RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Nehemiya 2
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raNehemiya

      • Nehemiya anotumwa kuJerusarema (1-10)

      • Nehemiya anoongorora masvingo eguta (11-20)

Nehemiya 2:1

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Mashoko Ekuwedzera B15.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ne 1:1
  • +Ezr 7:1; Ne 13:6
  • +Ne 1:11

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    2/1/2006, pp. 8-9

    10/15/1990, pp. 10-11

Nehemiya 2:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ne 1:2, 3

Nehemiya 2:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 1:13

Nehemiya 2:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dha 9:25

Nehemiya 2:6

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “namambokadzi.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ne 1:11
  • +Ne 5:14; 13:6

Nehemiya 2:7

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “eMhiri kwaYufratesi.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 1:4; Ezr 5:3

Nehemiya 2:8

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “wesango ramambo.”

  • *

    Kana kuti “yeTemberi.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ne 7:2
  • +Ne 1:3
  • +Ezr 7:21
  • +Ezr 7:6

Nehemiya 2:10

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “muranda.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ne 4:1; 6:2
  • +Ne 2:19; 4:3; 6:14; 13:7
  • +Ne 13:1

Nehemiya 2:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 26:9
  • +Ne 3:13
  • +Ne 1:3; Mari 1:4; 2:9

Nehemiya 2:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ne 3:15; 12:37

Nehemiya 2:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 15:23; Joh 18:1

Nehemiya 2:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ne 4:14

Nehemiya 2:18

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “vakasimbisa maoko avo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ezr 7:6, 28; Ne 2:7, 8
  • +Dha 9:25
  • +Hag 1:14

Nehemiya 2:19

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “muranda.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ne 6:14
  • +Ne 13:1, 2
  • +Ne 4:7; 6:1, 2
  • +Pis 79:4
  • +Ne 6:6

Nehemiya 2:20

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “chamuine kodzero yekuwana.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 127:1
  • +Ezr 4:1-3

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Neh. 2:1Ne 1:1
Neh. 2:1Ezr 7:1; Ne 13:6
Neh. 2:1Ne 1:11
Neh. 2:3Ne 1:2, 3
Neh. 2:41Sa 1:13
Neh. 2:5Dha 9:25
Neh. 2:6Ne 1:11
Neh. 2:6Ne 5:14; 13:6
Neh. 2:7Jos 1:4; Ezr 5:3
Neh. 2:8Ne 7:2
Neh. 2:8Ne 1:3
Neh. 2:8Ezr 7:21
Neh. 2:8Ezr 7:6
Neh. 2:10Ne 4:1; 6:2
Neh. 2:10Ne 2:19; 4:3; 6:14; 13:7
Neh. 2:10Ne 13:1
Neh. 2:132Mak 26:9
Neh. 2:13Ne 3:13
Neh. 2:13Ne 1:3; Mari 1:4; 2:9
Neh. 2:14Ne 3:15; 12:37
Neh. 2:152Sa 15:23; Joh 18:1
Neh. 2:16Ne 4:14
Neh. 2:18Ezr 7:6, 28; Ne 2:7, 8
Neh. 2:18Dha 9:25
Neh. 2:18Hag 1:14
Neh. 2:19Ne 6:14
Neh. 2:19Ne 13:1, 2
Neh. 2:19Ne 4:7; 6:1, 2
Neh. 2:19Pis 79:4
Neh. 2:19Ne 6:6
Neh. 2:20Pis 127:1
Neh. 2:20Ezr 4:1-3
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Nehemiya 2:1-20

Nehemiya

2 Mumwedzi waNisani,* mugore rechi20+ raMambo Atashasta,+ waini yakaiswa pamberi pake, uye ini senguva dzese ndakatora waini yacho ndikaipa mambo.+ Asi ndakanga ndisati ndambosuruvara pamberi pake. 2 Saka mambo akati kwandiri: “Nei wakasuruvara kudai iwe usiri kurwara? Panofanira kunge paine zviri kukunetsa mumwoyo.” Ndakabva ndatya chaizvo.

3 Ndakabva ndati kuna mambo: “Mambo ngaarambe achirarama! Ndingaregererei kusuruvara kana guta, iyo nzvimbo yakavigwa madzitateguru angu iri matongo, uye magedhi aro akatsva nemoto?”+ 4 Mambo akabva ati kwandiri: “Uri kukumbirei?” Ndakabva ndangonyengetera kuna Mwari wedenga.+ 5 Ndakabva ndati kuna mambo: “Kana mambo achifadzwa nazvo, uye kana manzwira muranda wenyu nyasha, nditumei kuJudha, kuguta rakavigwa madzitateguru angu, kuti ndirivakezve.”+ 6 Mambo, uyo aiva nemudzimai* wake akagara padivi pake, akabva ati kwandiri: “Rwendo rwako ruchange rwakareba sei, uye uchadzoka riini?” Saka zvakafadza mambo kuti andirege ndichienda,+ uye ndakamuudza nguva yacho.+

7 Ndakabva ndati kuna mambo: “Kana mambo achifadzwa nazvo, itai kuti ndipiwe tsamba kuitira magavhuna emunharaunda yeMhiri kweRwizi,*+ kuti ndibvumirwe kupfuura kusvikira ndasvika kuJudha, 8 uyewo tsamba inoenda kuna Asafi muchengeti wePaki yaMambo,* kuti andipe matanda emagedhi eNhare+ yeImba* uye emasvingo eguta+ neeimba yandichanogara.” Saka mambo akandipa,+ nekuti ruoko rwakanaka rwaMwari wangu rwaiva pandiri.+

9 Ndakazosvika kumagavhuna enharaunda yeMhiri kweRwizi ndikaapa tsamba dzamambo. Mambo akaitawo kuti ndiende nevakuru veuto nevatasvi vemabhiza. 10 Sanibharati+ muHoroni naTobhiya+ mukuru* wekuvaAmoni,+ pavakazvinzwa, vakagumbuka chaizvo kuti paiva nemunhu akanga auya kuzoitira vaIsraeri chinhu chakanaka.

11 Papera nguva, ndakazosvika kuJerusarema ndikagara kwemazuva matatu. 12 Ndakamuka usiku, ini nevarume vashoma vandaiva navo, asi handina wandakaudza zvakanga zvaiswa mumwoyo mangu naMwari wangu kuti ndiitire Jerusarema, uye hapana chipfuwo chandaiva nacho kunze kwechandakanga ndakatasva. 13 Ndakabuda usiku nepaGedhi rekuBani+ ndikapfuura nepamberi peChitubu cheNyoka Huru ndikanosvika kuGedhi reMirwi yeMadota,+ uye ndakaongorora masvingo eJerusarema ayo akanga akaputsika nemagedhi aro akanga atsva nemoto.+ 14 Ndakapfuurira ndikasvika kuGedhi reChitubu+ nekuDziva raMambo, uye pakanga pasina nzvimbo yaikwana kuti chipfuwo chandakanga ndakatasva chipfuure. 15 Asi ndakaramba ndichikwidza nebani+ usiku, uye ndakaramba ndichiongorora rusvingo, ndichibva ndazodzoka ndikapinda nepaGedhi rekuBani, ndikabva ndadzoka kwandakatangira.

16 Vatevedzeri vevatongi+ havana kuziva kwandakanga ndaenda nezvandaiita, nekuti ndakanga ndisati ndataura chinhu kuvaJudha, nevapristi, nevakuru vakuru, nevatevedzeri vevatongi, nevamwe vashandi vese. 17 Ndakazoti kwavari: “Muri kuona dambudziko guru ratiinaro, kuti Jerusarema angova matongo uye magedhi aro akapiswa. Uyai tivakezve masvingo eJerusarema, kuti parege kuramba paine kuzvidzwa kwakadai.” 18 Ndakabva ndavaudza nezveruoko rwakanaka rwaMwari wangu kuti rwaiva pandiri,+ uyewo nezvemashoko andakanga ndaudzwa namambo.+ Vakabva vati: “Ngatisimukei tivake.” Saka vakazvisimbisa* kuti vaite basa racho rakanaka.+

19 Zvino Sanibharati muHoroni, naTobhiya+ mukuru* wekuvaAmoni,+ naGeshemu muArabhiya+ pavakazvinzwa, vakatanga kutinyomba+ nekutizvidza uye vaiti: “Chii chamuri kuita? Muri kupandukira mambo nhai?”+ 20 Zvisinei, ndakavapindura ndichiti: “Mwari wedenga ndiye achaita kuti tibudirire,+ uye isu vashumiri vake, tichasimuka tovaka; asi imi hamuna mugove, kana chamunoti ndechenyu, kana chamungayeukwa nacho* muJerusarema.”+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe