RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 1 Madzimambo 14
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku ra1 Madzimambo

      • Ahija anoprofita zvichaitika kuna Jerobhoamu (1-20)

      • Rehobhoamu anotonga Judha (21-31)

        • Shishaki anouya kuzorwisa (25, 26)

1 Madzimambo 14:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 11:30, 31

1 Madzimambo 14:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 18:1; 1Sa 4:3

1 Madzimambo 14:5

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Utaure naye izvi neizvi.”

1 Madzimambo 14:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 11:30, 31; 12:20

1 Madzimambo 14:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 12:16
  • +1Mad 15:5; Mab 13:22

1 Madzimambo 14:9

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “yesimbi yakanyungudutswa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 27:15; 2Mak 11:15
  • +Ne 9:26; Pis 50:17

1 Madzimambo 14:10

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “chero munhu anoitira weti pamadziro.” Aya matauriro echiHebheru ekuzvidza aireva kuti vanhurume.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 15:25-29

1 Madzimambo 14:13

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Swedera Pedyo naJehovha, p. 244

    Nharireyomurindi,

    7/1/2010, p. 29

    7/1/2005, p. 31

    4/1/1995, p. 12

1 Madzimambo 14:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 15:25-29

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Uprofita hwaIsaya I, pp. 133-134

1 Madzimambo 14:15

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva, Yufratesi.

  • *

    Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 8:7-9; 29:28; Jos 23:15; 2Mad 17:6
  • +Dhe 28:64; 2Mad 15:29; 18:11
  • +Dhe 12:3

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Uprofita hwaIsaya I, pp. 133-134

1 Madzimambo 14:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 12:28-30; 13:33, 34

1 Madzimambo 14:17

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva, pamusuo panotsikwa nevanhu kana vachipinda mumba.

1 Madzimambo 14:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 12:15; 13:3

1 Madzimambo 14:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 13:20
  • +1Mad 15:25

1 Madzimambo 14:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 78:68; 132:13
  • +Eks 20:24; Dhe 12:5, 6; 1Mad 8:16, 17
  • +1Mad 11:1; 2Mak 12:13

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    12/15/2011, p. 10

1 Madzimambo 14:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 11:7; 2Mak 12:1
  • +Isa 65:2

1 Madzimambo 14:23

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 26:1
  • +Isa 65:7
  • +Dhe 12:2, 3; Isa 57:5; Jer 2:20; Ho 4:13

1 Madzimambo 14:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 23:17, 18; 1Mad 15:11, 12; 22:46; 2Mad 23:7; Ho 4:14

1 Madzimambo 14:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 11:40
  • +2Mak 12:2-4

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    “Rugwaro Rwose,” p. 295

1 Madzimambo 14:26

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “yemuzinda wamambo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 7:51; 15:18; 2Mad 18:14, 15; 24:12, 13
  • +1Mad 10:16, 17; 2Mak 12:9-11

1 Madzimambo 14:27

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “vevamhanyi.”

1 Madzimambo 14:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 27:24; 2Mak 12:15

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/15/2009, p. 32

1 Madzimambo 14:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 15:6

1 Madzimambo 14:31

Mashoko Emuzasi

  • *

    Anonziwo Abhija.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 11:43
  • +1Mad 11:1; 2Mak 12:13
  • +1Mak 3:10; Mt 1:7

