RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Revhitiko 20
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raRevhitiko

      • Kunamata Moreki; kuita zvemasvikiro (1-6)

      • Ivai vatsvene uye remekedzai vabereki (7-9)

      • Anorara nemunhu zvisingabvumirwe nemutemo uye anorara nemhuka anofanira kuurayiwa (10-21)

      • Rambai muri vatsvene kuti murambe muri munyika yacho (22-26)

      • Masvikiro anofanira kuurayiwa (27)

Revhitiko 20:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 18:21; Dhe 18:10

Revhitiko 20:3

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “ndichamuuraya.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 5:11

Revhitiko 20:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 13:6-9

Revhitiko 20:5

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Ndichauraya munhu iyeye.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 20:5

Revhitiko 20:6

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “ndichauraya mweya iwoyo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 19:31; Dhe 18:10-12; VaG 5:19, 20; Zva 21:8
  • +Re 20:27; Mab 16:16
  • +1Mak 10:13

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Midzimu Isingaoneki, pp. 30-31

Revhitiko 20:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 11:44; 1Pe 1:15, 16

Revhitiko 20:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 18:4; Mup 12:13
  • +Eks 31:13; Re 21:8; 1VaT 5:23; 2VaT 2:13

Revhitiko 20:9

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “ropa rake riri pamusoro pake.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 21:17; Dhe 27:16; Zvi 20:20; Mt 15:4

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    5/15/2004, p. 24

Revhitiko 20:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 5:18; 22:22; VaR 7:3; 1VaK 6:9, 10

Revhitiko 20:11

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “afukura baba vake.”

  • *

    ChiHeb., “Ropa ravo riri pamusoro pavo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 18:8; Dhe 27:20

Revhitiko 20:12

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “Ropa ravo riri pamusoro pavo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 18:15, 29

Revhitiko 20:13

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “Ropa ravo riri pamusoro pavo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 19:5; Re 18:22; Vat 19:22; VaR 1:26, 27; 1VaK 6:9, 10; Jud 7

Revhitiko 20:14

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “itsika dzinonyadzisa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 18:17; Dhe 27:23
  • +Re 21:9

Revhitiko 20:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 22:19; Dhe 27:21

Revhitiko 20:16

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “Ropa ravo riri pamusoro pavo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 18:23

Revhitiko 20:17

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “kuurayiwa.”

  • *

    ChiHeb., “afukura hanzvadzi yake.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 18:9; Dhe 27:22

Revhitiko 20:18

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “vanofanira kuurayiwa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 18:19

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    6/1/1989, p. 14

Revhitiko 20:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 18:12, 13

Revhitiko 20:20

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “afukura babamudiki vake.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 18:14

Revhitiko 20:21

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “Afukura mukoma kana munin’ina wake.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 18:16; Dhe 25:5

Revhitiko 20:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 21:1; Dhe 5:1
  • +Mup 12:13
  • +Re 18:26, 28

Revhitiko 20:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 18:3, 24; Dhe 12:30
  • +Re 18:27; Dhe 9:5

Revhitiko 20:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 3:17; 6:8; Dhe 8:7-9; Eze 20:6
  • +Eks 19:5; 33:16; 1Mad 8:53; 1Pe 2:9

Revhitiko 20:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 11:46, 47; Dhe 14:4-20
  • +Re 11:43

Revhitiko 20:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 19:2; Pis 99:5; 1Pe 1:15, 16; Zva 4:8
  • +Dhe 7:6

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    11/1/1987, p. 11

Revhitiko 20:27

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “ane mudzimu wekufembera.”

  • *

    ChiHeb., “Ropa ravo riri pamusoro pavo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 22:18; Re 19:31; 20:6; Dhe 18:10-12; Zva 21:8

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Midzimu Isingaoneki, pp. 30-31

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Revh. 20:2Re 18:21; Dhe 18:10
Revh. 20:3Eze 5:11
Revh. 20:4Dhe 13:6-9
Revh. 20:5Eks 20:5
Revh. 20:6Re 19:31; Dhe 18:10-12; VaG 5:19, 20; Zva 21:8
Revh. 20:6Re 20:27; Mab 16:16
Revh. 20:61Mak 10:13
Revh. 20:7Re 11:44; 1Pe 1:15, 16
Revh. 20:8Re 18:4; Mup 12:13
Revh. 20:8Eks 31:13; Re 21:8; 1VaT 5:23; 2VaT 2:13
Revh. 20:9Eks 21:17; Dhe 27:16; Zvi 20:20; Mt 15:4
Revh. 20:10Dhe 5:18; 22:22; VaR 7:3; 1VaK 6:9, 10
Revh. 20:11Re 18:8; Dhe 27:20
Revh. 20:12Re 18:15, 29
Revh. 20:13Ge 19:5; Re 18:22; Vat 19:22; VaR 1:26, 27; 1VaK 6:9, 10; Jud 7
Revh. 20:14Re 18:17; Dhe 27:23
Revh. 20:14Re 21:9
Revh. 20:15Eks 22:19; Dhe 27:21
Revh. 20:16Re 18:23
Revh. 20:17Re 18:9; Dhe 27:22
Revh. 20:18Re 18:19
Revh. 20:19Re 18:12, 13
Revh. 20:20Re 18:14
Revh. 20:21Re 18:16; Dhe 25:5
Revh. 20:22Eks 21:1; Dhe 5:1
Revh. 20:22Mup 12:13
Revh. 20:22Re 18:26, 28
Revh. 20:23Re 18:3, 24; Dhe 12:30
Revh. 20:23Re 18:27; Dhe 9:5
Revh. 20:24Eks 3:17; 6:8; Dhe 8:7-9; Eze 20:6
Revh. 20:24Eks 19:5; 33:16; 1Mad 8:53; 1Pe 2:9
Revh. 20:25Re 11:46, 47; Dhe 14:4-20
Revh. 20:25Re 11:43
Revh. 20:26Re 19:2; Pis 99:5; 1Pe 1:15, 16; Zva 4:8
Revh. 20:26Dhe 7:6
Revh. 20:27Eks 22:18; Re 19:31; 20:6; Dhe 18:10-12; Zva 21:8
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Revhitiko 20:1-27

Revhitiko

20 Jehovha akaenderera mberi achitaura naMozisi, achiti: 2 “Uti kuvaIsraeri, ‘Munhu wese pavaIsraeri, uye mutorwa wese anogara pakati paIsraeri anopa Moreki mumwe wevana vake, anotofanira kuurayiwa.+ Vanhu vemunyika yenyu vanofanira kumutema nematombo kusvikira afa. 3 Ini ndichatarisa munhu iyeye ndakatsamwa, uye ndichamubvisa pakati pevanhu vake,* nekuti apa Moreki vamwe vana vake uye asvibisa nzvimbo yangu tsvene+ uye ashora zita rangu dzvene. 4 Kana vanhu vemunyika yacho vakaita sevasingaoni zvinenge zvichiitwa nemunhu iyeye paanopa Moreki vana vake uye vakarega kumuuraya,+ 5 ini ndichabva ndatarisa munhu iyeye pamwe chete nemhuri yake ndakatsamwa.+ Ndichabvisa munhu iyeye pakati pevanhu vake* pamwe nevamwe vese vanenge vabatana naye pakuita unzenza naMoreki.

6 “‘Kana ari munhu anoenda kumasvikiro+ nekuvafemberi+ kuti aite unzenza hwekunamata navo, ndichatsamwira munhu iyeye, uye ndichamubvisa pakati pevanhu vake.*+

7 “‘Munofanira kuzvitsaura mova vatsvene,+ nekuti ndini Jehovha Mwari wenyu. 8 Uye munofanira kuchengeta mirau yangu, muchiitevedzera.+ Ndini Jehovha, ari kukutsvenesai.+

9 “‘Kana pakava nemunhu anotuka baba vake kana amai vake, anotofanira kuurayiwa.+ Sezvo atuka baba vake kana amai vake, ndiye anenge azviurayisa ega.*

10 “‘Kana ari murume anoita upombwe nemudzimai wemunhu, uya anoita upombwe nemudzimai wemumwe wake, anotofanira kuurayiwa, iye pamwe chete nemukadzi wacho waaita naye upombwe.+ 11 Murume anorara nemudzimai wababa vake anyadzisa baba vake.*+ Vese vari vaviri vanotofanira kuurayiwa. Ndivo vanenge vazviurayisa.* 12 Kana murume akarara nemuroora wake, vese vari vaviri vanotofanira kuurayiwa. Vaita zvinopesana nemasikirwo akaitwa vanhu. Ndivo vanenge vazviurayisa.*+

13 “‘Kana murume akarara nemunhurume sekurara kunoita murume nemukadzi, vese vari vaviri vaita zvinosemesa.+ Vanotofanira kuurayiwa. Ndivo vanenge vazviurayisa.*

14 “‘Kana murume akatora mukadzi naamai vake, ikoko kuita zvinhu zvakafumuka.*+ Vanofanira kumupisa nemoto pamwe chete nevakadzi vacho,+ kuti tsika dzakafumuka dzirege kuramba dzichiitwa pakati penyu.

15 “‘Kana murume akarara nemhuka, anotofanira kuurayiwa, uye munofanira kuurayawo mhuka yacho.+ 16 Kana mukadzi akaswedera pedyo nemhuka chero ipi zvayo kuti akwirwe nayo,+ munofanira kuuraya mukadzi wacho pamwe chete nemhuka yacho. Anotofanira kuurayiwa pamwe chete nemhuka yacho. Vanhu vacho vanenge vazviurayisa vega.*

17 “‘Kana murume akarara nehanzvadzi yake, mwanasikana wababa vake kana kuti mwanasikana waamai vake, akaona kusapfeka kwake, uye iyewo akaona kusapfeka kwake, zvinonyadzisa.+ Vanofanira kubviswa* pamberi pevanakomana vevanhu vekwavo. Murume wacho anyadzisa hanzvadzi yake.* Anofanira kuzvidavirira kukanganisa kwake.

18 “‘Kana murume akarara nemukadzi ari kumwedzi, murume wacho nemukadzi wacho vafumura panobva ropa rake.+ Vese vari vaviri vanofanira kubviswa pakati pevanhu vekwavo.*

19 “‘Usarara nemunin’ina waamai vako kana hanzvadzi yababa vako, nekuti unenge uchinyadzisa hama yemumba.+ Vanoita izvi vanofanira kuzvidavirira kukanganisa kwavo. 20 Murume anorara nemudzimai wababamudiki vake anyadzisa babamudiki vake.*+ Iye nemukadzi wacho vanofanira kuzvidavirira chivi chavo. Vanofanira kufa vasina mwana. 21 Kana murume akatora mudzimai wemukoma kana munin’ina wake, zvinosemesa.+ Anyadzisa mukoma kana munin’ina wake.* Havafaniri kuva nemwana.

22 “‘Munofanira kuchengeta mirau yangu yese nemitongo yangu yese+ muchiitevedzera,+ kuti nyika yandiri kukuendesai kuti munogara irege kukurutsai.+ 23 Musatevedzera mirau yemarudzi andiri kudzinga pamberi penyu;+ nekuti akaita zvinhu izvi zvese uye ndinoasema.+ 24 Ndokusaka ndakati kwamuri: “Muchatora nyika yavo kuti ive yenyu, uye ini ndichakupai kuti ive yenyu, nyika inoyerera uchi nemukaka.+ Ndini Jehovha Mwari wenyu, akutsaurai pakati pemamwe marudzi.”+ 25 Munofanira kusiyanisa mhuka dzakachena nedzisina kuchena, shiri dzisina kuchena nedzakachena;+ musaita kuti mhuka kana shiri kana chero chinhu chinokambaira panyika chandakatsaura kwamuri kuti hachina kuchena chikuitei vanhu vanosemesa.+ 26 Munofanira kuva vatsvene kwandiri, nekuti ini, Jehovha, ndiri mutsvene,+ uye ndiri kukutsaurai pakati pemamwe marudzi kuti muve vangu.+

27 “‘Murume wese kana mukadzi anosvikirwa kana kuti anoita zvekufembera,* anotofanira kuurayiwa.+ Vanhu vanofanira kuvatema nematombo kusvikira vafa. Ndivo vanenge vazviurayisa.’”*

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe