve nhume+ kuna Hezekiya, achiti: 10 “Muti kuna Mambo Hezekiya weJudha, ‘Mwari wako wauri kuvimba naye ngaarege kukunyengera achiti: “Jerusarema harizoiswi muruoko rwamambo weAsiriya.”+ 11 Iwe wakanzwa zvakaitwa nemadzimambo eAsiriya kunyika dzese nekudziparadza kwaakaita.+ Zvino iwe wega ndiwe unganunurwa here? 12 Marudzi akaparadzwa nemadzitateguru angu akanunurwa here navanamwari vawo? Iri kupi Gozani, neHarani,+ neRezefi, nevanhu vekuEdheni vaiva muTeri-asari? 13 Ari kupi mambo weHamati, mambo weApadhi, mambo wemaguta eSefavhaimu, neweHena, neIvha?’”+

14 Hezekiya akatora tsamba dzaiva muruoko rwenhume dzacho akadziverenga. Hezekiya akabva aenda kuimba yaJehovha, akadzibhedhenura* pamberi paJehovha.+ 15 Hezekiya akabva atanga kunyengetera+ ari pamberi paJehovha, akati: “Haiwa Jehovha Mwari waIsraeri, agere pachigaro cheumambo pamusoro* pemakerubhi,+ imi mega ndimi Mwari wechokwadi paumambo hwese hwenyika.+ Ndimi makasika denga nenyika. 16 Haiwa Jehovha, rerekai nzeve yenyu munzwe!+ Haiwa Jehovha, svinurai maziso enyu+ muone! Inzwai mashoko atumirwa naSaniheribhi kuti ashore Mwari mupenyu. 17 Haiwa Jehovha, ichokwadi kuti madzimambo eAsiriya akaparadza marudzi nenyika dzawo.+ 18 Uye akakanda vanamwari vawo mumoto, nekuti vakanga vasiri vanamwari,+ asi zvinhu zvakagadzirwa nemaoko emunhu,+ danda nedombo. Ndokusaka akakwanisa kuvaparadza. 19 Asi zvino, haiwa Jehovha Mwari wedu, tapota, tiponesei paruoko rwake, kuti umambo hwese hwepanyika huzive kuti imi mega ndimi Mwari, haiwa Jehovha.”+

20 Isaya mwanakomana waAmozi akabva atumira shoko kuna Hezekiya, achiti: “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri, ‘Ndanzwa kunyengetera kwawaita+ kwandiri pamusoro paMambo Saniheribhi weAsiriya.+ 21 Izvi ndizvo zvataurwa naJehovha pamusoro pake:

“Mhandara yeZiyoni iri kukuzvidza, uye iri kukunyomba.

Mwanasikana weJerusarema ari kukudzungudzira musoro.

22 Ndiani wawashora uye wawamhura?+

Ndiani wawakwidzira inzwi+

Uye wawasimudzira maziso ako uchizvikudza?

Wazviita kuMutsvene waIsraeri!+

23 Washora Jehovha+ uchishandisa nhume dzako+ ukati,

‘Nengoro dzangu zhinji dzehondo

Ndichakwira pamusoro pemakomo,

Idzo nzvimbo dziri kure chaizvo dzeRebhanoni.

Ndichatema misidhari yayo mirefu, mijunipa yayo yakanaka chaizvo.

Ndichapinda munzvimbo dzayo dziri kure kure, mumasango ayo azere nemiti.

24 Ndichachera matsime ndonwa mvura yekune imwe nyika;

Ndichaomesa hova dzese dzeIjipiti* netsoka dzangu.’

25 Hauna kuzvinzwa here? Izvi zvakasarudzwa* kare kare.+

Ndakazvigadzirira* kare.+

Iye zvino ndichazviita.+

Uchaita kuti maguta akakomberedzwa nemasvingo asare ava mirwi yematongo.+

26 Vagari vemo vachapera simba;

Vachavhundutswa uye vachanyadziswa.

Vachaita sezvinomera musango neuswa hwakasvibirira,+

Seuswa hunomera pamatenga edzimba hunenge hwapiswa nemhepo yekumabvazuva.

27 Asi ndinonyatsoziva paunogara pasi, paunobuda nepaunopinda,+

Uye paunonditsamwira,+

28 Nekuti kunditsamwira kwako+ nekudzvova kwako zvasvika munzeve dzangu.+

Saka ndichaisa chirauro changu mumhino dzako nematomu+ angu pakati pemiromo yako,

Uye ndichakudzorera nenzira yawakauya nayo.”+

29 “‘Ichi ndicho chichava chiratidzo kwauri:* Gore rino muchadya zvinomera zvega;* uye mugore rechipiri muchadya zviyo* zvinobukira mamakambokohwa;+ asi mugore rechitatu muchadyara mbeu mokohwa, uye muchadyara minda yemizambiringa modya michero yayo.+ 30 Vaya vachapukunyuka veimba yaJudha, vaya vachasara,+ vachadzika midzi pasi vobereka michero kumusoro. 31 Nekuti pachava nevachasara vachabuda muJerusarema nevachapukunyuka vachabuda muGomo reZiyoni. Jehovha wemauto uyo anoshingaira, achazviita.+

32 “‘Saka zvanzi naJehovha pamusoro pamambo weAsiriya:+

“Haazopindi muguta rino+

Kana kupfura museve imomo

Kana kurirwisa akabata nhoo

Kana kurikomberedza nemurwi wevhu kuti arirwise.+

33 Achadzokera nenzira yaakauya nayo;

Haazopindi muguta rino,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.

34 “Ndicharwira guta rino+ ndoriponesa ndichiitira zita rangu+

Uye ndichifunga muranda wangu Dhavhidhi.”’”+

35 Usiku ihwohwo chaihwo ngirozi yaJehovha yakaenda ikauraya varume 185 000 mumusasa wevaAsiriya.+ Vanhu pavakafumomuka mangwanani, vakaona zvitunha zvacho zvese.+ 36 Saka Mambo Saniheribhi weAsiriya akasimuka akadzokera kuNinivhi,+ akagara ikoko.+ 37 Zvino paakanga akapfugama muimba* yamwari wake Nisroki, vanakomana vake Adramereki naSharezeri vakamuuraya nebakatwa+ vakatizira kunyika yeArarati.+ Mwanakomana wake Esari-hadhoni+ akabva ava mambo panzvimbo yake.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe