RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Dheuteronomi 9
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raDheuteronomi

      • Chakaita kuti Israeri apiwe nyika yacho (1-6)

      • Israeri anotsamwisa Jehovha kanosvika kana (7-29)

        • Mhuru yegoridhe (7-14)

        • Mozisi anoteterera achimiririra vanhu (15-21, 25-29)

        • Dzimwe nzvimbo nhatu dzavakatsamwisa Jehovha (22)

Dheuteronomi 9:1

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva, masvingo marefu-refu.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 4:19
  • +Dhe 7:1
  • +Nu 13:28

Dheuteronomi 9:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 13:33

Dheuteronomi 9:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 1:30; 20:4; 31:3
  • +Dhe 4:24; VaH 12:29
  • +Eks 23:31; Dhe 7:23, 24

Dheuteronomi 9:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 7:7, 8; Eze 36:22
  • +Ge 15:16; Dhe 12:31; 18:9, 12

Dheuteronomi 9:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 18:25
  • +Ge 13:14, 15; 17:1, 8
  • +Ge 26:3
  • +Ge 28:13

Dheuteronomi 9:6

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “rwakaoma mutsipa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 34:9; Pis 78:8

Dheuteronomi 9:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 9:22; Pis 78:40; VaH 3:16
  • +Eks 17:2; Nu 11:4; 16:1, 2; 25:2, 3; Dhe 31:27

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    12/1/1996, p. 30

Dheuteronomi 9:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 32:4, 10

Dheuteronomi 9:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 24:12; 31:18; 32:16
  • +Eks 24:7
  • +Eks 24:18

Dheuteronomi 9:10

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “reungano.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 19:19; Dhe 4:10-13

Dheuteronomi 9:12

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mufananidzo wesimbi yakanyungudutswa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 32:7
  • +Eks 32:4

Dheuteronomi 9:13

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “vakaoma mutsipa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 32:9

Dheuteronomi 9:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 32:10

Dheuteronomi 9:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 19:18
  • +Eks 32:15

Dheuteronomi 9:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 20:3, 4

Dheuteronomi 9:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 32:19

Dheuteronomi 9:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 34:28

Dheuteronomi 9:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 32:10
  • +Eks 32:11, 14; Pis 106:23

Dheuteronomi 9:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 32:2, 21

Dheuteronomi 9:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 32:4
  • +Eks 32:20

Dheuteronomi 9:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 11:3
  • +Eks 17:7
  • +Nu 11:4, 34

Dheuteronomi 9:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 13:26
  • +Nu 14:3, 4
  • +Dhe 1:32; Pis 106:24, 25; VaH 3:19

Dheuteronomi 9:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 34:28

Dheuteronomi 9:26

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “inhaka yenyu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 19:5; Pis 135:4
  • +Eks 32:11

Dheuteronomi 9:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 3:6; 6:8; Dhe 9:5
  • +Eks 32:31, 32

Dheuteronomi 9:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 32:12; Nu 14:15, 16

Dheuteronomi 9:29

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nenhaka yenyu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 8:51; Ne 1:10
  • +Eks 6:6; Dhe 4:20, 34

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Dheut. 9:1Jos 4:19
Dheut. 9:1Dhe 7:1
Dheut. 9:1Nu 13:28
Dheut. 9:2Nu 13:33
Dheut. 9:3Dhe 1:30; 20:4; 31:3
Dheut. 9:3Dhe 4:24; VaH 12:29
Dheut. 9:3Eks 23:31; Dhe 7:23, 24
Dheut. 9:4Dhe 7:7, 8; Eze 36:22
Dheut. 9:4Ge 15:16; Dhe 12:31; 18:9, 12
Dheut. 9:5Re 18:25
Dheut. 9:5Ge 13:14, 15; 17:1, 8
Dheut. 9:5Ge 26:3
Dheut. 9:5Ge 28:13
Dheut. 9:6Eks 34:9; Pis 78:8
Dheut. 9:7Dhe 9:22; Pis 78:40; VaH 3:16
Dheut. 9:7Eks 17:2; Nu 11:4; 16:1, 2; 25:2, 3; Dhe 31:27
Dheut. 9:8Eks 32:4, 10
Dheut. 9:9Eks 24:12; 31:18; 32:16
Dheut. 9:9Eks 24:7
Dheut. 9:9Eks 24:18
Dheut. 9:10Eks 19:19; Dhe 4:10-13
Dheut. 9:12Eks 32:7
Dheut. 9:12Eks 32:4
Dheut. 9:13Eks 32:9
Dheut. 9:14Eks 32:10
Dheut. 9:15Eks 19:18
Dheut. 9:15Eks 32:15
Dheut. 9:16Eks 20:3, 4
Dheut. 9:17Eks 32:19
Dheut. 9:18Eks 34:28
Dheut. 9:19Eks 32:10
Dheut. 9:19Eks 32:11, 14; Pis 106:23
Dheut. 9:20Eks 32:2, 21
Dheut. 9:21Eks 32:4
Dheut. 9:21Eks 32:20
Dheut. 9:22Nu 11:3
Dheut. 9:22Eks 17:7
Dheut. 9:22Nu 11:4, 34
Dheut. 9:23Nu 13:26
Dheut. 9:23Nu 14:3, 4
Dheut. 9:23Dhe 1:32; Pis 106:24, 25; VaH 3:19
Dheut. 9:25Eks 34:28
Dheut. 9:26Eks 19:5; Pis 135:4
Dheut. 9:26Eks 32:11
Dheut. 9:27Eks 3:6; 6:8; Dhe 9:5
Dheut. 9:27Eks 32:31, 32
Dheut. 9:28Eks 32:12; Nu 14:15, 16
Dheut. 9:291Mad 8:51; Ne 1:10
Dheut. 9:29Eks 6:6; Dhe 4:20, 34
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Dheuteronomi 9:1-29

Dheuteronomi

9 “Chinzwa iwe Israeri, nhasi uri kuyambuka Jodhani+ kuti upinde, utore nyika yemarudzi makuru uye ane simba kukupfuura,+ maguta makuru uye ane masvingo anosvika kumatenga,*+ 2 vanhu vahombe uye varefu, vanakomana vevaAnaki,+ vaunoziva uye vawakanzwa nezvavo zvichinzi, ‘Ndiani angamirisana nevanakomana vevaAnaki?’ 3 Saka nhasi unofanira kuziva kuti Jehovha Mwari wako achayambuka pamberi pako.+ Iye moto unoparadza, uye achavaparadza.+ Achavakunda wakatarisa kuti uvadzinge nekukurumidza uye uvaparadze, sezvawakavimbiswa naJehovha.+

4 “Jehovha Mwari wako paanovadzinga pamberi pako, usati mumwoyo mako, ‘Jehovha akandiunza kuti nditore nyika iyi nekuti ndakarurama.’+ Marudzi aya ari kudzingwa naJehovha pamberi pako nemhaka yekuipa kwawo.+ 5 Hausi kupinda kunotora nyika iyi nekuti wakarurama kana kuti mwoyo wako wakarurama. Asi Jehovha Mwari wako ari kudzinga marudzi aya pamberi pako+ nemhaka yekuipa kwawo kuti Jehovha azadzise shoko raakapikira madzitateguru ako, Abrahamu,+ Isaka,+ naJakobho.+ 6 Saka ziva kuti Jehovha Mwari wako haasi kukupa nyika ino yakanaka pamusana pekururama kwako, nekuti uri rudzi rwakaoma musoro.*+

7 “Yeuka uye usakanganwa kutsamwisa kwawakaita Jehovha Mwari wako murenje.+ Kubvira pazuva ramakabva munyika yeIjipiti kusvikira masvika kunzvimbo ino, manga muchingopandukira Jehovha.+ 8 Kunyange kuHorebhi makatsamwisa Jehovha, uye Jehovha akakutsamwirai kwazvo zvekuti akanga ava kutoda kukuparadzai.+ 9 Pandakakwira mugomo kunopiwa mahwendefa+ ematombo, mahwendefa esungano yakaitwa naJehovha nemi,+ ndakaramba ndiri mugomo kwemazuva 40 neusiku 40,+ ndisina chandaidya uye ndisinganwi mvura. 10 Jehovha akabva andipa mahwendefa maviri ematombo akanga akanyorwa nemunwe waMwari, aiva nemashoko ese akanga ataurwa naJehovha kwamuri mugomo ari mumoto pazuva regungano.*+ 11 Pakapera mazuva 40 neusiku 40, Jehovha akandipa mahwendefa maviri ematombo, mahwendefa esungano, 12 uye Jehovha akanditi, ‘Simuka, kurumidza kuburuka muno, nekuti vanhu vako vawakabudisa muIjipiti vaita zvakaipa.+ Vakurumidza kutsauka panzira yandakavarayira kuti vafambe. Vazvigadzirira mufananidzo wesimbi.’*+ 13 Jehovha akabva ati kwandiri, ‘Ndaona kuti vanhu ava vakaoma musoro.*+ 14 Rega ndivaparadze ndidzime zita ravo pasi pedenga, uye rega ndikuite rudzi rune simba uye rune vanhu vakawanda kuvapfuura.’+

15 “Ndakabva ndatendeuka ndikaburuka mugomo, gomo richibvira moto,+ mahwendefa maviri esungano ari mumaoko angu.+ 16 Ndakabva ndatarisa ndikaona kuti makanga matadzira Jehovha Mwari wenyu! Makanga mazvigadzirira mhuru yesimbi. Makanga makurumidza kutsauka panzira yamakanga marayirwa naJehovha kuti mufambe nayo.+ 17 Saka ndakabata mahwendefa acho maviri, ndikaarovera pasi nemaoko angu ese, ndikaapwanya makatarisa.+ 18 Ndakapfugama pamberi paJehovha, sezvandakaita pakutanga, kwemazuva 40 neusiku 40. Handina chandakadya kana kunwa mvura,+ nekuda kwezvivi zvenyu zvese zvamakanga maita pamakaita zvakaipa pamberi paJehovha muchimugumbura. 19 Nekuti ndakatya kutsamwa kukuru kwaJehovha pakuti aida kukuparadzai.+ Zvisinei, Jehovha akanditeerera panguva iyoyo zvakare.+

20 “Jehovha akatsamwira Aroni kwazvo zvekuti akanga ava kutoda kumuparadza,+ asi panguva iyoyo zvakare ndakakumbirirawo Aroni kuti aregererwe. 21 Ndakabva ndatora mhuru+ yacho yamakanga magadzira, yakaita kuti muite chivi, ndikaipisa mumoto; ndakaipwanya, ndikaikuya-kuya kusvikira yatsetseka seguruva, uye ndakamwaya guruva racho murukova rwaiyerera ruchibva mugomo.+

22 “Uyezve, kuTabhera,+ nekuMasa+ nekuKibroti-hataavha,+ makatsamwisa Jehovha zvakare. 23 Jehovha paakakubudisai muKadheshi-bhaneya+ uye paakati, ‘Endai munotora nyika yandichakupai!’ makapandukira murayiro waJehovha Mwari wenyu,+ uye hamuna kutenda+ maari uye hamuna kumuteerera. 24 Kubvira pandakakuzivai maingopandukira Jehovha.

25 “Saka ndakaramba ndakapfugama pamberi paJehovha kwemazuva 40 neusiku 40,+ nekuti Jehovha akati aizokuparadzai saka ndakaramba ndakaisa musoro pasi saizvozvo. 26 Ndakatanga kuteterera Jehovha ndikati, ‘Haiwa Changamire Ishe Jehovha, musaparadza vanhu venyu. Ivo ipfuma yenyu,*+ vamakadzikinura neukuru hwenyu, vamakabudisa muIjipiti neruoko rune simba.+ 27 Yeukai vashumiri venyu Abrahamu, Isaka, naJakobho.+ Musatarisa kuoma musoro kwevanhu ava, kuipa kwavo, nechivi chavo.+ 28 Mukadaro vanhu vemunyika yamakatibudisa vanozoti: “Jehovha akatadza kusvitsa vanhu ava munyika yaakavapikira, uye akavaurayira murenje nekuti aivavenga.”+ 29 Nekuti ivo vanhu venyu nepfuma yenyu,*+ vamakabudisa nesimba renyu guru uye neruoko rwenyu rwakatambanudzwa.’+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe