RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Revhitiko 23
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raRevhitiko

      • Mazuva matsvene nemitambo (1-44)

        • Sabata (3)

        • Paseka (4, 5)

        • Mutambo Wechingwa Chisina Mbiriso (6-8)

        • Mupiro wezvibereko zvekutanga (9-14)

        • Mutambo Wemavhiki (15-21)

        • Makohwero anofanira kuitwa (22)

        • Mutambo Wekurira Kwebhosvo (23-25)

        • Zuva Rekuyananisira (26-32)

        • Mutambo Wematumba (33-43)

Revhitiko 23:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 23:14; Re 23:37
  • +Nu 10:10

Revhitiko 23:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 16:30; 20:10; Mab 15:21
  • +Ne 13:22

Revhitiko 23:5

Mashoko Emuzasi

  • *

    Iyi inguva inenge ichangovira zuva asi kusati kwasviba.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 9:2, 3; 28:16
  • +Eks 12:3, 6; Dhe 16:1; 1VaK 5:7

Revhitiko 23:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 28:17; 1VaK 5:8
  • +Eks 12:15; 13:6; 34:18

Revhitiko 23:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 12:16

Revhitiko 23:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1VaK 15:20, 23
  • +Nu 18:8, 12; Zvi 3:9; Eze 44:30

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    7/15/2007, p. 26

Revhitiko 23:11

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    7/15/2007, p. 26

Revhitiko 23:13

Mashoko Emuzasi

  • *

    Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

  • *

    Efa uwandu hwaizadza mudziyo wemarita 22. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

  • *

    ChiHeb., “zvinozorodza.”

  • *

    Hini yakanga yakaenzana nemarita 3,67. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Revhitiko 23:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 34:22; Dhe 16:9, 10

Revhitiko 23:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mab 2:1
  • +Nu 28:26-31; Dhe 16:16

Revhitiko 23:17

Mashoko Emuzasi

  • *

    Efa uwandu hwaizadza mudziyo wemarita 22. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 7:11, 13
  • +Eks 23:16; 34:22

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/1/1998, p. 13

Revhitiko 23:18

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “zvinozorodza.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 28:26, 27

Revhitiko 23:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 4:23
  • +Re 3:1

Revhitiko 23:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 7:34; 10:14; Nu 18:9; Dhe 18:4; 1VaK 9:13

Revhitiko 23:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 10:10

Revhitiko 23:22

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “vanotambura.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 19:9; Dhe 24:19; Rut 2:2, 3
  • +Isa 58:7
  • +Re 19:33

Revhitiko 23:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 10:10; 29:1

Revhitiko 23:27

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “kurwadzisa mweya yenyu.” “Kuzvirwadzisa” kunowanzonzwisiswa sekunoreva nzira dzakasiyana-siyana dzekuzvinyima zvimwe zvinhu, kusanganisira kutsanya.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 30:10; Re 25:9
  • +Re 16:29, 30; Nu 29:7

Revhitiko 23:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 16:34; VaH 9:12, 24-26; 10:10; 1Jo 2:1, 2

Revhitiko 23:29

Mashoko Emuzasi

  • *

    Dzimwe shanduro dzinoti, “asingatsanyi.”

  • *

    Kana kuti “achaurayiwa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 9:13; 15:30

Revhitiko 23:32

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mucharwadzisa mweya yenyu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 16:29-31; 23:27; Nu 29:7

Revhitiko 23:34

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 23:16; Nu 29:12; Dhe 16:13; Ezr 3:4; Ne 8:14-18; Joh 7:2

Revhitiko 23:36

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ne 8:18

Revhitiko 23:37

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 23:14; Dhe 16:16
  • +Nu 28:26; 29:7
  • +Re 1:3
  • +Re 2:1, 11
  • +Nu 15:5; 28:6, 7

Revhitiko 23:38

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 16:23; 20:8; 31:13
  • +Eks 28:38; Nu 18:29
  • +Dhe 12:11
  • +Nu 29:39; Dhe 12:6; 1Mak 29:9; 2Mak 35:8; Ezr 2:68

Revhitiko 23:39

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 16:13
  • +Nu 29:12

Revhitiko 23:40

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “yemubani.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ne 8:15; Zva 7:9
  • +Ne 8:10
  • +Dhe 16:15

Revhitiko 23:41

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 29:12

Revhitiko 23:42

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 31:10, 11

Revhitiko 23:43

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 31:13; Pis 78:6
  • +Eks 12:37, 38; Nu 24:5

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Revh. 23:2Eks 23:14; Re 23:37
Revh. 23:2Nu 10:10
Revh. 23:3Eks 16:30; 20:10; Mab 15:21
Revh. 23:3Ne 13:22
Revh. 23:5Nu 9:2, 3; 28:16
Revh. 23:5Eks 12:3, 6; Dhe 16:1; 1VaK 5:7
Revh. 23:6Nu 28:17; 1VaK 5:8
Revh. 23:6Eks 12:15; 13:6; 34:18
Revh. 23:7Eks 12:16
Revh. 23:101VaK 15:20, 23
Revh. 23:10Nu 18:8, 12; Zvi 3:9; Eze 44:30
Revh. 23:15Eks 34:22; Dhe 16:9, 10
Revh. 23:16Mab 2:1
Revh. 23:16Nu 28:26-31; Dhe 16:16
Revh. 23:17Re 7:11, 13
Revh. 23:17Eks 23:16; 34:22
Revh. 23:18Nu 28:26, 27
Revh. 23:19Re 4:23
Revh. 23:19Re 3:1
Revh. 23:20Re 7:34; 10:14; Nu 18:9; Dhe 18:4; 1VaK 9:13
Revh. 23:21Nu 10:10
Revh. 23:22Re 19:9; Dhe 24:19; Rut 2:2, 3
Revh. 23:22Isa 58:7
Revh. 23:22Re 19:33
Revh. 23:24Nu 10:10; 29:1
Revh. 23:27Eks 30:10; Re 25:9
Revh. 23:27Re 16:29, 30; Nu 29:7
Revh. 23:28Re 16:34; VaH 9:12, 24-26; 10:10; 1Jo 2:1, 2
Revh. 23:29Nu 9:13; 15:30
Revh. 23:32Re 16:29-31; 23:27; Nu 29:7
Revh. 23:34Eks 23:16; Nu 29:12; Dhe 16:13; Ezr 3:4; Ne 8:14-18; Joh 7:2
Revh. 23:36Ne 8:18
Revh. 23:37Eks 23:14; Dhe 16:16
Revh. 23:37Nu 28:26; 29:7
Revh. 23:37Re 1:3
Revh. 23:37Re 2:1, 11
Revh. 23:37Nu 15:5; 28:6, 7
Revh. 23:38Eks 16:23; 20:8; 31:13
Revh. 23:38Eks 28:38; Nu 18:29
Revh. 23:38Dhe 12:11
Revh. 23:38Nu 29:39; Dhe 12:6; 1Mak 29:9; 2Mak 35:8; Ezr 2:68
Revh. 23:39Dhe 16:13
Revh. 23:39Nu 29:12
Revh. 23:40Ne 8:15; Zva 7:9
Revh. 23:40Ne 8:10
Revh. 23:40Dhe 16:15
Revh. 23:41Nu 29:12
Revh. 23:42Dhe 31:10, 11
Revh. 23:43Dhe 31:13; Pis 78:6
Revh. 23:43Eks 12:37, 38; Nu 24:5
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
  • 35
  • 36
  • 37
  • 38
  • 39
  • 40
  • 41
  • 42
  • 43
  • 44
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Revhitiko 23:1-44

Revhitiko

23 Jehovha akaramba achitaura naMozisi, achiti: 2 “Taura nevaIsraeri uti kwavari, ‘Mitambo yaJehovha yemwaka nemwaka+ yamunofanira kuzivisa+ ndeyekuungana kutsvene. Iyi ndiyo mitambo yangu yemwaka nemwaka:

3 “‘Basa rinogona kuitwa kwemazuva matanhatu, asi zuva rechinomwe isabata rekuzorora zvakakwana,+ iko kuungana kutsvene. Hapana basa ramunofanira kuita. Richava sabata rinoitirwa Jehovha kwese kwamunogara.+

4 “‘Iyi ndiyo mitambo yaJehovha yemwaka nemwaka, iko kuungana kutsvene, kwamunofanira kuzivisa kana nguva yacho yasvika: 5 Mumwedzi wekutanga, pazuva rechi14 remwedzi wacho,+ panguva yerubvunzavaeni* ndipo pachaitwa Paseka+ yaJehovha.

6 “‘Pazuva rechi15 remwedzi uyu, ndipo pachaitwa Mutambo Wechingwa Chisina Mbiriso unoitirwa Jehovha.+ Kwemazuva manomwe munofanira kudya chingwa chisina mbiriso.+ 7 Pazuva rekutanga, muchava nekuungana kutsvene.+ Hamufaniri kushanda basa rinorema. 8 Asi munofanira kuuya nemupiro unopisirwa Jehovha nemoto kwemazuva manomwe. Pachava nekuungana kutsvene pazuva rechinomwe. Hamufaniri kushanda basa rinorema.’”

9 Jehovha akaenderera mberi achitaura naMozisi, achiti: 10 “Taura nevaIsraeri, uti kwavari, ‘Kana mazosvika munyika yandiri kukupai, uye makohwa goho rayo, muuye nechisote chezvibereko zvekutanga+ zvegoho renyu kumupristi.+ 11 Uye achavheyesa chisote chacho pamberi paJehovha kuti mufarirwe. Mupristi anofanira kuchivheyesa pazuva rinotevera Sabata. 12 Zuva ramuchaita kuti chisote chacho chivheyeswe, munofanira kupa gondohwe rakanaka, risati rapfuura gore rimwe chete, kuti rive chibayiro chinopisirwa Jehovha. 13 Mupiro waro wezviyo* uchava zvegumi zviviri zveefa* yefurawa yakatsetseka yakasanganiswa nemafuta, kuti uve mupiro unopisirwa Jehovha nemoto, unonhuhwirira zvakanaka.* Mupiro waro wechinwiwa uchava chikamu chimwe chete pazvikamu zvina zvehini* zvewaini. 14 Musadya chero chingwa chipi, kana zviyo zvakakangwa, kana zviyo zvitsva, zuva iri risati rasvika, kusvikira mauya nemupiro waMwari wenyu. Uyu murau uchagara uripo kwezvizvarwa zvenyu zvese, kwese kwamunogara.

15 “‘Munofanira kuverenga masabata manomwe kubvira pazuva rinotevera Sabata, kubvira pazuva ramunouya nechisote chemupiro unovheyeswa.+ Anofanira kuva mavhiki akazara. 16 Munofanira kuverenga mazuva 50+ kusvikira pazuva rinotevera Sabata rechinomwe, mobva mauya nemupiro wezviyo zvitsva kuna Jehovha.+ 17 Munofanira kuuya nezvingwa zviviri kubva kudzimba dzenyu, kuti zvive mupiro unovheyeswa. Zvinofanira kubikwa nefurawa yakatsetseka inokwana zvegumi zviviri zveefa.* Zvinofanira kubikwa zviine mbiriso,+ sezvibereko zvinotanga kuibva zvinopiwa Jehovha.+ 18 Uye munofanira kuuya nezvingwa zvacho pamwe chete nemakwayana makono akanaka manomwe, rimwe nerimwe riine gore rimwe chete, nemukono mudiki wemombe mumwe chete, nemakondohwe maviri.+ Zvichava chibayiro chinopisirwa Jehovha pamwe chete nemupiro wezviyo uye mupiro wezvinwiwa unoenderana nacho, kuti zvive mupiro unopiswa nemoto, unonhuhwirira zvakanaka* kuna Jehovha. 19 Uye munofanira kupa mbudzana imwe chete kuti ive chibayiro chechivi+ uye makwayana makono maviri, rimwe nerimwe riine gore rimwe chete, kuti ave chibayiro cherugare.+ 20 Mupristi achazvivheyesa pamwe chete nezvingwa zvezvibereko zvinotanga kuibva, kuti uve mupiro unovheyeswa pamberi paJehovha, pamwe chete nemakwayana makono maviri. Zvinofanira kuva chinhu chitsvene kuna Jehovha zvichipiwa mupristi.+ 21 Pazuva iri munofanira kuzivisa+ kuti kuchava nekuungana kutsvene. Hamufaniri kushanda basa rinorema. Uyu murau uchagara uripo kwese kwamunogara kwezvizvarwa zvenyu zvese.

22 “‘Pamunokohwa goho munyika yenyu, hamufaniri kukohwa muchipedzeredza zvinhu zviri kumucheto kweminda yenyu uye hamufaniri kunhonga zvinosaririra pamunenge muchikohwa.+ Munofanira kuzvisiyira varombo*+ nevatorwa.+ Ndini Jehovha Mwari wenyu.’”

23 Jehovha akaenderera mberi achitaura naMozisi, achiti: 24 “Udza vaIsraeri kuti, ‘Mumwedzi wechinomwe, pazuva rekutanga remwedzi wacho, munofanira kuchengeta zuva rekuzorora zvakakwana, ramuchayeuchidzwa nekurira kwebhosvo,+ iko kuungana kutsvene. 25 Hamufaniri kuita chero basa ripi zvaro rakaoma, uye muchauya nemupiro unopisirwa Jehovha nemoto.’”

26 Jehovha akataurazve naMozisi, achiti: 27 “Asi zuva rechi10 remwedzi uyu wechinomwe iZuva Rekuyananisira.+ Munofanira kuchengeta kuungana kutsvene, uye munofanira kuzvirwadzisa*+ mouya nemupiro unopisirwa Jehovha nemoto. 28 Hapana basa ramunofanira kuita pazuva iri, nekuti izuva rekuyananisira kuti muyananisirwe+ pamberi paJehovha Mwari wenyu. 29 Munhu wese asingazvirwadzisi* pazuva iri achabviswa pakati pevanhu vake.*+ 30 Uye munhu wese anoita basa pazuva iri ndichamuparadza pakati pevanhu vake. 31 Hapana basa ramunofanira kuita pazuva iri. Uyu murau uchagara uripo kwezvizvarwa zvenyu zvese, kwese kwamunogara. 32 Isabata renyu rekuzorora zvakakwana, uye muchazvirwadzisa*+ pazuva rechi9 remwedzi wacho manheru. Munofanira kuchengeta sabata renyu kubvira manheru kusvikira manheru.”

33 Jehovha akaenderera mberi achitaura naMozisi, achiti: 34 “Udza vaIsraeri kuti, ‘Pazuva rechi15 remwedzi uyu wechinomwe pachava neMutambo Wematumba wemazuva manomwe unoitirwa Jehovha.+ 35 Pachava nekuungana kutsvene pazuva rekutanga, uye hamufaniri kushanda basa rinorema. 36 Kwemazuva manomwe munofanira kuuya nemupiro unopisirwa Jehovha nemoto. Pazuva rechi8, munofanira kuchengeta kuungana kutsvene,+ uye munofanira kuuya nemupiro unopisirwa Jehovha nemoto. Iri richava zuva regungano dzvene. Hamufaniri kushanda basa rinorema.

37 “‘Iyi ndiyo mitambo yaJehovha yemwaka nemwaka+ yamunofanira kuzivisa sekuungana kutsvene,+ yekuti muuye nemupiro unopisirwa Jehovha nemoto: chibayiro chinopiswa+ uye mupiro wezviyo+ wechibayiro, nemupiro wezvinwiwa+ maererano nezvinodiwa pazuva racho. 38 Izvi zvinowedzera pane zvinopiwa pamasabata aJehovha,+ uye pazvipo zvenyu,+ pamipiro yenyu yemhiko,+ uye pamipiro yenyu yekungopawo muchizvidira,+ yamunofanira kupa Jehovha. 39 Asi pazuva rechi15 remwedzi wechinomwe, pamunenge maunganidza zvibereko zvenyika, munofanira kupemberera mutambo waJehovha kwemazuva manomwe.+ Zuva rekutanga richava rekuzorora zvakakwana uye zuva rechi8 richava rekuzorora zvakakwana.+ 40 Pazuva rekutanga, munofanira kutanha michero pamiti yakanakisisa, kutora mashizha emichindwe,+ mapazi emiti ine mashizha akawanda uye mishambangwena yemurwizi,* uye munofanira kufara+ pamberi paJehovha Mwari wenyu kwemazuva manomwe.+ 41 Muchaupemberera kwemazuva manomwe pagore semutambo unoitirwa Jehovha.+ Munofanira kuupemberera mumwedzi wechinomwe semurau uchagara uripo kwezvizvarwa zvenyu zvese. 42 Munofanira kugara mumatumba kwemazuva manomwe.+ VaIsraeri vese vanofanira kugara mumatumba, 43 kuti vana vamuchazobereka vazive+ kuti ndakagarisa vaIsraeri mumatumba pandakanga ndichivabudisa munyika yeIjipiti.+ Ndini Jehovha Mwari wenyu.’”

44 Saka Mozisi akaudza vaIsraeri nezvemitambo yaJehovha yemwaka nemwaka.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe