RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Genesisi 30
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raGenesisi

      • Bhiriha anobereka Dhani naNaftari (1-8)

      • Ziripa anobereka Gadhi naAsheri (9-13)

      • Reya anobereka Isakari naZebhuroni (14-21)

      • Rakeri anobereka Josefa (22-24)

      • Zvipfuwo zvaJakobho zvinowanda (25-43)

Genesisi 30:3

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “asunungukire pamabvi angu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 29:29

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    10/1/2007, pp. 10-11

Genesisi 30:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 35:22

Genesisi 30:6

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva kuti “Mutongi.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 35:25; 46:23; 49:16

Genesisi 30:8

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva kuti “Kuita Kwangu Mutsimba.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 35:25; 46:24; 49:21; Dhe 33:23

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/1/2002, pp. 29-30

Genesisi 30:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 35:26

Genesisi 30:11

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva kuti “Makorokoto.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 49:19; Nu 32:33

Genesisi 30:13

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva kuti “Kufara; Mufaro.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ru 1:46, 48
  • +Ge 35:26; 46:17; 49:20; Dhe 33:24

Genesisi 30:14

Mashoko Emuzasi

  • *

    Vakadzi vaidya muchero uyu vachifunga kuti waizovabatsira kuti vabate pamuviri.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 29:32

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    10/1/2007, p. 11

    1/15/2004, p. 28

Genesisi 30:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 29:30

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    10/1/2007, p. 11

    1/15/2004, p. 28

Genesisi 30:18

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mubayiro.”

  • *

    Kureva kuti “Ndiye Mubhadharo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 35:23; 46:13; 49:14; Dhe 33:18

Genesisi 30:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Rut 4:11

Genesisi 30:20

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva kuti “Kumbodiwawo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 29:32
  • +Ge 35:23; 46:15; Pis 127:3
  • +Ge 46:14; 49:13; Dhe 33:18

Genesisi 30:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 34:1

Genesisi 30:22

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “uye Mwari akamuteerera, akavhura chibereko chake.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 29:31

Genesisi 30:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ru 1:24, 25

Genesisi 30:24

Mashoko Emuzasi

  • *

    Uku kupfupikiswa kwezita rekuti Josifiya, iro rinoreva kuti “Jah Ngaawedzere.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 35:24; 45:4; Dhe 33:13; Mab 7:9

Genesisi 30:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 28:15; 31:13

Genesisi 30:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 31:41; Ho 12:12

Genesisi 30:27

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “uchapupu hwekuti.”

Genesisi 30:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 31:7

Genesisi 30:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 31:38

Genesisi 30:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 32:9, 10

Genesisi 30:31

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ho 12:12

Genesisi 30:32

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 31:7

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    10/15/2003, p. 30

Genesisi 30:33

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Kuvimbika.”

Genesisi 30:34

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 31:8

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    10/15/2003, p. 30

Genesisi 30:35

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    10/15/2003, p. 30

Genesisi 30:36

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    10/15/2003, p. 30

Genesisi 30:42

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 31:9

Genesisi 30:43

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 32:5; 36:6, 7

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Gen. 30:3Ge 29:29
Gen. 30:4Ge 35:22
Gen. 30:6Ge 35:25; 46:23; 49:16
Gen. 30:8Ge 35:25; 46:24; 49:21; Dhe 33:23
Gen. 30:9Ge 35:26
Gen. 30:11Ge 49:19; Nu 32:33
Gen. 30:13Ru 1:46, 48
Gen. 30:13Ge 35:26; 46:17; 49:20; Dhe 33:24
Gen. 30:14Ge 29:32
Gen. 30:15Ge 29:30
Gen. 30:18Ge 35:23; 46:13; 49:14; Dhe 33:18
Gen. 30:19Rut 4:11
Gen. 30:20Ge 29:32
Gen. 30:20Ge 35:23; 46:15; Pis 127:3
Gen. 30:20Ge 46:14; 49:13; Dhe 33:18
Gen. 30:21Ge 34:1
Gen. 30:22Ge 29:31
Gen. 30:23Ru 1:24, 25
Gen. 30:24Ge 35:24; 45:4; Dhe 33:13; Mab 7:9
Gen. 30:25Ge 28:15; 31:13
Gen. 30:26Ge 31:41; Ho 12:12
Gen. 30:28Ge 31:7
Gen. 30:29Ge 31:38
Gen. 30:30Ge 32:9, 10
Gen. 30:31Ho 12:12
Gen. 30:32Ge 31:7
Gen. 30:34Ge 31:8
Gen. 30:42Ge 31:9
Gen. 30:43Ge 32:5; 36:6, 7
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
  • 35
  • 36
  • 37
  • 38
  • 39
  • 40
  • 41
  • 42
  • 43
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Genesisi 30:1-43

Genesisi

30 Rakeri paakaona kuti akanga asina kuberekera Jakobho vana, akaitira mukoma wake shanje, uye akatanga kuti kuna Jakobho: “Ndipe vana, kana zvikasadaro ndichafa.” 2 Jakobho akabva atsamwira Rakeri kwazvo akati: “Ndini Mwari here, ari kukutadzisa kuva nevana?” 3 Saka Rakeri akati: “Tora murandasikana wangu Bhiriha+ uyu, urare naye, kuti andiberekere vana,* ndivewo nevana nekwaari.” 4 Akabva amupa Bhiriha muranda wake kuti ave mudzimai wake, uye Jakobho akarara naye.+ 5 Bhiriha akava nepamuviri, akazoberekera Jakobho mwanakomana. 6 Rakeri akabva ati: “Mwari ava mutongi wangu uye ateererawo inzwi rangu, zvekuti andipa mwanakomana.” Ndokusaka akamutumidza kuti Dhani.*+ 7 Bhiriha, muranda waRakeri, akavazve nepamuviri, akazoberekera Jakobho mwanakomana wechipiri. 8 Rakeri akabva ati: “Ndaita mutsimba kwazvo nemukoma wangu. Neniwo ndakunda!” Saka akamutumidza kuti Naftari.*+

9 Reya paakaona kuti akanga aguma kubereka, akatora Ziripa muranda wake akamupa Jakobho kuti ave mudzimai wake.+ 10 Uye Ziripa, muranda waReya, akaberekera Jakobho mwanakomana. 11 Reya akabva ati: “Makorokoto!” Saka akamutumidza kuti Gadhi.*+ 12 Ziripa, muranda waReya, akaberekerazve Jakobho mwanakomana wechipiri. 13 Reya akabva ati: “Ndafara! Nekuti vanasikana vachanditi ndinofara.”+ Saka akamutumidza kuti Asheri.*+

14 Mumwe musi Rubheni+ aifamba hake musango, mazuva ekukohwa gorosi, ndokubva awana mamandireki.* Saka akauya nawo kuna amai vake Reya. Rakeri akabva ati kuna Reya: “Ndinokumbirawo mamandireki emwanakomana wako.” 15 Akabva ati kwaari: “Ko kutora kwawakaita murume wangu+ uri kukuona senyaya diki? Wava kuda kutotorawo zvese nemamandireki emwanakomana wangu?” Saka Rakeri akati: “Kana zvakadaro, chindipa mamandireki emwanakomana wako, worara hako nemurume wacho nhasi.”

16 Jakobho paakanga achibva kumafuro manheru, Reya akabuda kunomuchingura, akati: “Nhasi uri kurara neni, nekuti ndakutenga nemamandireki emwanakomana wangu.” Saka akarara naye usiku ihwohwo. 17 Mwari akanzwa uye akapindura Reya, akava nepamuviri, akazoberekera Jakobho mwanakomana wechishanu. 18 Reya akabva ati: “Mwari andipa mubhadharo wangu,* nekuti ndakapa murume wangu muranda wangu.” Saka akamutumidza kuti Isakari.*+ 19 Reya akavazve nepamuviri, akazoberekera Jakobho mwanakomana wechitanhatu.+ 20 Reya akabva ati: “Mwari andipa chipo, chokwadi andipa chipo chakanaka. Iye zvino ndichatombodiwawo nemurume wangu,+ nekuti ndamuberekera vanakomana vatanhatu.”+ Saka akamutumidza kuti Zebhuroni.*+ 21 Akazoberekawo mwanasikana akamutumidza kuti Dhina.+

22 Mwari akazoyeuka Rakeri, uye Mwari akamunzwa akamupindura pakuti akaita kuti abate pamuviri.*+ 23 Akava nepamuviri, akabereka mwanakomana. Akabva ati: “Mwari abvisa kuzvidzwa kwangu!”+ 24 Saka akamutumidza kuti Josefa,*+ achiti: “Jehovha ari kundiwedzera mumwe mwanakomana.”

25 Rakeri paakabereka Josefa, Jakobho akabva ati kuna Rabhani: “Chiregai ndiende kumusha kwangu nekunyika yangu.+ 26 Ndipei madzimai angu nevana vangu vandakashandira, kuti ndiende, nekuti imi munonyatsoziva mashandiro andakakuitirai.”+ 27 Rabhani akabva ati kwaari: “Kana wandinzwira nyasha ndapota hangu gara, nekuti ndiri kuona nezviratidzo kuti* Jehovha ari kundikomborera pamusana pako.” 28 Akawedzera kuti: “Ndiudze kuti unoda mubhadharo wei, ndikupe.”+ 29 Saka Jakobho akati kwaari: “Imi munoziva mashandiro andakakuitirai uye kuti zvipfuwo zvenyu zvakaita sei pandakanga ndichizvichengeta; + 30 makanga muine zvishoma ndisati ndauya, asi zvipfuwo zvenyu zvakawedzera zvikava zvizhinji, uye Jehovha akakukomborerai kubvira pandakasvika. Saka ndichashandirawo imba yangu riini?”+

31 Akabva ati: “Ndokupei?” Jakobho akati: “Hamufaniri kutombondibhadhara henyu! Mukangondiitira izvi, ndichatangazve kufudza zvipfuwo zvenyu uye kuzvichengeta. + 32 Ndichapfuura nepakati pezvipfuwo zvenyu zvese nhasi. Tsaurai makwai ese ane tumavara tudiki uye ane makamba-makamba, nemakwai ese matsvuku akasvibirira ari pakati pemakondohwe madiki. Uye pakati pembudzi, tsauraiwo hadzi dzese dzine makamba-makamba netumavara tudiki. Kubva iye zvino, izvi ndizvo zvichava mubhadharo wangu.+ 33 Kururama* kwangu kuchaonekwa pazuva ramuchauya kuzoona mubhadharo wangu; kana ndikawanikwa ndiine mbudzi hadzi dzisina tumavara tudiki kana dzisina makamba-makamba uye ndikawanikwa ndiine makondohwe madiki asiri matsvuku akasvibirira, ndinenge ndaba.”

34 Rabhani akabva ati: “Hapana chakaipa! Ngatiitei zvawataura izvozvo.”+ 35 Musi iwoyo akabva atsaura nhongo dzine mitsetse nedzine tumavara tudiki nembudzi hadzi dzese dzine makamba-makamba nedzine tumavara tudiki, uye pamakondohwe madiki akatsaura ese akanga aine pakachena neese matsvuku akasvibirira, ndokuzviisa mumaoko evanakomana vake. 36 Pashure paizvozvo akaendesa zvipfuwo zvake kure naJakobho nechinhambwe cherwendo rwemazuva matatu, uye Jakobho akanga achifudza zvipfuwo zvaRabhani zvakasara.

37 Jakobho akabva atema tumiti twemustorakisi, twemuarumondi, netwemupurani, ndokutukwatura-kwatura makwati kuti tuve tuchena mune dzimwe nzvimbo. 38 Akabva aisa tumiti tuya pamberi pezvipfuwo, maiyerera nemvura ichienda muzvinwiro, nemuzvinwiro zvacho, maiuya zvipfuwo kuzonwa mvura, kuti zvinzwe kuda mukono zvakatarisa tumiti twacho, pazvaiuya kuzonwa mvura.

39 Saka zvipfuwo zvainzwa kuda mukono zvakatarisa tumiti tuya, uye zvaibereka vana vane mitsetse, vane tumavara tudiki, nevane makamba-makamba. 40 Jakobho akabva atsaura makondohwe madiki, uye akaita kuti zvipfuwo zvitarise kune zvine mitsetse uye kune zvitsvuku zvese zvakasvibirira zvaiva pakati pezvaRabhani. Akabva aparadzanisa zvipfuwo zvake nezvaRabhani uye haana kuzozvisanganisa. 41 Uye pese paaiona zvipfuwo zvakasimba zvava kuda mukono, Jakobho aiisa tumiti tuya munoyerera mvura pamberi pezvipfuwo, kuti zvinzwe kuda mukono zviri pedyo netumiti. 42 Asi akanga asingaisi tumiti twacho pamberi pezvisina kusimba. Saka Rabhani aingowana zvisina kusimba, Jakobho achiwana zvakasimba.+

43 Uye pfuma yemurume wacho yakaramba ichingowedzera, akava nezvipfuwo zvakawanda nevarandarume nevarandakadzi vakawanda nengamera nemadhongi.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe