RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Dheuteronomi 11
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raDheuteronomi

      • Makaona ukuru hwaJehovha (1-7)

      • Nyika Yakapikirwa (8-12)

      • Mibayiro yekuteerera (13-17)

      • Mashoko aMwari anofanira kuiswa mumwoyo (18-25)

      • “Chikomborero nekutukwa” (26-32)

Dheuteronomi 11:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 6:5; 10:12; Mk 12:30

Dheuteronomi 11:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 8:5; VaH 12:6
  • +Dhe 5:24; 9:26
  • +Eks 13:3

Dheuteronomi 11:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 4:34

Dheuteronomi 11:4

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “kusvikira nhasi.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 14:23, 28; VaH 11:29

Dheuteronomi 11:5

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “zvaakakuita.”

Dheuteronomi 11:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 16:1, 32

Dheuteronomi 11:9

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “nembeu yawo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 4:40; Zvi 3:1, 2
  • +Ge 13:14, 15; 26:3; 28:13
  • +Eks 3:8; Eze 20:6

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/1/2007, p. 29

Dheuteronomi 11:10

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva, nzira yekudiridza pachishandiswa tsoka, ringava vhiri raiita zvekutenderedzwa nemakumbo richipomba mvura, kana kuti ingava migero yemvura yaivhurwa nekuvharwa pachishandiswa makumbo.

Dheuteronomi 11:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 1:7
  • +Dhe 8:7

Dheuteronomi 11:12

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/1/2007, p. 29

Dheuteronomi 11:13

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 4:29; 6:5; 10:12; Mt 22:37

Dheuteronomi 11:14

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “yebumharutsva.” Iyi imvura inotanga kunaya tichangobva muchirimo.

  • *

    Masutso inguva yegore apo zvirimwa zvinenge zvava kuda kudyiwa.

  • *

    Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 26:4; Dhe 8:7-9; 28:12; Jer 14:22

Dheuteronomi 11:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 8:10

Dheuteronomi 11:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 8:19; 29:18; VaH 3:12

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    6/2019, pp. 3-4

Dheuteronomi 11:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 28:15, 23; 1Mad 8:35, 36; 2Mak 7:13, 14
  • +Dhe 8:19

Dheuteronomi 11:18

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ichi chishongo chinosungwa chakatenderera mumusoro chakadai sechuma kana chimwewo chinhu.

  • *

    ChiHeb., “pakati pemaziso ako.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 7:1-3

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Zvakazarurwa, p. 197

    Nharireyomurindi,

    6/1/1998, p. 20

    Chakavanzika Chomufarwa, pp. 70-71

Dheuteronomi 11:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 6:6-9; Zvi 22:6; VaE 6:4

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Chakavanzika Chomufarwa, pp. 70-71

    Nharireyomurindi,

    5/1/1995, p. 10

Dheuteronomi 11:20

Mashoko Emuzasi

  • *

    Apa pabango panenge pakabatirira gonhi kana kuti dhoo.

Dheuteronomi 11:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 4:40; Zvi 4:10
  • +Ge 13:14, 15

Dheuteronomi 11:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 6:5; Ru 10:27
  • +Dhe 10:20; 13:4; Jos 22:5

Dheuteronomi 11:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 23:28; Jos 3:10
  • +Dhe 7:1; 9:1, 5

Dheuteronomi 11:24

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva, Gungwa Guru, Medhitereniyeni.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 14:9
  • +Ge 15:18; Eks 23:31

Dheuteronomi 11:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 7:24; Jos 1:5
  • +Eks 23:27; Jos 2:9, 10; 5:1

Dheuteronomi 11:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 30:15

Dheuteronomi 11:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 28:1, 2; Pis 19:8, 11

Dheuteronomi 11:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 26:15, 16; Isa 1:20

Dheuteronomi 11:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 27:12, 13; Jos 8:33, 34

Dheuteronomi 11:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 12:6

Dheuteronomi 11:31

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 1:11

Dheuteronomi 11:32

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 5:32; 12:32

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Dheut. 11:1Dhe 6:5; 10:12; Mk 12:30
Dheut. 11:2Dhe 8:5; VaH 12:6
Dheut. 11:2Dhe 5:24; 9:26
Dheut. 11:2Eks 13:3
Dheut. 11:3Dhe 4:34
Dheut. 11:4Eks 14:23, 28; VaH 11:29
Dheut. 11:6Nu 16:1, 32
Dheut. 11:9Dhe 4:40; Zvi 3:1, 2
Dheut. 11:9Ge 13:14, 15; 26:3; 28:13
Dheut. 11:9Eks 3:8; Eze 20:6
Dheut. 11:11Dhe 1:7
Dheut. 11:11Dhe 8:7
Dheut. 11:13Dhe 4:29; 6:5; 10:12; Mt 22:37
Dheut. 11:14Re 26:4; Dhe 8:7-9; 28:12; Jer 14:22
Dheut. 11:15Dhe 8:10
Dheut. 11:16Dhe 8:19; 29:18; VaH 3:12
Dheut. 11:17Dhe 28:15, 23; 1Mad 8:35, 36; 2Mak 7:13, 14
Dheut. 11:17Dhe 8:19
Dheut. 11:18Zvi 7:1-3
Dheut. 11:19Dhe 6:6-9; Zvi 22:6; VaE 6:4
Dheut. 11:21Dhe 4:40; Zvi 4:10
Dheut. 11:21Ge 13:14, 15
Dheut. 11:22Dhe 6:5; Ru 10:27
Dheut. 11:22Dhe 10:20; 13:4; Jos 22:5
Dheut. 11:23Eks 23:28; Jos 3:10
Dheut. 11:23Dhe 7:1; 9:1, 5
Dheut. 11:24Jos 14:9
Dheut. 11:24Ge 15:18; Eks 23:31
Dheut. 11:25Dhe 7:24; Jos 1:5
Dheut. 11:25Eks 23:27; Jos 2:9, 10; 5:1
Dheut. 11:26Dhe 30:15
Dheut. 11:27Dhe 28:1, 2; Pis 19:8, 11
Dheut. 11:28Re 26:15, 16; Isa 1:20
Dheut. 11:29Dhe 27:12, 13; Jos 8:33, 34
Dheut. 11:30Ge 12:6
Dheut. 11:31Jos 1:11
Dheut. 11:32Dhe 5:32; 12:32
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Dheuteronomi 11:1-32

Dheuteronomi

11 “Unofanira kuda Jehovha Mwari wako,+ uye kugara uchiita zvaakati uite uye kuchengeta mirau yake, mitongo yake, nemirayiro yake. 2 Unoziva kuti nhasi ndiri kutaura newe, kwete nevanakomana vako vasingazivi uye vasina kuona kuranga kwaJehovha Mwari wako,+ ukuru hwake,+ ruoko rwake rune simba+ uye ruoko rwake rwakatambanudzwa. 3 Havana kuona zviratidzo zvake nemabasa ake zvaakaita muIjipiti kuna Farao mambo weIjipiti nekunyika yake yese;+ 4 kana zvaakaitira mauto eIjipiti, aakanyudza mumvura yemuGungwa Dzvuku pamwe nemabhiza aFarao nengoro dzake dzehondo, pavaikudzingirira, Jehovha akavaparadza zvachose.*+ 5 Havana kuona zvaakakuitira* murenje kusvikira wakasvika munzvimbo ino, 6 kana zvaakaita Dhatani naAbhiramu, vanakomana vaEriyabhi mwanakomana waRubheni, pakashama nyika ikavamedza, pamwe chete nemhuri dzavo nematende avo nezvinhu zvese zvipenyu zvaivatevera, vaIsraeri vese vakatarisa.+ 7 Wakazvionera nemaziso ako mabasa ese makuru akaitwa naJehovha.

8 “Munofanira kuchengeta mirayiro yese yandiri kukupai nhasi, kuti muve nesimba uye muyambuke, mupinde munyika yacho muitore, 9 uye kuti mugare kwenguva refu+ munyika yakapikirwa naJehovha kuti achapa madzitateguru enyu nevana vawo,*+ nyika inoyerera uchi nemukaka.+

10 “Nyika yamuri kuenda kunotora haina kuita senyika yeIjipiti kwamakabva, kwamaidyara mbeu modiridza netsoka dzenyu,* sebindu remuriwo. 11 Asi nyika yamuri kuyambuka kuti munotora inyika yemakomo nemapani.+ Inonwa mvura yekudenga;+ 12 inyika iri kuchengetwa naJehovha Mwari wenyu. Maziso aJehovha Mwari wenyu ari pairi nguva dzese, kubvira pakutanga kwegore kusvikira pakupera kwegore.

13 “Uye kana mukanyatsoteerera mirayiro yangu yandiri kukurayirai nhasi, moda Jehovha Mwari wenyu uye momushumira nemwoyo yenyu yese nemweya* yenyu yese,+ 14 ndichapawo nyika yenyu mvura panguva yayo, mvura yemunhuruka* nemvura yemasutso,* uye muchakohwa zviyo* zvenyu newaini yenyu itsva nemafuta enyu.+ 15 Ndichaita kuti zvipfuwo zvenyu zvive nemafuro, uye muchadya muchiguta.+ 16 Chenjererai kuti mwoyo yenyu irege kunyengerwa motsauka, monamata vamwe vanamwari nekuvakotamira.+ 17 Mukangodaro, Jehovha achakutsamwirai kwazvo, uye achavhara denga zvekuti hakuzonaya+ uye ivhu racho harizopi zvibereko zvaro uye muchakurumidza kuparara panyika yakanaka yamuri kupiwa naJehovha.+

18 “Unofanira kuisa mashoko angu aya mumwoyo mako nemupfungwa dzako, uasungirire paruoko rwako sechiyeuchidzo, uye anofanira kuva serundanyara* pahuma yako.*+ 19 Adzidzise vana vako, uchitaura nezvawo paunenge wakagara mumba mako nepaunenge uchifamba mumugwagwa nepaunorara uye paunomuka.+ 20 Anyore pamagwatidziro* eimba yako nepamagedhi ako, 21 kuti iwe nevanakomana vako murarame kwenguva refu+ munyika yakapikirwa madzitateguru ako naJehovha, chero bedzi denga riri pamusoro penyika.+

22 “Kana mukanyatsochengeta murayiro uyu wese wandiri kukupai, moutevedzera, kuti mude Jehovha Mwari wenyu,+ mufambe munzira dzake dzese uye kuti munamatire kwaari,+ 23 Jehovha achadzingawo marudzi ese aya pamberi penyu,+ uye muchatora nyika dzemarudzi makuru ane vanhu vakawanda kukupfuurai.+ 24 Pese pamuchatsika netsoka dzenyu pachava penyu.+ Muganhu wenyu uchabvira kurenje kusvikira kuRebhanoni, wobvira kuRwizi, irwo rwizi rwaYufratesi, kusvikira kugungwa rekumavirira.*+ 25 Hapana achamirisana nemi.+ Jehovha Mwari wenyu achaita kuti vanhu vese venyika yese yamuchafamba vavhunduke uye vakutyei+, sezvaakakupikirai.

26 “Onai, ndiri kuisa pamberi penyu nhasi chikomborero nekutukwa:+ 27 chikomborero kana mukateerera mirayiro yaJehovha Mwari wenyu yandiri kukurayirai nhasi,+ 28 uye kutukwa kana mukasateerera mirayiro yaJehovha Mwari wenyu+ uye mukatsauka panzira yandiri kukurayirai kuti mutevere nhasi, motevera vamwe vanamwari vamanga musingazivi.

29 “Kana Jehovha Mwari wenyu akupinzai munyika yamuri kufanira kunotora, munofanira kutaura chikomborero muri paGomo reGerizimu uye kutukwa muri paGomo reEbhari.+ 30 Ko makomo acho haasi kumhiri kwaJodhani nechekumavirira here, munyika yevaKenani vanogara muArabha, pakatarisana neGirigari, pedyo nemiti mikuru yeMore?+ 31 Nekuti muri kuyambuka Jodhani kuti mupinde mutore nyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu.+ Kana maitora uye mava kugara mairi, 32 munofanira kuchenjerera kuchengeta mirau yese nemitongo yandiri kuisa pamberi penyu nhasi.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe