Esteri
10 Mambo Ahashivheroshi akaitisa vanhu vaiva munyika yacho nemuzvitsuwa zvegungwa basa rekumanikidzwa.
2 Uye mabasa ake ese makuru ayo airatidza simba rake, uyewo nhoroondo izere yeukuru hwaModhekai+ hwaakapiwa namambo,+ hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva+ dzemadzimambo eMedhiya nePezhiya?+ 3 Nekuti Modhekai muJudha aiva wechipiri kuna Mambo Ahashivheroshi. Aiva nemukurumbira* pavaJudha, uye airemekedzwa nehama dzake idzo dzaiva zhinji, achishanda kuti aitire vanhu vake zvakanaka uye kuti zvizvarwa zvavo zvese zvaitevera zvigare zvakanaka.*