RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Zvirevo 30
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raZvirevo

        • Musandipa urombo kana upfumi (8)

Zvirevo 30:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Job 42:3

Zvirevo 30:4

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “akasimudza.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Joh 3:13
  • +Isa 40:12
  • +Job 38:4

Zvirevo 30:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 12:6
  • +Ge 15:1; 2Sa 22:31; Pis 84:11

Zvirevo 30:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 4:2; Zva 22:18

Zvirevo 30:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 12:22
  • +Mt 6:11; 1Ti 6:8

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    9/15/1997, p. 3

    5/1/1995, p. 28

    Mukai!,

    11/8/1997, p. 21

    7/8/1994, p. 31

Zvirevo 30:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 6:10-12

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    9/15/1997, p. 3

    11/15/1990, pp. 5-6

    Mukai!,

    11/8/1997, p. 21

Zvirevo 30:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dha 6:24

Zvirevo 30:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 20:9; Zvi 19:26; Mk 7:10, 11

Zvirevo 30:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 36:1, 2; Isa 65:5; 1Jo 1:8

Zvirevo 30:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 101:5; Zvi 6:16, 17

Zvirevo 30:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 14:4; Zvi 22:16; Isa 32:7

Zvirevo 30:16

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Sheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 27:20

Zvirevo 30:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 23:22
  • +Re 20:9; Dhe 21:18, 21; Zvi 20:20

Zvirevo 30:18

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    7/1/1992, p. 31

Zvirevo 30:19

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    6/15/1996, pp. 9-10

    7/1/1992, p. 31

Zvirevo 30:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 7:10, 11

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    7/1/1992, p. 31

Zvirevo 30:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 19:10; Mup 10:7; Isa 3:4

Zvirevo 30:23

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “asingadiwi.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 16:5

Zvirevo 30:24

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Asi zviine uchenjeri hwakanyanya.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Job 35:11

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Swedera Pedyo naJehovha, p. 173

Zvirevo 30:25

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “rudzi rune.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 6:6-8

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    4/15/2009, pp. 16-17

    4/1/1996, p. 12

Zvirevo 30:26

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “rudzi rune.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 11:5
  • +Pis 104:18

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    4/15/2009, p. 17

Zvirevo 30:27

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “dzakaita zvikwata zvikwata.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 10:14; Joe 1:4
  • +Joe 2:7

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    4/15/2009, pp. 18-19

Zvirevo 30:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 11:29, 30

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    4/15/2009, p. 19

Zvirevo 30:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 23:24; Isa 31:4

Zvirevo 30:32

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 26:12
  • +Zvi 27:2

Zvirevo 30:33

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 26:21

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    2/1/2008, p. 19

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Zvir. 30:2Job 42:3
Zvir. 30:4Joh 3:13
Zvir. 30:4Isa 40:12
Zvir. 30:4Job 38:4
Zvir. 30:5Pis 12:6
Zvir. 30:5Ge 15:1; 2Sa 22:31; Pis 84:11
Zvir. 30:6Dhe 4:2; Zva 22:18
Zvir. 30:8Zvi 12:22
Zvir. 30:8Mt 6:11; 1Ti 6:8
Zvir. 30:9Dhe 6:10-12
Zvir. 30:10Dha 6:24
Zvir. 30:11Re 20:9; Zvi 19:26; Mk 7:10, 11
Zvir. 30:12Pis 36:1, 2; Isa 65:5; 1Jo 1:8
Zvir. 30:13Pis 101:5; Zvi 6:16, 17
Zvir. 30:14Pis 14:4; Zvi 22:16; Isa 32:7
Zvir. 30:16Zvi 27:20
Zvir. 30:17Zvi 23:22
Zvir. 30:17Re 20:9; Dhe 21:18, 21; Zvi 20:20
Zvir. 30:20Zvi 7:10, 11
Zvir. 30:22Zvi 19:10; Mup 10:7; Isa 3:4
Zvir. 30:23Ge 16:5
Zvir. 30:24Job 35:11
Zvir. 30:25Zvi 6:6-8
Zvir. 30:26Re 11:5
Zvir. 30:26Pis 104:18
Zvir. 30:27Eks 10:14; Joe 1:4
Zvir. 30:27Joe 2:7
Zvir. 30:28Re 11:29, 30
Zvir. 30:30Nu 23:24; Isa 31:4
Zvir. 30:32Zvi 26:12
Zvir. 30:32Zvi 27:2
Zvir. 30:33Zvi 26:21
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Zvirevo 30:1-33

Zvirevo

30 Mashoko ane uremu akatorwa pane zvakataurwa naAguri mwanakomana waJake achitaura kuna Itieri, kuna Itieri naUkari.

 2 Pavanhu vese ndini munhu asina zvaanoziva,+

Uye handinzwisisi zvinhu zvinofanira kunzwisiswa nemunhu.

 3 Handina kudzidza uchenjeri,

Uye handina ruzivo runopiwa neMutsvenetsvene.

 4 Ndiani akambokwira kudenga akaburuka?+

Ndiani akambounganidza mhepo mumaoko ake?

Ndiani akamboputira mvura muchipfeko chake?+

Ndiani akasimbisa* migumo yese yenyika?+

Anonzi ani uye mwanakomana wake anonzi ani, kana uchiziva?

 5 Mashoko ese aMwari akachena.+

Iye inhoo kune vaya vanopotera kwaari.+

 6 Usawedzera chinhu pamashoko ake,+

Kuti arege kukutsiura,

Ukazobudiswa pachena kuti unonyepa.

 7 Pane zvinhu zviviri zvandiri kukukumbirai.

Musandinyima zvinhu izvozvo ndisati ndafa.

 8 Bvisai kusataura chokwadi uye nhema pandiri.+

Musandipa urombo kana upfumi.

Ingoitai kuti ndidye zvekudya zvangu zvinondikwanira,+

 9 Kuti ndirege kuguta ndikazokurambai ndichiti, “Jehovha ndianiko?”+

Uye kuti ndirege kuva murombo ndikaba ndikashoresa zita raMwari wangu.

10 Usataura zvakaipa nezvemushandi kuna tenzi wake,

Kuti arege kukutuka woonekwa uine mhosva.+

11 Kune chizvarwa chinotuka baba vacho

Uye chisingakomboreri amai vacho.+

12 Kune chizvarwa chinozviona sechakachena+

Asi chisina kucheneswa tsvina yacho.

13 Kune chizvarwa chine maziso anozvikudza

Uye chine maziso anotarisa achizvikwidziridza!+

14 Kune chizvarwa chine mazino akaita semapakatwa

Uye chine shaya dzakaita semapanga ekuurayisa;

Chinoparadza vakaderera vepanyika

Nevarombo pakati pevanhu.+

15 Zvikwevaropa zvine vanasikana vaviri vanoshevedzera vachiti, “Tipei! Tipei!”

Kune zvinhu zvitatu zvisingamboguti,

Zvina zvisingamboti, “Zvakwana!”

16 Guva*+ uye chibereko chisingabereki,

Ivhu riri kushaya mvura,

Uye moto usingamboti, “Zvakwana!”

17 Ziso rinonyomba baba uye risina basa nekuteerera amai+

Richatodogorwa nemakunguo emubani,

Uye vana vemakondo vacharidya.+

18 Kune zvinhu zvitatu zvinondishamisa zvikuru,

Uye zvina zvandisinganzwisisi zvinoti:

19 Nzira yegondo mumatenga,

Nzira yenyoka padombo,

Nzira yengarava mugungwa,

Uye nzira yemurume ane musikana.

20 Aya ndiwo maitiro emukadzi anoita upombwe:

Anodya, opukuta muromo wake;

Anobva ati, “Hapana chakaipa chandaita.”+

21 Kune zvinhu zvitatu zvinodederesa nyika

Uye zvina zvaisingagoni kutsungirira zvinoti:

22 Kana muranda ava kutonga samambo,+

Kana benzi rava nezvekudya zvakawandisa,

23 Kana mukadzi anovengwa* akaroorwa,

Uye kana mushandikadzi akatora nzvimbo yatenzikadzi wake.+

24 Panyika pane zvimwe zvinhu zvina zvidikidiki,

Asi zvakasikwa zviine uchenjeri,* zvinoti:+

25 Masvosve, haasi zvisikwa zvine* simba,

Asi anounganidza zvekudya zvawo muzhizha.+

26 Mbira,+ hadzisi zvisikwa zvine* simba,

Asi dzinogadzira imba yadzo mumatombo.+

27 Mhashu,+ hadzina mambo,

Asi dzese dzinofamba dzakarongeka.*+

28 Kadzvinyu kanonzi chipfira,+ kanobatirira nemakumbo ako,

Uye kanopinda mumuzinda wamambo.

29 Kune zvinhu zvitatu zvinonakidza kutarisa zvichifamba,

Zvinhu zvina zvinonakidza kutarisa zvichifamba zvinoti:

30 Shumba, mhuka ine simba pamhuka dzese,

Isina wainotiza;+

31 Imbwa yekuvhimisa; nhongo;

Uye mambo ane uto rake.

32 Kana wakazvikwidziridza zveupenzi+

Kana kuti wakaronga kudaro,

Bata muromo wako.+

33 Nekuti sezvo kusvina mukaka kuchibudisa ruomba

Uye kudzvinya mhino kuchibudisa ropa,

Kudenha munhu kunoita kuti pave nekupopotedzana.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe