RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 1 Samueri 15
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku ra1 Samueri

      • Sauro anorega kuteerera osiya Agagi ari mupenyu (1-9)

      • Samueri anotsiura Sauro (10-23)

        • “Kuteerera kunokunda chibayiro” (22)

      • Sauro anorambwa pakuva mambo (24-29)

      • Samueri anouraya Agagi (30-35)

1 Samueri 15:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 9:16; 10:1
  • +1Sa 12:14

1 Samueri 15:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 17:8; Nu 24:20; Dhe 25:17, 18

1 Samueri 15:3

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “kunzwira tsitsi.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 17:14; Dhe 25:19; 1Mak 4:43
  • +Re 27:29; 1Sa 15:18
  • +Dhe 9:1, 3
  • +Dhe 13:17; Jos 6:18

1 Samueri 15:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 11:8; 13:15

1 Samueri 15:5

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Tsanangudzo Yemashoko.

1 Samueri 15:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 10:29, 32; 24:21; Vat 1:16
  • +Ge 18:25; 19:12, 13; Jos 6:17
  • +Eks 18:9, 12

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/15/2005, pp. 22-23

1 Samueri 15:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 25:19; 1Sa 14:47, 48
  • +Ge 25:17, 18
  • +1Sa 27:8

1 Samueri 15:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 15:33
  • +Re 27:29; 1Sa 15:3

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    7/15/1992, p. 5

1 Samueri 15:9

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “vakanzwira tsitsi Agagi.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 7:12

1 Samueri 15:11

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Ndiri kurwadziwa chaizvo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 13:13; 15:3
  • +1Sa 16:1

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    4/15/1998, pp. 6-7

1 Samueri 15:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 15:20, 55
  • +2Sa 18:18

1 Samueri 15:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 15:3

1 Samueri 15:15

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “vakanzwira tsitsi.”

1 Samueri 15:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 15:10, 11

1 Samueri 15:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 9:21; 10:22
  • +1Sa 9:16; 10:1

1 Samueri 15:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 15:3
  • +Dhe 25:19

1 Samueri 15:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 13:17; 1Sa 15:9

1 Samueri 15:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 27:29; Dhe 7:16; 1Sa 15:3, 9

1 Samueri 15:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 15:15

1 Samueri 15:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 1:11
  • +Zvi 21:3; Ho 6:6; Mk 12:33
  • +Re 3:16

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    6/15/2007, pp. 26-28

1 Samueri 15:23

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “terafimu,” kureva, vanamwari vemumba.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 12:15
  • +Re 20:6; Dhe 18:10, 12; 1Mak 10:13
  • +1Sa 15:3
  • +1Sa 13:14; 16:1; Mab 13:22

1 Samueri 15:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 15:30

1 Samueri 15:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 13:14; 16:1

1 Samueri 15:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 13:14; 16:12, 13; Mab 13:22

1 Samueri 15:29

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “kuzvidemba.”

  • *

    Kana kuti “angazvidemba.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 29:11
  • +Tit 1:2; VaH 6:18
  • +Nu 23:19

1 Samueri 15:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 15:25

1 Samueri 15:32

Mashoko Emuzasi

  • *

    Dzimwe shanduro dzinoti, “asingatombovhunduki.”

1 Samueri 15:33

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 17:14; Dhe 25:19; 1Sa 15:3

1 Samueri 15:35

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 16:1
  • +1Sa 15:11

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    4/15/1998, pp. 6-7

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

1 Sam. 15:11Sa 9:16; 10:1
1 Sam. 15:11Sa 12:14
1 Sam. 15:2Eks 17:8; Nu 24:20; Dhe 25:17, 18
1 Sam. 15:3Eks 17:14; Dhe 25:19; 1Mak 4:43
1 Sam. 15:3Re 27:29; 1Sa 15:18
1 Sam. 15:3Dhe 9:1, 3
1 Sam. 15:3Dhe 13:17; Jos 6:18
1 Sam. 15:41Sa 11:8; 13:15
1 Sam. 15:6Nu 10:29, 32; 24:21; Vat 1:16
1 Sam. 15:6Ge 18:25; 19:12, 13; Jos 6:17
1 Sam. 15:6Eks 18:9, 12
1 Sam. 15:7Dhe 25:19; 1Sa 14:47, 48
1 Sam. 15:7Ge 25:17, 18
1 Sam. 15:71Sa 27:8
1 Sam. 15:81Sa 15:33
1 Sam. 15:8Re 27:29; 1Sa 15:3
1 Sam. 15:9Jos 7:12
1 Sam. 15:111Sa 13:13; 15:3
1 Sam. 15:111Sa 16:1
1 Sam. 15:12Jos 15:20, 55
1 Sam. 15:122Sa 18:18
1 Sam. 15:141Sa 15:3
1 Sam. 15:161Sa 15:10, 11
1 Sam. 15:171Sa 9:21; 10:22
1 Sam. 15:171Sa 9:16; 10:1
1 Sam. 15:181Sa 15:3
1 Sam. 15:18Dhe 25:19
1 Sam. 15:19Dhe 13:17; 1Sa 15:9
1 Sam. 15:20Re 27:29; Dhe 7:16; 1Sa 15:3, 9
1 Sam. 15:211Sa 15:15
1 Sam. 15:22Isa 1:11
1 Sam. 15:22Zvi 21:3; Ho 6:6; Mk 12:33
1 Sam. 15:22Re 3:16
1 Sam. 15:231Sa 12:15
1 Sam. 15:23Re 20:6; Dhe 18:10, 12; 1Mak 10:13
1 Sam. 15:231Sa 15:3
1 Sam. 15:231Sa 13:14; 16:1; Mab 13:22
1 Sam. 15:251Sa 15:30
1 Sam. 15:261Sa 13:14; 16:1
1 Sam. 15:281Sa 13:14; 16:12, 13; Mab 13:22
1 Sam. 15:291Mak 29:11
1 Sam. 15:29Tit 1:2; VaH 6:18
1 Sam. 15:29Nu 23:19
1 Sam. 15:301Sa 15:25
1 Sam. 15:33Eks 17:14; Dhe 25:19; 1Sa 15:3
1 Sam. 15:351Sa 16:1
1 Sam. 15:351Sa 15:11
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
  • 35
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
1 Samueri 15:1-35

Bhuku Rekutanga raSamueri

15 Samueri akabva ati kuna Sauro: “Jehovha akandituma kuzokuzodza kuti uve mambo wevanhu vake vaIsraeri;+ saka inzwa zviri kutaurwa naJehovha.+ 2 Zvanzi naJehovha wemauto: ‘Ndichatonga vaAmareki nemhaka yezvavakaitira vaIsraeri pavakavarwisa vachibva kuIjipiti.+ 3 Saka enda unouraya vaAmareki,+ wovaparadza+ pamwe chete nezvese zvavainazvo. Hapana waunofanira kusiya ari mupenyu;* unofanira kuvauraya,+ varume nevakadzi, vana nevanoyamwa, mombe nemakwai, ngamera nemadhongi.’”+ 4 Sauro akashevedza vanhu, akavaverenga muTeraimu: Paiva nevarwi 200 000 vaifamba netsoka uye varume 10 000 vekwaJudha.+

5 Sauro akaenda akanosvika kuguta revaAmareki, akahwandira mubani.* 6 Sauro akabva ati kuvaKeni:+ “Endai, ibvai pakati pevaAmareki, kuti ndirege kukuparadzai pamwe chete navo.+ Nekuti makaratidza vaIsraeri mutsa nerudo+ panguva yavakabuda muIjipiti.” Saka vaKeni vakabva pakati pevaAmareki. 7 Pashure paizvozvo Sauro akauraya vaAmareki+ kubvira kuHavhira+ kusvikira kuShuri,+ iri pedyo neIjipiti. 8 Akabata Agagi+ mambo wevaAmareki ari mupenyu, asi akaparadza vamwe vanhu vese nebakatwa.+ 9 Zvisinei, Sauro nevanhu vakasiya Agagi ari mupenyu,* nezvipfuwo zvakanaka kupfuura zvese pamakwai nemombe, nemhuka dzakakodzwa, nemakondohwe, nezvese zvakanga zvakanaka.+ Havana kuda kuzviparadza. Asi zvinhu zvese zvisingakoshi uye zvisingadiwi ndizvo zvavakaparadza.

10 Shoko raJehovha rakabva rasvika kuna Samueri richiti: 11 “Ndinozvidemba* kuti ndakaita kuti Sauro ave mambo, nekuti atsauka pakunditevera, uye haana kuita zvandakataura.”+ Samueri akarwadziwa chaizvo uye akaramba achichema kuna Jehovha usiku hwese.+ 12 Samueri paakafumomuka mangwanani kuti anoonana naSauro, Samueri akaudzwa kuti: “Sauro akaenda kuKameri+ uye akazvivakira shongwe ikoko.+ Akabva atendeuka, akadzika kuGirigari.” 13 Samueri paakazosvika kwaiva naSauro, Sauro akati kwaari: “Jehovha ngaakukomborerei. Ndakaita zvakataurwa naJehovha.” 14 Asi Samueri akati: “Saka kuchema kwemakwai uku kuri munzeve dzangu ndekwei, nekukuma kwemombe kwandiri kunzwa?”+ 15 Sauro akabva ati: “Zvakabva kuvaAmareki, nekuti vanhu havana kuuraya* zvipfuwo zvakanaka pamakwai nemombe kuti vazvibayire kuna Jehovha Mwari wenyu; asi zvimwe zvese takazviparadza.” 16 Samueri akabva ati kuna Sauro: “Mira! Rega ndikuudze zvandakaudzwa naJehovha usiku hwapfuura.”+ Saka akati kwaari: “Taurai!”

17 Samueri akati: “Hauna here kuzviti haukoshi+ pawakaitwa mutungamiriri wemadzinza aIsraeri uye pawakazodzwa naJehovha kuti uve mambo weIsraeri?+ 18 Jehovha akazokutuma achiti, ‘Enda unoparadza vatadzi, ivo vaAmareki.+ Varwise kusvikira wavaparadza vese.’+ 19 Saka nei usina kuteerera inzwi raJehovha? Pane kudaro, wakamhanyira kupamba zvinhu uchiita makaro,+ ukaita zvakaipa pamberi paJehovha!”

20 Zvisinei, Sauro akati kuna Samueri: “Asi ndakateerera inzwi raJehovha! Ndakaenda kunoita basa randakatumwa naJehovha, ndikauya naAgagi mambo wevaAmareki, uye ndakaparadza vaAmareki.+ 21 Asi vanhu vakapamba makwai nemombe zvaiva zvakanaka kupfuura zvese pane zvaifanira kuparadzwa, kuti vazvibayire kuna Jehovha Mwari wenyu paGirigari.”+

22 Samueri akabva ati: “Jehovha anofarira mipiro inopiswa nezvibayiro+ sekufarira kwaanoita kuteerera inzwi raJehovha here? Chinzwa! Kuteerera kunokunda chibayiro,+ uye kunzwa kunokunda mafuta+ emakondohwe; 23 nekuti kupanduka+ kwakafanana nechivi chekushopera,+ uye kuita zvinhu uchizvikudza kwakafanana nekushandisa simba remashiripiti nekunamata zvidhori.* Sezvo wakaramba shoko raJehovha,+ iye akurambawo kuti uve mambo.”+

24 Sauro akabva ati kuna Samueri: “Ndakatadza, nekuti handina kuteerera murayiro waJehovha nemashoko enyu, nekuti ndakatya vanhu ndikateerera zvavakataura. 25 Ndapota, ndiregerereiwo chivi changu, mudzokere neni kuti ndinokotamira Jehovha.”+ 26 Asi Samueri akati kuna Sauro: “Handisi kuzodzokera newe, nekuti wakaramba shoko raJehovha, uye Jehovha arambawo kuti urambe uri mambo weIsraeri.”+ 27 Samueri paakatendeuka kuti aende, Sauro akabata mupendero wenguo yake isina maoko, asi yakabvaruka. 28 Samueri akabva ati kwaari: “Jehovha abvarura umambo hweIsraeri kubva pauri nhasi, uye achahupa mumwe wako ari nani panewe.+ 29 Uyewo, Changamire weIsraeri+ haazorevi nhema+ kana kuchinja pfungwa dzake,* nekuti iye haasi munhu zvekuti angachinja pfungwa dzake.”*+

30 Iye akabva ati: “Ndakatadza. Asi ndapota, ndikudzei pamberi pevakuru vevanhu vangu uye pamberi pevaIsraeri. Dzokerai neni uye ndichakotamira Jehovha Mwari wenyu.”+ 31 Saka Samueri akadzokera naSauro, uye Sauro akakotamira Jehovha. 32 Uye Samueri akati: “Unzai Agagi mambo wevaAmareki pedyo neni.” Agagi akabva aenda kwaari asingadi,* nekuti Agagi akambenge achizviudza kuti: ‘Chokwadi iye zvino havachandiurayi.’ 33 Zvisinei, Samueri akati: “Bakatwa rako zvarakaita kuti vakadzi varwadziwe nekufirwa nevana, amai vako vacharwadziwawo nekufirwa kupfuura vamwe vakadzi vese.” Samueri akabva atema-tema Agagi kuita zvidimbu pamberi paJehovha paGirigari.+

34 Samueri akabva aenda kuRama, uye Sauro akakwidza kumba kwake kuGibhiya yaSauro. 35 Samueri haana kuzoonazve Sauro kusvikira pazuva rekufa kwake, nekuti Samueri akanetseka kwazvo pamusoro paSauro.+ Uye Jehovha akazvidemba kuti akanga aita kuti Sauro ave mambo weIsraeri.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe