RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 1 Samueri 20
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku ra1 Samueri

      • Jonatani anoramba achitsigira Dhavhidhi (1-42)

1 Samueri 20:1

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “vatsvage mweya wangu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 24:11; Pis 18:20

1 Samueri 20:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 19:6

1 Samueri 20:3

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “neupenyu hwemweya wako.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 18:1; 19:2
  • +1Sa 27:1

1 Samueri 20:4

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “zvichataurwa nemweya wako.”

1 Samueri 20:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 10:10; 2Mak 2:4

1 Samueri 20:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 16:4, 18
  • +1Sa 20:28, 29

1 Samueri 20:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 17:17
  • +1Sa 18:3; 23:18
  • +1Sa 20:1

1 Samueri 20:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 19:2

1 Samueri 20:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 16:13; 17:37
  • +1Sa 10:7; 11:6

1 Samueri 20:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 9:1, 3, 6, 7

1 Samueri 20:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 21:7

1 Samueri 20:17

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “aaiita mweya wake.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 18:1, 3; 2Sa 1:26; Zvi 18:24

1 Samueri 20:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 20:5

1 Samueri 20:19

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “pazuva rebasa.”

1 Samueri 20:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 20:13, 14
  • +1Sa 20:42

1 Samueri 20:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 20:5

1 Samueri 20:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 14:50

1 Samueri 20:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 11:23, 24; 15:4, 5, 16, 18; Nu 19:16

1 Samueri 20:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 17:12

1 Samueri 20:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 20:6

1 Samueri 20:31

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “nekuti mwanakomana werufu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 18:8
  • +1Sa 19:6, 10

1 Samueri 20:32

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 19:5; Zvi 17:17; 18:24

1 Samueri 20:33

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 18:11; 19:10
  • +1Sa 20:6, 7

1 Samueri 20:34

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 18:1

1 Samueri 20:35

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 20:19-22

1 Samueri 20:42

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “mbeu.”

  • *

    ChiHeb., “mbeu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 20:17, 23
  • +1Sa 23:18; 2Sa 9:7

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

1 Sam. 20:11Sa 24:11; Pis 18:20
1 Sam. 20:21Sa 19:6
1 Sam. 20:31Sa 18:1; 19:2
1 Sam. 20:31Sa 27:1
1 Sam. 20:5Nu 10:10; 2Mak 2:4
1 Sam. 20:61Sa 16:4, 18
1 Sam. 20:61Sa 20:28, 29
1 Sam. 20:8Zvi 17:17
1 Sam. 20:81Sa 18:3; 23:18
1 Sam. 20:81Sa 20:1
1 Sam. 20:91Sa 19:2
1 Sam. 20:131Sa 16:13; 17:37
1 Sam. 20:131Sa 10:7; 11:6
1 Sam. 20:142Sa 9:1, 3, 6, 7
1 Sam. 20:152Sa 21:7
1 Sam. 20:171Sa 18:1, 3; 2Sa 1:26; Zvi 18:24
1 Sam. 20:181Sa 20:5
1 Sam. 20:231Sa 20:13, 14
1 Sam. 20:231Sa 20:42
1 Sam. 20:241Sa 20:5
1 Sam. 20:251Sa 14:50
1 Sam. 20:26Re 11:23, 24; 15:4, 5, 16, 18; Nu 19:16
1 Sam. 20:271Sa 17:12
1 Sam. 20:281Sa 20:6
1 Sam. 20:311Sa 18:8
1 Sam. 20:311Sa 19:6, 10
1 Sam. 20:321Sa 19:5; Zvi 17:17; 18:24
1 Sam. 20:331Sa 18:11; 19:10
1 Sam. 20:331Sa 20:6, 7
1 Sam. 20:341Sa 18:1
1 Sam. 20:351Sa 20:19-22
1 Sam. 20:421Sa 20:17, 23
1 Sam. 20:421Sa 23:18; 2Sa 9:7
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
  • 35
  • 36
  • 37
  • 38
  • 39
  • 40
  • 41
  • 42
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
1 Samueri 20:1-42

Bhuku Rekutanga raSamueri

20 Dhavhidhi akabva atiza achibva muNayoti kuRama. Zvisinei, akaenda kuna Jonatani akati: “Ndakaitei?+ Mhosva yandakapara ndeyei, uye chii chandakatadzira baba vako chiri kuita kuti vade kundiuraya?”* 2 Jonatani akabva ati kwaari: “Hazvimboiti!+ Hausi kuzofa. Inzwa! Hapana chinoitwa nababa vangu chavasingandiudze, chingava chinhu chikuru kana kuti chidiki. Baba vangu vangandivanzira nyaya iyi here? Havangambodaro.” 3 Asi Dhavhidhi akapika zvakare, akati: “Baba vako vanotozviziva kuti unondifarira,+ uye vanogona kuti, ‘Musaita kuti Jonatani azvizive nekuti angatsamwa.’ Asi chokwadi, naJehovha mupenyu uye neupenyu hwako,* panongova nenhanho imwe chete pakati pangu nerufu!”+

4 Jonatani akabva ati kuna Dhavhidhi: “Ndichakuitira zvese zvauchataura.”* 5 Dhavhidhi akati kuna Jonatani: “Mangwana kugara kwemwedzi,+ uye ndiri kutotarisirwa kuti ndigare pamwe namambo ndidye naye; rega ndiende uye ndichanohwanda musango kusvikira manheru pazuva rechitatu. 6 Kana baba vako vakandishaya, uti, ‘Dhavhidhi akandikumbira achiteterera kuti ndimubvumire kumhanya kuguta rake reBhetrehema,+ nekuti kune chibayiro chegore negore ikoko chemhuri yese.’+ 7 Kana vakati, ‘Zvakanaka,’ ziva kuti muranda wako haana chekutya. Asi kana vakatsamwa, ziva kuti chokwadi vasarudza kundiitira zvakaipa. 8 Ratidza muranda wako rudo rusingachinji,+ nekuti wakaita sungano nemuranda wako pamberi paJehovha.+ Asi kana ndiine mhosva,+ ndiuraye iwewe. Ungandiendeserei kuna baba vako?”

9 Jonatani akabva ati: “Handingambofungi zvakadaro pamusoro pako! Kana ndikaziva kuti baba vangu vasarudza kukuitira zvakaipa, ndingarega kukuudza here?”+ 10 Dhavhidhi akabva ati kuna Jonatani: “Ndiani achandiudza kana baba vako vakakupindura nehasha?” 11 Jonatani akati kuna Dhavhidhi: “Handei kusango.” Saka vakabuda, vakaenda kusango vari vaviri. 12 Jonatani akati kuna Dhavhidhi: “Jehovha Mwari waIsraeri ngaave chapupu, kuti mangwana panguva inenge ino, kana kuti pazuva rechitatu, ndichaona kuti baba vangu vanofungei nezvako. Kana vachifarira Dhavhidhi, ndingarega kutumira shoko ndichikuudza here? 13 Asi kana baba vangu vachida kukuitira zvakaipa, Jehovha ngaaite saizvozvo kuna Jonatani uye ngaawedzere pazviri, kana ndikasakuudza uye ndikasakurega uchienda murugare. Jehovha ngaave newe,+ sezvaakava nababa vangu.+ 14 Uye iwe ungarega here kundiratidza rudo rusingachinji rwaJehovha ndichiri mupenyu uye kunyange kana ndafa?+ 15 Ramba uchiratidza rudo rusingachinji kuimba yangu,+ kunyange kana Jehovha aparadza vavengi vaDhavhidhi vese panyika.” 16 Saka Jonatani akaita sungano neimba yaDhavhidhi, achiti, “Jehovha achaita kuti vavengi vaDhavhidhi varangwe.” 17 Saka Jonatani akaita kuti Dhavhidhi apike zvakare nerudo rwake kwaari, nekuti aimuda semadiro aaizviita.*+

18 Jonatani akabva ati kwaari: “Mangwana kugara kwemwedzi,+ uye uchashayikwa, nekuti chigaro chako chichange chisina munhu. 19 Pazuva rechitatu vachatobvunza nezvako; uye unofanira kuuya kunzvimbo yawakahwanda zuva riya,* woramba uri pedyo nedombo riri pano. 20 Ini ndichabva ndapfura miseve mitatu kune rimwe divi redombo racho, sekunge kuti pane chandiri kupfura. 21 Pandichatuma muranda, ndichati, ‘Enda unotsvaga miseve.’ Kana ndikati kumuranda wacho, ‘Miseve iri kudivi rako iri, itore,’ unogona hako kudzoka, nekuti chokwadi naJehovha mupenyu, zvinoreva kuti kune rugare uye hapana chekutya. 22 Asi kana ndikati kumukomana wacho, ‘Miseve iri mberi kwako,’ iwe ibva waenda, nekuti Jehovha ari kuda kuti uende. 23 Asi pane zvatavimbisana,+ Jehovha ngaave pakati pedu nekusingaperi.”+

24 Saka Dhavhidhi akahwanda musango. Mwedzi pawakagara, mambo akagara pachigaro chake kuti adye.+ 25 Mambo akanga akagara pachigaro chake chemazuva ese pedyo nemadziro. Jonatani akanga akatarisana naye, uye Abhineri+ akanga akagara padivi paSauro, asi nzvimbo yaDhavhidhi yakanga isina munhu. 26 Sauro haana chaakataura zuva iroro, nekuti aiti: ‘Pane zvaitika zvaita kuti ave munhu asina kuchena.+ Chokwadi anofanira kunge asina kuchena.’ 27 Zuva rakatevera racho pashure pekugara kwemwedzi, pazuva rechipiri, nzvimbo yaDhavhidhi yakaramba isina munhu. Sauro akabva ati kuna Jonatani mwanakomana wake: “Nei mwanakomana waJese+ asina kuuya kuzodya nezuro kana nhasi?” 28 Jonatani akapindura Sauro kuti: “Dhavhidhi akandikumbira achiteterera kuti ndimubvumire kuenda kuBhetrehema.+ 29 Akati, ‘Ndapota, ndibvumire kuenda nekuti tine chibayiro chiri kupiwa nemhuri yedu muguta, uye mukoma wangu akandishevedza. Saka kana wandinzwira nyasha, ndapota ndirege ndingomhanya kunoona vakoma vangu.’ Ndokusaka asina kuuya patafura yamambo.” 30 Sauro akabva atsamwira Jonatani kwazvo, akati kwaari: “Iwe mwanakomana wemukadzi anopanduka, unofunga kuti handizvizive here kuti uri kusarudza kutsigira mwanakomana waJese kuti uzvinyadzise iwe uye unyadzise amai vako? 31 Kana mwanakomana waJese ari mupenyu panyika pano chete, umambo hwako hahuzombosimbi.+ Saka tuma munhu kuti auye naye kwandiri, nekuti anofanira kufa.”*+

32 Zvisinei, Jonatani akati kuna baba vake Sauro: “Anofanira kuurayirwei?+ Chii chaaita?” 33 Sauro akabva akanda pfumo kwaari kuti amuuraye,+ saka Jonatani akaziva kuti baba vake vakanga vasarudza kuuraya Dhavhidhi.+ 34 Jonatani akabva angosimuka patafura akatsamwa kwazvo, uye haana chaakadya pazuva rechipiri pashure pekugara kwemwedzi, nekuti akanga achinetseka pamusoro paDhavhidhi,+ uye baba vake vakanga vamunyadzisa.

35 Ava mangwanani Jonatani akaenda kusango kuti anoonana naDhavhidhi sezvavakanga vavimbisana, uye akanga aine muranda wechidiki.+ 36 Akati kumuranda wake: “Ndapota, mhanya unotsvaga miseve yandiri kupfura.” Muranda wacho akamhanya, uye Jonatani akapfura museve ukaenda mberi kwake. 37 Muranda wacho paakasvika panzvimbo yaiva nemuseve wakanga wapfurwa naJonatani, Jonatani akashevedzera kumuranda wacho achiti: “Museve wacho hausi mberi kwako here?” 38 Jonatani akashevedzera kumuranda wacho achiti: “Mhanya! Kurumidza! Usanonoka!” Muranda waJonatani akabva anhonga miseve yacho akadzoka kuna tenzi wake. 39 Asi muranda wacho haana kuziva zvaiitika; Jonatani naDhavhidhi chete ndivo vaiziva zvazvaireva. 40 Jonatani akabva apa muranda wake zvombo zvake akati kwaari: “Enda nazvo kuguta.”

41 Muranda wacho paakaenda, Dhavhidhi akasimuka panzvimbo yaiva pedyo kumaodzanyemba. Akabva apfugama, akadzikisa musoro wake katatu, uye vakatsvodana vakachema vese, asi Dhavhidhi ndiye akanyanya kuchema. 42 Jonatani akati kuna Dhavhidhi: “Enda nerugare, sezvo tese tapika+ muzita raJehovha, tichiti, ‘Jehovha ngaave pakati pangu newe nepakati pevana* vangu nevana* vako nekusingaperi.’”+

Dhavhidhi akabva asimuka akaenda, uye Jonatani akadzokera kuguta.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe