17 “Mweya wangu waputswa, mazuva angu apera;
Kumakuva kwakandimirira.+
2 Ndakakombwa nevanondinyomba,+
Uye ziso rangu ngarirambe riri pakupanduka kwavari kuita.
3 Ndapota, gamuchirai chandiri kukupai kuti mufanobata uye chichengetei.
Ndianizve achabatana maoko neni kuti aite mhiko yekundibatsira?+
4 Nekuti makaita kuti mwoyo yavo itadze kunzwisisa;+
Ndokusaka musingavakwidziridzi.
5 Iye angasarudza kugovana zvinhu neshamwari dzake,
Asi maziso evana vake achineta nenzara.
6 Iye akandiita chiseko pakati pemarudzi,+
Zvekuti vava kundisvipira mate kumeso.+
7 Maziso angu haachaoni nemhaka yekurwadziwa,+
Uye nhengo dzangu dzese dzaita semumvuri.
8 Vanhu vakarurama vanoramba vakatarisa zvichivashamisa,
Uye munhu asina mhosva anogumburwa nevanhu vasingadi Mwari.
9 Munhu akarurama anoramba ari munzira yake,+
Uye munhu ane maoko akachena anowedzera kusimba.+
10 Asi imi mese munogona kuuya motangazve kutaura,
Nekuti handina kuwana akachenjera pakati penyu.+
11 Mazuva angu apera;+
Zvirongwa zvangu, zvido zvemwoyo wangu zvaparara.+
12 Vanoramba vachiita kuti usiku huve masikati,
Vachiti, ‘Chiedza chinofanira kunge chava pedyo nekuti kune rima.’
13 Kana ndikamirira, Guva richava imba yangu;+
Ndichawaridza mubhedha wangu murima.+
14 Ndichashevedzera kugomba+ ndichiti, ‘Ndiwe baba vangu!’
Kuhonye ndichiti, ‘Ndiwe amai vangu nehanzvadzi yangu!’
15 Saka tariro yangu iri kupi?+
Ndiani ari kuona ndiine tariro?
16 Ichadzika kumazariro emagedhi eGuva,
Patichadzika tese muguruva.”+