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

1 Madz. 14:21Mad 11:30, 31
1 Madz. 14:4Jos 18:1; 1Sa 4:3
1 Madz. 14:71Mad 11:30, 31; 12:20
1 Madz. 14:81Mad 12:16
1 Madz. 14:81Mad 15:5; Mab 13:22
1 Madz. 14:9Dhe 27:15; 2Mak 11:15
1 Madz. 14:9Ne 9:26; Pis 50:17
1 Madz. 14:101Mad 15:25-29
1 Madz. 14:141Mad 15:25-29
1 Madz. 14:15Dhe 8:7-9; 29:28; Jos 23:15; 2Mad 17:6
1 Madz. 14:15Dhe 28:64; 2Mad 15:29; 18:11
1 Madz. 14:15Dhe 12:3
1 Madz. 14:161Mad 12:28-30; 13:33, 34
1 Madz. 14:192Mak 12:15; 13:3
1 Madz. 14:202Mak 13:20
1 Madz. 14:201Mad 15:25
1 Madz. 14:21Pis 78:68; 132:13
1 Madz. 14:21Eks 20:24; Dhe 12:5, 6; 1Mad 8:16, 17
1 Madz. 14:211Mad 11:1; 2Mak 12:13
1 Madz. 14:221Mad 11:7; 2Mak 12:1
1 Madz. 14:22Isa 65:2
1 Madz. 14:23Re 26:1
1 Madz. 14:23Isa 65:7
1 Madz. 14:23Dhe 12:2, 3; Isa 57:5; Jer 2:20; Ho 4:13
1 Madz. 14:24Dhe 23:17, 18; 1Mad 15:11, 12; 22:46; 2Mad 23:7; Ho 4:14
1 Madz. 14:251Mad 11:40
1 Madz. 14:252Mak 12:2-4
1 Madz. 14:261Mad 7:51; 15:18; 2Mad 18:14, 15; 24:12, 13
1 Madz. 14:261Mad 10:16, 17; 2Mak 12:9-11
1 Madz. 14:291Mak 27:24; 2Mak 12:15
1 Madz. 14:301Mad 15:6
1 Madz. 14:311Mad 11:43
1 Madz. 14:311Mad 11:1; 2Mak 12:13
1 Madz. 14:311Mak 3:10; Mt 1:7
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
1 Madzimambo 14:1-31

Bhuku Rekutanga reMadzimambo

14 Panguva iyoyo Abhija mwanakomana waJerobhoamu akarwara. 2 Saka Jerobhoamu akati kumudzimai wake: “Ndapota, simuka uchinje nguo dzako kuti vanhu varege kuziva kuti uri mudzimai waJerobhoamu, uende kuShiro. Muprofita Ahija ari ikoko. Ndiye akataura kuti ndichava mambo wevanhu ava.+ 3 Tora zvingwa gumi, makeke, nemudziyo une uchi, uende kwaari. Achabva akuudza zvichaitika kumwanakomana wedu.”

4 Mudzimai waJerobhoamu akaita zvaakaudzwa. Akasimuka, akaenda kuShiro,+ akasvika kumba kwaAhija. Maziso aAhija akanga akangovhurika asi asisaoni chinhu nemhaka yezera rake.

5 Asi Jehovha akanga ati kuna Ahija: “Mudzimai waJerobhoamu ari kuuya kuzokubvunza pamusoro pemwanakomana wake, nekuti ari kurwara. Ndichakuudza zvaunofanira kumuudza.* Paachasvika, achaita kuti asazivikanwa kuti ndiani.”

6 Ahija paakangonzwa mutsindo wetsoka dzake paaipinda pasuo, akati: “Pinda, iwe mudzimai waJerobhoamu. Nei usiri kuda kuzivikanwa kuti ndiwe ani? Ndaudzwa kuti ndikuzivise mashoko anorwadza. 7 Enda unoti kuna Jerobhoamu, ‘Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri: “Ndakakusarudza pakati pevanhu vako kuti uve mutungamiriri wevanhu vangu vaIsraeri.+ 8 Ndakabva ndabvarura umambo kubva kuimba yaDhavhidhi, ndikakupa.+ Asi hauna kuita semuranda wangu Dhavhidhi, uyo akachengeta mirayiro yangu uye akanditevera nemwoyo wake wese, achiita zvakarurama chete pamberi pangu.+ 9 Asi wakaita zvakaipa kupfuura vese vakakutangira, ukazvigadzirira mumwe mwari uye mifananidzo yesimbi* kuti undigumbure,+ uye ini ndini wawakafuratira.+ 10 Nemhaka yeizvi ndiri kuunza dambudziko paimba yaJerobhoamu, uye ndichaparadza vanhurume vese* vekwaJerobhoamu, kusanganisira varombo nevasina simba muIsraeri, uye ndichatsvaira imba yaJerobhoamu,+ sezvinoita munhu anotsvaira ndove kusvikira yabviswa yese! 11 Munhu wese wekwaJerobhoamu anofira muguta, achadyiwa nembwa; uye wese anofira musango achadyiwa neshiri dzedenga, nekuti Jehovha azvitaura.”’

12 “Zvino simuka; enda kumba kwako. Pauchapinda muguta, mwana achabva afa. 13 VaIsraeri vese vachamuchema, vomuviga, nekuti iye chete pamhuri yaJerobhoamu ndiye acharadzikwa muguva, nekuti muimba yaJerobhoamu ndiye chete awanikwa aine chimwe chinhu chakanaka maari naJehovha Mwari waIsraeri. 14 Jehovha achaita kuti pave namambo weIsraeri achaparadza imba yaJerobhoamu+ kubva zuva iroro zvichienda mberi, uye anogona kutozviita iye zvino. 15 Jehovha acharova Israeri setsanga iri kubvunda mumvura, uye achadzura vaIsraeri panyika ino yakanaka yaakapa madzitateguru avo,+ uye achaita kuti vapararire kusvika mhiri kweRwizi,*+ nekuti vakagadzira mapango anoyera,*+ vakagumbura Jehovha. 16 Achasiya Israeri nemhaka yezvivi zvakaitwa naJerobhoamu uye zvaakakonzera kuti vaIsraeri vaite.”+

17 Mudzimai waJerobhoamu akabva asimuka akaenda, akasvika kuTiza. Paaisvika pachidimbati* cheimba yavo, mwana wacho akabva afa. 18 Saka vakamuviga, uye vaIsraeri vese vakamuchema, maererano neshoko raJehovha raakataura kuburikidza nemushumiri wake muprofita Ahija.

19 Imwe nhoroondo yese yaJerobhoamu, kurwa kwaakaita+ nekutonga kwaakaita, zvakanyorwa mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eIsraeri. 20 Jerobhoamu akaita makore 22 achitonga, achibva azoradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake;+ uye mwanakomana wake Nadhabhi akava mambo panzvimbo pake.+

21 Munguva iyi Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni akanga ava mambo muJudha. Rehobhoamu aiva nemakore 41 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 17 muJerusarema, guta rakanga rasarudzwa naJehovha+ pamadzinza ese aIsraeri kuti rive nzvimbo yekuisa zita rake.+ Amai vaRehobhoamu vainzi Naama vari vechiAmoni.+ 22 VaJudha vaiita zvakaipa pamberi paJehovha,+ uye vakamugumbura nezvivi zvavo kupfuura zvakanga zvaitwa nemadzitateguru avo.+ 23 Naivowo vakaramba vachizvivakira nzvimbo dzakakwirira, shongwe dzinoyera nemapango anoyera*+ pazvikomo zvese+ nepasi pemiti yese yakasvibirira.+ 24 Munyika yacho maivawo nepfambi dzechirume dzepatemberi.+ Vakaita zvinhu zvese zvinosemesa zvemarudzi akanga adzingwa naJehovha pamberi pevaIsraeri.

25 Mugore rechishanu raMambo Rehobhoamu, Mambo Shishaki+ weIjipiti akauya kuzorwisa Jerusarema.+ 26 Akatora pfuma yeimba yaJehovha nepfuma yeimba yamambo.*+ Akatora zvese, kusanganisira nhoo dzese dzegoridhe dzakanga dzagadzirwa naSoromoni.+ 27 Saka Mambo Rehobhoamu akagadzira nhoo dzemhangura kuti atsive nhoo dzacho, uye akaita kuti dzichengetwe nevakuru vevarindi,* avo vairinda musuo weimba yamambo. 28 Pese paiuya mambo kuimba yaJehovha, varindi vaidzitakura, vobva vazodzidzorera kuimba yevarindi.

29 Imwe nhoroondo yese yaRehobhoamu nezvese zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eJudha?+ 30 Rehobhoamu naJerobhoamu vairamba vachirwisana.+ 31 Rehobhoamu akabva azoradzikwa nemadzitateguru ake, akavigwa pamwe chete nemadzitateguru ake muGuta raDhavhidhi.+ Amai vake vainzi Naama vari vechiAmoni.+ Uye mwanakomana wake Abhijamu*+ akava mambo panzvimbo yake.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe