RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Genesisi 29
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raGenesisi

      • Jakobho anoonana naRakeri (1-14)

      • Jakobho anotorwa mwoyo naRakeri (15-20)

      • Jakobho anoroora Reya naRakeri (21-29)

      • Vanakomana 4 vaJakobho vaakaberekerwa naReya: Rubheni, Simiyoni, Revhi, naJudha (30-35)

Genesisi 29:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 27:42, 43; Mab 7:2

Genesisi 29:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 24:29
  • +Ge 24:24; 31:53

Genesisi 29:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 46:19; Rut 4:11

Genesisi 29:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 24:29

Genesisi 29:14

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “uri hama yangu chaiyo.”

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    10/15/2003, p. 29

Genesisi 29:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 28:5
  • +Ge 30:27, 28; 31:7

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    10/15/2003, p. 29

Genesisi 29:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Rut 4:11

Genesisi 29:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 31:41

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    10/15/2003, p. 29

Genesisi 29:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 30:26; Ho 12:12

Genesisi 29:23

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    10/1/2007, pp. 8-9

Genesisi 29:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 16:1, 2; 30:9; 46:18

Genesisi 29:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 31:7, 42

Genesisi 29:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 31:41

Genesisi 29:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 35:22
  • +Ge 30:1, 3

Genesisi 29:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ho 12:12

Genesisi 29:31

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “aivengwa.”

  • *

    ChiHeb., “akavhura chibereko chake.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 46:15; Rut 4:11
  • +Ge 30:22

Genesisi 29:32

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva kuti “Onai, Mwanakomana!”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 35:22; 37:22; 49:3, 4; Eks 6:14; 1Mak 5:1
  • +Ge 30:20; 1Sa 1:5, 6; Ru 1:24, 25

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    10/1/2007, p. 9

Genesisi 29:33

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva kuti “Kunzwa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 34:25; 49:5; 1Mak 4:24

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    10/1/2007, p. 9

Genesisi 29:34

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva kuti “Kunamatidzwa; Kubatanidzwa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 34:25; 49:5; Eks 6:16; Nu 3:12; 1Mak 6:1

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    10/1/2007, p. 9

Genesisi 29:35

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva kuti “Anorumbidzwa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 35:23; 37:26; 44:18; 49:8; 1Mak 2:3; Zva 5:5

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    10/1/2007, p. 9

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Gen. 29:4Ge 27:42, 43; Mab 7:2
Gen. 29:5Ge 24:29
Gen. 29:5Ge 24:24; 31:53
Gen. 29:6Ge 46:19; Rut 4:11
Gen. 29:13Ge 24:29
Gen. 29:15Ge 28:5
Gen. 29:15Ge 30:27, 28; 31:7
Gen. 29:16Rut 4:11
Gen. 29:18Ge 31:41
Gen. 29:20Ge 30:26; Ho 12:12
Gen. 29:24Ge 16:1, 2; 30:9; 46:18
Gen. 29:25Ge 31:7, 42
Gen. 29:27Ge 31:41
Gen. 29:29Ge 35:22
Gen. 29:29Ge 30:1, 3
Gen. 29:30Ho 12:12
Gen. 29:31Ge 46:15; Rut 4:11
Gen. 29:31Ge 30:22
Gen. 29:32Ge 35:22; 37:22; 49:3, 4; Eks 6:14; 1Mak 5:1
Gen. 29:32Ge 30:20; 1Sa 1:5, 6; Ru 1:24, 25
Gen. 29:33Ge 34:25; 49:5; 1Mak 4:24
Gen. 29:34Ge 34:25; 49:5; Eks 6:16; Nu 3:12; 1Mak 6:1
Gen. 29:35Ge 35:23; 37:26; 44:18; 49:8; 1Mak 2:3; Zva 5:5
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
  • 35
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Genesisi 29:1-35

Genesisi

29 Pashure paizvozvo Jakobho akasimudzira nerwendo rwake, ndokuenda kunyika yevanhu vekuMabvazuva. 2 Akabva aona tsime musango uye mapoka matatu emakwai akanga akarara pedyo naro, nekuti patsime iri ndipo paiwanzonwiswa makwai. Tsime racho rakanga rakavharwa nezidombo. 3 Makwai ese paainge aunganidzwa, vaikungurutsa dombo racho vachiribvisa pamuromo wetsime, vonwisa makwai, vozodzorera dombo racho panzvimbo yaro pamuromo wetsime.

4 Saka Jakobho akati kwavari: “Hama dzangu, munobva kupi?” ivo vakati: “Tinobva kuHarani.”+ 5 Akati kwavari: “Munoziva Rabhani+ muzukuru waNahori here?”+ ivo vakati: “Tinomuziva.” 6 Akabva ati kwavari: “Akadii zvake?” Ivo vakapindura kuti: “Mupenyu. Mwanasikana wake Rakeri+ ndiye uyo ari kuuya nemakwai!” 7 Akabva ati: “Achiri masikati. Haisi nguva yekuunganidza zvipfuwo. Ipai makwai mvura, muende kunoafudza.” 8 Ivo vakati: “Hatibvumirwi kudaro kusvikira makwai ese aungana, uye kusvikira vakungurutsa dombo vachiribvisa pamuromo wetsime. Ndipo patinozopa makwai mvura.”

9 Achiri kutaura navo, Rakeri akasvika nemakwai ababa vake, nekuti aiva mufudzi. 10 Jakobho paakaona Rakeri mwanasikana waRabhani hanzvadzi yaamai vake, nemakwai aRabhani, akabva aenda patsime akakungurutsa dombo raivapo akanwisa makwai aRabhani hanzvadzi yaamai vake. 11 Jakobho akabva atsvoda Rakeri, akachema kwazvo, misodzi ikayerera. 12 Jakobho akatanga kuudza Rakeri kuti aiva hama yababa vake uye kuti aiva mwanakomana waRibheka. Rakeri akabva amhanya, akanoudza baba vake.

13 Rabhani+ paakangonzwa nezvaJakobho mwanakomana wehanzvadzi yake, akamhanya kunomuchingura. Akabva amumbundira, akamutsvoda, akapinda naye mumba. Iye akatanga kurondedzera kuna Rabhani zvese zvakanga zvaitika. 14 Rabhani akati kwaari: “Chokwadi uri pfupa rangu nenyama yangu.”* Saka akagara naye mwedzi wese.

15 Rabhani akazoti kuna Jakobho: “Ndingabva ndakushandisa pasina chandinokupa here, ndichiti zvauri hama yangu?+ Ndiudze kuti unoda kubhadharwa sei?”+ 16 Rabhani aiva nevanasikana vaviri. Mukuru wacho ainzi Reya, uye mudiki wacho ainzi Rakeri.+ 17 Reya aiva nemaziso asingayevedzi, asi Rakeri aiva mukadzi anoyevedza uye akanaka kwazvo. 18 Jakobho akanga atorwa mwoyo naRakeri, saka akati: “Ndinoda kukushandirai makore manomwe mondipa Rakeri mwanasikana wenyu mudiki.”+ 19 Rabhani akati: “Zviri nani kuti ndimupe iwe pane kuti ndimupe mumwe murume. Ramba uchigara neni.” 20 Saka Jakobho akashanda makore manomwe kuti apiwe Rakeri,+ asi akaaona semazuva mashomanana nekuti aimuda.

21 Jakobho akabva ati kuna Rabhani: “Chindipai mudzimai wangu nekuti mazuva angu akwana, ndava kuda kurara naye.” 22 Rabhani akabva aunganidza varume vese vemunzvimbo yacho akaita mabiko. 23 Asi manheru acho, akatora Reya mwanasikana wake, akauya naye kuna Jakobho kuti arare naye. 24 Uyezve, Rabhani akatora Ziripa murandakadzi wake akamupa kuna Reya mwanasikana wake kuti ave muranda wake.+ 25 Mangwanani acho Jakobho akaona kuti aiva Reya! Saka akati kuna Rabhani: “Chiiko ichi chamandiitira? Handiti ndakakushandirai kuti mundipe Rakeri? Mandinyengedzerei?”+ 26 Rabhani akamupindura kuti: “Handidzo tsika dzekuno. Hatiroodzi mwana musikana mudiki mukuru asati aroorwa. 27 Fara nemukadzi uyu kwevhiki rese. Pashure pacho uchazopiwawo mumwe mukadzi uyu wondishandirazve mamwe makore manomwe.”+ 28 Jakobho akaita saizvozvo akafara pavhiki remukadzi uyu, achibva azomupa Rakeri mwanasikana wake kuti ave mudzimai wake. 29 Uyezve, Rabhani akatora Bhiriha+ murandakadzi wake akamupa kuna Rakeri mwanasikana wake kuti ave muranda wake.+

30 Jakobho akabva ararawo naRakeri, uye akada Rakeri kupfuura Reya, akashandira Rabhani mamwe makore manomwe.+ 31 Jehovha paakaona kuti Reya akanga asingadiwi,* akabva aita kuti akwanise kubata pamuviri,*+ asi Rakeri aishaya mbereko.+ 32 Saka Reya akava nepamuviri akabereka mwanakomana akamutumidza kuti Rubheni,*+ achiti: “Nekuti Jehovha aona kutambudzika kwangu,+ pakuti iye zvino murume wangu achatanga kundida.” 33 Akavazve nepamuviri akabereka mwanakomana, akabva ati: “Nekuti Jehovha ateerera, pakuti ndakanga ndisingadiwi, saka andipa mumwezve uyu.” Akabva amutumidza kuti Simiyoni.*+ 34 Uye akavazve nepamuviri akabereka mwanakomana, akabva ati: “Iye zvino murume wangu achava pedyo neni, nekuti ndamuberekera vanakomana vatatu.” Saka akatumidzwa kuti Revhi.*+ 35 Akavazve nepamwe pamuviri akabereka mwanakomana, akabva ati: “Iye zvino ndicharumbidza Jehovha.” Saka akamutumidza kuti Judha.*+ Pashure paizvozvo akaguma kubereka.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe