RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Genesisi 37
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raGenesisi

      • Hope dzaJosefa (1-11)

      • Josefa nevakoma vake vane godo (12-24)

      • Josefa anotengeswa kuti ave muranda (25-36)

Genesisi 37:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 23:3, 4; 28:1, 4; VaH 11:8, 9

Genesisi 37:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 30:25; 46:19
  • +Ge 47:3
  • +Ge 35:25
  • +Ge 35:26

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/1/2014, pp. 11-12

Genesisi 37:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 2:1, 2

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/1/2014, p. 12

Genesisi 37:4

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “kutaura naye zvine rugare.”

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/1/2014, pp. 12-13

Genesisi 37:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 37:19

Genesisi 37:6

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/1/2014, p. 13

Genesisi 37:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 42:6, 9

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/1/2014, p. 13

Genesisi 37:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 45:8; 49:26

Genesisi 37:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 44:14; 45:9

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/1/2014, p. 13

Genesisi 37:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mab 7:9

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/1/2014, p. 13

Genesisi 37:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 33:18

Genesisi 37:13

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/1/2014, p. 13

Genesisi 37:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 23:19; 35:27

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/1/2014, p. 13

    ‘Nyika Yakanaka’, p. 7

Genesisi 37:17

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    ‘Nyika Yakanaka’, p. 7

Genesisi 37:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 37:5

Genesisi 37:21

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “kuuraya mweya wake.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 49:3
  • +Ge 9:5; Eks 20:13

Genesisi 37:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 4:8, 10; 42:22
  • +Ge 42:21

Genesisi 37:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 37:3

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/1/2014, pp. 13-14

Genesisi 37:24

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/1/2014, pp. 13-14

Genesisi 37:25

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “rabhudhanamu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 25:12
  • +Ge 43:11

Genesisi 37:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 4:8, 10

Genesisi 37:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mab 7:9

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    7/15/1992, p. 4

Genesisi 37:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 25:1, 2
  • +Ge 40:15; 45:4; Pis 105:17

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/1/2014, pp. 13-14

    7/15/1992, p. 4

    ‘Nyika Yakanaka’, p. 7

Genesisi 37:32

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 37:3

Genesisi 37:33

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/15/2010, p. 15

Genesisi 37:34

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/15/2010, p. 15

    6/1/1995, pp. 7-8

Genesisi 37:35

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “muSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 42:38; 44:29; Pis 89:48; Mup 9:10; Ho 13:14; Mab 2:27; Zva 20:13

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    6/1/1995, pp. 7-8

Genesisi 37:36

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 39:1
  • +Ge 40:2, 3

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Gen. 37:1Ge 23:3, 4; 28:1, 4; VaH 11:8, 9
Gen. 37:2Ge 30:25; 46:19
Gen. 37:2Ge 47:3
Gen. 37:2Ge 35:25
Gen. 37:2Ge 35:26
Gen. 37:31Mak 2:1, 2
Gen. 37:5Ge 37:19
Gen. 37:7Ge 42:6, 9
Gen. 37:8Ge 45:8; 49:26
Gen. 37:9Ge 44:14; 45:9
Gen. 37:11Mab 7:9
Gen. 37:12Ge 33:18
Gen. 37:14Ge 23:19; 35:27
Gen. 37:19Ge 37:5
Gen. 37:21Ge 49:3
Gen. 37:21Ge 9:5; Eks 20:13
Gen. 37:22Ge 4:8, 10; 42:22
Gen. 37:22Ge 42:21
Gen. 37:23Ge 37:3
Gen. 37:25Ge 25:12
Gen. 37:25Ge 43:11
Gen. 37:26Ge 4:8, 10
Gen. 37:27Mab 7:9
Gen. 37:28Ge 25:1, 2
Gen. 37:28Ge 40:15; 45:4; Pis 105:17
Gen. 37:32Ge 37:3
Gen. 37:35Ge 42:38; 44:29; Pis 89:48; Mup 9:10; Ho 13:14; Mab 2:27; Zva 20:13
Gen. 37:36Ge 39:1
Gen. 37:36Ge 40:2, 3
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
  • 35
  • 36
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Genesisi 37:1-36

Genesisi

37 Jakobho akaramba achigara munyika yeKenani, yakambogarwa nababa vake vari mutorwa.+

2 Iyi ndiyo nhoroondo yaJakobho.

Josefa+ paakanga ari mukomana ane makore 17, aifudza makwai+ nevanakomana vaBhiriha+ nevanakomana vaZiripa,+ madzimai ababa vake. Uye Josefa aivamhan’arira kuna baba vavo. 3 Israeri aida Josefa kupfuura vamwe vanakomana vake vese+ nekuti akanga ari mwanakomana wepaukweguru hwake, uye akaita kuti agadzirirwe nguo refu yakanaka. 4 Vakoma vake pavakaona kuti baba vavo vaimuda kupfuura vamwe vese, vakatanga kumuvenga, uye vakanga vasingakwanisi kutaura naye zvakanaka.*

5 Josefa akazorota hope akadziudza vakoma vake,+ vakabva vatonyanya kumuvenga. 6 Akati kwavari: “Regai ndikuudzei hope dzandarota. 7 Ndarota tichisunga zvisote pakati pemunda, chisote changu chikabva chasimuka, chikamira kuti twi, zvisote zvenyu zvikabva zvakomberedza chisote changu zvikachikotamira.”+ 8 Vakoma vake vakati kwaari: “Hoo uri kuda kuzozviita mambo wedu wotitonga nhai?”+ Saka vakabva vatowedzera kumuvenga, nemhaka yehope dzake uye zvaakataura.

9 Akazorota dzimwe hope, akadzirondedzera kuvakoma vake achiti: “Ndarota dzimwe hope. Rwendo runo ndarota zuva nemwedzi nenyeredzi 11 zvichindikotamira.”+ 10 Akabva adzirondedzera kuna baba vake vakoma vake varipowo, asi baba vake vakamutsiura vakati kwaari: “Hope dzako idzi dzinorevei? Uri kureva here kuti ini naamai vako nevakoma vako tichauya kuzokukotamira?” 11 Vakoma vake vakamuitira godo,+ asi baba vake vakachengeta zvaakataura mumwoyo mavo.

12 Vakoma vake vakaenda kunofudza zvipfuwo zvababa vavo pedyo neShekemu.+ 13 Israeri akazoti kuna Josefa: “Handiti vakoma vako vari kufudza zvipfuwo pedyo neShekemu? Uya ndikutume kwavari.” Iye akati: “Zvakanakai!” 14 Saka akati kwaari: “Enda unoona kuti vakoma vako vakadii. Unoona kuti zvipfuwo zvakadii, wodzoka kuzondiudza.” Akabva amutuma achibva mubani reHebroni,+ akaenda akananga kuShekemu. 15 Akazoonekwa nemumwe murume achidzungaira musango. Murume wacho akamubvunza kuti: “Uri kutsvagei?” 16 Iye akati: “Ndiri kutsvaga vakoma vangu. Munozivawo here kuti vari kufudzira zvipfuwo zvavo kupi?” 17 Murume wacho akati: “Vabva pano. Ndanzwa vachiti, ‘Ngatiendei kuDhotani.’” Saka Josefa akatevera vakoma vake, akavawanira kuDhotani.

18 Vakabva vamuona achiri kure, asati asvika pavaiva, vakatanga kurangana kuti vamuuraye. 19 Saka vakataurirana vachiti: “Onai! Muroti uya ari kuuya.+ 20 Uyai timuuraye tomukanda mune rimwe remakomba emvura, tozoti akadyiwa nechikara, tione kuti hope dzake dzichaguma nei.” 21 Rubheni+ paakazvinzwa, akaedza kumununura. Saka akati: “Ngatiregei kumuuraya.”*+ 22 Rubheni akati kwavari: “Musadeura ropa.+ Mukandei mugomba iri remvura, musango muno, asi musamukuvadza.”+ Chinangwa chake chaiva chekumununura kuti amudzorere kuna baba vake.

23 Saka Josefa paakangosvika kuvakoma vake, vakamubvisa nguo yake, nguo yake yakanaka yaaipfeka,+ 24 vakamutora, vakamukanda mugomba remvura. Panguva iyoyo mugomba macho makanga musina mvura.

25 Vakabva vagara pasi kuti vadye. Pavakasimudza misoro, vakaona boka revaIshmaeri+ raibva kuGiriyedhi. Ngamera dzavo dzakanga dzakatakura namo yemiti inonhuhwirira,* bharisamu, nemakwati anobudisa namo,+ uye vaienda kuIjipiti. 26 Judha akati kuvana vababa vake: “Tinowaneiko kana tikauraya munin’ina wedu, tofukidza ropa rake?+ 27 Uyai timutengesere+ vaIshmaeri, tirege kuisa maoko edu paari. Handiti munin’ina wedu nenyama yedu?” Saka vakateerera mwana wababa vavo. 28 Vatengesi vechiMidhiyani+ pavaipfuura, vakoma vaJosefa vakamubudisa mugomba riya, vakamutengesa kuvaIshmaeri nemasirivha 20.+ Varume ava vakaenda naJosefa kuIjipiti.

29 Rubheni paakazodzokera kugomba ndokuwana Josefa asimo mugomba racho, akabvarura nguo dzake. 30 Paakadzoka kuvanin’ina vake akati: “Mwana haasisimo! Zvino ndichaita sei nhai?”

31 Saka vakatora nguo yaJosefa, vakauraya mbudzi, vakanyika nguo yacho muropa racho. 32 Vakazotumira nguo yacho kuna baba vavo vakati: “Tanhonga nguo iyi. Tinokumbirawo kuti muiongorore, muone kana isiri yemwanakomana wenyu.”+ 33 Vakabva vaiongorora vakati: “Inguo yemwanakomana wangu! Anofanira kunge adyiwa nechikara! Chokwadi Josefa abvamburwa-bvamburwa!” 34 Jakobho akabva abvarura nguo dzake, akasungirira masaga muchiuno, akachema mwanakomana wake mazuva mazhinji. 35 Vanakomana vake vese nevanasikana vake vese vakaedza kumunyaradza, asi akaramba kunyaradzwa, achiti: “Ndichapinda muGuva*+ ndichingochema mwanakomana wangu!” Baba vake vakaramba vachimuchema.

36 VaMidhiyani vakamutengesa muIjipiti kuna Potifari, mukuru mumuzinda waFarao+ uye mukuru wevarindi.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe