RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 1 Samueri 23
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku ra1 Samueri

      • Dhavhidhi anonunura guta reKeira (1-12)

      • Sauro anotevera Dhavhidhi (13-15)

      • Jonatani anosimbisa Dhavhidhi (16-18)

      • Dhavhidhi anopotsa abatwa naSauro (19-29)

1 Samueri 23:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 15:20, 44

1 Samueri 23:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 30:8; 2Sa 5:19; Pis 37:5

1 Samueri 23:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 22:5
  • +1Sa 13:5; 14:52

1 Samueri 23:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 6:39
  • +1Sa 14:6; 2Sa 5:19

1 Samueri 23:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 23:1

1 Samueri 23:6

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 22:20

1 Samueri 23:7

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “amutengesa.”

  • *

    Aya mapango kana kuti simbi dzaishandiswa sezvihuri.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 23:14

1 Samueri 23:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 27:21; 1Sa 30:7

1 Samueri 23:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 22:19

1 Samueri 23:11

Mashoko Emuzasi

  • *

    Dzimwe shanduro dzinoti, “Varidzi venyika yeKeira.”

1 Samueri 23:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 22:1, 2; 25:13; 30:9

1 Samueri 23:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 15:20, 55; 1Sa 23:19; 26:1
  • +1Sa 18:29; 20:33; 27:1

1 Samueri 23:15

Mashoko Emuzasi

  • *

    Dzimwe shanduro dzinoti, “aitya nekuti.”

  • *

    Kana kuti “mweya wake.”

1 Samueri 23:16

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “akasimbisa ruoko rwake.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 37:5; Zvi 17:17

1 Samueri 23:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 16:13; 2Sa 2:4; 5:3
  • +1Sa 20:31; 24:17, 20

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    12/1/1993, p. 25

1 Samueri 23:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 18:3; 20:42

1 Samueri 23:19

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “kurudyi.”

  • *

    Dzimwe shanduro dzinoti, “kwegwenga; kwerenje.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 10:26
  • +1Sa 26:1; Pis 54:mashoko ekusuma
  • +1Sa 23:15
  • +1Sa 26:3
  • +1Sa 23:24

1 Samueri 23:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 54:3

1 Samueri 23:23

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “pemhuri dzese dzaJudha.”

1 Samueri 23:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 23:14
  • +Jos 15:20, 55; 1Sa 25:2, 3
  • +Dhe 1:7

1 Samueri 23:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 26:2; Pis 54:3
  • +1Sa 23:28

1 Samueri 23:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 31:22
  • +Pis 17:9

1 Samueri 23:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 54:7

1 Samueri 23:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 15:20, 62; Rwi 1:14

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

1 Sam. 23:1Jos 15:20, 44
1 Sam. 23:21Sa 30:8; 2Sa 5:19; Pis 37:5
1 Sam. 23:31Sa 22:5
1 Sam. 23:31Sa 13:5; 14:52
1 Sam. 23:4Vat 6:39
1 Sam. 23:41Sa 14:6; 2Sa 5:19
1 Sam. 23:51Sa 23:1
1 Sam. 23:61Sa 22:20
1 Sam. 23:71Sa 23:14
1 Sam. 23:9Nu 27:21; 1Sa 30:7
1 Sam. 23:101Sa 22:19
1 Sam. 23:131Sa 22:1, 2; 25:13; 30:9
1 Sam. 23:14Jos 15:20, 55; 1Sa 23:19; 26:1
1 Sam. 23:141Sa 18:29; 20:33; 27:1
1 Sam. 23:16Pis 37:5; Zvi 17:17
1 Sam. 23:171Sa 16:13; 2Sa 2:4; 5:3
1 Sam. 23:171Sa 20:31; 24:17, 20
1 Sam. 23:181Sa 18:3; 20:42
1 Sam. 23:191Sa 10:26
1 Sam. 23:191Sa 26:1; Pis 54:mashoko ekusuma
1 Sam. 23:191Sa 23:15
1 Sam. 23:191Sa 26:3
1 Sam. 23:191Sa 23:24
1 Sam. 23:20Pis 54:3
1 Sam. 23:241Sa 23:14
1 Sam. 23:24Jos 15:20, 55; 1Sa 25:2, 3
1 Sam. 23:24Dhe 1:7
1 Sam. 23:251Sa 26:2; Pis 54:3
1 Sam. 23:251Sa 23:28
1 Sam. 23:26Pis 31:22
1 Sam. 23:26Pis 17:9
1 Sam. 23:28Pis 54:7
1 Sam. 23:29Jos 15:20, 62; Rwi 1:14
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
1 Samueri 23:1-29

Bhuku Rekutanga raSamueri

23 Nekufamba kwenguva, Dhavhidhi akaudzwa kuti: “VaFiristiya vari kurwisa Keira,+ uye vari kupamba nzvimbo dzekupurira.” 2 Saka Dhavhidhi akabvunza Jehovha+ achiti: “Ndiende kunouraya vaFiristiya ava here?” Jehovha akati kuna Dhavhidhi: “Enda uuraye vaFiristiya vacho, wonunura Keira.” 3 Asi varume vaDhavhidhi vakati kwaari: “Onai, tiri kutya tichiri muno muJudha;+ ko kuzoti tikaenda kuKeira kunorwisa uto revaFiristiya!”+ 4 Saka Dhavhidhi akabvunzazve Jehovha.+ Jehovha akamupindura kuti: “Gadzirira udzike kuKeira nekuti ndichaisa vaFiristiya muruoko rwako.”+ 5 Saka Dhavhidhi akaenda nevarume vake kuKeira, akarwa nevaFiristiya; akatora zvipfuwo zvavo, akauraya vakawanda kwazvo uye Dhavhidhi akanunura vagari vemuKeira.+

6 Abhiyatari+ mwanakomana waAhimereki paakatizira kuna Dhavhidhi kuKeira, akaenda neefodhi.* 7 Sauro akaudzwa kuti: “Dhavhidhi ava kuKeira.” Sauro akabva ati: “Mwari amuisa* muruoko rwangu,+ nekuti azvivharira ega nekupinda kwaaita muguta rine magedhi nemazariro.”* 8 Sauro akabva ashevedza vanhu vese kuti vaende kuhondo. Akavashevedza kuti vadzike kuKeira kunokomba Dhavhidhi nevarume vake. 9 Dhavhidhi paakaziva kuti Sauro akanga achimurongera zvakaipa, akati kumupristi Abhiyatari: “Uya neefodhi kuno.”+ 10 Dhavhidhi akabva ati: “Jehovha Mwari waIsraeri, chokwadi mushumiri wenyu anzwa kuti Sauro ari kuda kuuya kuKeira kuzoparadza guta pamusana pangu.+ 11 Vatungamiriri veKeira* vachandiisa muruoko rwake here? Sauro achadzika kuno sekunzwa kwaita muranda wenyu here? Jehovha Mwari waIsraeri, ndapota udzai muranda wenyu.” Jehovha akabva ati: “Achauya.” 12 Dhavhidhi akabvunza kuti: “Vatungamiriri veKeira vachandiisa ini nevarume vangu muruoko rwaSauro here?” Jehovha akapindura kuti: “Vachakuisa muruoko rwake.”

13 Dhavhidhi akabva angosimuka nevarume vake vanenge 600,+ uye vakabva muKeira ndokufamba vachienda chero kwavaingoona kuti kunoita. Sauro paakaudzwa kuti Dhavhidhi akanga atiza muKeira, haana kumutevera. 14 Dhavhidhi akagara murenje munzvimbo dzakaoma kusvika, munharaunda ine makomo murenje reZifi.+ Sauro akaramba achimutsvaga,+ asi Jehovha haana kumuisa muruoko rwake. 15 Dhavhidhi paakanga ari murenje reZifi kuHoreshi, aiziva kuti* Sauro akanga abuda achitsvaga kumuuraya.*

16 Panguva iyi, Jonatani mwanakomana waSauro akabuda akaenda kwaiva naDhavhidhi kuHoreshi, uye akamubatsira kuti awane simba* muna Jehovha.+ 17 Akati kwaari: “Usatya, nekuti baba vangu Sauro havasi kuzokuwana; iwe uchava mambo weIsraeri,+ uye ini ndichava wechipiri kubva kwauri; uye baba vangu Sauro vanotozvizivawo.”+ 18 Vaviri ava vakabva vaita sungano+ pamberi paJehovha, uye Dhavhidhi akaramba achigara muHoreshi, asi Jonatani akaenda kumba kwake.

19 Gare gare varume vekuZifi vakaenda kuna Sauro kuGibhiya,+ vakati: “Dhavhidhi haana here kuhwanda pedyo nesu+ munzvimbo dzinonetsa kusvika kuHoreshi,+ pachikomo cheHakira,+ chiri kumaodzanyemba* kweJeshimoni?*+ 20 Uyai chero pamunenge mada kuuya, haiwa mambo, uye tichamuisa muruoko rwamambo.”+ 21 Sauro akabva ati: “Jehovha ngaakukomborerei nekuti mandinzwira tsitsi. 22 Ndapota endai muedze kutsvaga paari chaipo uye kuti ndiani akamuona ikoko, nekuti ndakaudzwa kuti ari kuchenjerera zvikuru. 23 Nyatsoonai kuti nzvimbo dzese dzaanohwanda ndedzipi, modzoka kwandiri neuchapupu. Ndichabva ndaenda nemi, uye kana ari munyika ino, ndichamutsvaga pakati pezviuru zvese zvaJudha.”*

24 Saka vakasiya Sauro vakatungamira kuZifi,+ Dhavhidhi nevarume vake vari murenje reMaoni+ muArabha+ kumaodzanyemba kweJeshimoni. 25 Sauro akabva auya nevarume vake kuzomutsvaga.+ Dhavhidhi paakaudzwa nezvazvo, akabva angodzika kudombo guru,+ akagara murenje reMaoni. Sauro paakazvinzwa, akatevera Dhavhidhi kusvika murenje reMaoni. 26 Sauro paakasvika kune rimwe divi regomo, Dhavhidhi nevarume vake vaiva kune rimwe divi regomo racho. Dhavhidhi akanga achikurumidza kuti atize+ Sauro, asi Sauro nevarume vake vakanga vava kutosvika pedyo naDhavhidhi nevarume vake kuti vavabate.+ 27 Asi nhume yakasvika kuna Sauro ichiti: “Kurumidzai kuuya, nekuti vaFiristiya vapinda munyika!” 28 Sauro akabva arega kutevera Dhavhidhi,+ akaenda kunorwisa vaFiristiya. Ndokusaka vakatumidza nzvimbo iyoyo kuti Dombo Rekuparadzana.

29 Dhavhidhi akabva ipapo, akatanga kugara munzvimbo dzakaoma kusvika kuEni-gedhi.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe