RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Eksodho 22
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raEksodho

      • Mitongo yevaIsraeri (1-31)

        • Pamusoro pekuba (1-4)

        • Pamusoro pekukanganisa zvirimwa zviri mumunda (5, 6)

        • Pamusoro pekuripa muridzi wezvinhu (7-15)

        • Pamusoro pekunyengedza mhandara (16, 17)

        • Pamusoro pekunamata uye kugarisana zvakanaka (18-31)

Eksodho 22:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 12:6; Ru 19:8

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    6/15/1992, p. 30

Eksodho 22:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 20:15

Eksodho 22:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 22:4

Eksodho 22:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 16:18; 19:17

Eksodho 22:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 16:18; 25:1
  • +Eks 22:4

Eksodho 22:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 6:2-5

Eksodho 22:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 22:28, 29

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    11/15/1989, p. 31

Eksodho 22:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 19:26; 20:6; Dhe 18:10-12; 1Sa 28:3; VaG 5:20; Zva 22:15

Eksodho 22:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 18:23; 20:15; Dhe 27:21

Eksodho 22:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 25:3; 1Mad 18:40; 1VaK 10:20

Eksodho 22:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 25:35
  • +Re 19:33, 34; Dhe 10:19

Eksodho 22:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 27:19; Jak 1:27

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    2/2019, pp. 24-25

    Nharireyomurindi,

    4/1/2009, p. 31

Eksodho 22:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 10:18; Jak 5:4

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    4/1/2009, p. 31

Eksodho 22:24

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    4/1/2009, p. 31

Eksodho 22:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 25:35, 36; Dhe 23:19; Ru 6:34, 35

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    “Rugwaro Rwose,” p. 89

Eksodho 22:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 24:6

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    9/2017, p. 9

Eksodho 22:27

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “ndine tsiye nyoro.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 24:13
  • +Dhe 10:18; Pis 34:6

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    9/2017, p. 9

Eksodho 22:28

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mutongi ari pakati pevanhu vako.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 24:11, 14
  • +Mup 10:20; Mab 23:5; Jud 8

Eksodho 22:29

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva, zvisviniro zvemafuta nezvewaini.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 3:9; 2VaK 9:7
  • +Eks 13:2

Eksodho 22:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 15:19
  • +Re 22:27

Eksodho 22:31

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 19:2; Nu 15:40; 1Pe 1:15
  • +Re 22:3, 8

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Eks. 22:12Sa 12:6; Ru 19:8
Eks. 22:2Eks 20:15
Eks. 22:7Eks 22:4
Eks. 22:8Dhe 16:18; 19:17
Eks. 22:9Dhe 16:18; 25:1
Eks. 22:9Eks 22:4
Eks. 22:11Re 6:2-5
Eks. 22:16Dhe 22:28, 29
Eks. 22:18Re 19:26; 20:6; Dhe 18:10-12; 1Sa 28:3; VaG 5:20; Zva 22:15
Eks. 22:19Re 18:23; 20:15; Dhe 27:21
Eks. 22:20Nu 25:3; 1Mad 18:40; 1VaK 10:20
Eks. 22:21Re 25:35
Eks. 22:21Re 19:33, 34; Dhe 10:19
Eks. 22:22Dhe 27:19; Jak 1:27
Eks. 22:23Pis 10:18; Jak 5:4
Eks. 22:25Re 25:35, 36; Dhe 23:19; Ru 6:34, 35
Eks. 22:26Dhe 24:6
Eks. 22:27Dhe 24:13
Eks. 22:27Dhe 10:18; Pis 34:6
Eks. 22:28Re 24:11, 14
Eks. 22:28Mup 10:20; Mab 23:5; Jud 8
Eks. 22:29Zvi 3:9; 2VaK 9:7
Eks. 22:29Eks 13:2
Eks. 22:30Dhe 15:19
Eks. 22:30Re 22:27
Eks. 22:31Re 19:2; Nu 15:40; 1Pe 1:15
Eks. 22:31Re 22:3, 8
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Eksodho 22:1-31

Eksodho

22 “Kana munhu akaba mombe kana kuti gwai ouraya kana kuti otengesa, anofanira kuripa mombe yacho nemombe shanu, uye gwai racho nemakwai mana.+

2 (“Kana mbavha+ ikawanikwa ichipaza, yobva yarohwa, yofa, aiuraya wacho haana mhosva yekudeura ropa. 3 Asi kana zvikaitika zuva rabuda, aiuraya wacho ane mhosva yekudeura ropa.)

“Munhu aba anofanira kuripa. Kana asina chinhu, anofanira kutengeswa kuti aripe zvinhu zvaakaba. 4 Kana akawanikwa aine chinhu chaakaba chiri chipenyu, ingava mombe kana dhongi kana gwai, anofanira kuripa zvapetwa kaviri.

5 “Kana munhu akaendesa zvipfuwo zvake kunofura kumunda wembesa kana wemizambiringa ozvirega zvichidya munda wemumwe munhu, anofanira kuripa nezvakanakisisa zvemunda wake wembesa kana kuti zvakanakisisa zvemunda wake wemizambiringa.

6 “Kana moto ukatanga, wopararira uchipisa makwenzi, uye wopisa zviyo zvakachekwa kana kuti zvisati zvachekwa kana kuti munda, munhu abatidza moto wacho anofanira kuripa zvinenge zvatsva.

7 “Kana munhu akachengetesa mumwe wake mari kana kuti zvimwe zvinhu uye zvobiwa zviri kumba kwake, kana mbavha yacho ikabatwa, inofanira kuripa zvapetwa kaviri.+ 8 Kana mbavha yacho ikasawanikwa, muridzi wemba anofanira kuunzwa pamberi paMwari wechokwadi+ kuti vaone kana asina kuisa ruoko rwake pazvinhu zvemumwe wake. 9 Panyaya dzese dzekuti munhu anowanikwa aine zvinhu zvisiri zvake, zvakadai semombe, dhongi, gwai, chipfeko, kana chinhu chero chipi zvacho chakarasika chaangataura nezvacho achiti, ‘Ndechangu!’ vese vari vaviri vanofanira kuuya nenyaya yavo kuna Mwari wechokwadi.+ Anenge anzi naMwari ane mhosva anofanira kuripa mumwe wake zvakapetwa kaviri.+

10 “Kana munhu akachengetesa mumwe wake dhongi, kana mombe, kana gwai, kana chimwewo chipfuwo uye chofa kana kuti choremadzwa kana kuti chotinhwa pasina ari kuona, 11 akachengeteswa wacho anofanira kupika pamberi paJehovha kuti haana kutora zvinhu zvemumwe wake; uye muridzi wacho anofanira kuzvibvuma. Akachengeteswa wacho haafaniri kuripa.+ 12 Asi kana akabirwa chipfuwo chacho, anofanira kuripa muridzi wacho. 13 Kana chakabvamburwa nechikara, anofanira kuuya nacho kuti chive uchapupu. Haafaniri kuripa chinhu chakabvamburwa nechikara.

14 “Asi kana munhu akakwereta chipfuwo chemumwe wake, choremadzwa kana kuti chofa, chisiri mumaoko emuridzi wacho, munhu wacho akakwereta anofanira kuripa. 15 Kana muridzi wacho ainacho, haafaniri kuripa. Kana chiri kushandiswa chichiita zvekubhadharwa, mari yakabhadharwa yacho ndiyo inoripa.

16 “Kana munhu akanyengedza mhandara isati yavimbiswa kuroorwa, orara nayo, anofanira kumubvisira roora kuti ave mudzimai wake.+ 17 Kana baba vake vakaramba naye zvachose, munhu wacho anofanira kuripa mari inoenzanirana neyeroora.

18 “Usarega muroyi wechikadzi ari mupenyu.+

19 “Munhu wese anorara nemhuka anotofanira kuurayiwa.+

20 “Munhu wese anopa chibayiro kune vamwe vanamwari kunze kwaJehovha anofanira kuparadzwa.+

21 “Usabata mutorwa zvisina kunaka kana kumudzvinyirira,+ nekuti imi maimbova vatorwa munyika yeIjipiti.+

22 “Musatambudza chirikadzi kana kuti nherera.+ 23 Kana ukaitambudza, iyo ikandichemera, chokwadi ndichanzwa kuchema kwayo;+ 24 ndichatsamwa kwazvo, uye ndichakuurayai nebakatwa, madzimai enyu achava chirikadzi, uye vana venyu vachava nherera.

25 “Kana ukakweretesa mari kumurombo ari pakati pevanhu vangu wauri kugara naye, usaite semunhu wechimbadzo. Usaita kuti akudzorere mari yacho yabereka.+

26 “Kana ukapa munhu chikwereti wofanobata nguo yake,+ unofanira kuidzorera kwaari zuva risati ravira. 27 Nekuti ndiyo yega yaainayo, yekuti afukidze muviri wake; acharara akafugei?+ Paachandichemera, ndichatoti ndimunzwe, nekuti ndine tsitsi.*+

28 “Usatuka Mwari+ kana kutuka jinda riri pakati pevanhu vako.*+

29 “Usazengurira kupa zvibayiro kubva pazvibereko zvako zvakawanda nezvinofashukira zvechisviniro* chako.+ Unofanira kundipa dangwe revanakomana vako.+ 30 Izvi ndizvo zvaunofanira kuita nemombe yako uye gwai rako:+ Icharamba iri pamwe chete naamai vayo kwemazuva manomwe. Pazuva rechi8 unofanira kundipa.+

31 “Munofanira kuva vanhu vatsvene kwandiri,+ uye hamufaniri kudya nyama yechinhu chakabvamburwa kusango nechikara.+ Munofanira kuikandira imbwa.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe