RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 1 Makoronike 26
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku ra1 Makoronike

      • Mapoka evarindi vepamagedhi (1-19)

      • Vachengeti vepfuma nevamwe vatungamiriri (20-32)

1 Makoronike 26:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 9:2, 22; 2Mak 23:16, 19
  • +1Mak 26:14, 19

1 Makoronike 26:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 26:14, 19

1 Makoronike 26:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 16:33

1 Makoronike 26:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 26:4, 5

1 Makoronike 26:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 26:10, 11

1 Makoronike 26:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 26:15

1 Makoronike 26:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 26:16

1 Makoronike 26:20

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “yezvinhu zvakatsaurwa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 7:51; 14:25, 26; 1Mak 9:26; 18:10, 11

1 Makoronike 26:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 29:8

1 Makoronike 26:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 15:18

1 Makoronike 26:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 3:27

1 Makoronike 26:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 18:3, 4
  • +1Mak 23:17

1 Makoronike 26:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 31:50; 1Mak 18:10, 11
  • +1Mak 29:3, 4
  • +1Mak 29:6, 7

1 Makoronike 26:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 6:19
  • +Nu 31:28

1 Makoronike 26:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 9:9
  • +1Sa 14:50
  • +2Sa 20:23
  • +2Sa 2:18

1 Makoronike 26:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 23:12
  • +Dhe 17:9; 2Mak 19:8

1 Makoronike 26:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 23:12

1 Makoronike 26:31

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 23:19
  • +1Mak 29:26, 27
  • +Jos 13:24, 25; 21:8, 39

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

1 Mak. 26:11Mak 9:2, 22; 2Mak 23:16, 19
1 Mak. 26:11Mak 26:14, 19
1 Mak. 26:91Mak 26:14, 19
1 Mak. 26:13Zvi 16:33
1 Mak. 26:151Mak 26:4, 5
1 Mak. 26:161Mak 26:10, 11
1 Mak. 26:171Mak 26:15
1 Mak. 26:181Mak 26:16
1 Mak. 26:201Mad 7:51; 14:25, 26; 1Mak 9:26; 18:10, 11
1 Mak. 26:211Mak 29:8
1 Mak. 26:221Mad 15:18
1 Mak. 26:23Nu 3:27
1 Mak. 26:25Eks 18:3, 4
1 Mak. 26:251Mak 23:17
1 Mak. 26:26Nu 31:50; 1Mak 18:10, 11
1 Mak. 26:261Mak 29:3, 4
1 Mak. 26:261Mak 29:6, 7
1 Mak. 26:27Jos 6:19
1 Mak. 26:27Nu 31:28
1 Mak. 26:281Sa 9:9
1 Mak. 26:281Sa 14:50
1 Mak. 26:282Sa 20:23
1 Mak. 26:282Sa 2:18
1 Mak. 26:291Mak 23:12
1 Mak. 26:29Dhe 17:9; 2Mak 19:8
1 Mak. 26:301Mak 23:12
1 Mak. 26:311Mak 23:19
1 Mak. 26:311Mak 29:26, 27
1 Mak. 26:31Jos 13:24, 25; 21:8, 39
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
1 Makoronike 26:1-32

Bhuku Rekutanga reMakoronike

26 Aya ndiwo aiva mapoka evarindi vepamagedhi:+ kwaKora kwaiva naMesheremiya+ mwanakomana waKore wekuvanakomana vaAsafi. 2 Mesheremiya aiva nevanakomana ava: Zekariya ndiye aiva dangwe, Jedhiyaeri ari wechipiri, Zebhadhiya ari wechitatu, Jatinieri ari wechina, 3 Eramu ari wechishanu, Jehohanani ari wechi6, Erieho-enai ari wechi7. 4 Obhedhi-edhomu aiva nevanakomana ava: Shemaya ndiye aiva dangwe, Jehozabhadhi ari wechipiri, Joa ari wechitatu, Sakari ari wechina, Netaneri ari wechishanu, 5 Amieri ari wechi6, Isakari ari wechi7, uye Peuretai ari wechi8; nekuti Mwari akamukomborera.

6 Mwanakomana wake Shemaya akabereka vanakomana vakanga vari vatongi veimba yababa vavo, nekuti vaiva varume vaiva nesimba vaivimbwa navo. 7 Vanakomana vaShemaya vaiva: Otini, Refaeri, Obhedhi naErizabhadhi; uye hama dzake Erihu naSemakiya dzaivawo varume vaivimbwa navo. 8 Vese ava vaiva vekuvanakomana vaObhedhi-edhomu; ivo nevanakomana vavo nehama dzavo vaiva varume vaivimbwa navo, vakakodzera kushumira, uye vaiva 62 vekwaObhedhi-edhomu. 9 Mesheremiya+ aiva nevanakomana nehama dzake, varume 18 vaivimbwa navo. 10 Hosa wekuvanakomana vaMerari aiva nevanakomana. Shimri ndiye aiva mukuru, nekuti baba vake vakamugadza kuti ave mukuru wavo kunyange zvazvo akanga asiri dangwe, 11 Hirikiya ari wechipiri, Tebhariya ari wechitatu, Zekariya ari wechina. Vanakomana vese vaHosa kubatanidza nehama dzake dzese vaiva 13.

12 Pamapoka aya evarindi vepamagedhi, vakuru vavo vaiva nemabasa sezvakanga zvakangoitawo hama dzavo, kuti vashumire paimba yaJehovha. 13 Saka vakakanda mijenya,+ pasinei nekukura kwedzimba dzemadzibaba avo, kuti vave nemagedhi ekurinda. 14 Mujenya wekumabvazuva wakabva wabuda uri waSheremiya. Vakakanda mijenya kuti vaone kwaizoenda mwanakomana wake Zekariya, chipangamazano aiva neungwaru, mugove wake ukabuda uri wekuchamhembe. 15 WaObhedhi-edhomu waiva kumaodzanyemba, uye vanakomana vake+ vakanzi vashandire kumatura. 16 WaShupimu naHosa+ waiva kumavirira pedyo neGedhi reShareketi pedyo nemugwagwa mukuru unokwidza kumusoro, rimwe boka revarindi riri kudivi rekuno, rimwe riri kune rimwe divi; 17 kumabvazuva kwaiva nevaRevhi 6; kuchamhembe kuine vaRevhi vana zuva rimwe nerimwe uye kumaodzanyemba kwaiva nevaRevhi vana zuva rimwe nerimwe; uye pamatura+ paiva nevaviri vaviri; 18 kunzvimbo yaiva nedenga yaiva kumavirira kwaiva nevaRevhi vana pamugwagwa mukuru,+ uye vaviri panzvimbo yaiva nedenga. 19 Aya ndiwo akanga ari mapoka evarindi vepamagedhi vekuvanakomana vaKora nevekuvaMerari.

20 KuvaRevhi, Ahija ndiye aiona nezvemaichengeterwa pfuma yeimba yaMwari wechokwadi nemaichengeterwa pfuma yezvinhu zvakatsveneswa.*+ 21 Pavanakomana vaRadhani, kureva vanakomana vemwana wekwaGeshoni, paiva naJehiyeri+ uyo aiva mumwe wevakuru vedzimba dzemadzibaba ekwaRadhani 22 uye vanakomana vaJehiyeri, Zetamu nehama yake Joeri. Ndivo vaiona nezvemaichengeterwa pfuma yeimba yaJehovha.+ 23 KuvaAmramu, nevaIzihari, nevaHebroni, nevaUzieri,+ 24 Shebhueri mwanakomana waGeshomu mwanakomana waMozisi aiva mutungamiriri aiona nezvematura. 25 Kuhama dzake, kwaEriyezeri,+ kwaiva nemwanakomana wake Rehabhiya,+ mwanakomana wake Jeshaya, mwanakomana wake Joramu, mwanakomana wake Zikri, uye mwanakomana wake Sheromoti. 26 Sheromoti uyu nehama dzake ndivo vaiona nezvemese maichengeterwa pfuma yezvinhu zvakatsveneswa,+ zvakanga zvatsveneswa naMambo Dhavhidhi+ nevakuru vedzimba dzemadzibaba,+ nevakuru vezviuru nevemazana, nevakuru veuto. 27 Vakanga vatsvenesa zvinhu zvaibva kuhondo+ nezvakanga zvapambwa+ kuti vagadziridze imba yaJehovha; 28 uyewo paiva nezvese zvakanga zvatsveneswa nemuoni+ Samueri, naSauro mwanakomana waKishi, naAbhineri+ mwanakomana waNeri, naJoabhi+ mwanakomana waZeruya.+ Chinhu chese chaitsveneswa nemunhu chaiiswa mumaoko aSheromiti neehama dzake.

29 PavaIzihari,+ Kenaniya nevanakomana vake havana kupiwa basa paimba yaMwari asi vakagadzwa kuva vatungamiriri nevatongi+ muIsraeri.

30 PavaHebroni,+ Hashabhiya nehama dzake, varume 1 700 vaivimbwa navo, vaitungamirira vaIsraeri munharaunda yekumavirira kwaJodhani pabasa rese raJehovha nebasa ramambo. 31 PavaHebroni, Jerija+ ndiye aiva mukuru. Mugore rechi40 rekutonga kwaDhavhidhi+ pakati pavo pakatsvagwa varume vaiva nesimba uye vakashinga, vachibva vawanikwa muJazeri+ yaiva muGiriyedhi. 32 Hama dzake dzaiva varume 2 700 vaivimbwa navo, vari vakuru vedzimba dzemadzibaba. Saka Mambo Dhavhidhi akavagadza kuti vatungamirire vaRubheni, vaGadhi, nehafu yedzinza revanhu vekwaManase pazvinhu zvese zvaiva nechekuita naMwari wechokwadi nezvaiva nechekuita namambo.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe