RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Jeremiya 52
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri mubhuku Jeremiya

      • Zedhekiya anopandukira Bhabhironi (1-3)

      • Nebhukadhinezari anokomba Jerusarema (4-11)

      • Kuparadzwa kweguta netemberi (12-23)

      • Vanhu vanoendeswa kuBhabhironi (24-30)

      • Jehoyakini anobudiswa mujeri (31-34)

Jeremiya 52:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 24:17-20; 2Mak 36:11, 12
  • +2Mad 23:31

Jeremiya 52:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 24:1; 2Mak 36:5

Jeremiya 52:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 26:33; Dhe 31:16, 17
  • +2Mak 36:11, 13; Eze 17:15

Jeremiya 52:4

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “Nebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 28:52; 2Mad 25:1, 2; Isa 29:3; Jer 39:1; Eze 4:1, 2; 21:21, 22

Jeremiya 52:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 39:2
  • +Dhe 28:53-57; 2Mad 25:3-7; Isa 3:1; Eze 4:16

Jeremiya 52:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 39:4-7

Jeremiya 52:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 24:8; 34:21; 37:17; 38:18

Jeremiya 52:10

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Jeremiya, p. 158

Jeremiya 52:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 12:13

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Jeremiya, p. 158

Jeremiya 52:12

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “Nebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 25:8-10

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/15/2007, p. 11

Jeremiya 52:13

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nemuzinda wamambo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 9:8; 2Mak 36:17, 19; Pis 74:8; 79:1; Jer 26:18; Mari 2:7; Eze 24:21

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Jeremiya, p. 159

Jeremiya 52:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 39:8

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Jeremiya, p. 159

Jeremiya 52:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 25:11, 12; Jer 39:9, 10

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Uprofita hwaIsaya II, p. 405

Jeremiya 52:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 25:22

Jeremiya 52:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 7:15, 21
  • +1Mad 7:27
  • +1Mad 7:23; 2Mak 4:11-15
  • +2Mad 25:13-16; Jer 27:19, 22

Jeremiya 52:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 7:45
  • +2Mak 4:19, 22

Jeremiya 52:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 7:50
  • +1Mad 7:48, 49
  • +2Mak 24:14; 36:18

Jeremiya 52:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 7:23, 25

Jeremiya 52:21

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kubhiti rakanga rakaenzana nemasendimita 44,5. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

  • *

    Upamhi hwemunwe mumwe chete hwaiva masendimita 1,85. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 7:15-20

Jeremiya 52:22

Mashoko Emuzasi

  • *

    Pomegraneti muchero wakada kuita mutsvuku uye unoratidzika seapuro. Vamwe vanouti chibage cheChirungu.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 3:15

Jeremiya 52:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 3:16; 4:13

Jeremiya 52:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 6:14; Ezr 7:1
  • +Jer 21:1, 2; 29:25
  • +2Mad 25:18-21

Jeremiya 52:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 25:6; Jer 52:10
  • +Re 18:25; 26:33; Dhe 28:36; Isa 24:3; Jer 25:9

Jeremiya 52:28

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “naNebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 24:12, 14

Jeremiya 52:29

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “raNebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.

  • *

    Kana kuti “mweya.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 32:1

Jeremiya 52:30

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “raNebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.

  • *

    Kana kuti “mweya.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 6:9

Jeremiya 52:31

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “asimudza musoro waMambo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 24:8; Jer 24:1; 37:1; Mt 1:11
  • +2Mad 25:27-30

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Jeremiya, p. 31

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Jer. 52:12Mad 24:17-20; 2Mak 36:11, 12
Jer. 52:12Mad 23:31
Jer. 52:22Mad 24:1; 2Mak 36:5
Jer. 52:3Re 26:33; Dhe 31:16, 17
Jer. 52:32Mak 36:11, 13; Eze 17:15
Jer. 52:4Dhe 28:52; 2Mad 25:1, 2; Isa 29:3; Jer 39:1; Eze 4:1, 2; 21:21, 22
Jer. 52:6Jer 39:2
Jer. 52:6Dhe 28:53-57; 2Mad 25:3-7; Isa 3:1; Eze 4:16
Jer. 52:7Jer 39:4-7
Jer. 52:8Jer 24:8; 34:21; 37:17; 38:18
Jer. 52:11Eze 12:13
Jer. 52:122Mad 25:8-10
Jer. 52:131Mad 9:8; 2Mak 36:17, 19; Pis 74:8; 79:1; Jer 26:18; Mari 2:7; Eze 24:21
Jer. 52:14Jer 39:8
Jer. 52:152Mad 25:11, 12; Jer 39:9, 10
Jer. 52:162Mad 25:22
Jer. 52:171Mad 7:15, 21
Jer. 52:171Mad 7:27
Jer. 52:171Mad 7:23; 2Mak 4:11-15
Jer. 52:172Mad 25:13-16; Jer 27:19, 22
Jer. 52:181Mad 7:45
Jer. 52:182Mak 4:19, 22
Jer. 52:191Mad 7:50
Jer. 52:191Mad 7:48, 49
Jer. 52:192Mak 24:14; 36:18
Jer. 52:201Mad 7:23, 25
Jer. 52:211Mad 7:15-20
Jer. 52:222Mak 3:15
Jer. 52:232Mak 3:16; 4:13
Jer. 52:241Mak 6:14; Ezr 7:1
Jer. 52:24Jer 21:1, 2; 29:25
Jer. 52:242Mad 25:18-21
Jer. 52:272Mad 25:6; Jer 52:10
Jer. 52:27Re 18:25; 26:33; Dhe 28:36; Isa 24:3; Jer 25:9
Jer. 52:282Mad 24:12, 14
Jer. 52:29Jer 32:1
Jer. 52:30Jer 6:9
Jer. 52:312Mad 24:8; Jer 24:1; 37:1; Mt 1:11
Jer. 52:312Mad 25:27-30
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Jeremiya 52:1-34

Jeremiya

52 Zedhekiya+ aiva nemakore 21 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 11 muJerusarema. Amai vake vainzi Hamutari+ mwanasikana waJeremiya wekuRibna. 2 Akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha, achitevedzera zvese zvakanga zvaitwa naJehoyakimu.+ 3 Zvinhu izvi zvakaitika muJerusarema nemuJudha nekuti Jehovha akanga atsamwa, akasvika pakuvabvisa pamberi pake.+ Uye Zedhekiya akapandukira mambo weBhabhironi.+ 4 Mugore rechi9 rekutonga kwaZedhekiya, mumwedzi wechi10, pazuva rechi10 remwedzi wacho, Mambo Nebhukadhinezari* weBhabhironi akauya neuto rake rese kuzorwisa Jerusarema. Vakadzika musasa kuti varirwise, vakavaka rusvingo rwairipoteredza rwekurikomba.+ 5 Guta racho rakakombwa kusvika mugore rechi11 raMambo Zedhekiya.

6 Mumwedzi wechina, pazuva rechi9 remwedzi wacho,+ nzara yakanga yanyanya muguta, uye vanhu vemunyika yacho vakanga vasisina zvekudya.+ 7 Rusvingo rweguta racho rwakazoputswa uye varwi vese vakatiza muguta racho usiku vakabuda nepagedhi raiva pakati pemasvingo maviri pedyo nemunda wamambo, vaKadheya pavakanga vakakomba guta; uye vakaramba vachienda nenzira yekuArabha.+ 8 Asi uto revaKadheya rakatevera Mambo Zedhekiya+ rikamubatira murenje riri pedyo neJeriko, uye uto rake rese rakapararira richimusiya. 9 Vakabva vabata mambo, vakaenda naye kwaiva namambo weBhabhironi kuRibra munyika yeHamati, uye akamupa mutongo wake. 10 Mambo weBhabhironi akauraya vanakomana vaZedhekiya iye akatarisa, uye akaurayawo machinda ese eJudha muRibra imomo. 11 Mambo weBhabhironi akabva apofumadza maziso aZedhekiya,+ akamusunga nezvisungo zvemumakumbo zvemhangura, akaenda naye kuBhabhironi, akamuisa mujeri kusvikira pazuva raakafa.

12 Mumwedzi wechishanu, pazuva rechi10 remwedzi wacho, kureva gore rechi19 raMambo Nebhukadhinezari* mambo weBhabhironi, Nebhuzaradhani mukuru wevarindi, uyo aishumira mambo weBhabhironi, akasvika muJerusarema.+ 13 Akapisa imba yaJehovha,+ neimba yamambo,* nedzimba dzese dzemuJerusarema; akapisawo dzimba dzese huru. 14 Rusvingo rwainge rwakapoteredza Jerusarema rwakaputswa neuto rese revaKadheya raiva nemukuru wevarindi.+

15 Nebhuzaradhani mukuru wevarindi akatapa vamwe vanhu vakaderera nevamwe vanhu vese vakanga vasara muguta. Akatorawo vanhu vakanga vatiza vakaenda kuna mambo weBhabhironi, nedzimwe mhizha dzese.+ 16 Asi Nebhuzaradhani mukuru wevarindi akasiya vamwe vanhu vaiva varombo vekupedzisira munyika yacho kuti vashande muminda yemizambiringa uye kuti vaite basa rekumanikidzwa.+

17 VaKadheya vakaputsa-putsa mbiru dzemhangura+ dzeimba yaJehovha, nezvingoro+ neDziva remhangura+ zvaiva muimba yaJehovha, vakaenda nemhangura yacho yese kuBhabhironi.+ 18 Vakatora makeni, mafoshoro, zvekudzimisa moto, ndiro,+ makapu,+ nemidziyo yese yemhangura yaishandiswa pabasa repatemberi. 19 Mukuru wevarindi akatora mabheseni,+ midziyo yekuisira moto, ndiro, makeni, zvigadziko zvemarambi,+ makapu, nendiro izvo zvaiva zvegoridhe rakanatswa nesirivha yakanatswa.+ 20 Kana dziri mbiru mbiri, Dziva, mikono 12 yemombe dzemhangura+ dzaiva pasi peDziva racho, nezvingoro zvakanga zvagadzirirwa imba yaJehovha naMambo Soromoni, uremu hwemhangura yakagadziriswa zvinhu izvi hwakanga husingayereki.

21 Kana dziri mbiru, mbiru imwe neimwe yakanga yakareba makubhiti* 18, uye tambo yakareba makubhiti 12 yaikwana kuitenderedza;+ ukobvu hwayo hwaiva upamhi hweminwe mina,* uye mukati mayo maiva nemhango. 22 Musoro waiva pairi waiva wemhangura; musoro mumwe chete wakanga wakareba makubhiti mashanu;+ uye mambure nemapomegraneti* izvo zvakanga zvakapoteredza musoro wacho, zvese zvakanga zvakagadzirwa nemhangura. Mbiru yechipiri yainge yakangoita saizvozvo, nemapomegraneti acho. 23 Mumativi maiva nemapomegraneti 96; mapomegraneti acho ese aiva 100, achitenderera nemambure acho.+

24 Mukuru wevarindi akatorawo Seraya+ mutungamiriri wevapristi, nemupristi wechipiri Zefaniya+ nevachengeti vemasuo vatatu.+ 25 Uye akatora mumwe mukuru wemumuzinda muguta racho uyo aiva nechinzvimbo chepamusoro muuto, nevanhu vanomwe vaiva shamwari dzepedyo dzamambo vakawanikwa muguta, nemunyori wemukuru weuto, uya aiunganidza vanhu vemunyika yacho, nevarume 60 pavanhu vemunyika yacho vakanga vachiri muguta. 26 Nebhuzaradhani mukuru wevarindi akavatora, akaenda navo kwaiva namambo weBhabhironi kuRibra. 27 Mambo weBhabhironi akavabaya akavauraya kuRibra+ munyika yeHamati. Saka vaJudha vakatapwa kubva munyika yavo.+

28 Ava ndivo vanhu vakatapwa naNebhukadhinezari:* gore rechi7, vaJudha 3 023.+

29 Gore rechi18 raNebhukadhinezari,*+ pakatorwa vanhu* 832 muJerusarema.

30 Gore rechi23 raNebhukadhinezari,* Nebhuzaradhani mukuru wevarindi akatapa vaJudha, vanhu* 745.+

Vanhu vese vakatapwa vaiva 4 600.

31 Mugore rechi37 rekutapwa kwaMambo Jehoyakini+ weJudha, mumwedzi wechi12, pazuva rechi25 remwedzi wacho, Mambo Evhiri-merodhaki weBhabhironi, mugore raakava mambo, akabva asunungura Mambo* Jehoyakini weJudha, akamubudisa mujeri.+ 32 Akataura naye zvakanaka, akasimudzira chigaro chake cheumambo kuti chive pamusoro pezvigaro zveumambo zvemamwe madzimambo aaiva nawo muBhabhironi. 33 Saka Jehoyakini akabvisa nguo dzake dzemujeri, uye nguva dzese aidya pamberi pamambo mazuva ese eupenyu hwake. 34 Aigara achipiwa zvekudya namambo weBhabhironi zuva nezuva, mazuva ese eupenyu hwake, kusvikira pazuva raakafa.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe