RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Zvirevo 25
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raZvirevo

    • ZVIREVO ZVASOROMONI ZVAKANYORWA NEVARUME VAMAMBO HEZEKIYA (25:1–29:27)

        • Kusabudisa nyaya dzakataurwa pachivande (9)

        • Mashoko akanyatsofungwa (11)

        • Kusanyanya kuenda kumba kwemumwe (17)

        • Kututira mazimbe pamusoro wemuvengi (21, 22)

        • Mashoko akanaka akafanana nemvura inotonhorera (25)

Zvirevo 25:1

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “zvakanyorwa zvikaunganidzwa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 4:29, 32; Mup 12:9
  • +2Mak 29:1

Zvirevo 25:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 29:29; VaR 11:33

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Swedera Pedyo naJehovha, p. 189

Zvirevo 25:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 17:3

Zvirevo 25:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 2:44, 46; Zvi 20:28; 29:14

Zvirevo 25:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 27:2
  • +Pis 131:1

Zvirevo 25:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ru 14:8-10; 1Pe 5:5

Zvirevo 25:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 18:17; Mt 5:25

Zvirevo 25:9

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “usafumura nyaya dzevamwe.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mt 18:15
  • +Zvi 11:13

Zvirevo 25:10

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “makuhwa.”

Zvirevo 25:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 15:23; Isa 50:4

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    2/2019, p. 15

    Nharireyomurindi,

    12/15/2015, p. 19

    1/15/1999, p. 23

    1/15/1994, p. 32

    12/15/1990, p. 26

    2/1/1988, p. 30

Zvirevo 25:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 141:5; Zvi 1:8, 9; 9:8

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    12/15/1997, p. 32

Zvirevo 25:13

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mweya watenzi.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 13:17

Zvirevo 25:14

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “nezvechipo chemanyepo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mt 5:37

Zvirevo 25:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 32:4, 5; Zvi 15:1

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Mukai!,

    1/2011, p. 27

Zvirevo 25:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 25:27

Zvirevo 25:17

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    9/15/1994, p. 22

Zvirevo 25:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 20:16

Zvirevo 25:19

Mashoko Emuzasi

  • *

    Dzimwe shanduro dzinoti, “nemunhu anonyengera.”

Zvirevo 25:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 137:3, 4

Zvirevo 25:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 23:5; 2Mad 6:21, 22; Zvi 24:17; Mt 5:44

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Mukai!,

    11/8/1998, p. 15

Zvirevo 25:22

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva kuti unenge uchipfavisa munhu wacho uchinyungudutsa kuoma kwaanenge akaita.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaR 12:20

Zvirevo 25:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 101:5

Zvirevo 25:24

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “anonetsa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 21:9, 19; 27:15

Zvirevo 25:25

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 15:30; Isa 52:7

Zvirevo 25:26

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “anodzedzereka pamberi peakaipa.”

Zvirevo 25:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 25:16
  • +Zvi 27:2; Joh 5:44; VaF 2:3

Zvirevo 25:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 20:33; Zvi 16:32; 22:24, 25; 29:11

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/15/2000, p. 23

    10/15/1991, pp. 11-12

    9/15/1990, p. 22

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Zvir. 25:11Mad 4:29, 32; Mup 12:9
Zvir. 25:12Mak 29:1
Zvir. 25:2Dhe 29:29; VaR 11:33
Zvir. 25:4Zvi 17:3
Zvir. 25:51Mad 2:44, 46; Zvi 20:28; 29:14
Zvir. 25:6Zvi 27:2
Zvir. 25:6Pis 131:1
Zvir. 25:7Ru 14:8-10; 1Pe 5:5
Zvir. 25:8Zvi 18:17; Mt 5:25
Zvir. 25:9Mt 18:15
Zvir. 25:9Zvi 11:13
Zvir. 25:11Zvi 15:23; Isa 50:4
Zvir. 25:12Pis 141:5; Zvi 1:8, 9; 9:8
Zvir. 25:13Zvi 13:17
Zvir. 25:14Mt 5:37
Zvir. 25:15Ge 32:4, 5; Zvi 15:1
Zvir. 25:16Zvi 25:27
Zvir. 25:18Eks 20:16
Zvir. 25:20Pis 137:3, 4
Zvir. 25:21Eks 23:5; 2Mad 6:21, 22; Zvi 24:17; Mt 5:44
Zvir. 25:22VaR 12:20
Zvir. 25:23Pis 101:5
Zvir. 25:24Zvi 21:9, 19; 27:15
Zvir. 25:25Zvi 15:30; Isa 52:7
Zvir. 25:27Zvi 25:16
Zvir. 25:27Zvi 27:2; Joh 5:44; VaF 2:3
Zvir. 25:281Sa 20:33; Zvi 16:32; 22:24, 25; 29:11
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Zvirevo 25:1-28

Zvirevo

25 Izvi ndizvo zvimwe zvirevo zvaSoromoni,+ zvakanyorwa* nevarume vaHezekiya+ mambo weJudha:

 2 Kukudzwa kwaMwari kuri mukuita kuti nyaya isazivikanwa,+

Uye kukudzwa kwemadzimambo kuri mukunyatsoongorora nyaya.

 3 Sekukwirira kwakaita denga uye kudzika kwakaita nyika,

Mwoyo yemadzimambo haiongororeki.

 4 Bvisa tsvina pasirivha,

Ibude yanyatsochena.+

 5 Bvisa munhu akaipa pamberi pamambo,

Chigaro chake chinyatsosimbiswa mukururama.+

 6 Usazvikwidziridza pamberi pamambo,+

Uye usagara pakati pevanoremekedzwa,+

 7 Nekuti zviri nani kuti iye ati kwauri, “Kwira kuno,”

Pane kuti akunyadzise pamberi pegurukota.+

 8 Usamhanyirira kuendesa nyaya kumatare,

Nekuti unozoita sei kana muvakidzani wako akakunyadzisa?+

 9 Pedzerana nemuvakidzani wako,+

Asi usabudisa zvaunenge waudzwa pachivande,*+

10 Kuti anenge akateerera asazokunyadzisa

Waparadzira mashoko akaipa* ausingazogoni kudzora.

11 Shoko rinotaurwa panguva yaro yakakodzera

Rakafanana nemaapuro egoridhe ari mundiro dzesirivha.+

12 Mashoko emunhu akachenjera kana achitsiura nzeve inoteerera

Akafanana nemhete yegoridhe uye chishongo chegoridhe rakanatswa.+

13 Sezvinoita kutonhorera kwechando pazuva rekukohwa

Ndizvo zvakaita nhume yakatendeka kuvaya vakaituma,

Nekuti inozorodza tenzi* wayo.+

14 Sezvinoita makore nemhepo zvisinganayisi mvura

Ndizvo zvinoita munhu anozvirumbidza nezvechipo chaasina kumbopa.*+

15 Munhu anotungamirira anogona kunyengetedzwa nemwoyo murefu,

Uye rurimi runyoro runogona kutyora pfupa.+

16 Kana wawana uchi, idya hwakakukwanira,

Nekuti ukadya hwakawandisa, unogona kuzohurutsa.+

17 Tsoka yako ngaisanyanya kutsika mumba memuvakidzani wako,

Kuti arege kuneta newe okuvenga.

18 Munhu anopa uchapupu hwenhema achiroverera muvakidzani wake

Akafanana netsvimbo yehondo nebakatwa nemuseve wakapinza.+

19 Kuvimba nemunhu asina kuvimbika* panguva yedambudziko

Kwakafanana nezino rakameduka kana kuti tsoka inokamhina.

20 Munhu anoimbira mwoyo wakasuwa

Akafanana nemunhu anobvisa hembe kuchitonhora

Uye akafanana nevhiniga inodirwa musoda.+

21 Kana muvengi wako aine nzara, mupe zvekudya;

Kana aine nyota, mupe mvura yekunwa,+

22 Nekuti unenge uchitutira mazimbe emoto pamusoro wake,*+

Uye Jehovha achakupa mubayiro.

23 Mhepo yekuchamhembe inounza mvura zhinji,

Uye rurimi rune makuhwa runounza chiso chakashatirwa.+

24 Zviri nani kugara pakona yedenga remba

Pane kugara mumba mumwe chete nemukadzi anogara achipopota.*+

25 Mashoko akanaka anobva kunyika iri kure

Akaita semvura inotonhorera kumweya* waneta.+

26 Munhu akarurama anobvuma zvinoda munhu akaipa*

Akafanana nechitubu chakazara madhaka uye tsime rakashatiswa.

27 Kudya uchi hwakawandisa hakuna kunaka,+

Uye hazvina kunakawo kuti munhu azvitsvagire kukudzwa.+

28 Munhu asingadzori hasha dzake

Akafanana neguta rakaputswa, risina rusvingo.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe