RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Jeremiya 26
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri mubhuku Jeremiya

      • Vanhu vanoti vanoda kuuraya Jeremiya (1-15)

      • Jeremiya anorega kuurayiwa (16-19)

        • Mashoko akaprofitwa naMika (18)

      • Muprofita Urija (20-24)

Jeremiya 26:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 23:34; 2Mak 36:4; Jer 25:1; 35:1; 36:1

Jeremiya 26:2

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “utaure nevanhu.”

  • *

    Kana kuti “kuzokotama.”

Jeremiya 26:3

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “ndozvidemba.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 55:7; Jer 18:7, 8; 36:3; Eze 18:27

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Jeremiya, p. 151

Jeremiya 26:4

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “murayiro.”

Jeremiya 26:5

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “kumukira mangwanani ndichivatuma.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 17:13, 14; Jer 7:12-14; 25:3

Jeremiya 26:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 78:60
  • +Jer 24:9

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa,

    4/2017, p. 7

Jeremiya 26:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 26:2

Jeremiya 26:10

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “kumuzinda wamambo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 36:10

Jeremiya 26:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 18:19, 20
  • +Jer 38:4

Jeremiya 26:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 1:17

Jeremiya 26:13

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “achazvidemba.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 7:3; 36:3; Eze 18:32; Jon 3:9

Jeremiya 26:18

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “temberi.”

  • *

    Kana kuti “yakakwirira izere nemiti.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mik 1:1
  • +2Mak 29:1
  • +Pis 79:1; Jer 9:11
  • +Mik 3:12

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    “Rugwaro Rwose,” p. 156

Jeremiya 26:19

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “kuti aedze kupfavisa chiso chaJehovha.”

  • *

    Kana kuti “akazvidemba.”

  • *

    Kana kuti “kuunzira mweya yedu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 32:26

Jeremiya 26:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 15:20, 60; 18:11, 14; 1Sa 7:2

Jeremiya 26:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 23:34; 2Mak 36:5
  • +2Mak 16:10

Jeremiya 26:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 36:11, 12

Jeremiya 26:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 2:30

Jeremiya 26:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 22:12, 13; Jer 39:13, 14; 40:5
  • +2Mad 22:10
  • +1Mad 18:4

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Jeremiya, p. 122

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Jer. 26:12Mad 23:34; 2Mak 36:4; Jer 25:1; 35:1; 36:1
Jer. 26:3Isa 55:7; Jer 18:7, 8; 36:3; Eze 18:27
Jer. 26:52Mad 17:13, 14; Jer 7:12-14; 25:3
Jer. 26:6Pis 78:60
Jer. 26:6Jer 24:9
Jer. 26:7Jer 26:2
Jer. 26:10Jer 36:10
Jer. 26:11Jer 18:19, 20
Jer. 26:11Jer 38:4
Jer. 26:12Jer 1:17
Jer. 26:13Jer 7:3; 36:3; Eze 18:32; Jon 3:9
Jer. 26:18Mik 1:1
Jer. 26:182Mak 29:1
Jer. 26:18Pis 79:1; Jer 9:11
Jer. 26:18Mik 3:12
Jer. 26:192Mak 32:26
Jer. 26:20Jos 15:20, 60; 18:11, 14; 1Sa 7:2
Jer. 26:212Mad 23:34; 2Mak 36:5
Jer. 26:212Mak 16:10
Jer. 26:22Jer 36:11, 12
Jer. 26:23Jer 2:30
Jer. 26:242Mad 22:12, 13; Jer 39:13, 14; 40:5
Jer. 26:242Mad 22:10
Jer. 26:241Mad 18:4
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Jeremiya 26:1-24

Jeremiya

26 Panguva yakatanga kutonga Jehoyakimu+ mwanakomana waJosiya, mambo weJudha, shoko iri rakauya richibva kuna Jehovha: 2 “Zvanzi naJehovha, ‘Mira pachivanze cheimba yaJehovha utaure pamusoro pevanhu* vese vemumaguta eJudha vari kuuya kuzonamata* paimba yaJehovha. Vaudze zvese zvandinokurayira; usabvisa kana shoko rimwe chete. 3 Zvichida vachateerera, mumwe nemumwe otendeuka panzira yake yakaipa, ini ndochinja pfungwa* pamusoro pedambudziko randiri kuda kuvaunzira nekuda kwemabasa avo akaipa.+ 4 Uti kwavari: “Zvanzi naJehovha, ‘Kana mukasanditeerera muchirega kutevera mutemo* wangu wandakaisa pamberi penyu, 5 uye muchirega kuteerera mashoko evashumiri vangu vaprofita, vandiri kutuma ndatumazve kwamuri,* avo vamusina kuteerera,+ 6 ndichaitawo kuti imba ino iite seShiro,+ uye ndichaita kuti guta rino rive chinhu chinoshandiswa pakutuka nemarudzi ese epanyika.’”’”+

7 Jeremiya paaitaura mashoko aya muimba yaJehovha, ainzwikwa nevapristi nevaprofita nevanhu vese.+ 8 Saka Jeremiya paakanga apedza kutaura zvese zvaakanga arayirwa naJehovha kuti ataurire vanhu vese, vapristi nevaprofita nevanhu vese vakabva vamubata vakati: “Unotofa chete. 9 Waprofitirei muzita raJehovha, uchiti, ‘Imba ino ichaita seShiro, uye guta rino richaparadzwa rosara risina anogaramo’?” Uye vanhu vese vakaunganira Jeremiya muimba yaJehovha.

10 Machinda eJudha paakanzwa mashoko aya, akabva kuimba yamambo* akaenda kuimba yaJehovha, akanogara pagedhi idzva raJehovha.+ 11 Vapristi nevaprofita vakati kumachinda acho nekuvanhu vese: “Murume uyu anofanira kutongerwa rufu,+ nekuti aprofita zvakaipa pamusoro peguta rino sezvamangonzwawo nenzeve dzenyu.”+

12 Jeremiya akabva ati kumachinda ese nekuvanhu vese: “Jehovha ndiye akandituma kuti ndiprofite mashoko ese amanzwa pamusoro peimba ino nepamusoro peguta rino.+ 13 Zvino chinjai nzira dzenyu nemaitiro enyu uye teererai inzwi raJehovha Mwari wenyu, uye Jehovha achachinja pfungwa* pamusoro pedambudziko raataura kuti richakuwirai.+ 14 Asi ini ndiri mumaoko enyu. Ndiitirei chero zvamunoona kuti ndizvo zvakanaka uye zvakarurama. 15 Ingozivai chete kuti kana mukandiuraya, muchaisa ropa risina mhosva pamuri nepaguta rino nepavagari varo, nekuti chokwadi Jehovha akandituma kwamuri kuti nditaure mashoko ese aya muchinzwa.”

16 Machinda nevanhu vese vakabva vati kuvapristi nevaprofita: “Murume uyu haana kukodzera kutongerwa rufu, nekuti ataura nesu muzita raJehovha Mwari wedu.”

17 Uyewo vamwe vakuru vemunyika yacho vakasimuka vakatanga kutaura neungano yese yevanhu vacho vachiti: 18 “Mika+ wekuMoresheti akaprofita pamazuva aMambo Hezekiya+ weJudha, uye akati kuvanhu vese veJudha, ‘Zvanzi naJehovha wemauto:

“Ziyoni richarimwa semunda,

Jerusarema richava matongo,+

Uye gomo rine Imba* yacho richaita senzvimbo dzakakwirira dziri musango.”’*+

19 “Mambo Hezekiya weJudha nevanhu vese veJudha vakabva vamuuraya here? Haana here kutya Jehovha, akateterera kuti anzwirwe nyasha naJehovha,* zvekuti Jehovha akachinja pfungwa* pamusoro pedambudziko raakanga ataura kuti achaunza pavari?+ Saka tava kuda kuzviunzira* dambudziko guru.

20 “Uye paivawo nemumwe murume aiprofita muzita raJehovha, ainzi Urija mwanakomana waShemaya wekuKiriyati-jearimu,+ uyo akaprofita pamusoro peguta rino nenyika ino nemashoko akafanana neaJeremiya. 21 Mambo Jehoyakimu+ nevarume vake vese vaiva nesimba nemachinda ese vakanzwa mashoko ake, uye mambo akaronga kumuuraya.+ Urija paakazvinzwa, akabva atya akatizira kuIjipiti. 22 Mambo Jehoyakimu akabva atuma Erinatani+ mwanakomana waAkibhori kuIjipiti nevamwe varume vaaiva navo. 23 Vakatora Urija kuIjipiti vakaenda naye kuna Mambo Jehoyakimu, uyo akabva amuuraya nebakatwa,+ akakanda chitunha chake kumakuva evanhuwo zvavo.”

24 Asi Ahikamu+ mwanakomana waShafani+ akatsigira Jeremiya, zvekuti haana kuiswa mumaoko evanhu kuti aurayiwe.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe