RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Jeremiya 24
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri mubhuku Jeremiya

      • Maonde akanaka neakaora (1-10)

Jeremiya 24:1

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “Nebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.

  • *

    Anonziwo Jehoyakini uye Koniya.

  • *

    Dzimwe shanduro dzinoti, “vavaki vemasvingo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 22:24
  • +2Mad 24:6; 1Mak 3:16
  • +2Mad 24:15, 16; Jer 29:1, 2

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/1/1994, pp. 13-14

Jeremiya 24:2

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/1/1994, pp. 13-14

Jeremiya 24:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 24:8

Jeremiya 24:5

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/1/1994, pp. 14-15, 17

    “Rugwaro Rwose,” p. 127

Jeremiya 24:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ezr 1:3; Jer 12:15; 25:11; 29:10; Eze 36:24
  • +Jer 1:10; 30:18; 32:41

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/1/1994, pp. 14-15, 17

Jeremiya 24:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 30:6; Jer 31:33; Eze 11:19
  • +Jer 30:22; 32:38; Zek 8:8
  • +Jer 29:13

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/15/2013, pp. 8-9

    3/1/1994, pp. 14-15, 17

Jeremiya 24:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 29:17
  • +2Mad 25:6, 7; Eze 12:12, 13
  • +Jer 44:1; 46:13

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/1/1994, pp. 15-16

Jeremiya 24:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 15:4; 34:17
  • +Jer 26:4, 6; 29:22
  • +Dhe 28:64; Jer 29:18

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/1/1994, p. 15

Jeremiya 24:10

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nechirwere.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 26:33; Jer 9:16
  • +Dhe 28:59; Jer 15:2; Eze 7:15

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/1/1994, p. 15

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Jer. 24:1Jer 22:24
Jer. 24:12Mad 24:6; 1Mak 3:16
Jer. 24:12Mad 24:15, 16; Jer 29:1, 2
Jer. 24:3Jer 24:8
Jer. 24:6Ezr 1:3; Jer 12:15; 25:11; 29:10; Eze 36:24
Jer. 24:6Jer 1:10; 30:18; 32:41
Jer. 24:7Dhe 30:6; Jer 31:33; Eze 11:19
Jer. 24:7Jer 30:22; 32:38; Zek 8:8
Jer. 24:7Jer 29:13
Jer. 24:8Jer 29:17
Jer. 24:82Mad 25:6, 7; Eze 12:12, 13
Jer. 24:8Jer 44:1; 46:13
Jer. 24:9Jer 15:4; 34:17
Jer. 24:9Jer 26:4, 6; 29:22
Jer. 24:9Dhe 28:64; Jer 29:18
Jer. 24:10Re 26:33; Jer 9:16
Jer. 24:10Dhe 28:59; Jer 15:2; Eze 7:15
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Jeremiya 24:1-10

Jeremiya

24 Jehovha akabva andiratidza tswanda mbiri dzemaonde dzakanga dzakaiswa pamberi petemberi yaJehovha, pashure pekunge Mambo Nebhukadhinezari* weBhabhironi atapa Jekoniya*+ mwanakomana waJehoyakimu,+ mambo weJudha, nemachinda eJudha, nemhizha, nevapfuri vesimbi;* akavatora muJerusarema akaenda navo kuBhabhironi.+ 2 Imwe tswanda yaiva nemaonde akanaka kwazvo semaonde anotanga kuibva, asi imwe tswanda yaiva nemaonde akaora chaizvo, akaora zvekuti aisadyika.

3 Jehovha akabva andibvunza kuti: “Uri kuonei Jeremiya?” Saka ndakati: “Maonde; akanaka acho akanaka zvekunaka zviya, asi akaora acho akaora zvekuora zviya, akaora zvekuti haadyiki.”+

4 Shoko raJehovha rakabva rauya kwandiri, richiti: 5 “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri, ‘Nhapwa dzeJudha dzandaendesa kunyika yevaKadheya dzichibva munzvimbo ino ndichadziona sedzakanaka semaonde aya akanaka. 6 Ziso rangu richaramba riri padziri kuti ndidzibatsire, uye ndichadzidzosa kunyika ino.+ Ndichadzivaka uye handizodziputsi; ndichadzidyara, uye handizodzidzuri.+ 7 Ndichadzipa mwoyo wekuti dzindizive kuti ndini Jehovha.+ Dzichava vanhu vangu, uye ini ndichava Mwari wadzo,+ nekuti dzichadzoka kwandiri nemwoyo wese.+

8 “‘Asi kana ari maonde akaora, aya akaora zvekusadyika,+ zvanzi naJehovha: “Ndichaonawo saizvozvo Mambo Zedhekiya+ weJudha, nemachinda ake, nevashoma vari muJerusarema vasara munyika ino, nevaya vari kugara munyika yeIjipiti.+ 9 Ndichaita kuti umambo hwese hwepanyika hutye pahunoona dambudziko randichaunza pavari.+ Vachashorwa, vachava chirevo, chinhu chinozvidzwa, uye chakatukwa,+ kwese kwandichavaparadzira.+ 10 Ndichavatumira bakatwa,+ nzara, nedenda,*+ kusvikira vapera panyika yandakavapa ivo nemadzitateguru avo.”’”

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe