RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 1 Madzimambo 3
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku ra1 Madzimambo

      • Soromoni anoroora mwanasikana waFarao (1-3)

      • Jehovha anozviratidza kuna Soromoni kuhope (4-15)

        • Soromoni anokumbira uchenjeri (7-9)

      • Soromoni anotonga nyaya yevakadzi vaviri (16-28)

1 Madzimambo 3:1

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Akatora.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 7:3, 4; 1Mad 7:8; 9:24; 11:1; Ne 13:25-27
  • +2Sa 5:7; 1Mak 11:7
  • +1Mad 7:1
  • +1Mad 8:17-19
  • +1Mad 9:15

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    12/15/2011, p. 10

1 Madzimambo 3:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 33:17
  • +Dhe 12:5, 6; 1Mad 5:3; 1Mak 28:6

1 Madzimambo 3:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 7:9; 10:8; 1Mak 21:26

1 Madzimambo 3:4

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “huru.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 16:39, 40; 21:29
  • +2Mak 1:3-6

1 Madzimambo 3:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 1:7-10

1 Madzimambo 3:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 2:1, 4

1 Madzimambo 3:7

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mukomana mudiki.”

  • *

    ChiHeb., “ndisingazivi kubuda nekupinda.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 29:1; Jer 1:6

1 Madzimambo 3:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 19:5, 6

1 Madzimambo 3:9

Mashoko Emuzasi

  • *

    Dzimwe shanduro dzinoti, “vakaoma.” ChiHeb., “vanorema.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 72:1; 119:34
  • +VaH 5:14

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    6/15/2007, p. 27

    7/15/1998, pp. 29-31

1 Madzimambo 3:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 15:8

1 Madzimambo 3:11

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “mazuva mazhinji.”

  • *

    Kana kuti “mweya yevavengi.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 22:12; 29:19; 2Mak 1:11, 12; Zvi 16:16

1 Madzimambo 3:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mup 1:16; 1Jo 5:14
  • +1Mad 4:29; Zvi 2:3-5; Jak 1:5
  • +Mt 12:42

1 Madzimambo 3:13

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “mumazuva ako ese.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 84:11; Mt 6:33; VaE 3:20
  • +1Mad 4:21; Mup 7:11
  • +1Mad 10:23

1 Madzimambo 3:14

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “ndichawedzera mazuva ako.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 15:5
  • +Pis 21:4; 91:14, 16; Zvi 3:13, 16

1 Madzimambo 3:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 7:11

1 Madzimambo 3:20

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mumaoko ake.” ChiHeb., “pachipfuva chake.”

1 Madzimambo 3:28

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “vakatya.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 29:23-25; Pis 72:5
  • +1Mad 3:9, 10

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

1 Madz. 3:1Dhe 7:3, 4; 1Mad 7:8; 9:24; 11:1; Ne 13:25-27
1 Madz. 3:12Sa 5:7; 1Mak 11:7
1 Madz. 3:11Mad 7:1
1 Madz. 3:11Mad 8:17-19
1 Madz. 3:11Mad 9:15
1 Madz. 3:22Mak 33:17
1 Madz. 3:2Dhe 12:5, 6; 1Mad 5:3; 1Mak 28:6
1 Madz. 3:31Sa 7:9; 10:8; 1Mak 21:26
1 Madz. 3:41Mak 16:39, 40; 21:29
1 Madz. 3:42Mak 1:3-6
1 Madz. 3:52Mak 1:7-10
1 Madz. 3:61Mad 2:1, 4
1 Madz. 3:71Mak 29:1; Jer 1:6
1 Madz. 3:8Eks 19:5, 6
1 Madz. 3:9Pis 72:1; 119:34
1 Madz. 3:9VaH 5:14
1 Madz. 3:10Zvi 15:8
1 Madz. 3:111Mak 22:12; 29:19; 2Mak 1:11, 12; Zvi 16:16
1 Madz. 3:12Mup 1:16; 1Jo 5:14
1 Madz. 3:121Mad 4:29; Zvi 2:3-5; Jak 1:5
1 Madz. 3:12Mt 12:42
1 Madz. 3:13Pis 84:11; Mt 6:33; VaE 3:20
1 Madz. 3:131Mad 4:21; Mup 7:11
1 Madz. 3:131Mad 10:23
1 Madz. 3:141Mad 15:5
1 Madz. 3:14Pis 21:4; 91:14, 16; Zvi 3:13, 16
1 Madz. 3:15Re 7:11
1 Madz. 3:281Mak 29:23-25; Pis 72:5
1 Madz. 3:281Mad 3:9, 10
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
1 Madzimambo 3:1-28

Bhuku Rekutanga reMadzimambo

3 Soromoni akaroora kwaFarao mambo weIjipiti. Akaroora* mwanasikana waFarao,+ akamuunza kuGuta raDhavhidhi+ kusvikira apedza kuzvivakira imba yake,+ neimba yaJehovha,+ nerusvingo rwaipoteredza Jerusarema.+ 2 Asi vanhu vakanga vachiri kubayira zvibayiro panzvimbo dzakakwirira,+ nekuti kusvika panguva iyoyo zita raJehovha rakanga risati ravakirwa imba.+ 3 Soromoni akaramba achida Jehovha kuburikidza nekufamba mumirau yababa vake Dhavhidhi, asi aibayira zvibayiro achiita kuti zvipfungaire panzvimbo dzakakwirira.+

4 Mambo akaenda kuGibhiyoni kuti anobayira zvibayiro ikoko, nekuti ikoko ndiko kwaiva nenzvimbo yakakwirira yakakurumbira* chaizvo.+ Soromoni akabayira zvibayiro zvinopiswa 1 000 paatari ikoko.+ 5 Soromoni paaiva muGibhiyoni, Jehovha akazviratidza kwaari kuhope usiku. Mwari akati: “Kumbira chaunoda kuti ndikupe.”+ 6 Soromoni akabva ati: “Makaratidza rudo rukuru rusingachinji kumuranda wenyu Dhavhidhi, ivo baba vangu, zvavaifamba pamberi penyu nekutendeka, nekururama uye nemwoyo wakaperera kwamuri. Makaramba muchivaratidza rudo rwakadaro rusingachinji kusvikira nhasi nekuvapa kwamakaita mwanakomana kuti agare pachigaro chavo cheumambo.+ 7 Uye iye zvino, Jehovha Mwari wangu, magadza muranda wenyu kuti ave mambo panzvimbo yababa vangu Dhavhidhi, kunyange zvazvo ndichiri mwana mudiki* uye ndisina ruzivo.*+ 8 Muranda wenyu ari pakati pevanhu venyu vamakasarudza,+ vanhu vakawanda chaizvo zvekuti havazivikanwi kuti vangani uye havaverengeki. 9 Saka ipai muranda wenyu mwoyo unoteerera kuti atonge vanhu venyu,+ kuti azive chakanaka nechakaipa,+ nekuti ndiani angakwanisa kutonga vanhu venyu ava vakawanda* kudai?”

10 Jehovha akafara nezvakakumbirwa naSoromoni.+ 11 Mwari akabva ati kwaari: “Nekuti wakumbira izvi, uye hauna kukumbira kuti uve neupenyu hwakareba* kana pfuma kana kufa kwevavengi* vako, asi wakumbira kunzwisisa pakutonga mhosva,+ 12 ndichaita zvawakumbira.+ Ndichakupa mwoyo wakachenjera uye unonzwisisa,+ zvekuti hapazombovi nemumwe munhu akaita sewe sezvapasina kumbobvira pava nemumwe akaita sewe.+ 13 Ndichakupawo zvausina kukumbira, ndichakupa+ pfuma nekukudzwa,+ zvekuti hakuzovi nemumwe mambo akaita sewe paunenge uchiri kurarama.*+ 14 Uye kana ukafamba munzira dzangu uchichengeta mirau yangu nemirayiro yangu, sezvakaitwa nababa vako Dhavhidhi,+ ndichaitawo kuti urarame upenyu hwakareba.”*+

15 Soromoni paakamuka, akaona kuti kwaiva kurota. Akabva aenda kuJerusarema, akamira pamberi peareka yesungano yaJehovha, akapa zvibayiro zvinopiswa nezvibayiro zverugare+ uye akaitira varanda vake vese mutambo.

16 Panguva iyoyo pfambi mbiri dzakapinda maiva namambo, dzikamira pamberi pake. 17 Mukadzi wekutanga akati: “Pamusoroi ishe wangu, ini nemukadzi uyu tinogara muimba imwe chete, uye ndakasununguka mwana iye arimo mumba macho. 18 Pazuva rechitatu pashure pekunge ndasununguka, mukadzi uyu akasunungukawo. Taiva pamwe chete, tiri vaviri chete; takanga tisina mumwe munhu mumba macho. 19 Mwanakomana wemukadzi uyu akafa usiku, nekuti akamutsimbirira. 20 Saka akamuka pakati peusiku, akatora mwanakomana wangu padivi pangu, murandasikana wenyu paakanga akarara, akamuradzika padivi pake,* uye akaradzika mwanakomana wake akafa padivi pangu. 21 Pandakamuka mangwanani kuti ndiyamwise mwanakomana wangu, ndakaona akafa. Saka ndakanyatsomuongorora mangwanani, ndikaona kuti akanga asiri mwanakomana wangu wandakanga ndabereka.” 22 Asi mumwe mukadzi wacho akati: “Aiwa, mwanakomana wangu ndiye mupenyu, asi wako ndiye akafa!” Asi mukadzi uya wekutanga aiti: “Aiwa, mwanakomana wako ndiye akafa, wangu ndiye mupenyu.” Ndidzo nharo dzavaiitisana pamberi pamambo.

23 Mambo akazoti: “Uyu ari kuti, ‘Mupenyu ndiye mwanakomana wangu, asi akafa ndiye mwanakomana wako!’ uyuwo achiti, ‘Aiwa, mwanakomana wako ndiye akafa, wangu ndiye mupenyu!’” 24 Mambo akati: “Ndipei bakatwa.” Saka vakauya nebakatwa kuna mambo. 25 Mambo akabva ati: “Chekai mwana mupenyu nepakati, mupe hafu kune mumwe mukadzi uye imwe hafu kune mumwe wacho.” 26 Mukadzi akanga ari muridzi wemwanakomana mupenyu akabva ateterera mambo, nekuti mwoyo wake wakarwadziwa pamusoro pemwanakomana wake. Akati: “Ndapota, ishe wangu! Mupei henyu mwana wacho mupenyu! Musamuuraya!” Asi mumwe mukadzi akanga achiti: “Haazovi wangu kana wako! Ngavamucheke nepakati!” 27 Mambo akabva apindura achiti: “Ipai mukadzi wekutanga mwana mupenyu! Musauraya mwana wacho, nekuti ava ndivo amai vake.”

28 Saka vaIsraeri vese vakanzwa matongero akanga aitwa namambo, uye vakaremekedza* mambo chaizvo,+ nekuti vakaona kuti Mwari akanga amupa uchenjeri hwekuti atonge zvakarurama.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe